Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maitiro Aungaita Zvisarudzo Zvakanaka

Maitiro Aungaita Zvisarudzo Zvakanaka

Maitiro Aungaita Zvisarudzo Zvakanaka

RUSUNUNGUKO rwokusarudza chipo chinobva kuna Mwari. Dai rusipo, tingadai tichingopfuura marobhoti zvishoma, tisingagoni kudzora zvatinoita. Zvisinei, runoita kuti tisangane nezvinetso. Sezvo tine rusunguko rwokusarudza, tinofanira kuita zvisarudzo mukurarama kwedu.

Chokwadi, zvisarudzo zvakawanda zviduku. Zvimwe zvakadai sokusarudza basa rokuita muupenyu kana kusarudza kuroora zvinogona kuchinja remangwana redu rose. Zvimwe zvinewo zvazvinoita kune vamwe vanhu. Zvimwe zvisarudzo zvinoitwa nevabereki zvinochinja zvikuru vana vavo. Uyezve, tichazvidavirira kuna Mwari nokuda kwezvisarudzo zvakawanda zvatinoita.—VaRoma 14:12.

Kuda Kubatsirwa

Vanhu havana chinyorwa chakanaka kana toreva nezvokuita zvisarudzo. Chimwe chezvisarudzo zvokutanga zvevanhu chakanyorwa chakaunza ngwavaira. Evha akasarudza kudya muchero wakanga warambidzwa naMwari zvakajeka. Chisarudzo chake, chaibva pakuchiva kwoudyire, chakaita kuti murume wake abatane naye mukusateerera Mwari, uye izvi zvakaguma nokuita kuti vanhu vatambure zvikuru. Kakawanda, zvisarudzo zvevanhu zvinobva pazvido zvavo zvoudyire pane kuti zvibve panheyo dzakarurama. (Genesi 3:6-19; Jeremia 17:9) Uye patinenge tichifanira kuita chisarudzo chikuru, kazhinji tinoziva zvatinokundikana kusvitsa.

Saka hazvishamisi kuti, pavanoita zvisarudzo zvikuru, vakawanda vanotsvaka kubatsirwa kubva kune zvimwe zvakakwirira kupfuura vanhu. Bhaibheri rinotaura nezvechimwe chiitiko apo Nebhukadhinezari akanga achifanira kuita chisarudzo ari pakati pokurwa. Kunyange zvazvo akanga ari mambo, akaona achifanira “kubvunza nokuuka,” kubvunza midzimu. Nokudaro, zvakanyorwa zvacho zvinoti: “Akazunungusa miseve, akabvunza terafimi, ndokucherechedza chiropa.” (Ezekieri 21:21) Nhasiwo, vakawanda vanobvunza vafemberi, nevazivi venyeredzi, uye mune dzimwe nzira vanotsvaka kubatsirwa nemidzimu. Asi, izvi zvinonyengedza uye zvinotsausa.—Revhitiko 19:31.

Pane Mumwe akavimbika chose uye munhau yose akabatsira vanhu kuita zvisarudzo zvokuchenjera. Hakuna mumwe waangava kunze kwaJehovha Mwari. Somuenzaniso, munguva dzekare, Mwari akapa rudzi rwake rwaIsraeri Urimi neTumimi—zvichida, mijenya mitsvene yaikandwa apo rudzi rwaisangana nemamiriro ezvinhu aikosha zvikuru. Achishandisa Urimi neTumimi, Jehovha aipa mhinduro pakarepo kumibvunzo uye aibatsira vakuru veIsraeri kuti vave nechokwadi chokuti zvisarudzo zvavo zvaienderana nokuda kwake.—Eksodho 28:30; Revhitiko 8:8; Numeri 27:21.

Funga nezvomumwe muenzaniso. Apo Gidheoni akakumbirwa kuti atungamirire mauto aIsraeri kunorwisa vaMidhiani, aifanira kusarudza kuti aizogamuchira here ropafadzo yakakwirira yakadaro. Gidheoni akakumbira chiratidzo chinoshamisa achida kupiwa chivimbiso naJehovha kuti aizomutsigira. Akanyengetera kuti dehwe raive nemvere rakanga rasiyiwa panze usiku rinyoroveswe nedova asi pasi pakaritenderedza parambe pakaoma. Usiku hwakatevera, akakumbira kuti dehwe raive nemvere rirambe rakaoma asi pasi pakaritenderedza panyorove nedova. Jehovha akapa nomutsa zviratidzo zvakanga zvakumbirwa naGidheoni. Somugumisiro, Gidheoni akaita chisarudzo chakarurama, achitsigirwa naMwari, akakunda zvachose vavengi vaIsraeri.—Vatongi 6:33-40; 7:21, 22.

Zvakadini Muzuva Ranhasi Uno?

Nhasi uno, Jehovha achiri kubatsira vashumiri vake pavanenge vachifanira kuita zvisarudzo zvinokosha. Anodaro sei? Isu tinofanira kukumbira zviratidzo zvo‘kuedza nedehwe rine mvere’ zvinobva kuna Jehovha sezvakaita Gidheoni kuti atiratidze zvatinofanira kuita here? Vamwe vakaroorana vaitadza kuziva kuti vaifanira kuenda here kunoshumira kwakanga kuchidiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Kuti vabatsirike pakusarudza, vakaronga chaizova chiratidzo. Vakashambadza imba yavo kuti itengwe nemari yavaida. Kana imba yacho yaizotengwa pazuva ravaida uye nemari yavaida kana kupfuura, vaizoona izvi sechiratidzo chokuti Mwari aida kuti vaende. Kana yaisazotengwa, vaizogumisa kuti Mwari akanga asingadi kuti vaende.

Imba yacho haina kutengwa. Ichi chakanga chiri chiratidzo chokuti Jehovha aisada kuti vaviri ava vaende kwakanga kuchidiwa vamwe vashumiri here? Chokwadi, kungava kurasa muromo kunyatsotaura kuti Jehovha anoitira izvi kana kuti haaitiri izvi vashumiri vake. Hatingatauri kuti nhasi Jehovha haambopindiri kuti aratidze zvaanoda kwatiri. (Isaya 59:1) Zvisinei, hatina kodzero yokutarisira kupindira kwakadaro muzvisarudzo zvedu zvikuru, tichisiyira Mwari kuti atiitire zvisarudzo zvedu. Kunyange Gidheoni aifanira kuita zvisarudzo pasina zviratidzo zvinoshamisa kubva kuna Jehovha kwenguva zhinji muupenyu hwake!

Bhaibheri ragara rinotaura kuti Mwari anobatsira. Rinofanotaura nezvenguva yedu kuti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Patinotarisana nezvisarudzo zvinokosha, zvakanyatsorurama kutsvaka kuva nechokwadi kuti zvisarudzo zvedu zvinowirirana nokuda kwaMwari uye kuratidza uchenjeri hwake hukuru. Sei? Nokutsvaka muShoko rake uye kuribvumira kuri rive ‘mwenje wetsoka dzedu, uye chiedza panzira yedu.’ (Pisarema 119:105; Zvirevo 2:1-6) Kuti tiite izvi, tinofanira kuva netsika yokupinza zivo yakarurama inobva muBhaibheri. (VaKorose 1:9, 10) Uye kana tichifanira kuita chisarudzo, tinofanira kunyatsonzvera nheyo dzose dzeBhaibheri dzine chokuita nenhau yacho. Kunzvera kwakadaro kuchatigonesa kuva “nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:9, 10.

Tinofanirawo kutaura kuna Jehovha mumunyengetero, tichivimba kuti achatiteerera. Zvinonyaradza zvikuru kutsanangura kuna Mwari wedu ane rudo chisarudzo chatinofanira kuita uye zvimwe zvingatsiva ichocho zvatiri kufunga! Ipapo, tinogona kukumbira tine chivimbo chokutungamirirwa mukuita chisarudzo chakarurama. Kakawanda, mudzimu mutsvene uchatiyeuchidza nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda, kana kuti ungatibatsira kuti tinyatsonzwisisa rugwaro runotaura nezvemamiriro edu ezvinhu.—Jakobho 1:5, 6.

Jehovha anopawo vamwe vari muungano vakakura mumudzimu vatinogona kukurukura navo zvisarudzo zvedu. (VaEfeso 4:11, 12) Zvisinei, pakubvunza vamwe, hatifaniri kutevedzera muenzaniso wevaya vanobvunza munhu uno nouno kuzosvikira vawana anovaudza zvavanoda kunzwa. Vobva vatevera zano rake. Tinofanirawo kuyeuka muenzaniso waRehobhoami unonyevera. Paakanga achifanira kuita chisarudzo chikuru, akawana mazano akanaka kwazvo kubva kune varume vakuru vakanga vashanda nababa vake. Zvisinei, pane kutevera zano ravo, akabvunza varume vaduku vakanga vakura naye. Achitevera zano ravo, akaita chisarudzo chakaipa zvikuru uye somugumisiro akarasikirwa norutivi rukuru rwoumambo hwake.—1 Madzimambo 12:1-17.

Kana uchitsvaka zano, tsvaka kune vane ruzivo muupenyu uye vanonyatsoziva Magwaro uye vanoremekedza zvikuru nheyo dzakarurama. (Zvirevo 1:5; 11:14; 13:20) Pazvinenge zvakakodzera, wana nguva huru yokufungisisa nezvenheyo dzinobatanidzwa uye nezvemashoko ose awaunganidza. Paunosvika pakuona zvinhu nechiedza cheShoko raJehovha, chisarudzo chakarurama chingangova pachena.—VaFiripi 4:6, 7.

Zvisarudzo Zvatinoita

Zvimwe zvisarudzo zvinoitwa nyore. Pavakarayirwa kurega kuparidza, vaapostora vaiziva kuti vanofanira kuramba vachiparidza nezvaJesu, uye vakakurumidza kuzivisa Sanihedrini nezvechisarudzo chavo chokuteerera Mwari pane vanhu. (Mabasa 5:28, 29) Zvimwe zvisarudzo zvinoda kunyatsofungisisa nokuti hapana mashoko eBhaibheri anotaura nezvenhau yacho zvakananga. Asi, nheyo dzeBhaibheri kakawanda dzicharatidza chisarudzo chakanakisisa chokuita. Somuenzaniso, kunyange zvazvo rudzi rwezvinovaraidza zviripo nhasi rwakanga rusipo munguva yaJesu, pane mashoko eBhaibheri akajeka anoratidza kuti ndezvipi zvinofadza Jehovha uye zvisingamufadzi. Nokudaro, muKristu wose anopinda mune zvinovaraidza zvinosimudzira kuitira vamwe utsinye, unzenza, kana kuti kupandukira anenge aita chisarudzo chakaipa.—Pisarema 97:10; Johani 3:19-21; VaGaratiya 5:19-23; VaEfeso 5:3-5.

Dzimwe nguva, zvisarudzo zviviri zvingava zvakarurama. Kushanda kunenge kuchidiwa vaparidzi vakawanda iropafadzo yakaisvonaka uye inogona kutungamirira kuzvikomborero zvikuru. Asi kana mumwe munhu akasarudza kusaita kudaro nemhaka yechimwe chikonzero, anogona kungoitawo zvakanaka zvekare ari muungano yokwaanogara. Pane dzimwe nguva, tingafanira kuita chisarudzo chinopa mukana wokuratidza kuti tinozvipira kuna Jehovha zvakadini kana kuti chii chatinonyanya kukoshesa muupenyu hwedu. Nokudaro, Jehovha anotibvumira kushandisa rusununguko rwedu rwokusarudza kuti tiratidze zviri mumwoyo medu chaizvo.

Kakawanda, zvisarudzo zvedu zvine zvazvinoita kune vamwe. Somuenzaniso, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakafara nokusununguka pane zvinhu zvakawanda zvairambidzwa noMutemo. Somuenzaniso, izvi zvaireva kuti vaigona kubvuma kana kuramba zvokudya zvakanga zvisina kuchena paMutemo. Asiwo, vakakurudzirwa kufunga nezvehana dzevamwe kana vachisarudza kushandisa rusununguko urwu. Mashoko aPauro panhau yacho anogona kushanda kuzvisarudzo zvakawanda zvatinoita: “Musava zvisakiso zvokugumbuka.” (1 VaKorinde 10:32) Kusada kugumbura vamwe kungabatsira kuita zvisarudzo zvakawanda zvatinoita. Kuwedzera pane izvi, kuda muvakidzani ndiwo murayiro wechipiri mukuru.—Mateu 22:36, 39.

Mhedzisiro Dzezvisarudzo Zvedu

Zvisarudzo zvinoitwa nehana yakachena uye zvakavakirwa panheyo dzeBhaibheri nguva dzose zvichava nemhedzisiro yakanaka. Chokwadika, munguva pfupi yokutanga zvingaita kuti timboomerwa. Vaapostora pavakaudza Sanihedrini nezvechisarudzo chavo chokuramba vachiparidza nezvaJesu, vakatanga varohwa ndokuzobudiswa. (Mabasa 5:40) Apo vaHebheru vatatu—Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego—vakasarudza kuti vakanga vasingazopfugamiri chifananidzo chendarama chaNebhukadhinezari, vakaisa upenyu hwavo mungozi. Vakanga vakagadzirira kunangana nechokwadi chokuti chisarudzo chavo chaigona kureva rufu rwavo. Asi vaiziva kuti vaizotenderwa uye kukomborerwa naMwari.—Dhanieri 3:16-19.

Kana tikaomerwa taita chisarudzo chinotungamirirwa nehana, ichocho hachisi chikonzero chokufunga kuti chisarudzo chacho changa chakaipa. “Nguva nezvinoitika” zvinogona kuchinja zvikuru mhedzisiro yezvisarudzo zvingadai zvakanyatsoitwa nechinangwa chakanaka zvikuru. (Muparidzi 9:11) Uyezve, dzimwe nguva Jehovha anobvumira nhamo kuedza pane kuzvipira kwedu chaiko. Jakobho aifanira kurwisana nengirozi usiku hwose asati agamuchira chikomborero. (Genesi 32:24-26) Isuwo tingafanira kurwisana nenhamo, kunyange patinenge tichiita chinhu chakarurama. Uyewo, apo zvisarudzo zvedu zvinenge zvichienderana nokuda kwaMwari, tinogona kuva nechokwadi chokuti achatibatsira kutsungirira uye kuti pakupedzisira achatikomborera.—2 VaKorinde 4:7.

Nokudaro, paunenge uchiita chisarudzo chinokosha, usavimba nouchenjeri hwako. Tsvaka nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda. Taura naJehovha nezvenhau yacho. Pazvinenge zvakakodzera, bvunza shamwari dzechiKristu dzakakura mumudzimu. Ipapo shinga. Shandisa rusununguko rwako rwokusarudza rwawakapiwa naMwari zvine musoro. Ita chisarudzo chakanaka uye ratidza kuna Jehovha kuti mwoyo wako wakarurama kwaari.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Tsvaka uone kuti Shoko raMwari rinotii usati waita zvisarudzo zvinokosha

[Mifananidzo iri papeji 28, 29]

Taura naJehovha nezvezvisarudzo zvaunoda kuita

[Mufananidzo uri papeji 30]

Unogona kukurukura nezvezvisarudzo zvako zvikuru nevaKristu vakakura mumudzimu