Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rugare rwaKristu Rungadzora sei Mumwoyo Yedu?

Rugare rwaKristu Rungadzora sei Mumwoyo Yedu?

Rugare rwaKristu Rungadzora sei Mumwoyo Yedu?

“Rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo menyu, nokuti, chaizvoizvo, makarudanirwa mumuviri mumwe.”—VAKOROSE 3:15.

1, 2. “Rugare rwaKristu” runodzora mumwoyo momuKristu munzira ipi?

KUDZORWA ishoko risingafadzi kune vakawanda, sezvo richiita kuti tifunge nezvokuita zvokumanikidzwa nokudzvinyirirwa. Kurudziro yaPauro kuvaKristu vokuKorose, yokuti “Rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo menyu,” inganzwika kune vamwe seisina musoro. (VaKorose 3:15) Hatina kusununguka kuzvisarudzira here? Nei tichifanira kurega chimwe chinhu kana kuti mumwe munhu achitidzora mumwoyo yedu?

2 Pauro akanga asiri kuudza vaKorose kusiya kodzero yavo yokuzvisarudzira. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kudzora’ pana VaKorose 3:15 rine chokuita nomukuru womutambo aipa mubayiro mumakwikwi omutambo mumazuva iwayo. Vakwikwidzani vaive norusununguko rwakati kuti mumitemo yomutambo, asi pakupedzisira, mukuru womutambo ndiye aisarudza kuti ndiani ainge atevera mitemo uye akunda mumakwikwi. Saizvozvowo, tine rusununguko rwokuita zvisarudzo zvakawanda muupenyu hwedu, asi sezvatinodaro, rugare rwaKristu runofanira kuva somukuru womutambo—kana kuti semashandurirwo azvakaitwa naEdgar J. Goodspeed, “pesvedzero inodzora” mumwoyo yedu.

3. “Rugare rwaKristu” chii?

3 “Rugare rwaKristu” chii? Irwo runyararo, kupomhodzwa kwomumwoyo, kunouya patinova vadzidzi vaJesu todzidza kuti tinodiwa uye tinotenderwa naJehovha Mwari uye noMwanakomana wake. Jesu paakanga oda kusiya vadzidzi vake, akavaudza kuti: “Ndinokupai rugare rwangu. . . . Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuirega ichipera nokutya.” (Johani 14:27) Kweanoda kusvika makore 2 000 rugare irworwo rwave rwuri pakati penhengo dzakatendeka dzomuviri waKristu dzakazodzwa, uye nhasi uno shamwari dzadzo, “mamwe makwai,” dzinarwowo. (Johani 10:16) Rugare irworwo runofanira kuva pesvedzero inodzora mumwoyo yedu. Kana tiri mumuedzo wakakura, runogona kutibatsira kuti kutya kusatipedza simba kana kuti tisanetseka zvakapfurikidza. Ngationei kuti izvi ndezvechokwadi sei patinotarisana nokusaruramisira, patinokurirwa nokufunganya, uye patinonzwa tisina maturo.

Patinenge Tisina Kururamisirwa

4. (a) Jesu aiziva sei nezvokusaruramisira? (b) VaKristu vave vachiita sei pavanenge vasina kururamisirwa?

4 Mambo Soromoni akacherechedza kuti: “Kana munhu ane simba pamusoro pomumwe [ano]muitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Jesu aiziva kururama kwemashoko iwayo. Paaive kudenga, akaona kusaruramisira kukuru kwaiitirana vanhu. Pasi pano, iye pachake akatambudzwa nokusaruramisira paakapomerwa kumhura ndokuurayiwa somupari wemhosva asi iye aive munhu asina chivi. (Mateu 26:63-66; Mako 15:27) Nhasi uno kusaruramisira kuchiri kwose kwose, uye vaKristu vechokwadi vakatambura zvakapfurikidza vachiva ‘vanovengwa nemarudzi ose.’ (Mateu 24:9) Asi pasinei nokusangana nepfumvu inotyisa mumisasa yevasungwa yeNazi neyeSoviet Union, pasinei nokurwiswa nemhomho dzevanhu, nokupomerwa zvenhema, nokureverwa nhema, rugare rwaKristu rwave ruchivasimbisa. Vave vachitevedzera Jesu, watinoverenga nezvake kuti: “Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uyo anotonga zvakarurama.”—1 Petro 2:23.

5. Kana tikanzwa nezvokunoita sokusaruramisira muungano, tinofanira kutanga tafunga nezvei?

5 Pamwero muduku zvikuru, tingadavira kuti mumwe munhu haana kubatwa zvakanaka muungano yechiKristu. Pakadaro tinganzwa semanzwiro akaita Pauro uyo akati: “Ndiani anogumburwa, ini ndikasarwadziwa?” (2 VaKorinde 11:29) Tingaita sei? Tinofanira kuzvibvunza kuti ‘Kusaruramisira zvechokwadi here?’ Kazhinji kacho, tinenge tisingazivi chokwadi chose. Tingave tiri kutevedzera zvinhu zvokunzwa nomumwe anenge achizviti anoziva nyaya yacho. Regai Bhaibheri richizoti: “Usina mano unotenda mashoko ose.” (Zvirevo 14:15) Saka tinofanira kungwarira.

6. Tingaita sei kana tikafunga kuti hatina kubatwa nokururamisira muungano?

6 Zvisinei, ngatitii isu pachedu ndisu vacho tiri kufunga kuti hatina kubatwa nokururamisira. Munhu ane rugare rwaKristu mumwoyo make anoita sei? Tingaona zvakakodzera kutaura nomunhu wacho watinofunga kuti atitadzira. Saka, pane kutaura nyaya yacho nomumwe munhu achateerera, wadii kusvitsa nyaya yacho kuna Jehovha mumunyengetero wovimba naye kuti achaita kuti ruramisiro iitwe? (Pisarema 9:10; Zvirevo 3:5) Zvingagona kuitika kuti kana tadaro tichanzwa tagutsikana nokungogadzirisa nyaya yacho mumwoyo yedu ‘toti mwi-i.’ (Pisarema 4:4) Kazhinji kacho zano raPauro rinoshanda rokuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro.”—VaKorose 3:13.

7. Chii chatinofanira kugaroyeuka pakubata nehama dzedu?

7 Zvisinei, chipi zvacho chatinoita tinoda kuyeuka kuti kunyange tisingagoni kudzora zvakatoitika tinogona kudzora zvatiri kuda kuita. Kana tikaita zvisina kufanira patinofunga kuti tabatwa zvisina kururama, tingatokuvadza rugare rwedu kupinda zvinenge zvaitwa nokusaruramisira kwacho. (Zvirevo 18:14) Tingatogumburwa tikarega kusonganirana neungano kusvikira tafunga kuti ruramisiro yazoitwa. Munyori wepisarema akanyora kuti kune vaya vanoda mitemo yaJehovha “hapana chinovagumbusa.” (Pisarema 119:165) Chokwadi ndechokuti munhu wose anosangana nokusaruramisira nguva nenguva. Usamborega zviitiko zvinosuruvarisa zvakadaro zvichikutadzisa kushumira Jehovha. Pane kudaro, rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo mako.

Kana Taremerwa Nokufunganya

8. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinokonzera kufunganya, uye kufunganya kunogona kuguma kwaita sei?

8 Kufunganya ndihwo upenyu hwacho mu“mazuva okupedzisira” ano. (2 Timoti 3:1) Ichokwadi kuti Jesu akati: “Musafunganya pamusoro pemweya yenyu kuti muchadyei kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.” (Ruka 12:22) Asi hakusi kufunganya kwose kunokonzerwa nokuda zvinhu zvokunyama. Roti akanga “achitambudzika zvikuru” nokuda kwouipi hwomuSodhomu. (2 Petro 2:7) Pauro akaremerwa no“kufunganya pamusoro peungano dzose.” (2 VaKorinde 11:28) Jesu akashungurudzika zvikuru usiku hwakatangira rufu rwake zvokuti “ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” (Ruka 22:44) Zviri pachena kuti hakusi kufunganya kwose kunoratidza kutenda kusina kusimba. Zvisinei, chipi zvacho chinokukonzera, kana kufunganya kukanyanyisa uye kukatora nguva yakarebesa, kunogona kutitorera rugare. Kufunganya kwakakurira vamwe, kukavaita kuti vanzwe vasisakwanisi kutakura mitoro inowanikwa mukushumira Jehovha. Bhaibheri rinoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza.” (Zvirevo 12:25) Saka tingaita sei kana tiri kutambudzwa nokufunganya?

9. Ndeapi mamwe matanho anoshanda angatorwa kuderedza kufunganya, asi ndezvipi zvinokonzera kufunganya zvisingabvisiki?

9 Mumamwe mamiriro ezvinhu, tingakwanisa kutora matanho anoshanda. Kana kufunganya kwedu kuri kukonzerwa nechinetso choutano, kuchenjera kuona zvokuita nacho, kunyange zvazvo nhau dzakadaro dziri dzokuti munhu azvisarudzire. * (Mateu 9:12) Kana tiri kuremerwa nemitoro yakawanda, zvingava zvinobvira kugovera mimwe yacho kune vamwe. (Eksodho 18:13-23) Zvisinei, zvakadini nevaya—sevabereki—vane mitoro inorema isingagoni kugoverwa vamwe? Zvakadini nomuKristu ari kurarama nomurume kana mukadzi anopikisana nezvaanoita? Zvakadini nemhuri ine nhamo yemari yakakura kana kuti iri kugara kune hondo? Zviri pachena kuti hatigoni kubvisa zvose zvinokonzera kufunganya munyika ino. Kunyange zvakadaro tinogona kuchengetedza rugare rwaKristu mumwoyo yedu. Sei?

10. Inzira dzipi mbiri dzingashandiswa nomuKristu kuderedza kufunganya?

10 Kutsvaka nyaradzo muShoko raMwari ndiyo imwe nzira yacho. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu, kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.” (Pisarema 94:19) “Kunyaradza” kwaJehovha kunogona kuwanikwa muBhaibheri. Kuona zvinotaura Bhuku rakafuridzirwa iri nguva dzose kuchabatsira kuchengetedza rugare rwaKristu mumwoyo yedu. Bhaibheri rinoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Pauro akanyora nezvazvowo kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Munyengetero womwoyo wose uye wenguva dzose uchatibatsira kuchengetedza rugare rwedu.

11. (a) Jesu aiva muenzaniso wakazonaka sei munyaya yokunyengetera? (b) Tinofanira kuona munyengetero sechii?

11 Jesu aive muenzaniso wakazonaka munyaya iyi. Pane zvimwe zviitiko, akataura naBaba vake vokudenga mumunyengetero kwemaawa akawanda panguva. (Mateu 14:23; Ruka 6:12) Munyengetero wakamubatsira kutsungirira miedzo yakaipisisa. Usiku hwakatangira rufu rwake, kutambudzika kwake kwakazonyanya. Akaita sei? Akanyengetera “nemwoyo wose.” (Ruka 22:44) Hungu, Mwanakomana waMwari akakwana ainyengetera nguva dzose. Saka, vateveri vake vasina kukwana vanofanira kukudziridza muitiro wokunyengetera zvikuru! Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti “vagaronyengetera vasingaregi.” (Ruka 18:1) Munyengetero kukurukura chaiko kunokosha noUyo anotiziva zviri nani kupfuura zvatinozviita. (Pisarema 103:14) Kuti tichengetedze rugare rwaKristu mumwoyo yedu, ticha‘ramba tichinyengetera.’—1 VaTesaronika 5:17.

Kukurira Kukundikana Kwedu

12. Vamwe vangafunga kuti basa ravo harikoshi nezvikonzero zvipi?

12 Jehovha anoona mumwe nomumwe wevashumiri vake sepfuma, chinhu chinokosha. (Hagai 2:7) Kunyange zvakadaro, vakawanda vanoona izvi zvakavaomera kubvuma. Vamwe vangaodzwa mwoyo nokuchembera, mitoro yemhuri inowedzera, kana kuti kurwara-rwara. Vamwe vanganzwa vasina maturo nemhaka yezvavakasangana nazvo vachiri vaduku. Vamwewo vangarwadziwa nezvikanganiso zvavakaita nguva yakapfuura, vosava nechokwadi kuti Jehovha anogona kuvakanganwira. (Pisarema 51:3) Chii chingaitwa nepfungwa dzakadaro?

13. Inyaradzo ipi yomuMagwaro iripo kune vaya vanonzwa sevasina maturo?

13 Rugare rwaKristu ruchativimbisa rudo rwaJehovha. Tinogona kudzorera rugare irworwo mumwoyo yedu nokufungisisa chokwadi chokuti Jesu haana kumbotaura kuti kukosha kwedu kunoyerwa nokuenzanisa zvatinoita nezvinoitwa nevamwe vanhu. (Mateu 25:14, 15; Mako 12:41-44) Chaakanyatsosimbisa kutendeka. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:13) Jesu pachake “wakazvidzwa” nevanhu, asi akaramba aine chokwadi chokuti Baba vake vaimuda. (Isaya 53:3; Johani 10:17) Uye akaudza vadzidzi vake kuti naivowo vaidiwa. (Johani 14:21) Kusimbisa izvi, Jesu akati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari inokosha zvishoma here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29-31) Uku kupiwa chivimbo chorudo rwaMwari kwakaisvonaka!

14. Chii chinotipa chivimbo chokuti Jehovha anokoshesa mumwe nomumwe wedu?

14 Jesu akatiwo: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Sezvo Jehovha akatikweva kuti titevere Jesu, Iye anofanira kuda kuti tiponeswe. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hachisi chinhu chinodiwa naBaba vangu vari kudenga kuti mumwe wevaduku ava aparare.” (Mateu 18:14) Saka, kana uri kushumira Jehovha nomwoyo wose, unogona kufadzwa nemabasa ako akanaka. (VaGaratiya 6:4) Kana uri kutambudzwa nezvikanganiso zvekare, iva nechivimbo kuti Jehovha achakanganwira “zvikuru” vaya vanopfidza zvechokwadi. (Isaya 43:25; 55:7) Kana uchinzwa kuora mwoyo nechikonzero chipi zvacho, yeuka kuti “Jehovha uri pedyo nevane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.

15. (a) Satani anoedza sei kutitorera rugare rwedu? (b) Tinogona kuva nechivimbo chei muna Jehovha?

15 Satani ari kutsvaka nemaziso matsvuku kukutorera rugare rwako. Ndiye honzeri yechivi chatinoberekwa nacho chatiri kutambura nacho tose. (VaRoma 7:21-24) Zvechokwadi anoda kuti iwe ufunge kuti kusakwana kwako kunoita kuti basa rako risabvumwa naMwari. Usamborega Dhiyabhorosi achikuodza mwoyo! Ngwarira mazano ake, uye ita kuti kungwarira ikoko kukuite kuti utsunge. (2 VaKorinde 2:11; VaEfeso 6:11-13) Yeuka kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (1 Johani 3:20) Jehovha haangooni zvikanganiso zvedu chete. Anoonawo vavariro dzedu nezvinangwa. Saka nyaradzwa nemashoko omunyori wepisarema okuti: “Jehovha haangarashi vanhu vake, uye haangasiyi nhaka yake.”—Pisarema 94:14.

Kubatana muRugare rwaKristu

16. Munzira ipi matisiri toga sezvatinoedza kutsungirira?

16 Pauro akanyora kuti rugare rwaKristu runofanira kudzora mumwoyo yedu nokuti taka“rudanirwa mumuviri mumwe.” VaKristu vakazodzwa vainyorerwa naPauro vakadanwa kuti vaumbe muviri waKristu, sezvakangoita vasara vakazodzwa nhasi uno. Shamwari dzavo dze“mamwe makwai” dzakabatana navo se“boka rimwe,” pasi po“mufudzi mumwe” Jesu Kristu. (Johani 10:16) Pamwe chete, “boka” renyika yose remamiriyoni ari kurega rugare rwaKristu ruchidzora mumwoyo mavo. Kuziva kuti hatisi toga kunotibatsira kutsungirira. Petro akanyora kuti: “[Dzivisai Satani], makasimba pakutenda, muchiziva kuti zvinhu izvozvo zvamuri kutambura zvizhinji zviri kuitika musangano rose rehama dzenyu munyika yose.”—1 Petro 5:9.

17. Chii chinotikurudzira kurega rugare rwaKristu ruchidzora mumwoyo yedu?

17 Saka tose ngatirambe tichiita kuti pave norugare, chibereko chinokosha chomudzimu waMwari. (VaGaratiya 5:22, 23) Vaya vanowanikwa naJehovha vasina ruvara, vasina gwapa vari murugare pakupedzisira vachakomborerwa noupenyu husingaperi vari muparadhiso yepasi, muchagara kururama. (2 Petro 3:13, 14) Tine chikonzero chiri chose chokurega rugare rwaKristu ruchidzora mumwoyo yedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Mune zvimwe zviitiko kufunganya kungakonzerwa kana kuwedzerwa nourwere hwakadai sokuora mwoyo kwakanyanyisa.

Unoyeuka Here?

• Rugare rwaKristu chii?

• Rugare rwaKristu rungadzora sei mumwoyo yedu kana tatarisana nokusaruramisira?

• Rugare rwaKristu runotibatsira sei kukunda kufunganya?

• Rugare rwaKristu runotinyaradza sei kana tichinzwa tisina maturo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu akaramba akatendeka kuna Jehovha pamberi pevapomeri vake

[Mufananidzo uri papeji 16]

Sokumbundira kwoushamwari kwababa vane rudo, kunyaradza kwaJehovha kunogona kunyevenutsa kufunganya kwedu

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kutsungirira kunokosha zvikuru kuna Mwari