Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Tsvaka Rugare Urutevere’

‘Tsvaka Rugare Urutevere’

‘Tsvaka Rugare Urutevere’

“Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”—VAROMA 12:18.

1, 2. Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei pasina rugare runoitwa nevanhu runogara?

FUNGIDZIRA imba isina nheyo yakasimba, ine nhungo dzakaora, nedenga radembera. Ungada kutamira mairi woiita musha wako here? Zvichida kwete. Kunyange kuipenda patsva hakuchinji chokwadi chokuti imba yacho haina kusimba. Rimwe zuva ichatoti iputsike chete.

2 Rugare rwupi zvarwo runobva munyika ino rwakafanana nemba iyoyo. Rwakavakirwa panheyo isina kusimba—zvinovimbiswa nenzira dzomunhu, “usingagoni kubatsira.” (Pisarema 146:3) Chinyorwa chezvakaitika kare chakazara nemakakatanwa pakati penyika, ndudzi, uye madzinza. Ichokwadi kuti kwave kuine nguva pfupi dzorugare, asi rugare rworudzii? Kana nyika mbiri dzichirwa pozoziviswa kuti pave norugare nokuti imwe nyika yakurirwa kana kuti dzose dziri mbiri dzava kuona pasina chadzinowana mukurwa, rugare rwacho runenge rwuri rworudzii? Ruvengo, kufungirana, uye godo zvakakonzera hondo yacho zvichiripo. Rugare rwakadaro runongova chipameso, kufanana noku‘penda patsva’ kurwisana kwanga kuripo, harusi rugare runogara.—Ezekieri 13:10.

3. Nei rugare rwevanhu vaMwari rwakasiyana norugare rupi zvarwo runoitwa nevanhu?

3 Kunyange zvakadaro rugare rwechokwadi ruriko munyika ino yasakadzwa nehondo. Kupi? Pakati pevari kutevera tsoka dzaJesu Kristu, vaKristu vechokwadi vanoteerera mashoko aJesu nokuedza kutevedzera mararamiro aakaita. (1 VaKorinde 11:1; 1 Petro 2:21) Rugare ruri pakati pevaKristu vechokwadi vemarudzi akasiyana, vane upenyu hwakasiyana munzanga, uye vanobva munyika dzakasiyana, nderwechokwadi nokuti runobva paukama hworugare hwavainahwo naMwari, uhwo hwakavakirwa pakutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Rugare rwavo chipo chinobva kuna Mwari, harusi chinhu chakavambwa nevanhu. (VaRoma 15:33; VaEfeso 6:23, 24) Runobva pakuzviisa kwavo pasi po“Muchinda Worugare,” Jesu Kristu, nokunamata Jehovha, “Mwari worudo neworugare.”—Isaya 9:6; 2 VaKorinde 13:11.

4. MuKristu ano‘tevera’ sei rugare?

4 Rugare harungouyi rwoga kuvanhu vasina kukwana. Ndokusaka Petro akati muKristu mumwe nomumwe anofanira ‘kutsvaka rugare nokurutevera.’ (1 Petro 3:11) Tingazviita sei izvozvo? Humwe uprofita hwekare hunotaura nezvemhinduro yacho. Achitaura achishandisa Isaya, Jehovha akati: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwevana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13; VaFiripi 4:9) Hungu, rugare rwechokwadi runouya kune vanoteerera dzidziso dzaJehovha. Uyezve, rugare, pamwe chete no“rudo, mufaro, . . . mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora,” chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratiya 5:22, 23) Harugoni kuwanikwa nomumwe munhu asina rudo, asina mufaro, asina mwoyo murefu, asina mutsa, akashata, asina kutendeka, anotyisa, kana kuti asingazvidzori.

“Rugare Nevanhu Vose”

5, 6. (a) Mutsauko upi uri pakati pokuva norunyararo nokuva norugare? (b) VaKristu vanoedza kuva norugare navanaani?

5 Rugare runotsanangurwa so“kuva norunyararo kana kuti kunyarara.” Tsanangudzo yakadaro inosanganisira mamiriro ezvinhu asina kurwisana. Pakutika kunyange munhu akafa anonzi ane rugare! Zvisinei, kuti munhu ave norugare rwechokwadi haafaniri kungova ane runyararo chete. Mumharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Vanofara vanoita rugare, sezvo vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” (Mateu 5:9) Jesu aitaura nevanhu vaizowana mukana gare gare wokuva vanakomana vaMwari vomudzimu uye vaizowana upenyu husingafi kudenga. (Johani 1:12; VaRoma 8:14-17) Uye pakupedzisira, vanhu vose vakatendeka vasina tariro yokuenda kudenga vachava “norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Vane rugare chete ndivo vanogona kuva netariro yakadaro. Panowanzova nomusiyano pakati pokuva akanyarara—ari murunyararo—nokuva norugare. Mupfungwa yomuMagwaro kuva norugare kunoreva kutsigira kuvapo kworugare nokushingaira, dzimwe nguva kuunza rugare parwanga rusiri.

6 Uine izvi mupfungwa, chimbofunga nezvemashoko omuapostora Pauro kuvaRoma anoti: “Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.” (VaRoma 12:18) Pauro akanga asiri kuudza vaRoma kuti vangova vanhu vakanyarara, kunyange zvazvo izvozvo zvaibatsira. Aivakurudzira kuita rugare. Naani? Ne“vanhu vose”—vomumhuri, vaKristu, kunyange vaya vaisava vechitendero chavo. Akakurudzira vaRoma kuita rugare nevamwe ‘nepavaigona napo.’ Hakusi kuti aida kuti vabvume kuputsa zvavaidavira nokungoda kuti pave norugare chete. Panzvimbo pokuita nharo nevamwe zvisina maturo, vaifanira kusvika pane vamwe nechinangwa chorugare. VaKristu vaifanira kudaro pangava pavaibata nevaya vokunze kana kuti vomuungano. (VaGaratiya 6:10) Maererano neizvi, Pauro akanyora kuti: “Garoteverai zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.”—1 VaTesaronika 5:15.

7, 8. VaKristu vangava sei norugare nevasiri vechitendero chavo uye nei vachifanira kudaro?

7 Tingava sei norugare nevaya vasiri vechitendero chedu uye avo vangatopokana nezvatinodavira? Imwe nzira yokudaro kusazvitora setinopfuura vamwe. Somuenzaniso, hazviratidzi kuva norugare kutaura nezvevamwe vanhu tichishandisa mashoko okuzvidza. Jehovha akazivisa mutongo wake pamasangano nemapoka, asi hatina kodzero yokutaura nezvaani zvake sokunge kuti akatotongerwa kuparadzwa. Chaizvoizvo, hatitongi vamwe, kunyange vanotishora. Audza Tito kuti ape vaKristu vaive muKirete zano nezvemabatiro avo nevanhu vane simba, Pauro akati vayeuchidzwe “kuti vasataure zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi, kuti vasave vanorwa, kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro hwose kuvanhu vose.”—Tito 3:1, 2.

8 Kuva norugare nevasiri vechitendero chedu kunobatsira zvikuru pakuratidza kunaka kwechokwadi kwavari. Hazvirevi kuti tinokudziridza ushamwari huno“shatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Kunyange zvakadaro, tinogona kuva netsika, uye tinofanira kubata vanhu vose noruremekedzo nomutsa zvikuru. Petro akanyora kuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti, muchinhu chavanokupomerai sevaiti vezvakaipa, vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.”—1 Petro 2:12.

Kuva Norugare Muushumiri

9, 10. Muapostora Pauro akava muenzaniso wakanaka sei pakubata nevasingatendi norugare?

9 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaizivikanwa nokuva kwavo noushingi. Vakanga vasingarerutsi shoko ravo, pavaitarisana nokushorwa, vakanga vakatsunga kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pomunhu. (Mabasa 4:29; 5:29) Kunyange zvakadaro, vaiziva kutsauranisa ushingi nokuva vanyoro. Chimbofunga zvakaitwa naPauro paaidzivirira kutenda kwake pamberi paMambo Herodhi Agiripa II. Herodhi Agiripa aiita makunakuna nehanzvadzi yake, Bhenisi. Zvisinei, Pauro haana kuda kutanga kudzidzisa Agiripa nezvokuzvibata. Asi akasimbisa zvavaiwirirana pazviri achirumbidza Agiripa nezvokuva kwake nyanzvi yetsika dzechiJudha uye kuti aidavira vaprofita.—Mabasa 26:2, 3, 27.

10 Zvinoreva here kuti Pauro aingoita zvokubata kumeso munhu aigona kumusunungura? Kwete. Pauro akatevedzera zano rake pachake ndokutaura chokwadi. Hapana chaakataura kuna Herodhi Agiripa chaive chenhema. (VaEfeso 4:15) Asi Pauro akanga ari munhu ane rugare uye aiziva nzira yokuva nayo “zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose.” (1 VaKorinde 9:22) Chinangwa chake chakanga chiri chokudzivirira kodzero yake yokuparidza pamusoro paJesu. Somudzidzisi anokwanisa, akatanga kutaura nezvechimwe chinhu icho iye naAgiripa vaibvumirana pachiri. Nokudaro Pauro akabatsira mambo iyeye aiva nzenza kuona chiKristu nenzira yakanaka zvikuru.—Mabasa 26:28-31.

11. Tingava sei norugare muushumiri hwedu?

11 Tingava sei norugare muushumiri hwedu? Kufanana naPauro, tinofanira kusiyana nenharo. Zvinoitika kuti pane dzimwe nguva tinofanira kuti ti“taure shoko raMwari tisingatyi,” noushingi tichidzivirira kutenda kwedu. (VaFiripi 1:14) Asi kazhinji kacho chinangwa chedu chikuru ndechokuparidza mashoko akanaka. (Mateu 24:14) Kana munhu akaona chokwadi pamusoro pezvinangwa zvaMwari, anogona zvino kurasa pfungwa dzechitendero chenhema ozvichenesa pamiitiro inosvibisa. Saka nepazvinobvira napo, zvakanaka kusimbisa zvinhu zvinofadza vateereri vedu, tichitangira pazvinhu zvatinowirirana navo pazviri. Hapana zvazvinobatsira kungoshatirisa munhu aizodai ateerera shoko redu kudai tamusvikira nounyanzvi.—2 VaKorinde 6:3.

Vane Rugare Mumhuri

12. Munzira dzipi matingava norugare mumhuri?

12 Pauro akati vaya vanoroora “vachatambudzika panyama yavo.” (1 VaKorinde 7:28) Pachava nematambudziko akasiyana-siyana. Mamwe acho ndeokuti vakaroorana vachatadza kuwirirana nguva nenguva. Vangagadzirisa sei kusawirirana uku? Nenzira ine rugare. Munhu ane rugare achaedza kumisa bopoto risati rakura. Sei? Chokutanga, nokuchengetedza rurimi. Ikashandiswa kutaura kwokunyomba nokudenha, iyi nhengo duku inogona zvechokwadi kuva “chinhu chisingadzoreki chakaipa, chakazara nouturu hunouraya.” (Jakobho 3:8) Munhu ane rugare anoshandisa rurimi rwake kuvaka pane kuputsa.—Zvirevo 12:18.

13, 14. Tingachengetedza sei rugare kana tapotsa muromo kana kuti kana tashatirwa?

13 Sezvo tisina kukwana, tose zvedu tinombotaura zvimwe zvinhu zvatinozodemba. Kana izvi zvaitika, kurumidza kugadzirisa—kuva norugare. (Zvirevo 19:11; VaKorose 3:13) Musanyura mu“nharo pamusoro pemashoko” uye “nharo dzakasimba pamusoro pezvisingakoshi.” (1 Timoti 6:4, 5) Pane kudaro, tarisisa nhau wonzwisisa manzwiro ari kuita mumwe wako. Kana ukataurirwa mashoko anorwadza usadzorerawo zvinorwadza. Yeuka kuti “mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.”—Zvirevo 15:1.

14 Dzimwe nguva, ungafanira kufunga nezvezano raZvirevo 17:14 rinoti: “Rega rukave kurwa kusati kwasvika.” Ibva pane mamiriro ezvinhu akaipa. Gare gare, kana hasha dzaserera, pamwe munenge mava kukwanisa kugadzirisa chinetso chacho murugare. Muzvimwe zviitiko, izano rakanaka kudana mutariri wechiKristu akakura mumudzimu kuti akubatsirei. Ava varume vanoziva uye vane hanya nevamwe vanogona kubatsira zvinozorodza kana rugare rwomumba rwava kuda kuparara.—Isaya 32:1, 2.

Vane Rugare Muungano

15. Maererano naJakobho, muitiro upi wakashata wakanga watanga pakati pevamwe vaKristu, uye nei muitiro iwoyo uri ‘wepasi,’ ‘wemhuka,’ uye ‘woudhimoni’?

15 Zvinosuruvarisa kuti vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaratidza kuva negodo nokukakavara—izvo zvinonyatsopesana norugare. Jakobho akati: “Uhwu hahusi uchenjeri hunobva kumusoro, asi ndehwepasi, hwemhuka, hwoudhimoni. Nokuti pane godo nokukakavara, ndipo pane kunyongana nechinhu chose chakaipa.” (Jakobho 3:14-16) Vamwe vanodavira kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kukakavara” rine chokuita nokuva neshungu dzoudyire, kutsvaka kuva nechinzvimbo. Regai Jakobho azoti ‘ndehwepasi, hwemhuka, hwoudhimoni.’ Munhau yose, vatongi venyika vakaita zvokuda kukakavara, vachirwisana semhuka dzomusango. Kuda kukakavara ‘ndekwepasi’ uye ‘ndekwemhuka.’ Uyewo ‘ndekwoudhimoni.’ Unhu uhwu hwounyengeri hwakatanga kuratidzwa nengirozi yaida kwazvo kuva nesimba yakatanga kurwisana naJehovha Mwari ikava Satani, mutongi wemadhimoni.

16. Vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaratidza sei unhu hunenge hwaSatani?

16 Jakobho akakurudzira vaKristu kuramba pfungwa dzokuva vanokakavara, nokuti dzinopesana norugare. Akanyora kuti: “Hondo dzinobvepi nokurwa kunobvepi kuri pakati penyu? Hazvibvi pazvinhu izvi here, zvinoti, kuchiva kwenyu kufadza nyama kunorwisana nemitezo yenyu?” (Jakobho 4:1) Pano “kuchiva . . . kufadza nyama” kwaigona kureva kukara zvinhu zvokunyama kana kuti kuda kuva nomukurumbira, kudzora, kana kuti kuva nesimba. Kufanana naSatani, vamwe vaive muungano vangava vaida kuva nomukurumbira panzvimbo pokuva ‘vaduku,’ sezvakataurwa naJesu kuvaizova vateveri vake vechokwadi. (Ruka 9:48) Muitiro wakadaro unogona kutorera ungano rugare.

17. VaKristu nhasi uno vangava sei norugare muungano?

17 Nhasi uno, tinofanira kusarerekera kumuitiro wokuda zvinhu zvenyama, godo, uye shungu dzokuda zvinzvimbo. Kana tiine rugare zvechokwadi, hatina basa nazvo kana vamwe muungano vaine unyanzvi kupfuura hwatiinahwo pakuita zvimwe zvinhu, uye hatizovadzikisi pamberi pevamwe nokutaura zvinoita kuti vaonekwe sevane vavariro dzakaipa. Kana tiine mamwe mano anocherechedzeka, hatiashandisi kuita kuti tiratidzike setiri nani kupfuura vamwe, sokunge kuti ungano inongobudirira chete nokugona kwedu uye unyanzvi. Muitiro wakadaro unokamuranisa; hauunzi rugare. Vane rugare havashamisiri nezvipo zvavo asi vanozvishandisa zvine mwero kushandira hama dzavo nokuunza rukudzo kuna Jehovha. Vanoziva kuti chinonyatsozivisa muKristu wechokwadi rudo, kwete mano.—Johani 13:35; 1 VaKorinde 13:1-3.

‘Rugare Ruve Vatariri Vako’

18. Vakuru vanotsigira sei rugare pakati pavo pachavo?

18 Vakuru veungano vanotungamirira pakuva norugare. Jehovha akafanotaura nezvevanhu vake kuti: ‘Rugare ndicharugadza ruve vatariri vako noKururama kuve vabati vako.’ (Isaya 60:17) Maererano nemashoko aya ouprofita, vaya vanoshanda sevafudzi vechiKristu vanoshanda zvakaoma kukurudzira rugare pakati pavo pachavo uye pakati pemakwai. Vakuru vanogona kuchengeta rugare pakati pavo pachavo nokuratidza “uchenjeri hunobva kumusoro” hune rugare uye hune kunzwisisa. (Jakobho 3:17) Nekwavanobva kwakasiyana-siyana noruzivo rwakasiyana-siyana muupenyu, vakuru muungano dzimwe nguva vachava nemaonero akasiyana. Izvi zvinoreva here kuti havana rugare? Handizvo kana zvinhu zvakadaro zvikabatwa zvakanaka. Vane rugare vanotaura zvavanofunga zvine mwero voteererawo noruremekedzo zvinofunga vamwe. Panzvimbo pokuomerera panzira dzake oga, ane rugare achanyengeterera kuti afunge nezvemaonero ehama dzake. Kana pasina nheyo iri kuputswa, kazhinji kacho panenge paine mukana wemaonero akatsaukana-tsaukana. Kana vamwe vasingapindirani naye, ane rugare achabvuma nokutsigira chisarudzo choruzhinji. Saka anenge aratidza kuti anonzwisisa. (1 Timoti 3:2, 3) Vatariri vane ruzivo vanoziva kuti kuchengetedza rugare kunokosha zvikuru kupfuura zvido zvavo.

19. Vakuru vanoshanda sei norugare muungano?

19 Vakuru vanotsigira rugare nemakwai nokuatsigira uye nokusangotsoropodza zvaanoedza kuita. Ichokwadi kuti pane dzimwe nguva vamwe vangada kugadziridzwa. (VaGaratiya 6:1) Asi basa guru romutariri wechiKristu harisi rokungopa chirango. Kazhinji kacho anokurudzira. Vakuru vane rudo vanoedza kuona zvakanaka zviri mune vamwe. Vatariri vanoonga basa rakaoma riri kuitwa nevamwe vaKristu, uye vane chivimbo chokuti vavanonamata navo vari kuita nepavanogona napo.—2 VaKorinde 2:3, 4.

20. Ungano ichabatsirwa munzira ipi kana vose vaine rugare?

20 Nokudaro, mumhuri, muungano, uye mukubata nevasiri vechitendero chedu, tinoedza kuva norugare, kushandira rugare. Kana tikashingairira kuva norugare, tichawedzera mufaro weungano. Uyewo, tichadzivirirwa ndokusimbiswa munzira dzakawanda, sezvatichaona munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Kuva norugare kunorevei?

• Tingava sei vane rugare mukubata nevasiri Zvapupu?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzokuva nadzo norugare mumhuri?

• Vakuru vangakurudzira rugare sei muungano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vane rugare havazvitutumadzi

[Mifananidzo iri papeji 10]

VaKristu vane rugare muushumiri, pamusha, uye muungano