Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane Chingaita Kuti Vanhu Vabatane Zvechokwadi Here?

Pane Chingaita Kuti Vanhu Vabatane Zvechokwadi Here?

Pane Chingaita Kuti Vanhu Vabatane Zvechokwadi Here?

PASINEI nezvaunotenda, pamwe unobvuma kuti munenge muzvitendero zvose mune vanoda chokwadi. MuvaHindu, vaKaturike, vaJudha, nevamwewo munogona kuwanikwa vanhu vanodisisa zvinhu zvechokwadi uye vanoda kuzvitsvaka. Asi, chitendero chinoita sechinokamura vanhu. Vamwe vanotoshandisa chitendero nokuda kwezvinangwa zvakaipa. Zvichazomboita here kuti vanhu vakazvipira nomwoyo wose vanobva muzvitendero zvose vanoda zvinhu zvakanaka nezvechokwadi vabatane? Vangabatana nokuda kwechinangwa chakafanana here?

Zvinovhiringidza chaizvo kuona kuti chitendero ndicho chiri kuramba chichiita kuti vanhu vakamurane! Funga nezvokumwe kupesana uku. VaHindu vanorwisa vaBuddha muSri Lanka. VaPurotesitendi, vaKaturike, nevaJudha vakadeura ropa muhondo dzakatsaukana-tsaukana. “VaKristu” vanorwisa vaMuslim muBosnia, muChechnya, muIndonesia, uye muKosovo. Uye muna March 2000, kurwisana kwemazuva maviri kune chokuita nechitendero kwakasiya vanhu 300 vokuNigeria vafa. Chokwadi, kuvenga vanhu vechimwe chitendero ndiko kwakaita kuti kurwisana uku kunyanyise.

Vanhu vakazvipira nomwoyo wose vanowanzopedzwa simba nouipi hunoitwa muzita rechitendero. Somuenzaniso, vanoenda kuchechi vakawanda vanoshamiswa nokuti vafundisi vakashinha nevana havana zvavakamboitwa nedzimwe chechi. Vamwe vatendi vanonyara zvikuru nokusawirirana kunoitika mumapoka anonzi echiKristu panyaya dzakadai soungochani nokubvisa pamuviri. Chokwadi, chitendero hachina kuita kuti vanhu vabatane. Asi, muzvitendero zvakawanda mune vanhu vanonyatsoda chokwadi, sezvinoratidzwa nezvakaitika zvinotevera.

Vaida Chokwadi Zvikuru

Fidelia akanga ari munamati wepachokwadi uye akazvipira muChechi yeKaturike yokuSan Francisco muLa Paz, kuBolivia. Aikotama pamberi pomufananidzo waMariya uye aiisa makenduru akanakisisa aaigona kutenga pamberi pomufananidzo waKristu ari pamuchinjikwa. Vhiki yoga yoga aipa zvokudya zvakawanda kumupristi kuti azvipe varombo. Zvisinei, vana vashanu vaFidelia vakafa vasati vabhabhatidzwa. Mupristi paakamuudza kuti vose vakanga vachitambura muNyikadzimu, Fidelia akanetseka kuti, ‘Kana Mwari akanaka, ko zvingadaro sei?’

Tara, mumwe chiremba, akarerwa somuHindu muKathmandu, kuNepal. Achitevedzera tsika dzemadzitateguru ake dzakanga dzavapo kwemazana emakore, ainamata vanamwari vake mutemberi dzevaHindu uye aiva nezvidhori mumusha make. Asi Tara ainetseka nemibvunzo yakadai seiyi: Nei kune kutambura kwakawanda kudai? Nei vanhu vachifa? Haana nemhinduro inonyatsomugutsa yaakawana muchitendero chake.

Panya akakurira muimba yaiva parutivi porwizi somuBuddha muBangkok, kuThailand. Akadzidziswa kuti kutambura kunovapo nemhaka yezvakaitwa muupenyu hwakapfuura uye kuti munhu unotorega kutambura kana ukarega kuva nezvaunoda. Kufanana nevamwe vaBuddha vakazvipira nomwoyo wose, akadzidziswa kuremekedza zvikuru uchenjeri hwevamongi vanopfeka magemenzi eyero vaiuya kumba kwacho mangwanani oga oga kuzotora mipiro. Aiitawo tsika yokufungisisa uye aiunganidza mifananidzo yaBuddha achidavira kuti yaidzivirira. Apinda mutsaona yakaipisisa yakasiya nhengo dzomuviri wake dzisisashandi kubva muchiuno zvichidzika, Panya akashanyira dzimba dzemamongi dzechiBuddha, achitarisira nomwoyo wose kuti achaporeswa zvinoshamisa. Haana kuporeswa uye haana kuona chiedza chomudzimu. Panzvimbo paizvozvo, akapinzwa mune zvokudavira midzimu akatanga kubatikana nazvo.

Virgil akaberekerwa muUnited States uye akabatana nevaMuslim Vechitema kukoreji. Aishingaira kuparadzira mabhuku avo aitaura kuti vachena ndivanaDhiyabhorosi. Vaifunga kuti ndicho chikonzero nei vachena vaiitira vatema utsinye hwakawanda kwazvo. Kunyange zvazvo aiva akazvipira nomwoyo wose muzvitendero zvake, Virgil aivhiringidzwa nemibvunzo yokuti: Zvingaita here kuti vachena vose vabve vanzi vakaipa? Uye nei mharidzo dzakawanda dzacho dzichingova dzemari chete?

Kunyange zvazvo Charo akakurira kuSouth America yakazara nevaKaturike, aiva muPurotesitendi akakwana. Aifadzwa kuti akanga asinganamati zvidhori sezvaiita vakawanda vakanga vakamupoteredza. Charo aifarira kuenda kuchechi musi weSvondo woga woga kumunamato unobaya mwoyo, kwaaishevedzera achiti “Hareruya!” obatana nevamwe mukuimba nokutamba kwaizotevera. Charo aidavira nomwoyo wose kuti akanga aponeswa uye aberekwazve. Kuchechi aibhadhara chegumi chemari yaaitambira, uye apo muparidzi wepaTV waainyanya kufarira aikumbira mipiro, aimutumira mari nokuda kwevana vokuAfrica. Zvisinei, paakabvunza mufundisi wake kuti nei Mwari ane rudo aitambudza mweya muhero, akaona kuti akanga asina mhinduro kwayo. Pava paya, akaziva kuti mipiro yake yakanga isingashandiswi kubatsira vana kuAfrica.

Kunyange vachibva kwakasiyana-siyana, vanhu vashanu ava vaiva nechimwe chinhu chavaida vose. Vaida chokwadi uye vaitsvaka nomwoyo wose mhinduro dzechokwadi kumibvunzo yavo. Asi vaigona here kubatana chaizvo pakunamata kwechokwadi? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Zvinoita here kuti vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vabatane zvechokwadi?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

G.P.O., Jerusalem