Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dhiyabhorosi—Haasi Chinhu Chokufungidzirawo Zvacho

Dhiyabhorosi—Haasi Chinhu Chokufungidzirawo Zvacho

Dhiyabhorosi—Haasi Chinhu Chokufungidzirawo Zvacho

“Pose pose muTestamende Itsva pane makakatanwa makuru ari pakati pesimba raMwari uye rokuita zvakanaka kune rumwe rutivi, nerezvakaipa rinotungamirirwa naSatani, kune rumwe. Iyi haisi pfungwa yomunyori mumwe chete, asi kuti vose. . . . Saka uchapupu hweTestamende Itsva hwakajeka. Satani munhu chaiye akaipa, muvengi waMwari nevanhu vaMwari nguva dzose.”—“The New Bible Dictionary.”

ZVINO nei vakawanda vanozviti vaKristu—uye vanotaura kuti vanodavira zviri muBhaibheri—vachiramba pfungwa yokuti Dhiyabhorosi munhu chaiye? Nokuti chaizvoizvo havabvumi kuti Bhaibheri iShoko raMwari. (Jeremia 8:9) Ivo vanoti vanyori veBhaibheri vairatidza uzivi hwendudzi dzakanga dzakavapoteredza uye vaisapfuudza chokwadi chaibva kuna Mwari zvakarurama. Somuenzaniso mumwe mufundisi wechiKaturike, Hans Küng, akanyora kuti: “Pfungwa dzenhema dzaSatani nehondo dzemadhimoni . . . dzakabva mungano dzechiBhabhironi dzichipinda muchiJudha chekare uye dzichibva imomo dzichienda muTestamende Itsva.”—On Being a Christian.

Asi Bhaibheri harisiwo zvaro shoko revanhu; chaizvoizvo iShoko raMwari rakafuridzirwa. Saka tinenge tachenjera kana tikanyatsoteerera zvarinotaura nezvaDhiyabhorosi.—2 Timoti 3:14-17; 2 Petro 1:20, 21.

Jesu Aifungei Nezvazvo?

Jesu Kristu aidavira kuti Dhiyabhorosi aiva munhu chaiye. Jesu haana kuedzwa nohumwe uipi hwaive maari. Akadenhwa nomunhu chaiye waakazoti “mutongi wenyika.” (Johani 14:30; Mateu 4:1-11) Aidavirawo kuti zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvaitsigira Satani mumazano ake akaipa. Akarapa vanhu “[v]aiva nemadhimoni.” (Mateu 12:22-28) Kunyange bhuku revasingadaviri kuti kuna Mwari rinonzi A Rationalist Encyclopædia rinonyatsocherechedza kukosha kweizvi parinoti: “Zvagara zvichigumbura vanodzidza nezvechitendero kuona Jesu womuEvhangeri aibvuma kuvapo kwemadhimoni.” Apo Jesu aitaura nezvaDhiyabhorosi nemadhimoni ake, akanga asiri kungodzokorora zvemashiripiti omungano dzechiBhabhironi. Aiziva kuti aivako zvechokwadi.

Tinodzidza zvakawanda nezvaDhiyabhorosi patinofunga nezvemashoko aJesu kuvadzidzisi vomuzvitendero vomumazuva ake anoti: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Iyeye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti murevi wenhema nababa venhema.”—Johani 8:44.

Maererano neizvi, Dhiyabhorosi, zita rinoreva “mucheri,” aive “murevi wenhema nababa venhema.” Ndiye chisikwa chakatanga kureva nhema nezvaMwari, uye akazviita kare mubindu reEdheni. Jehovha akanga ati vabereki vedu vokutanga ‘vaizofa zvirokwazvo’ dai vaizodya michero yomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvichibuda nomumuromo wenyoka, Satani akataura kuti mashoko iwayo aisava echokwadi. (Genesi 2:17; 3:4) Ndosaka achinzi “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.”—Zvakazarurwa 12:9.

Dhiyabhorosi akareva nhema nezvomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Iye akaita nharo dzokuti kurambidzwa kudya michero yomuti iwoyo kwakanga kusina kururama; kwaive kushandiswa kwesimba zvisina kufanira. Akati Adhamu naEvha vaigona kuzo“va saMwari” vachizvisarudzira zvakanga zvakanaka nezvakanga zvakaipa. Satani aireva kuti sevanhu vakasununguka kuita zvavanoda, vaifanira kuva nesimba rakazara rokuzvisarudzira. (Genesi 3:1-5) Uku kutsoropodzwa kwokururama kwenzira dzaMwari dzokutonga kwakamutsa nyaya dzinokosha. Saka Jehovha akabvumira nguva yokuti nyaya idzi dzigadziriswe. Izvi zvinoreva kuti Satani akabvumidzwa kuramba achirarama kwenguva yakati kuti. Nguva yake pfupi iye zvino yava kupera nokukurumidza. (Zvakazarurwa 12:12) Kunyange zvakadaro, anoramba achitsausa vanhu kubva kuna Mwari nenhema nokunyengera, nevanhu vakaita sevanyori nevaFarise vomuzuva raJesu kuti aparadzire dzidziso dzake.—Mateu 23:13, 15.

Jesu akatiwo Dhiyabhorosi aive “muurayi paakatanga” uye kuti “haana kumira zvakasimba muchokwadi.” Izvi hazvirevi kuti Jehovha akasika Dhiyabhorosi ari “muurayi.” Haana kusikwa kuti ave zibukanana rinotarisira imwe nzvimbo yemoto nokurwadzisa chero vapi vanopikisana naMwari. “Hero” inotaurwa muBhaibheri haisi hugaro hwaSatani. Inongovawo guva rinovigwa vanhu vose.—Mabasa 2:25-27; Zvakazarurwa 20:13, 14.

Dhiyabhorosi akatanga ari “muchokwadi.” Aimbova mumwe womumhuri yaJehovha yokudenga ari mwanakomana waMwari womudzimu akakwana. Asi haana “kumira zvakasimba muchokwadi.” Akasarudza nzira dzake pachake nenheyo dzake pachake dzenhema. “Akatanga,” kwete paakasikwa sengirozi iri mwanakomana waMwari, asi paakapandukira Jehovha nemaune ndokureva nhema kuna Adhamu naEvha. Dhiyabhorosi akaita sevanhu vaya vakapandukira Jehovha munguva yaMosesi. Nezvavo tinoverenga kuti: “Vakamuitira zvakashata, havasi vana vake, [“imhosva yavo,” NW].” (Dheuteronomio 32:5) Izvozvowo zvinogona kutaurwa nezvaSatani. Akava “muurayi” paakapanduka akaurayisa Adhamu naEvha uye tingatoti vanhu vose.—VaRoma 5:12.

Ngirozi Dzisingateereri

Dzimwe ngirozi dzakabatana naSatani mukupanduka. (Ruka 11:14, 15) Ngirozi idzi “dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakafanira” dzikapfeka miviri yevanhu kuti dzirare ne“vanasikana vevanhu” muzuva raNoa. (Judha 6; Genesi 6:1-4; 1 Petro 3:19, 20) “Chetatu chenyeredzi dzokudenga,” kana kuti zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvishoma, zvakatevera nzira iyi.—Zvakazarurwa 12:4.

Bhuku rizere nezviratidzo raZvakazarurwa rinofananidza Dhiyabhorosi ne“dhiragoni huru tsvuku.” (Zvakazarurwa 12:3) Nei? Kwete nokuti ane muviri chaiwo unotyisa, wakanyangara. Hatitombozivi kuti zvisikwa zvomudzimu zvine muviri wakaita sei, asi Satani haangambovi nomuviri wakasiyana nowezvimwe zvisikwa zvomudzimu zviri ngirozi. Zvisinei, “dhiragoni huru tsvuku” irondedzero yakafanira unhu hwaSatani hwokuruta, kutyisa, kuva nesimba uye kuparadza.

Satani nemadhimoni iye zvino vakaisirwa miganhu yakaoma. Havachakwanisi kuzviita vanhu sezvavaimbokwanisa kuita. Umambo hwaMwari huchangogadzwa mumaoko aKristu muna 1914, vakakandirwa kunharaunda yepasi.—Zvakazarurwa 12:7-9.

Dhiyabhorosi Muvengi Akaoma Kukunda

Kunyange zvakadaro, Dhiyabhorosi achiri muvengi akaoma kukunda. Ano“famba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Haasi uipi husinganzwisisiki hunogara mumuviri wedu usina kukwana. Ichokwadi kuti zuva nezuva tinorwisana nokurerekera kwatakaita pakuda kuita chivi. (VaRoma 7:18-20) Asi hondo chaiyo iri ‘pakurwa . . . nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.’—VaEfeso 6:12.

Simba raSatani rakapararira zvakadini? “Nyika yose iri musimba rewakaipa,” anodaro muapostora Johani. (1 Johani 5:19) Ichokwadi kuti hatidi kubva tagara tichingofunga nezvaDhiyabhorosi kana kurega kutya kwokufungidzira kuchitikuvadza. Zvisinei, tinenge tachenjera kana tikagara takangwaririra zvaanoedza kuita kuti atipofumadze tisaona chokwadi uye kuti tiputse kutendeka kwedu kuna Mwari.—Jobho 2:3-5; 2 VaKorinde 4:3, 4.

Dhiyabhorosi haashandisi nzira dzoutsinye nguva dzose pakurwisa vaya vanoda kuita kuda kwaMwari. Dzimwe nguva, anozviita kuti aratidzike se“ngirozi yechiedza.” Muapostora Pauro akanyevera vaKristu nezvengozi iyi paakanyora kuti: “Ndinotya kuti nenzira yakati, sokunyengetedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo, pfungwa dzenyu dzingaodzwa dzibve pauchokwadi nokuchena zvakafanira Kristu.”—2 VaKorinde 11:3, 14.

Saka tinofanira ‘kusvinura, kurinda, tomudzivisa, takasimba pakutenda.’ (1 Petro 5:8, 9; 2 VaKorinde 2:11) Tambira kure nezvinhu zvipi zvazvo zvine chokuita nokufembera zvinokuisa mumaoko aSatani. (Dheuteronomio 18:10-12) Iva mudzidzi akanaka weShoko raMwari, uchiyeuka kuti Jesu Kristu akataura ataurazve zviri muShoko raMwari paakanga achiedzwa naDhiyabhorosi. (Mateu 4:4, 7, 10) Nyengeterera mudzimu waMwari. Zvibereko zvawo zvinogona kukubatsira kurega kuita mabasa enyama, anotsigirwa naSatani zvinobudirira. (VaGaratiya 5:16-24) Nyengeterawo nomwoyo wose kuna Jehovha kana uchinzwa kuti Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vari kukumanikidza nenzira yakati.—VaFiripi 4:6, 7.

Hapana chikonzero chokutya Dhiyabhorosi. Jehovha anovimbisa kunyatsotidzivirira pachinhu chipi zvacho chingaitwa naSatani. (Pisarema 91:1-4; Zvirevo 18:10; Jakobho 4:7, 8) “Rambai muchiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake,” anodaro muapostora Pauro. Kuitira kuti “mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.”—VaEfeso 6:10, 11.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jesu aiziva kuti Dhiyabhorosi munhu chaiye

[Mufananidzo uri papeji 6]

“Nyika yose iri musimba rewakaipa”

[Kwazvakatorwa]

NASA photo

[Mufananidzo uri papeji 7]

Irwa naDhiyabhorosi nokudzidza Shoko raMwari chinyengetera nguva dzose