Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kokorodzano—Dzinosimbisa Ukama Hwedu Zvinofadza

Kokorodzano—Dzinosimbisa Ukama Hwedu Zvinofadza

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

Kokorodzano—Dzinosimbisa Ukama Hwedu Zvinofadza

JOSEPH F. RUTHERFORD ane makore 50, aine utano husina kutsarukana pashure pokupedza rinoda kusvika gore mujeri zvisina ruramisiro, anofara kubatsira vamwe kutakura midziyo yavo. Achiratidza kuti achine simba anotakura masutukezi uye anobatsira vamwe vaKristu kuenda kumakamuri avo omuhotera. Vamwe vaviri vaakambosungwawo navo—Vadzidzi veBhaibheri saiye—vanopa boka guru revanhu rakamirira kupiwa pokugara makamuri avaizogara. Zvinhu zvinoramba zvichienderera mberi kusvikira patova pakati pousiku chaipo. Vose vanonzwa vachifara chaizvo. Chiitiko chacho ndechei?

Gore racho ndi1919, uye Vadzidzi veBhaibheri (vanozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha) vachiri kupora kubva pakutambudzwa noutsinye. Kuti vasimbisezve hama dzavo, vari kuita kokorodzano paCedar Point, Ohio, U.S.A., kubvira musi waSeptember 1 kusvikira musi wa8, 1919. Pazuva rokupedzisira rekokorodzano yacho, boka riri kufara revanhu 7 000 rinonyatsoteerera sezvo Hama Rutherford vanokurudzira mumwe nomumwe ari pakokorodzano iyi nemashoko okuti: “Muri nhume yaMambo wemadzimambo naShe wemadzishe, muchizivisa vanhu . . . umambo hune mbiri hwaShe wedu.”

Pavanhu vaJehovha, kokorodzano dzakatanga shure munguva yevaIsraeri vekare. (Eksodho 23:14-17; Ruka 2:41-43) Kuungana kwakadaro kwaiva zviitiko zvinofadza, kuchibatsira vose vaivapo kuramba vachifunga Shoko raMwari. Kufanana naizvozvo, kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha mazuva ano dzinongova dzezvinhu zvomudzimu. Kune vanocherechedza nomwoyo wose, kuungana kunofadza kwakadaro kunopa uchapupu husingarambiki hwokuti Zvapupu zvakabatanidzwa muukama hwakasimba hwechiKristu.

Zvavanoita Kuti Vapinde

VaKristu vemazuva ano vanoziva kuti kokorodzano dzavo inguva inoita kuti vafunge zvinhu zvitsva zvokumudzimu uye yokurayiridzwa neShoko raMwari. Vanoona kuungana kukuru uku senzira inokosha kwazvo yokuvabatsira ku‘mira vakakwana vachitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’ (VaKorose 4:12) Saka, Zvapupu zvinotsigira kuungana uku nomwoyo wose, zvichiita zvose zvazvinogona kuti zvipinde.

Kune vamwe, kuvapo kwavo pakokorodzano dzakadaro kunoda kutenda uye kukunda zvipingamupinyi zvakaita semakomo. Somuenzaniso, funga nezvechimwe Chapupu chachembera chokuAustria. Kunyange chaiva nechirwere cheshuga uye chichifanira kubayiwa jekiseni reinsulin mazuva ose, chakava nechokwadi chokuti chinopinda mazuva ose ekokorodzano yoruwa munyika macho. MuIndia, imwe mhuri huru yeZvapupu yaiva muurombo hwakanyanyisa yakaona zvakaoma kwazvo kuti ipinde kokorodzano. Mumwe womumhuri yacho akabatsira. Akati: “Ndichida kuvapo pachiitiko chacho, ndakatengesa mhete dzangu dzendarama kuti ndibhadhare rwendo rwacho. Zvakabatsira, nokuti ushamwari nezviitiko zvakataurwa zvakasimbisa kutenda kwedu.”

MuPapua New Guinea, vamwe vanhu vanofarira, vasina kubhabhatidzwa vakanga vashinga kupinda imwe kokorodzano yaiva muguta guru. Vakanotaura nomumwe murume anogara munharaunda yavo aiva nemotokari yokutakurisa vanhu ndokumubvunza kuti aizovaitira marii kuvaendesa kukokorodzano. Sezvo vakanga vasingakwanisi mari yaidiwa yacho, vakaronga kushanda paimba yomurume uyu, vachigadzira patsva kicheni yake. Saka vakakwanisa kuenda kukokorodzano yoruwa ndokubatsirwa nokupinda purogiramu yose.

Daro harisi dambudziko risingakundiki kuZvapupu zvaJehovha zvinenge zvichida kuvapo pakokorodzano. Muna 1978, mumwe wechiduku anobva kuPoland akachovha bhasikoro makiromita 1 200 kwemazuva matanhatu kuti apinde kokorodzano yaiva muLille, kuFrance. Muchirimo cha1997, zvimwe Zvapupu zviviri zvinobva kuMongolia zvakafamba rwendo rwemakiromita 1 200 kuti zvinopinda gungano rechiKristu muIrkutsk, kuRussia.

Ukama Hwechokwadi Hunoratidzwa

Kubatana uye ukama hunoratidzwa neZvapupu pakokorodzano dzazvo hunonyatsoonekwa nevanhu vane pfungwa dzisina kwadzakarerekera vanozvicherechedza. Vakawanda vakaororwa nokuti pavanhu vanenge vari pakokorodzano idzi hapana rusaruro uye kuti pane ushamwari hwechokwadi kunyange pakati pevaya vanenge vachitanga kuonana.

Pane imwe kokorodzano yemarudzi akawanda ichangobva kuitwa kuAustralia, mumwe anoratidza vashanyi nzvimbo uyo akanga afamba nevakanga vapinda kokorodzano achivaratidza nzvimbo kwevhiki imwe aida kugara navo kwenguva yakati rebei kuti anakidzwe nokusonganira navo. Aororwa norudo rwavo nokubatana, akatadza kuzvidavira kuti vaiwirirana zvakanaka kudaro, sezvo vakawanda vavo vakanga vasingambozivani. Pakasvika nguva yokuti achienda, akadaidzira kuti vamuteerere. Achivadaidza kuti “hama nehanzvadzi,” akatanga kuvatenda asi akatadza kupedza, nokuti akazarirwa akatanga kuchema.

Muna 1997, Sri Lanka yakava nekokorodzano yayo yokutanga yemitauro mitatu munhandare hombe. Purogiramu yose yakaitwa panguva imwe chete muchiRungu, chiSinhalese, nechiTamil. Munyika iyi ine madzinza ari kuwedzera kuvengana, kuungana kwakadaro kwemapoka anotaura mitauro mitatu kwakacherechedzwa nevanhu. Mumwe mupurisa akabvunza imwe hama kuti: “Ndivanaani vari kutungamirira gungano iri—vaSinhalese, vaTamil, kana kuti vaRungu?” “Hapana boka riri kutungamirira gungano iri,” yakapindura ichidaro hama yacho. “Tose tiri kuita izvi pamwe chete.” Mupurisa wacho haana kuzvidavira. Mapoka emitauro mitatu aya paakabatana mumunyengetero wokupedzisira ndokuti “Ameni” pamwe chete zvinoita maungira munhandare yose, vapindi vekokorodzano vakabva vangotanga vose kuombera maoko. Hapana muteereri asina kusvimha misodzi. Zvechokwadi, kokorodzano dzinosimbisa ukama hwedu zvinofadza.—Pisarema 133:1. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ona mapeji 66-77, 254-82 ebhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.