Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dhiyabhorosi Ariko Here?

Dhiyabhorosi Ariko Here?

Dhiyabhorosi Ariko Here?

“Paimbova nenguva munhau yeChechi yechiKristu apo dhiyabhorosi, Bherizebhubhu kana kuti Satani, mambo wezvakaipa, aiva munhu chaiyeiye ane simba, sezvichakangoitawo ‘Mwari’ kuvanhu vari kuenda vachiita vashoma nhasi. VaJudha nevaKristu vepakutanga ndivo vakafungidzira kuvapo kwaDhiyabhorosi vachiti uipi hwavaiona pose pose hwaiva chinhu chaicho chinenge munhu uye chinenge mhuka. Gare gare vaKristu vakasvika pakuziva kuti uku kwaiva kufungidzira kusina uchapupu hwechokwadi ndokubva vamurasa chinyararire.”—“All in the Mind—A Farewell to God,” rakanyorwa naLudovic Kennedy.

SEZVINOTAURWA nomunyori uye mushamarari Ludovic Kennedy anoti, kwemazana emakore hakuna kana mumwe chete muchiKristudhomu aisava nechokwadi kuti Dhiyabhorosi ariko. Asi kutoti vaKristu dzimwe nguva “vaikurirwa nesimba raSatani nemadhimoni ake,” semataurirwo azvakaitwa naPurofesa Norman Cohn. (Europe’s Inner Demons) Kukurirwa uku kwakanga kusingaitiki kuvanhuwo zvavo vasina kudzidza chete. Somuenzaniso, pfungwa yokuti Dhiyabhorosi aichinja achiva mhuka kuti atungamirire mitambo yezvakaipa neyezvinonyadzisira, “yaisava yevoruzhinji vakanga vasingagoni kuverenga nokunyora, asi kune vanhu vakadzidza vepamusoro,” akadaro Purofesa Cohn. Ava “vakadzidza vepamusoro”—kusanganisira vafundisi vakadzidza—ndivo vakakonzera kutsvakwa kwevaroyi kwakapararira muEurope kubva muzana remakore rechi15 kusvika kune rechi17, apo vanhu vechechi nevashandi vehurumende vanonzi vakatambudza nokuuraya vanhu vanoda kusvika 50 000 vaipomerwa kuti varoyi.

Hazvishamisi kuti vazhinji vave vachiramba zvavanofunga kuti kufungidzira kwakanyanyisa uye kusina maturo pamusoro paDhiyabhorosi. Kunyange kare muna 1726, Daniel Defoe akapokana nezvaidavirwa nevanhu zvokuti Dhiyabhorosi aive chikara chinotyisa “chine mapapiro omuremwaremwa, nyanga, tsoka ine mahwanda, muswe murefu, rurimi runenge forogo, nezvimwe zvakadaro.” Akati pfungwa dzakadaro dzaiva “zvinhu zvenhando zvokufungidzira” zvakatangwa ne“vanhu vanotsigira kuti kuna dhiyabhorosi anotyisa” va“kanyengedza nyika nadhiyabhorosi wavo wavakazvivambira.”

Ndiwo maonero aunoita here? Unobvuma here kuti “dhiyabhorosi akangoita zvokutangwa nevanhu kuti vaone wokupomera kutadza kwavo”? Kutaura ikoko kunowanikwa muThe Zondervan Pictorial Encyclopedia of the Bible, uye vakawanda vanozviti vaKristu vanofunga saizvozvo. Jeffrey Burton Russell anoti vafundisi vechiKristudhomu mumwero mukuru “vakaramba kuvapo kwaDhiyabhorosi nemadhimoni vachiti ipfungwa dzokudavira mashura.”

Asi, kune vamwe vanhu, Dhiyabhorosi ariko zvechokwadi. Vanoti kunofanira kuva nesimba rakaipa rinopfuura romunhu, riri kukonzera zvinhu zvakaipa zvinongoramba zvichiitika zvakazara munhau yevanhu. “Zvinhu zvinotyisa zvakaitika muzana remakore rechimakumi maviri,” anodaro Russell, zvinotipa chimwe chikonzero nei “kudavira kuti Dhiyabhorosi ariko, kwakambenge kwapera, kwadzokazve.” Maererano nomunyori Don Lewis, vanhu vakati kuti vakadzidza “vanoseka vachitarisira pasi” zvaidavirwa nezvaityiwa ne“madzitateguru avo asina kudzidza” iye zvino “vava kudzorwa zvekare nezvinhu zvomunyikadzimu.”—Religious Superstition Through the Ages.

Saka chokwadi ndechipi panyaya yacho? Dhiyabhorosi anongova kufungidzira kwenhando here? Kana kuti munhu anoda kunyatsofungwa nezvake kunyange muzana remakore rechi21?

[Mufananidzo uri papeji 4]

Sezvinoratidzwa neizvi zvakanyorwa naGustave Doré, mashiripiti okufungidzira kwechinyakare airatidza Dhiyabhorosi achinge munhu uye achinge mhuka

[Kwazvakatorwa]

The Judecca—Lucifer/The Doré Illustrations For Dante’s Divine Comedy/Dover Publications Inc.