Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukunda muDare Rinoongorora Kutevedzerwa kweBumbiro Romutemo

Kukunda muDare Rinoongorora Kutevedzerwa kweBumbiro Romutemo

Kukunda muDare Rinoongorora Kutevedzerwa kweBumbiro Romutemo

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA muGermany zvakakunda muDare Rinoongorora Kutevedzerwa kweBumbiro Romutemo muKarlsruhe. Nokudaro zvakatora danho rinokosha rine chokuita nokuzivikanwa kwazvo pamutemo.

Zvapupu zvaJehovha zvave zvichishanda muGermany kwemakore anopfuura 100. Zvakakunda kutambudzwa kunorwadza neutongi hwoudzvinyiriri huviri hwomuzana remakore rechi20—hweNational Socialist uye hwechiCommunist. Kubvira muna 1990, Zvapupu zvave zvichitsvaka kuzivikanwa sesangano repamutemo. Pashure pezvisarudzo zvakaitwa nedare, zviviri zvakazvinakira uye chimwe chete chaisazvitsigira, Zvapupu zvakakwirira kuDare Rinoongorora Kutevedzerwa kweBumbiro Romutemo, iro rakazivisa chisarudzo charo musi waDecember 19, 2000.

Chisarudzo Chakabvumiranwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha

Vatongi vose vedare vari vanomwe vakatonga vachitsigira Zvapupu. Vatongi vacho vakabvisa chisarudzo cha1997 chakaitwa neDare Rinopa Mutongo uye vakarayira dare racho kuti rifunge nezvechikumbiro cheZvapupu.

Dare Rinoongorora Kutevedzerwa kweBumbiro Romutemo rakashandisa chiitiko chacho kutaura ukama hukuru huri pakati peHurumende nemapoka ezvitendero. Zvikurukuru, mamiriro echitendero “anoratidzwa, kwete nezvinotendwa machiri, asi nomuitiro wacho.”

Dare racho rakatsinhira kuti apo Zvapupu “zvinoramba zvisina kwazvakarerekera maererano nechiKristu,” hazvi“putsi nheyo yehurumende yakasarudzwa nevanhu” uye “hazvidi kutsiva hurumende yakasarudzwa nevanhu zvichiunza rumwe rudzi rwehurumende.” Saka, kusabatanidzwa musarudzo dzezvematongerwe enyika hakufaniri kuonekwa souchapupu hwokudzivisa Zvapupu kuda kwazvo kuzivikanwa zviri pamutemo.—Johani 18:36; VaRoma 13:1.

Dare racho rakawedzera kuti mutendi—angava ari Chapupu kana wechimwe chitendero—pane dzimwe nguva angazviwana ari mumamiriro okuti zvinodiwa neHurumende uye zvinodiwa nechitendero chake zvinenge zvasiyana. Kana munhu wacho akaita zvinodiwa nehana yake “nokuteerera zvinodavirwa muchitendero chake kupfuura mutemo,” Hurumende ingaona izvi sezvakarurama uye zviri mukati morusununguko rwezvitendero.—Mabasa 5:29.

Mutongo wedare racho wakabuda munhau zvikuru. Hapana kana pepanhau romuGermany rakanga risina mushumo wenhau yacho. Nhepfenyuro dzeterevhizheni neredhiyo huru dzose dzakatepfenyura mishumo kana kuti bvunzurudzo. Zita rokuti Jehovha rakanga risati rambotaurwa zvakapararira sezvarakaitwa ipapo muGermany.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

AP Photo/Daniel Maurer