“Chii Chiri Kuitika muFrance?”
“Chii Chiri Kuitika muFrance?”
“Rusununguko, rusununguko runodiwa,” ndiwo mashoko ari mu“La Marseillaise,” rwiyo rwenyika rweFrance. Chokwadi, rusununguko chinhu chinofanira kukosheswa. Asi zvichangobva kuitika muFrance zviri kukonzera kunetseka nokuti rusununguko rwakawanda rwakafanira ruri kukanganiswa. Ndosaka musi weChishanu, November 3, 2000, makumi ezviuru eZvapupu zvaJehovha akaparadzira maturakiti anokosha anokwana mamiriyoni 12 aiva nomusoro unoti “Chii Chiri Kuitika muFrance? Rusununguko Rungadzokera Shure Here?”
KWEMAKORE akawanda zvino, Zvapupu zvaJehovha muFrance zvave zvichirwiswa nevezvematongerwe enyika nevanorwisa tupoka twezvitendero vakasiyana-siyana. Izvi zvakaita kuti Zvapupu zviomerwe somumwe nomumwe, seungano, uye senyika yose. Zvisinei, musi waJune 23, 2000, Conseil d’État, dare guru rinotonga romuFrance, rakapa chisarudzo chokuchinja chaisimbisa mafungiro akanga aripo ematare maduku 31 munhau dzakatongwa dzinokwana 1 100. Dare repamusoro racho rakasimbisa kuti kunamatwa kunoitwa neZvapupu zvaJehovha kunonyatsowirirana nomutemo weFrance uye kuti Horo dzavo dzoUmambo hadzifaniriwo kuripiswa mutero sokurega kuripiswa kunoitwa zvimwe zvitendero.
Zvisinei, mukusateerera zvachose chisarudzo ichi, Bazi reHurumende rezveMari romuFrance rinoramba richibhadharisa Zvapupu zvaJehovha mutero zvisingafaniri kuitirwa masangano ezvitendero sezvinotaurwa nomutemo. Bazi racho rakati rinoda mari yomutero zvikamu 60 kubva muzana pamipiro yose inoitwa neZvapupu pamwe neshamwari dzinopinda ungano dzomuFrance 1 500. Pari zvino nyaya iyi ichiri kutongwa mudare.
Chinangwa chenhimbe yambodudzwa chakanga chiri chokufumura zviri kuitwa zvinopesana nomutemo uye kubudisa pachena ngozi dziri mukubhadharisa mutero pachishandiswa *
simba zvisina kufanira kwakadaro uye zviri mumitemo yaida kudzikwa yaizokanganisa rusununguko rwezvitendero nokuda kwavose.Zuva Refu
Nenguva dza2:00 mangwanani, mune dzimwe ungano Zvapupu zvinotanga kuriparadzira kunze kwezviteshi zvechitima uye mafekitari uyewo nepanhandare dzendege. Na6:00, vanhu vanotanga kuwanda muParis. Vazvipiri 6 000 vanomiswa panzvimbo dzakarongwa kuti vasangane nevafambi vari kuenda kubasa. Mumwe mukadzi wechiduku anoti: “Zvamuri kuita nokuda kworusununguko rwezvitendero zvakanaka. Hazvisi Zvapupu zvaJehovha bedzi zvinobatanidzwa.” MuMarseilles, Zvapupu zvinopfuura 350 zvinopa maturakiti acho pazviteshi zvezvitima zvepasi pevhu uye pamigwagwa. Muawa imwe, nhepfenyuro yenyika inozivisa nezvenhimbe yacho, ichiudza vateereri kuti varege kushamiswa kana vaizoshanyirwa neZvapupu zvaJehovha. MuStrasbourg, muzinda weEuropean Court of Human Rights, vafambi pachiteshi chikuru vanoita mudungwe vachishivirira kuti vawanewo turakiti ravo. Rimwe gweta rinotsinhira kuti, kunyange zvazvo rakanga risingatendi zvatinotenda, raicherechedza zvaiitika chaizvo richida kunyatsoona, nemhaka yokuti zvatiri kutambudzikira zvinokosha uye zvakarurama.
Nguva dzava pana 8:00, pasinei nokunaya kwemvura yakawanda, Zvapupu 507 muguta reGrenoble riri muAlps zviri kutsvaka vanhu mumigwagwa kana kuisa turakiti racho mumabhokisi etsamba. Vatyairi vemotokari nemotokari dzinofamba panjanji, vanomisa motokari dzavo kuti vakumbire turakiti pavanoona kuti pane chiri kuitika. Muguta rokumadokero rePoitiers, vafambi vari kusvika nechitima nenguva dza9:00 vatowana turakiti kwavakwirira chitima. MuMulhouse, pedyo nomuganhu weGermany, maturakiti 40 000 atopiwa vanhu.
Panozosvika nguva dza10:00, ungano dzakawanda dzatoparadzira inopfuura hafu yematurakiti adzo. Sezvo mangwanani ari kupfuurira, vashoma zvikuru ndivo vari kuramba, uye kukurukurirana kwakawanda kunonakidza kwaitika. MuBesançon, anongova makiromita 80 kubva kumuganhu weSwitzerland, mumwe murume wechiduku anoratidza kufarira zviri muBhaibheri uye anobvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura. Chapupu chacho chinomukumbira kuti vakurukure vari paHoro yoUmambo iri pedyo, apo chidzidzo cheBhaibheri chinobva chatangwa mubhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?
Ava masikati Zvapupu zvakawanda zvinoshandisa nguva yazvo yokuzorora kuparidza kweawa imwe kana kuti maviri. Masikati ose, kuparadzira kwacho kunopfuurira, ungano dzakawanda dzinopedza nenguva dza3:00 kana kuti 4:00 masikati. Muguta reReims, vamwe vanhu vakambodzidza kana kusonganira neZvapupu zvaJehovha munguva yakapfuura vanoratidza kuda kwavo kutangisa kuuya kuungano. MuBordeaux zvidzidzo zvitatu zveBhaibheri zvepamusha zvinotangwa. Muguta iroro, mumwe weZvapupu anopinda muchitoro kuti atenge pepanhau uye anoona maturakiti akawanda ari pakaunda. Mutengesi womuchitoro chacho, aichimbova Chapupu, akanga agamuchira turakiti racho, uye achiona kukosha kwaro, akanga aita mamwe makopi kuti aape vanhu pachake.
MuLe Havre, Normandy, mumwe mukadzi wechiPurotesitendi akanzwa panhepfenyuro kuti mipiro yeZvapupu zvaJehovha yaibatirwa mitero anoshamiswa zvikuru. Anobvuma turakiti racho achida zvikuru uye anokorokotedza Zvapupu nokutaura kwazvo nokushinga pamusoro pokusaruramisira kwakadaro. Dzave 7:20 manheru, nhau
dzeterevhizheni dzomudunhu reLyons dzinotsinhira nezvokuparadzira kwacho, dzichiti: “Nhasi mangwanani zvanga zvichitova nyore kunzvenga kuti usadonherwa nemadonhwe emvura pane kunzvenga maturakiti eZvapupu zvaJehovha.” Zvapupu zviviri zvinobvunzurudzwa uye zvinotsanangura zvikonzero zvenhimbe yacho.Zvapupu zvinoda kuitawo basa racho zvapedza basa razvo rokunyika zvinoparadzira maturakiti kuvafambi vari kudzokera kudzimba dzavo uye zvinoisa mamwe mumabhokisi etsamba. Mumaguta akadai seBrest uye Limoges—akakurumbira nokuda kwezviumbwa zvawo—vanhu vari kubva kumabhaisikopo na11:00 manheru vamwe vevapedzisira kugamuchira turakiti zuva racho. Maturakiti asara anounganidzwa uye anoparadzirwa magwanani anotevera.
Migumisiro
Chimwe Chapupu chakanyora kuti: “Vavengi vedu vanofunga kuti vari kutinetesa. Kutaura zvazviri, zvavasingadi zvacho ndozviri kuitika.” Muungano dzakawanda, Zvapupu zvinopfuura 75 kubva muzana zvakaita basa racho zuva iroro, vamwe vachipedza maawa 10, 12, kana kuti 14 mubasa iri. MuHem, kuchamhembe kweFrance, ashanda munguva yousiku, mumwe weZvapupu akaparadzira maturakiti acho kubva nenguva dza5:00 mangwanani kuzosvikira nenguva dza3:00 masikati. MuDenain iri pedyo, mave mune ungano kubvira muna 1906, Zvapupu 75 zvakapedzera maawa 200 zvichiparadzira maturakiti musi weChishanu. Pasinei nokukwegura, kurwara, uye mamiriro okunze asina kunaka, vamwe vakanga vakatsunga kuitawo basa racho. Somuenzaniso, muLe Mans, vamwe vatatu vezera rokuma80 vakapedza maawa maviri vachiisa maturakiti acho mumabhokisi etsamba, uye mumwe weZvapupu aiva pawiricheya akapa maturakiti acho kuvanhu pamberi pechiteshi chechitima. Uye zvechokwadi zvaikurudzira kuona Zvapupu zvakawanda zvakanga zvisisaiti basa zvichiitawo basa iri rinokosha!
Pasina kupokana, kuparadzira uku kwakaita kuti uchapupu hukuru hupiwe. Vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vakawanda vacho vasingakwanisi kuonekwa mudzimba dzavo, vakawana turakiti racho. Vanhu vakawanda vakafunga kuti zvakaitwa izvi zvakabatsira zvizhinji kupfuura kuchengetedza kugara zvakanaka kweZvapupu. Vakawanda vakazviona sechinhu chokudzivirira rusununguko rwehana nokunamata zvevanhu vose vomuFrance. Souchapupu hweizvi, vanhu vakakumbira mamwe maturakiti okuwedzera kuti vape shamwari, vavanosonganira navo, uye hama.
Hungu, Zvapupu zvaJehovha muFrance zvinofara kuita kuti zita raJehovha rizivikanwe uye kudzivirira zvinhu zvine chokuita noUmambo. (1 Petro 3:15) Zvine tariro yechokwadi yokuti zvinogona ‘kuramba zvichirarama upenyu hwakadzikama nehwakanyarara zvichizvipira kuna Mwari zvakazara nokuva vemwoyo wose’ uye kuti vamwe vane zviuru vachabatana nazvo mukurumbidza Baba vazvo vokudenga, Jehovha.—1 Timoti 2:2.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 5 Nhimbe yakafanana naiyoyo yakaitwa muna January 1999 iri yokutsutsumwira rusaruro rwezvitendero. Ona Nharireyomurindi yaAugust 1, 1999, peji 9, uye 2000 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 24-6.