Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nokutenda Sekwaiva naAbrahamu!

Iva Nokutenda Sekwaiva naAbrahamu!

Iva Nokutenda Sekwaiva naAbrahamu!

“Avo vanoomerera pakutenda ndivo vanakomana vaAbrahamu.”—VAGARATIYA 3:7.

1. Abrama akaita sei pamuedzo mutsva muKanani?

ABRAMA akanga asiya upenyu hwoumbozha muUri achiteerera kurayira kwaJehovha. Zvipingamupinyi zvaakasangana nazvo mumakore akatevera zvaingova mavambo omuedzo wokutenda waakatarisana nawo muIjipiti. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo.” Zvaiva nyore zvikuru kuti Abrama agumbuke nezvemamiriro ake ezvinhu! Asi, akatora matanho anoshanda kuti ariritire mhuri yake. “Abrama akaburukira [Ijipiti] kunogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo.” Mhuri yaAbrama yakakura yaisagona kupinda zvisingacherechedzeki muIjipiti. Jehovha aizoratidza kuvimbika kuzvaakapikira ndokudzivirira Abrama kuti asakuvadzwa here?—Genesi 12:10; Eksodho 16:2, 3.

2, 3. (a) Nei Abrama akavanza kuti Sarai ainyatsova ani wake? (b) Mukugadzirisa zvinhu zvakanga zvaipa, Abrama akabata sei nomudzimai wake?

2 Tinoverenga pana Genesi 12:11-13 kuti: “Wakati oda kupinda [Ijipiti], akati kuna Sarai, mukadzi wake: Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako; kana va[Ijipiti] vachikuona, vachati: Ndiye mukadzi wake; vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu. [“Ndapota,” NW], uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.” Kunyange zvazvo Sarai akanga apfuura makore 65, akanga achiri tsvarakadenga. Izvozvo zvainge zvichaurayisa Abrama. * (Genesi 12:4, 5; 17:17) Zvinotokosha zvikuru, chinangwa chaJehovha chaigona kukanganiswa, nokuti akanga ataura kuti nokuna Abrama marudzi ose epasi aizozviropafadza nokumbeu yake. (Genesi 12:2, 3, 7) Sezvo Abrama akanga asati ava nemwana, zvaikosha kuti arambe ari mupenyu.

3 Abrama akataura kumudzimai wake nezvezano ravakanga vabvumirana kare, rokuti aizoti aive hanzvadzi yake. Cherechedza kuti kunyange zvake akange aine simba satateguru vorudzi, haana kushandisa nzvimbo yake zvisina kufanira, asi akakumbira kuti mudzimai wake ashandire pamwe naye uye amutsigire. (Genesi 12:11-13; 20:13) Mukudaro, Abrama akapa muenzaniso wakanaka kuvarume kuti vave misoro ine rudo, uye Sarai, nokuratidza kuzviisa pasi, muenzaniso wakanaka kuvadzimai nhasi.—VaEfeso 5:23-28; VaKorose 4:6.

4. Vashumiri vaMwari vakatendeka nhasi vanofanira kuzvibata sei kana upenyu hwehama dzavo huri mungozi?

4 Sarai aigona kuti aive hanzvadzi yaAbrama nokuti zvechokwadi aive mukunda wababa vake, asi vanaamai vakasiyana. (Genesi 20:12) Uyezve akanga asingamanikidzwi kudura mashoko kuvanhu vakanga vasinei nawo. (Mateu 7:6) Vashumiri vaMwari vemazuva ano vanoteerera murayiro weBhaibheri wokuva vakavimbika. (VaHebheru 13:18) Somuenzaniso, havangambonyepi ivo vaita mhiko mudare redzimhosva. Zvisinei, apo upenyu hwehama dzavo hunenge huri mungozi mumudzimu kana kuti mumuviri, zvakadai somunguva yokutambudzwa kana kuti inorwisana vagari vomunyika dzavo, vanoteerera zano raJesu rokuva “vakangwarira senyoka asi [va]sina mhaka senjiva.”Mateu 10:16; ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1996, peji 18, ndima 19.

5. Nei Sarai aida kuteerera chikumbiro chaAbrama?

5 Sarai akaita sei pane zvaakakumbirwa naAbrama? Muapostora Petro anotsanangura vakadzi vakaita saiye se“vane tariro muna Mwari.” Kureva kuti Sarai ainzwisisa zvinhu zvomudzimu zvaiva munyaya yacho. Uyezve aida uye airemekedza murume wake. Saka Sarai akasarudza ‘kuzviisa pasi pomurume wake’ ndokuvanza kuti akaroorwa. (1 Petro 3:5) Zvechokwadi, kuita kudaro kwakamuisa pangozi. “Abrama achisvika [Ijipiti], va[Ijipiti] vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo. Namachinda aFarao akamuonawo, vakanomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao.”—Genesi 12:14, 15.

Kununura kwaJehovha

6, 7. Abrama naSarai vakazviwana vava mumamiriro api ezvinhu anokangaidza, uye Jehovha akanunura Sarai sei?

6 Zvinofanira kunge zvakarwadza Abrama naSarai zvikuru! Zvairatidzika sokunge Sarai akanga oda kubatwa chibharo. Uyezve, asingazivi kuti Sarai akanga akaroorwa, Farao akapa Abrama zvipo zvakawanda, zvokuti “waiva namakwai, nemombe, namakono embongoro, navaranda, navarandakadzi, namakadzi embongoro, namakamera.” * (Genesi 12:16) Abrama anofanira kuva asina kufara nezvipo izvi! Kunyange zvazvo zvinhu zvairatidzika kunge zvakanga zvaipa, Jehovha akanga asina kusiya Abrama.

7 “Asi Jehovha wakatambudza Farao naveimba yake namadambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbrama.” (Genesi 12:17) Neimwe nzira isina kududzwa, Farao akaziviswa chaikonzera “madambudziko” ake chaicho. Akabva aona zvokuita pakarepo: “Zvino Farao wakadana Abrama, akati: Chiiko ichi chawandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako? Warevereiko uchiti: Ihanzvadzi yangu? [“zvokuti ndange ndava kutoda kumutora kuti ave mudzimai wangu,” NW]; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako. Zvino Farao akarayira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.”—Genesi 12:18-20; Pisarema 105:14, 15.

8. Jehovha anovimbisa kudzivirira vaKristu sei nhasi?

8 Nhasi, Jehovha haavimbisi kutidzivirira kumarwadzo orufu, kuparwa kwemhosva, nzara, kana tsaona dzinongozviitikira dzoga. Tinovimbiswa kuti Jehovha nguva dzose achatidzivirira kuzvinhu zvinogona kutitadzisa kumunamata. (Pisarema 91:1-4) Anoita kudaro zvikurukuru achishandisa nyevero dzinoenderana nenguva yatinenge tiri achishandisa Shoko rake uye “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Zvakadini nokutya kuurayiwa nokutambudzwa? Nepo vamwe vanhu vangaregwa vachifa, Mwari haazombobvumiri kuparadzwa kwevanhu vake vose pamwe chete. (Pisarema 116:15) Uye kana rufu rukatora vamwe vakatendeka, tinogona kuva nechivimbo chokumuka kwavo.—Johani 5:28, 29.

Kuzvipira Kuchengeta Rugare

9. Chii chinoratidza kuti Abrama aigara ari parwendo paakanga ari muKanani?

9 Nzara ichiratidzika kuti yapera, “Abrama wakakwira, akabva [Ijipiti], iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi [nzvimbo inonaya mvura shoma kumaodzanyemba kwemakomo eJudha]. Abrama wakanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.” (Genesi 13:1, 2) Saka vanhu veko vaizomuona somurume ane simba uye ane chiremera, muchinda ane simba guru. (Genesi 23:6) Abrama akanga asingadi kugaramo ndokupinda munyaya dzezvematongerwe enyika dzevaKanani. Pane kudaro, “akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi.” Senguva dzose, Abrama akaisa kunamatwa kwaJehovha pakutanga kwose kwaaienda.—Genesi 13:3, 4.

10. Chinetso chipi chakamuka pakati pevafudzi vaAbrama nevaRoti, uye nei zvaikosha kuti chigadziriswe nokukurumidza?

10 “NaRotiwo, iye wakaenda naAbrama, wakanga ana makwai, nemombe, namatende. Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti pfuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe. Vafudzi vezvipfuwo zvaAbrama navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKanani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.” (Genesi 13:5-7) Nyika yacho yakanga isina mvura nemafuro zvakaringanira zvipfuwo zvaAbrama zvose nezvaRoti. Saka pakati pevafudzi pakamuka makakatanwa nokutsamwirana. Kukakavadzana kwakadaro kwakanga kusina kufanira vanamati vaMwari wechokwadi. Dai kudhonzerana uku kwakaramba kuripo, pamwe vaitozorega kuwirirana zvachose. Saka Abrama aizogadzirisa sei mamiriro aya ezvinhu? Aive atora ndokuchengeta Roti paakafirwa nababa, zvichida achimurera semwana wake chaiye. Sezvo akanga ari iye mukuru pauviri hwavo, Abrama akanga asina kodzero yokutora zvakanakisisa here?

11, 12. Abrama akapa Roti chii nomutsa, uye nei chisarudzo chaRoti chakanga chisiri chokuchenjera?

11 Asi “Abrama akati kuna Roti: Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Pedyo neBheteri pane yave ichinzi “imwe yenzvimbo dzakakwirira zvikuru muParestina.” Zvichida ari ipapo “Roti akasimudza meso ake, akaona bani rose reJoridhani, kuti rakanga rine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhoma neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika ye[Ijipiti], kana munhu achienda Zoari.”—Genesi 13:8-10.

12 Kunyange zvazvo Bhaibheri richitsanangura Roti se“akarurama,” nokuda kwechimwe chikonzero haana kuremekedza Abrama panhau iyi, uye hazviratidzi kuti akambotsvaka zano kumukuru uyu. (2 Petro 2:7) “Roti akazvitsaurira bani rose reJoridhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo. Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhoma.” (Genesi 13:11, 12) Sodhoma yakanga yakabudirira uye yaipa zvinhu zvakawanda zvaibatsira kunyama. (Ezekieri 16:49, 50) Nepo chisarudzo chaRoti chingava chakaratidzika sechokuchenjera pakuwana zvinhu, chaive chisiri chokuchenjera pane zvokunamata. Nei? Nokuti “varume veSodhoma vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo kwazvo,” inodaro Genesi 13:13. Chisarudzo chaRoti chokutamira ikoko chaizopinza mhuri yake munhamo yakakura.

13. Muenzaniso waAbrama unobatsira sei vaKristu vangabatanidzwa mugakava rine chokuita nemari?

13 Kunyange zvakadaro, Abrama akaratidza kutenda muchipikirwa chaJehovha chokuti mbeu yake pakupedzisira yaizotora nyika iyoyo yose; haana kuswera achiita nharo nezvekamwe kachikamu kayo. Akaita nenzira yomutsa maererano nenheyo yakanyorwa gare gare pana 1 VaKorinde 10:24: “Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu.” Ichi chiyeuchidzo chakanaka kune vaya vangabatanidzwa mugakava rine chokuita nemari nomumwe mutendi. Panzvimbo pokutevera zano riri pana Mateu 18:15-17, vamwe vakaendesa hama dzavo kumatare edzimhosva. (1 VaKorinde 6:1, 7) Muenzaniso waAbrama unoratidza kuti zviri nani kurasikirwa nemari pane kuzvidzisa zita raJehovha kana kuti kuparadza rugare rweungano yechiKristu.—Jakobho 3:18.

14. Abrama aizokomborerwa sei nokuda kwomutsa wake?

14 Abrama aizokomborerwa nokuda kwomutsa wake. Mwari akazivisa kuti: “Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuno munhu unogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo.” Chiziviso ichi chinofanira kuva chakakurudzira zvikuru Abrama akanga asina mwana! Mwari akabva arayira kuti: “Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.” (Genesi 13:16, 17) Abrama aisazobvumirwa kutandavara zvake muguta. Aifanira kugara akasiyana nevaKanani. VaKristu nhasi vanofanirawo kugara vakasiyana nenyika. Havazvioni sevanopfuura vamwe, asi havasonganirani zvepedyo nevapi zvavo vangavafurira kuita mufambiro unopesana nemagwaro.—1 Petro 4:3, 4.

15. (a) Kugara kwaAbrama ari parwendo kungava kwaikosha kwaari munzira ipi? (b) Muenzaniso upi wakagadzwa naAbrama kumhuri dzechiKristu nhasi?

15 Munguva inotaurwa muBhaibheri, munhu asati awana nzvimbo, aiva nemvumo yokutanga aimema. Saka kufamba-famba mairi kungava kwakabatsira pakugara kuchiyeuchidza Abrama kuti nerimwe zuva nyika iyi yaizova yevana vake. Nokuteerera, “Abrama wakabvisa tende rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamre, iri paHebroni, akavakirapo Jehovha atari.” (Genesi 13:18) Ipapa zvakare Abrama akaratidza kuisa kwaaiita kunamata panzvimbo yokutanga-tanga. Ko kudzidza semhuri, kunyengetera semhuri, uye kupinda misangano zvinoiswa panzvimbo yokutanga-tanga mumhuri menyu here?

Muvengi Anorwisa

16. (a) Nei mashoko okutanga aGenesi 14:1 achitaurwa nenzwi rinoratidza zvakaipa? (b) Ndechipi chaive chikonzero chokupinda nechisimba kwemadzimambo mana okumabvazuva?

16 “Zvino nenguva yaAmraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedoriraomeri, mambo weErami, * naTidari, mambo weGoyimi, vakarwa.” MuchiHebheru chepakuvamba, mashoko okutanga okuti (“Zvino nenguva ya- . . . ”) aitaurwa nenzwi rinoratidza zvakaipa, achiratidza “nguva yomuedzo unoguma nechikomborero.” (Genesi 14:1, 2) Muedzo wacho wakatanga apo madzimambo okumabvazuva nemauto awo akapinda nechisimba achirwisa Kanani. Nechinangwa chei? Kuti adzivise maguta mashanu aiti Sodhoma, Gomora, Adama, Zeboimi, uye Bera kuti asapandukire. Vakakurira “vakasongana mumupata weSidimi (ndiro Gungwa roMunyu).” Roti nemhuri yake vaigara nechepedyo.—Genesi 14:3-7.

17. Nei kutapwa kwaRoti kwaiedza kutenda kwaAbrama?

17 Madzimambo eKanani akadzorera zvaityisa, asi akakurirwa zvainyadzisa. “Vakatora pfuma yose yeSodhoma neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda. Vakatorawo Roti, mwanakomana womunun’una waAbrama wakanga agere paSodhoma, nepfuma yake, vakaenda.” Nhau dzezviitiko zvinotenderedza musoro izvi dzakasvika kuna Abrama nenguva isipi: “Zvino mumwe wakanga wapukunyuka wakasvika, akaudza Abrama, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamre, muAmori, munun’una waEshkori, nomunu’una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbrama. Zvino Abrama wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa.” (Genesi 14:8-14) Zvechokwadi waiva muedzo wokutenda mukuru! Abrama aizogara aine pfundepfunde nemwana womunun’una wake here nokuti akanga atora nzvimbo yakanakisisa? Yeukawo kuti vavengi vakapinda nechisimba ava vaibva kumusha kwake, kuShinari. Kuvarwisa kwaizoita kuti zvisazobvira zvachose kuti adzokere kumusha. Uyewo, Abrama aizoitei kumauto akanga atadza kukurirwa nevaKanani vose vakabatanidza mauto avo?

18, 19. (a) Abrama akakwanisa sei kununura Roti? (b) Ndiani akarumbidzwa nokubudirira uku?

18 Ipapa zvakare Abrama akavimba zvakazara naJehovha. “Akarayira varume vake vakanga vakadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vanamazana matatu negumi navasere, akavatevera kusvikira paDani; akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHoba, riri kurudyi rweDamasiko. Akadzosa pfuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nepfuma yake, navakadziwo navanhu.” (Genesi 14:14-16) Achiratidzira kutenda kwakasimba muna Jehovha, Abrama akatungamirira mauto ake akanga akapfuurwa kuwanda nokure kunokunda, ndokununura Roti nemhuri yake. Abrama zvino akasangana naMerkizedeki, mupristi uye mambo weSaremi. “Merkizedeki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupristi waMwari woKudenga-denga. Akamuropafadza, akati: Abrama ngaaropafadzwe naMwari woKudenga-denga muridzi wokudenga napasi. Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu. [Abrama] akamupa chegumi chezvose.”—Genesi 14:18-20.

19 Hungu, kukunda kwaibva kuna Jehovha. Nemhaka yokutenda kwake, Abrama akanunurwa zvekare naJehovha. Vanhu vaMwari nhasi uno havapindi muhondo chaiyo, asi vanotarisana nemiedzo nematambudziko zvakawanda. Nyaya yedu inotevera inoratidza kuti tingabatsirwa sei nomuenzaniso waAbrama kubata nazvo nenzira inobudirira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Maererano neInsight on the Scriptures (rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha), “mumwe mupumburu wenhokwe wekare unotaura nezvomumwe Farao akatuma varume vane zvombo kunopamba mumwe mukadzi aiyevedza nokuuraya murume wake.” Saka Abrama akanga asiri kungotya zvisina maturo.

^ ndima 6 Hagari, uyo akazova murongo waAbrama, angave aive mumwe wevaranda vakapiwa Abrama panguva iyi.—Genesi 16:1.

^ ndima 16 Vatsoropodzi vakamboti Erami haina kumbova nesimba rakadaro muShinari uye kuti nhoroondo yokurwisa yaKedoriraomeri yaiva yenhema. Kuti uwane uchapupu hwezvokuchera matongo hunotsigira nhoroondo yacho yeBhaibheri, ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1989, mapeji 4-7.

Wacherechedza Here?

• Nzara yakaitika muKanani yakaratidza sei kuva muedzo wokutenda kuna Abrama?

• Abrama naSarai vakaratidza sei muenzaniso wakanaka kuvarume nevadzimai nhasi?

• Tinodzidzei munzira yakabata nayo Abrama bopoto raive pakati pevaranda vake nevaRoti?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

Abrama haana kusimbisa kodzero dzake asi akaisa zvido zvaRoti pamberi pezvake

[Mufananidzo uri papeji 24]

Abrama akaratidza kuvimba naJehovha mukununura Roti mwana womunun’una wake