Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Kuti Nguva Yako Youduku Ibudirire

Kuita Kuti Nguva Yako Youduku Ibudirire

Kuita Kuti Nguva Yako Youduku Ibudirire

VAGARI vomune imwe nyika yomuEurope vakakumbirwa kusarudza pazvinhu zvitatu: runako, pfuma, kana kuti uduku. Chisarudzo chokutanga chakanga chiri uduku. Hungu, vanhu vemazera ose vanoona makore ouduku uye okutanga kwema20 senguva inokosha muupenyu. Uye munhu wose anoda kuti vechiduku vachinje zvinobudirira kubva pauduku kusvika pakuva vakuru. Asi zvingaitika sei?

Bhaibheri ringabatsira here? Mhinduro yacho inotova hungu chaiye. Ngationgororei mumativi maviri umo Shoko raMwari ringabatsira zvikurukuru kuvanhu vechiduku, zvichida kutopfuura vezera ripi zvaro.

Kuwirirana Nevamwe

Jugend 2000 mushumo wokuongorora mafungiro, unhu, uye tsika zvakasiyana-siyana zvevechiduku vanopfuura 5 000 muGermany. Ongororo yacho inoratidza kuti apo vechiduku vanoita zvinhu zvokunakidzwa—zvakadai sokuteerera nziyo, kupinda mumitambo, kana kumbofamba-famba—inenge nguva yose vanenge vane vamwe vanhu. Zvichida kupfuura rimwe zera ripi neripi, vechiduku vanoda kuva nevezera ravo. Zvechokwadi ndokusaka kuwirirana nevamwe kuri chimwe chezvinhu zvikuru zvinoita kuti nguva youduku ibudirire.

Asi hazvisi nyore kuwirirana nevamwe nguva dzose. Zvechokwadi, kupindirana nevamwe inhau iyo majaya nemhandara vanobvuma kuti ndiyo yavanoramba vachiva nezvinetso nayo. Pano Bhaibheri rinogona kubatsira zvikuru. Shoko raMwari rine nhungamiro inokosha kune vechiduku mukukudziridza ukama hwakadzikama. Bhaibheri rinotii?

Imwe yenheyo dzinokosha zvikuru dzokupindirana kwevanhu ndeyokuti: “Nguva dzose itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo.” Kuremekedza, kukudza, uye kuratidza mutsa kune vamwe kunovakurudzira kuti vakuitire zvakadarowo. Muitiro womutsa unogona kupedza mamiriro ezvinhu okupesana kana kuoma kwezvinhu. Kana ukasvika pakuzivikanwa nomuitiro wako wokufunga vamwe, zvimwe unovawo munhu pane vamwe. Kuonekwa nevamwe somumwe wavowo hakukuiti kuti unzwe zvakanaka here?—Mateu 7:12.

Bhaibheri rinokukurudzira “kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” Unofanira kuzvida mupfungwa yokuzvichengeta uye kuzviremekedza zvine mwero, kwete kunyanyisa kana kuti zvishoma kwazvo. Nei izvozvo zvichibatsira? Kana usingazviremekedzi, unogona kutsoropodza vamwe zvakanyanya, zvinova zvinokanganisa ushamwari hwakanaka nevamwe. Asi kuzviremekedza kune mwero ndiko hwaro hwaunogona kuvakira pahuri ushamwari hwakasimba.—Mateu 22:39.

Kana ushamwari hwatanga chete, hunoda kusimbiswa nokuedza kwevose vanobatanidzwa. Kushandisa nguva muushamwari kunofanira kukuita kuti ufare, nokuti “pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” Imwe nzira yokupa kuregerera, kunova kunosanganisira kusakoshesa kukanganisa kuduku uye kusatarisira vamwe kuti vaite zvinhu zvakakwana. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” Chokwadi, “sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.” Zvakadini kana shamwari ikakutaurira zvimwe zvaunotadza? Unoita sei? Funga nezvezano iri rinoshanda rinobva muBhaibheri rinoti: “Usakurumidza pamweya wako kutsamwa,” nokuti “zvibhakera zvinorohwa neshamwari zvakakodzera.” Handizvo here kuti shamwari dzinochinja mafungiro, matauriro uye unhu hwako? Nokudaro, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” Kune rimwe divi, ano“fambidzana navakachenjera, [an]ova akachenjerawo.”—Mabasa 20:35; VaFiripi 4:5; VaRoma 12:17, 18; Muparidzi 7:9; Zvirevo 13:20; 27:6; REB; 1 VaKorinde 15:33.

Marco anomiririra majaya nemhandara vakawanda paanoti: “Nheyo dzeBhaibheri dzinobatsira zvikuru pakuwirirana nevamwe. Vamwe vanhu vandinoziva vanorarama zvoumbimbindoga uye vanongoda zvinovanakira chete muupenyu. Bhaibheri rinotidzidzisa kusafunga zvakanyanya nezvedu, asi nezvevamwe. Semaonero angu, ndiyo nzira yakanakisisa yokupindirana nevanhu.”

Zvinodzidzwa nevechiduku vakaita saMarco muBhaibheri zvinovabatsira kwete chete muuduku asi mumakore akawanda mune remangwana. Uye nezveremangwana, tinowana imwe nzira iyo Bhaibheri rinogona kubatsira zvikuru kuchizvarwa chevechiduku.

Kuda Kuziva Remangwana

Vechiduku vakawanda vanoda kuzivurura. Zvichida kupfuura rimwe zera ripi neripi, vanoda kuziva zviri kuitika uye kuti nei zvichidaro. Uye Bhaibheri, kupfuura rimwe bhuku ripi neripi, rinotsanangura kuti nei zvinhu zvakamira sezvazviri munyika uye rinotiudza zvatinofanira kutarisira munguva yemberi. Izvi ndizvo zvinoda kuzivikanwa nevechiduku. Tingava sei nechokwadi neizvozvo?

Kunyange zvichinyanya kudavirwa kuti vechiduku vanongorarama vachifunga zvazvino, kumwe kuongorora kunoratidza pfungwa yakada kuti siyanei naiyoyi. Kunoratidza kuti vechiduku kakawanda vanocherechedza nokungwarira zviri kuitika makavapoteredza, uye vanova nemhedziso dzavo kuti upenyu huchange hwakaita sei munguva yemberi. Chinoratidza izvi ndechokuti vatatu kubva muvana vemajaya kana mhandara vanofunga “kakawanda” kana kuti “kakawandisa” nezveremangwana. Kunyange zvazvo vechiduku vachiwanzofunga nezvokuita zvakanaka, vakawanda vechiduku vanonetseka nezveremangwana.

Nei vachinetseka? Vakawanda vevachava chizvarwa chevakuru munguva inotevera parizvino vatove nezvinetso zvokupara mhosva, kurwa nevanhu, uye kushandisa zvinodhaka. Vechiduku vanonetseka nezvokuwana basa rakatsiga munzanga ine makwikwi zvikuru. Vanonzwa vachimanikidzirwa kuwana magiredhi akanaka pachikoro kana kuva munhu anogona kushanda zvikuru pabasa. Mumwe ane makore 17 okukura akadembatemba kuti: “Tinorarama munzanga isina tsitsi uye ine umbimbindoga. Mumwe nomumwe anoedza kuti zvifambe kwake. Nguva dzose kunenge kuri kungoratidza zvaunogona kuita, uye izvozvo zvinondivhiringa.” Mumwe wechiduku ane makore 22, akati: “Vanokunda vanobudirira muupenyu uye vanogona kurarama zvakanaka. Vadzidzi vane munyama, avo nokuda kwechikonzero chakati vasingagoni kuita zvakanaka, vanongosarira shure.” Nei upenyu hwakazara nemakwikwi kudai? Upenyu hucharamba hwakadai here?

Tsanangudzo Yezvazviri Chaizvo

Apo vechiduku vanotarira vachitya kana kuti vanotadza kuziva zvichaitika munzanga, vari kubvumirana—vachiziva kana kuti vasingazivi—neBhaibheri. Shoko raMwari rinoratidza kuti “nzanga yanhasi isina tsitsi uye ine umbimbindoga” chiratidzo chenguva. Muapostora Pauro akanyora nezvezuva redu mutsamba yaienda kujaya rainzi Timoti achiti: “Nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” Nei dzakaoma, uye nei dzichifanira kunetsa kubata nadzo? Nokuti, sezvakawedzera kunyorwa naPauro, vanhu vachava “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, . . . vasingaongi, vasina kuvimbika, . . . vanotyisa.” Ko iyi haisi tsanangudzo yezvinoitwa nevakawanda nhasi here?—2 Timoti 3:1-3.

Bhaibheri rinotaura kuti nguva dzinonetsa idzi dzaizoitika “pamazuva okupedzisira,” kuchinja kukuru kusati kwaunzwa panzanga yose yevanhu. Kuchinja uku kuchashandura munhu wose, angava muduku kana mukuru. Kuchinja kworudzii? Hurumende yokudenga ichakurumidza kudzora nhau dzevanhu, uye vadzorwi vachanakidzwa “norugare rukuru” kwose kwose. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Kunetseka uye kutya zvichava zvomunguva yakapfuura.—Pisarema 37:11, 29.

Bhaibheri chete ndiro rinotaura zvakavimbika nezvenguva yemberi. Kana wechiduku achiziva chokutarisira mumakore mashoma anotevera, anogona kugadzirira zvichaitika uye onzwa akachengeteka uye achigona kudzora upenyu hwake zvizere. Kunzwa uku kunoderedza kunetseka mupfungwa uye kutadza kuziva remangwana. Munzira iyi zvinodiwa nechizvarwa chevechiduku zvinokosha—kuziva nzanga uye kuziva zvichaunzwa nenguva yemberi—zvinotaurwa nezvazvo muBhaibheri.

Kubudirira Munguva Youduku

Chii chinoratidza kubudirira munguva youduku? Idzidzo yepamusoro, zvinhu, kana kuti boka reshamwari here? Vakawanda vanofunga kudaro. Makore okuyaruka neokutanga kwema20 anofanira kuita kuti wechiduku ave nepokutangira pakanaka kuitira upenyu hwemangwana. Nemamwe mashoko, kubudirira munguva youduku kunogona kuva chiratidzo chezvichazouya.

Sezvataona, Bhaibheri rinogona kubatsira wechiduku kuita kuti makore ake ouduku abudirire. Vechiduku vakawanda vakatowana kuti izvi ndozvazvakaita muupenyu hwavo. Vanoverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye vanoshandisa zvavanodzidza. (Ona “Zano Rinobva Kumushumiri waJehovha Wechiduku,” papeji 6.) Chokwadi, Bhaibheri ibhuku revechiduku nhasi nokuti rinogona kuvabatsira kuti “[v]ave [v]anokwanisa kwazvo, [v]akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.”—2 Timoti 3:16, 17.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Chimwe chezvinhu zvikuru zvinoita kuti nguva youduku ibudirire kuwirirana nevamwe

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Zvichida kupfuura rimwe zera ripi neripi, vechiduku vanoda kuziva zviri kuitika uye kuti nei zvichidaro

[Bhokisi riri papeji 6, 7]

Zano Rinobva Kumushumiri waJehovha Wechiduku

Alexander ane makore 19. Akarerwa mumhuri yeZvapupu zvaJehovha, uye anonakidzwa zvikuru nokuita maererano nokutenda kwake nomwoyo wose. Asi izvi handizvo zvazvakanga zvakaita nguva dzose. Alexander anotsanangura kuti:

“Zvingakushamisa kuti, ndakasonganira neZvapupu zvaJehovha ndiri wechiduku asina kubhabhatidzwa kwemakore manomwe. Panguva iyoyo, kunamata kwangu kwakanga kusiri kwomwoyo wose, waingova muitirowo zvawo. Ndinofunga kuti ndakanga ndisina simba rokunyatsozvinzvera.”

Mafungiro aAlexander akabva azochinja. Anopfuurira achiti:

“Vabereki vangu neshamwari muungano vakaramba vachindikurudzira kuverenga Bhaibheri zuva roga roga, kuti ndizive Jehovha pachangu. Pakupedzisira, ndakasarudza kuedza. Nokudaro ndakaderedza kuona kwangu terevhizheni ndokuita kuti kuverenga Bhaibheri kuve chimwe chezvinhu zvandinoita mangwanani-ngwanani oga oga. Pakupedzisira, ndakatanga kunzwisisa kuti Bhaibheri rinombotaura nezvei. Ndakasvika pakuziva kuti ringandibatsira sei pachangu. Uye—zvinokosha kupfuura zvose—ndakanzwisisa kuti Jehovha anoda kuti ndimuzive. Pandakangoita izvozvo, ukama hwangu naye hwakatanga kukura, uye ushamwari hwangu muungano hwakatanga kuvandudzika. Chokwadi Bhaibheri rakachinja zvikuru upenyu hwangu! Ndinokurudzira kuti mushumiri wose waJehovha wechiduku averenge Bhaibheri zuva nezuva.”

Kune mamiriyoni evechiduku kupota pasi pose vanosonganira neZvapupu zvaJehovha. Uri mumwe wavo here? Unoda kubatsirwa nokuverenga Bhaibheri nguva dzose here? Wadii kutevera muenzaniso waAlexander? Deredza nguva yaunopedzera pamabasa asingakoshi uye woita kuverenga Bhaibheri rutivi rwezvaunoita zuva nezuva. Chokwadi uchabatsirwa.