Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Taimbova Mhumhi—Iye Zvino Tava Makwai!

Taimbova Mhumhi—Iye Zvino Tava Makwai!

Taimbova Mhumhi—Iye Zvino Tava Makwai!

Ini naSakina taigara pedyo nepedyo pataive tusikana tuduku. Sakina aive nomumhu mukuru akasimba, inini ndiine mumhu muduku ndiri mutete. Taiwanzopopotedzana, asi rimwe zuva takazonyatsorwa. Kubvira zuva iroro, takanga tisisataudzane kana kukwazisana. Tose takazopedzisira tatama uye hatina kuzomboonanazve.

Muna 1994, ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye pashoma nepashoma unhu hwangu hwakachinja. Makore mana gare gare pataipinda zuva regungano chairo muBujumbura, Burundi, ndakashamiswa pandakasangana naSakina. Ndakafara kuti akanga aripo, asi kukwazisana kwedu kwakanga kusiri kweshamwari chaidzo. Pava paya musi iwoyo, ndakapera mate mukanwa pandakaona ari pakati pevanhu vaibhabhatidzwa! Iyewo akanga achinja zvikuru. Akanga asisiri munhu uya ane nharo wandakambopopotedzana naye kakawanda zvikuru. Zvaifadza zvikuru kumuona achipa uchapupu hwake pachena hwokuzvitsaurira kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura!

Paakabuda mumvura, ndakamhanyira kunomumbundira ndokubva ndati nezevezeve munzeve make: “Uchiri kuyeuka kurwa kwatakaita here?” “Ehe,” akadaro, “ndichiri kuyeuka asi zvakapfuura. Iye zvino ndava munhu mutsva.”

Tose tiri vaviri tinofara kuti takawana chokwadi cheBhaibheri chinobatanidza uye kuti takachinja unhu hwedu hwainge hwemhumhi tikava nohunenge hwamakwai anofudzwa noMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari. Zvechokwadi, chokwadi cheBhaibheri chinochinja upenyu.