Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Musarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

Musarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

Musarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

“Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.”—VAGARATIYA 6:9.

1, 2. (a) Nei kutsungirira kuchidiwa mukushumira Mwari? (b) Abrahamu akaratidza sei kutsungirira, uye chii chakamubatsira kuita kudaro?

SEZVAPUPU zvaJehovha, tinofara kuita kuda kwaMwari. Tinozorodzwawo nokutakura “joko” rokuva vadzidzi. (Mateu 11:29) Kunyange zvakadaro, kushumira Jehovha naKristu hakugarova nyore. Muapostora Pauro akajekesa izvi paakakurudzira vamwe vaKristu achiti: “Munofanira kutsungirira, kuitira kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugamuchire kuzadzika kwechipikirwa.” (VaHebheru 10:36) Kutsungirira kunodiwa nokuti kushumira Mwari kunogona kuoma.

2 Upenyu hwaAbrahamu hunonyatsoratidza kuti izvozvo ndezvechokwadi. Kakawanda akasangana nezvisarudzo zvakaoma uye mamiriro ezvinhu anokangaidza. Kurayirwa kuti asiye upenyu hwakanaka muUri kwaingova mavambo. Asati ambodii akatarisana nenzara, kuvengwa nevavakidzani vake, kupotsa arasikirwa nomudzimai wake, kuvengwa nedzimwe hama, uye utsinye hwomuhondo. Mimwe miedzo mikuru yakanga ichiri kuuya. Asi Abrahamu haana kumbobvira arega kuita zvakanaka kwazvo. Izvi zvinoshamisa paunofunga kuti akanga asina Shoko raMwari rakakwana, sezvatakaita nhasi. Kunyange zvakadaro, hapana mubvunzo kuti aiziva nezvouprofita hwokutanga, hwakanzi naMwari: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati [“pembeu yako nembeu yake,” NW].” (Genesi 3:15) Sezvo Mbeu yaizouya nokwaari, hazvishamisi kuti Abrahamu aizovengwa naSatani. Pasina mubvunzo kunzwisisa chokwadi ichi kwakabatsira Abrahamu kutsungirira miedzo yake nomufaro.

3. (a) Nei vashumiri vaJehovha nhasi uno vachifanira kutarisira matambudziko? (b) VaGaratiya 6:9 inotikurudzira kuita sei?

3 Nhasi uno vanhu vaJehovha vanofanirawo kutarisira matambudziko. (1 Petro 1:6, 7) Pakuti Zvakazarurwa 12:17 inotinyevera kuti Satani ari ‘kurwa’ nevasara vakazodzwa. Nokuda kwokuva kwavo pedyo zvikuru nevakazodzwa, ve“mamwe makwai” vanonanganawo nehasha dzaSatani. (Johani 10:16) Kuwedzera pakushorwa kwavangatarisana nakwo muushumiri hwavo hwepachena, vaKristu vangasanganawo nezvinonetsa zvinovaisa pamuedzo muupenyu hwavo. Pauro anotikurudzira kuti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.” (VaGaratiya 6:9) Hungu, kunyange zvazvo Satani akatsunga kuparadza kutenda kwedu, tinofanira kumudzivisa, takasimba mukutenda. (1 Petro 5:8, 9) Chii chingabva mukutsungirira kwedu? Jakobho 1:2, 3 inotsanangura kuti: “Zvose zvifungei kuva mufaro, hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, sezvamunoziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoparira kutsungirira.”

Kurwisa Zvakananga

4. Satani ave achishandisa sei kurwisa zvakananga mukuedza kuparadza kutendeka kwevanhu vaMwari?

4 Upenyu hwaAbrahamu zvechokwadi hunoratidza “miedzo yakasiyana-siyana” ingatarisana nomuKristu nhasi. Somuenzaniso, aifanira kuita chimwe chinhu pakurwisa kwakaitwa nevakapinda nechisimba vaibva Shinari. (Genesi 14:11-16) Hazvishamisi kuti Satani anoramba achirwisa zvakananga achishandisa kutambudza. Kubvira pakapera Hondo Yenyika II, nyika dzakawanda dzakashandisa hurumende dzadzo kurambidza basa rechiKristu rokudzidzisa reZvapupu zvaJehovha. Yearbook of Jehovah’s Witnesses ya2001 inoshuma nezvoutsinye hwaifanira kutsungirirwa nevaKristu vari muAngola hwavaiitirwa nevavengi vavo. Dzichivimba naJehovha, hama dzedu dziri munyika dzakadaro dzakaramba zvakasimba kurega! Hadzina kudzorera nechisimba kana kupandukira asi nokungwarira dzakaramba dziri mubasa rokuparidza.—Mateu 24:14.

5. Vechiduku vechiKristu vangatambudzwa sei kuchikoro?

5 Zvisinei, kutambudzwa hakungorevi kurwiswa chete. Abrahamu akazopedzisira akomborerwa nevana vaviri—Ishmaeri naIsaka. Genesi 21:8-12 inotiudza kuti pane chimwe chiitiko Ishmaeri akanga “achiseka” Isaka. Mutsamba yake kuvaGaratiya, Pauro anoratidza kuti uku kwakanga kusiri kungosekawo kwoupwere, nokuti anotsanangura Ishmaeri seaitambudza Isaka! (VaGaratiya 4:29) Saka kutambudzwa kunosanganisirawo kutsvinyirwa nevamwe kuchikoro nokutukwa nevanotishora. Mumwe muKristu wechiduku anonzi Ryan anoyeuka kutambudzwa kwaakaitwa nevomukirasi make: “Maminitsi 15 okuenda nokudzoka kuchikoro nebhazi aiita semaawa nokuti ndaitukwa. Vaindipisa newaya dzokubatisa mapepa dzavaipisa negwenya rokubatidzisa fodya.” Nei vaimubata zvoutsinye zvakadai? “Kurovedzwa kwandaive ndakaitwa nesangano raMwari kwaindiita kuti ndive akasiyana nevamwe vanhu vechiduku kuchikoro.” Kunyange zvakadaro, achitsigirwa nevabereki vake, Ryan akakwanisa kutsungirira akatendeka. Vaduku, kusveeredzwa nevezera renyu kwave kuchiita kuti muore mwoyo here? Kana zvakadaro, musaora mwoyo! Kana muchitsungirira nokutendeka muchaona kuzadzika kwemashoko aJesu okuti: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu.”—Mateu 5:11.

Kufunganya Kwezuva Nezuva

6. Zvinhu zvipi zvinogona kukanganisa ukama pakati pevaKristu nhasi uno?

6 Miedzo yakawanda yatinotarisana nayo nhasi uno inosanganisira kufunganya kwezuva nezuva kunoita munhu wose. Abrahamu pachake aifanira kubata nemakakatanwa akanga avapo pakati pevafudzi vake nevaRoti mwana womunun’una wake. (Genesi 13:5-7) Nhasi unowo, kusapindirana kwounhu notushanje twenhando zvinogona kukanganisa ukama kunyange rugare rweungano. “Pane godo nokukakavara, ndipo pane kunyongana nechinhu chose chakaipa.” (Jakobho 3:16) Zvinokosha zvikuru kuti tirege kuora mwoyo, ndokurega kudada kuchikanganisa rugare asi toita sezvakaitwa naAbrahamu, kuita kuti zvido zvevamwe zvive zvokutanga pane zvedu!—1 VaKorinde 13:5; Jakobho 3:17.

7. (a) Munhu anofanira kuita sei kana aitirwa zvinorwadza nomumwe muKristu? (b) Abrahamu akava muenzaniso wokuva noukama hwakanaka nevamwe sei?

7 Kuva norugare kunogona kuoma kana tichifunga kuti tabatwa zvisina kururama nomumwe watinonamata naye. Zvirevo 12:18 inoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo.” Kubvotomoka, kunyange kukaitwa pasina chinangwa chokukuvadza, kunogona kukonzera marwadzo makuru. Kurwadza kwacho kunotova kukuru kana tichifunga kuti takacherwa kana kuti takaitirwa makuhwa outsinye. (Pisarema 6:6, 7) Asi muKristu haangaregi zvigumbu zvichimuita kuti aore mwoyo! Kana uri mumamiriro ezvinhu akadaro, tanga iwe kugadzirisa zvinhu nokutaura nenzira yomutsa neakakugumbura. (Mateu 5:23, 24; VaEfeso 4:26) Iva akagadzirira kukanganwira munhu iyeye. (VaKorose 3:13) Kana tikarega kutsamwa, pfungwa dzedu dzinogadzikana uye tinova norugare nehama yedu. Abrahamu haana kumboramba akatsamwira Roti, zvaangadai akaita. Abrahamu akatomhanya-mhanya kuti anunure Roti nemhuri yake!—Genesi 14:12-16.

Miedzo Yokuzvipinza Mairi

8. (a) VaKristu ‘vangazvibaya sei pose pose nokurwadziwa kwakawanda’? (b) Nei Abrahamu akakwanisa kuona pfuma zvine mwero?

8 Chokwadi, mimwe miedzo ndeyokuzvipinza mairi. Somuenzaniso, Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano, apo chipfukuto nengura zvinodya, uye apo mbavha dzinopaza dzoba.” (Mateu 6:19) Asi, dzimwe hama ‘dzinozvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda’ nokutungamidza zvido zvokuwana zvinhu kupfuura zvine chokuita noUmambo. (1 Timoti 6:9, 10) Abrahamu akanga achida kurasikirwa nezvinhu zvakanaka kuti afadze Mwari. “Nokutenda akagara somunhu wokune imwe nyika munyika yechipikirwa, somunyika isiri yake, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vagari venhaka pamwe naye yechipikirwa ichocho. Nokuti akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo, Mwari ari muvaki nomuiti weguta racho.” (VaHebheru 11:9, 10) Kutenda kwaAbrahamu mu“guta” romunguva yemberi, kana kuti hurumende yaMwari, kwakamubatsira kuti asavimba nepfuma. Hakungavi kuchenjera here tikadarowo?

9, 10. (a) Chido chokuva nomukurumbira chinokonzera sei muedzo? (b) Hama ingazvibata sei so“muduku” nhasi uno?

9 Chimbofunga chimwe chinhu. Bhaibheri rinopa nhungamiro iyi yakasimba yokuti: “Kana pane munhu anofunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu, ari kunyengera pfungwa dzake.” (VaGaratiya 6:3) Uyezve, tinokurudzirwa kusaita “chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa.” (VaFiripi 2:3) Vamwe vanozviunzira miedzo nokutadza kushandisa zano iri. Vachida kuva nomukurumbira panzvimbo pokuda kuita “basa rakanaka kwazvo,” vanoora mwoyo uye vanotsamwa kana vakasawana ropafadzo muungano.—1 Timoti 3:1.

10 Abrahamu akava muenzaniso wakanaka mu‘kusazvifunga zvikuru kupfuura zvakafanira.’ (VaRoma 12:3) Paakasangana naMerkizedeki, Abrahamu haana kuita sokuti nzvimbo yake yokudiwa zvikuru naMwari yaimuita kuti ave akakwirira. Kusiyana naizvozvo, akanzwisisa nzvimbo yaMerkizedeki yakakwirira somupristi nokumupa chegumi. (VaHebheru 7:4-7) VaKristu nhasi uno vanofanirawo kuda kuzvibata se‘vaduku’ vorega kutsvaka kuonekwa noruzhinji. (Ruka 9:48) Kana vaya vari kutungamirira muungano vari kuita sevari kukunyima dzimwe ropafadzo, imbonyatsozvinzvera nokuvimbika uone muri kuda kugadziridzwa muunhu hwako nenzira yaunoita nayo zvinhu. Panzvimbo pokushatirirwa ropafadzo dzausina, shandisa zvizere ropafadzo yaunayo—ropafadzo yokubatsira vamwe kusvika pakuziva Jehovha. Hungu, ‘zvininipise pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti akukudze munguva yakafanira.’—1 Petro 5:6.

Kutenda Zvinhu Zvisingaoneki

11, 12. (a) Vamwe muungano vangarasa sei pfungwa yavo yokukurumidza? (b) Abrahamu akava sei muenzaniso wakanaka mukuronga upenyu hwake kuti huve hwokutenda zvipikirwa zvaMwari?

11 Mumwe muedzo ungavawo mugumo unoita souri kunonoka wenyika ino. Maererano na2 Petro 3:12, vaKristu vanofanira ku‘mirira uye vachiramba vachinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’ Zvisinei, vakawanda vakamirira “zuva” iri kwemakore, vamwe kwemakumi emakore. Somugumisiro, vamwe vangaora mwoyo vorasikirwa nepfungwa yokukurumidza.

12 Ipapa zvakare, funga nezvomuenzaniso waAbrahamu. Akaronga upenyu hwake hwose kuti huve hwokutenda zvipikirwa zvaMwari, kunyange zvazvo pakange pasingaratidziki kuti zvinobvira kuti zvizadzike zvose munguva yaairarama. Zvechokwadi, akararama nguva yakareba zvokuona mwanakomana wake Isaka achikura. Asi paizova nemazana emakore kuti vana vaAbrahamu vazosvika pakuenzaniswa ne“nyeredzi dzokudenga” kana kuti ne“jecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” (Genesi 22:17) Zvisinei Abrahamu haana kutsamwa kana kuti kuora mwoyo. Ndosaka muapostora Pauro akati nezvaAbrahamu nemamwe madzitateguru: “Ivava vose vakafa vachitenda, kunyange vasina kuwana kuzadzika kwezvipikirwa, asi vakazviona zviri kure vakazvikwazisa vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaeni nevagari venguva duku munyika iyoyo.”—VaHebheru 11:13.

13. (a) VaKristu nhasi vakaita sei se“vagari venguva duku”? (b) Nei Jehovha achaunza mugumo wenyika ino?

13 Kana Abrahamu aikwanisa kugara upenyu hwake hwakanangidzirwa pazvipikirwa zvakanga ‘zviri kure’ kuzadzikwa, ko kuzoti isu nhasi uno, tichiona kuzadzika kwezvinhu izvi kwava pedyo zvakadaro! Kufanana naAbrahamu, tinofanira kuzviona se“vagari venguva duku” munyika yaSatani, tichiramba kunyatsogadzikana mumararamiro okuzvigutsa. Hazvishamisi kuti tingatarisira kuti dai “mugumo wezvinhu zvose” watosvika kwete kuti ungova pedyo chete. (1 Petro 4:7) Zvichida tiri kutambudzika nechimwe chinetso chikuru choutano. Kana kuti nhamo yemari ingave iri kutionesa chitsvuku. Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haangounza mugumo kuzotinunura munhamo nematambudziko, asi kuzotsvenesa zita rake. (Ezekieri 36:23; Mateu 6:9, 10) Mugumo uchauya, kwete panguva yakatinakira, asi panguva yaunonyatsoita chinangwa chaJehovha.

14. Mwoyo murefu waMwari unobatsira sei vaKristu nhasi uno?

14 Yeuka zvakare kuti “Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Cherechedza kuti Mwari ‘anokushivirirai’—imi nhengo dzeungano yechiKristu. Zviri pachena kuti vamwe vedu vanoda nguva kuti vachinje nokugadziridza kuitira kuti ‘vawanike naye pakupedzisira vasina ruvara uye vasina gwapa vari murugare.’ (2 Petro 3:14) Saka hatifaniri kuonga here kuti Mwari aratidza mwoyo murefu wakadaro?

Kufara Pasinei Nezvipingamupinyi

15. Jesu akakwanisa sei kugara achifara achitarisana nemiedzo, uye kumutevedzera kunobatsira sei vaKristu nhasi?

15 Upenyu hwaAbrahamu hunodzidzisa zvidzidzo zvakawanda kuvaKristu nhasi. Haana kuratidza kutenda chete asiwo kushivirira, ungwaru, ushingi, norudo rusina udyire. Akaisa kunamata Jehovha pakutanga muupenyu hwake. Zvisinei, zvinofanira kuyeukwa kuti muenzaniso mukuru wokutevedzera wakapiwa naJesu Kristu. Iyewo akatarisana nemiedzo mizhinji, asi akapfuura nemairi yose asina kumborasikirwa nomufaro wake. Nei? Nokuti pfungwa dzake dzakaramba dzakanangidzirwa patariro yaiva mberi. (VaHebheru 12:2, 3) Saka Pauro akanyengetera kuti: “Zvino Mwari anogovera kutsungirira nenyaradzo ngaakubvumirei kuti pakati penyu muve nemafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.” (VaRoma 15:5) Kana tiine mafungiro akanaka, tinogona kuwana mufaro pasinei nezvipingamupinyi zvinogona kukandwa naSatani munzira medu.

16. Tingaita sei kana zvinetso zvedu zvichiita kunge zvawandisa?

16 Kana zvinetso zvichiita kunge zvawandisa, zviyeuchidze kuti Jehovha anokuda sokungoda kwaaiita Abrahamu. Anoda kuti ubudirire. (VaFiripi 1:6) Vimba naJehovha zvakazara, uine chokwadi chokuti ‘haangakuregi uchiedzwa kupfuura zvaunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti ukwanise kuutsungirira.’ (1 VaKorinde 10:13) Iva netsika yokuverenga Shoko raMwari zuva nezuva. (Pisarema 1:2) Ramba uchinyengetera, uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kutsungirira. (VaFiripi 4:6) Acha‘pa mudzimu mutsvene . . . vanomukumbira.’ (Ruka 11:13) Shandisa zvizere zvinhu zvawakapiwa naJehovha kuti zvikuraramise mumudzimu, zvakadai semabhuku edu anotsanangura Bhaibheri. Tsvakawo kutsigirwa nehama. (1 Petro 2:17) Pinda misangano yechiKristu nokutendeseka, nokuti ikoko uchanowana kurudziro yaunoda kuti ugone kutsungirira. (VaHebheru 10:24, 25) Fadzwa nokunyatsoziva kuti kutsungirira kwako kuchaita kuti utenderwe naMwari uye kuti kutendeka kwako kunoita kuti mwoyo wake ufare!—Zvirevo 27:11; VaRoma 5:3-5.

17. Nei vaKristu vasingaori mwoyo?

17 Abrahamu aidiwa naMwari se“shamwari” yake. (Jakobho 2:23) Kunyange zvakadaro upenyu hwaAbrahamu hwakanga hwakazara nemiedzo nematambudziko zvinodya pfungwa. Saka vaKristu havangatarisiri zviri nani pane izvozvi mune ano “mazuva okupedzisira” akashata. Chaizvoizvo Bhaibheri rinotinyevera kuti “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa.” (2 Timoti 3:1, 13) Panzvimbo pokuora mwoyo, ziva kuti zvinomanikidza zvatiri kutarisana nazvo zvinopa uchapupu hwokuti mugumo wenyika yakaipa yaSatani wava pedyo. Asi Jesu anotiyeuchidza kuti “anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:13) Saka, ‘usarega kuita zvakanaka kwazvo!’ Tevedzera Abrahamu, uve pakati pevaya “vanogara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.”—VaHebheru 6:12.

Wacherechedza Here?

• Nei vanhu vaJehovha nhasi uno vachifanira kutarisira miedzo nematambudziko?

• Satani angashandisa nzira dzipi kurwisa zvakananga?

• Kutadza kupindirana pakati pevaKristu kungagadziriswa sei?

• Kudada nokunyanya kuzvifunga zvingakonzera sei miedzo?

• Abrahamu akava sei muenzaniso mukumirira kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

VaKristu vechiduku vakawanda vanotambudzwa, vachisveeredzwa nevezera ravo

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mumazuva aAbrahamu kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari kwaive “kure,” asi akaronga upenyu hwake maererano nazvo