Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uchawana Kuropafadza kwaJehovha Here?

Uchawana Kuropafadza kwaJehovha Here?

Uchawana Kuropafadza kwaJehovha Here?

“Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, [uchakuwana], kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.”—DHEUTERONOMIO 28:2.

1. Chii chaizoita kuti vaIsraeri varopafadzwe kana kutukwa?

PEDYO nomugumo werwendo rwavo rwemakore 40 murenje, vaIsraeri vakanga vakadzika misasa paMapani eMoabhi. Nyika Yakapikirwa yakanga iri pamberi pavo. Ipapo Mosesi akanyora bhuku raDheuteronomio, rinosanganisira nhevedzano yokuropafadza nokutuka. Kana vaIsraeri vaizoramba vachi“teerera inzwi raJehovha” nokuita zvaaitaura, ‘vaizoropafadzwa.’ Jehovha aivada so“rudzi [rwake] chairwo” uye aida kuratidza simba rake akavamiririra. Asi kana vaizorega kuramba vachimuteerera, vaizotukwa.—Dheuteronomio 8:10-14; 26:18; 28:2, 15.

2. Mashoko echiito echiHebheru anoshandurwa kuti ‘ramba uchiteerera’ uye “wana” pana Dheuteronomio 28:2 anorevei?

2 Shoko rechiito rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘ramba uchiteerera’ pana Dheuteronomio 28:2 rinoratidza chiito chinopfuurira. Vanhu vaJehovha havafaniri kungomuteerera havo pano neapo; vanofanira kugara vachimuteerera. Ndipo chete pavanozowana kuropafadza kwaMwari. Shoko rechiito rechiHebheru rinoshandurwa kuti “wana” rakazivikanwa seshoko rokuvhima, kazhinji kacho richireva “kubata” kana kuti “kusvika.”

3. Tingaita sei saJoshua, uye nei izvi zvichikosha zvikuru?

3 Joshua mutungamiriri wevaIsraeri akasarudza kuteerera Jehovha, uye akabva aropafadzwa. Joshua akati: “Zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira . . . Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.” Vanzwa kudaro, vanhu vakapindura kuti: “Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari.” (Joshua 24:15, 16) Pamusana pemafungiro aJoshua akanaka kwazvo, iye akanga ari pakati pevashomanana vezera rake vakaropafadzwa kupinda muNyika Yakapikirwa. Nhasi tava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa inopfuura iyoyo nokure—pasi riri paradhiso, umo vaya vanotenderwa naMwari vacharopafadzwa zvikuru kudarika zvakaitwa vomuzuva raJoshua nokure. Uchawana kuropafadzwa ikoko here? Ndokunge waramba uchiteerera Jehovha. Kuti usimbise kushinga kwako kuita kudaro, funga nezvenhoroondo yorudzi rwaIsraeri wekare uyewo mienzaniso inorayiridza yevamwe vanhu.—VaRoma 15:4.

Kuropafadzwa Here Kana Kuti Kutukwa?

4. Achipindura munyengetero waSoromoni, Mwari akamupei, uye tinofanira kunzwa sei pamusoro pokuropafadzwa kwakadaro?

4 Kwenguva huru yokutonga kwaMambo Soromoni, vaIsraeri vakaropafadzwa naJehovha zvinopfuura zvenguva dzose. Vainzwa vakachengeteka uye vaiva nezvinhu zvakawanda zvakanaka. (1 Madzimambo 4:25) Upfumi hwaSoromoni hwakaita mbiri, kunyange zvazvo akanga asina kukumbira Mwari upfumi. Asi, paakanga achiri muduku uye asina ruzivo rwakakura, akanga anyengeterera kuti ave nomwoyo unoteerera—chikumbiro icho Jehovha akamupa nokumukomborera nouchenjeri nokunzwisisa. Izvi zvakaita kuti Soromoni akwanise kutonga vanhu zvakanaka, achinzwisisa zvakanaka nezvakashata. Kunyange zvazvo Mwari akamupawo upfumi nembiri, paaiva jaya, Soromoni akakoshesa ukoshi hukuru hwepfuma yake yokumudzimu. (1 Madzimambo 3:9-13) Kunyange tine zvinhu zvakawanda kana kuti tisina, tinoonga zvikuru kana tichiropafadzwa naJehovha uye takapfuma mumudzimu!

5. Chii chakaitika vaIsraeri nevaJudha pavakakundikana kuramba vachiteerera Jehovha?

5 VaIsraeri vakakundikana kuonga kuropafadzwa kwavakaitwa naJehovha. Nokuti havana kuramba vachimuteerera, vakawana kutukwa kwakafanotaurwa. Izvi zvakaguma nokukundwa nevavengi vavo uye kutapwa kwoumambo hweIsraeri neJudha. (Dheuteronomio 28:36; 2 Madzimambo 17:22, 23; 2 Makoronike 36:17-20) Vanhu vaMwari vakadzidza here kubva mukutambura kwakadaro kuti kuropafadza kwaMwari kunowanwa nevanoramba vachiteerera Jehovha chete? Vakasara vechiJudha vakadzoka kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E. vaiva nomukana wokuratidza kana vakanga vawana “mwoyo wakachenjera” uye vava kuona kudiwa kwokuramba vachiteerera Mwari.—Pisarema 90:12.

6. (a) Nei Jehovha akatuma Hagai naZekaria kunoprofita kuvanhu vake? (b) Inheyo ipi yakaenzanisirwa neshoko rakataurwa naMwari achishandisa Hagai?

6 VaJudha vakanga vadzoka kunyika yavo vakavaka atari uye vakatanga kushanda patemberi muJerusarema. Asi pavakatanga kupikiswa zvakasimba, kushingaira kwavo kwakatanga kuderera uye kuvaka kwakamira. (Ezra 3:1-3, 10; 4:1-4, 23, 24) Vakatangawo kukoshesa zvaiita kuti upenyu hwavo hunakidze. Saka Mwari akatuma vaprofita vake Hagai naZekaria kuzoita kuti vanhu vake vashingairirezve kunamata kwakachena. Achishandisa Hagai, Jehovha akati: “Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino [yokunamatira] riri dongo here? . . . Cherechedzai zvamakaita. Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; . . . unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka.” (Hagai 1:4-6) Kurega zvinhu zvokunamata uchitsvaka kuti zvikunakire kunyama hakugumi nechikomborero chaJehovha.—Ruka 12:15-21.

7. Nei Jehovha akati kuvaJudha: “Cherechedzai zvamakaita”?

7 Vanyura mukufunga zvinhu zvemazuva ose, vaJudha vakanga vakanganwa kuti Mwari aizovaropafadza nokuvanayisira mvura uye kuvapa mwaka inobereka kana vaizoramba vachimuteerera chete, kunyange pavairwiswa. (Hagai 1:9-11) Saka akakodzera sei mashoko okurayira okuti: “Cherechedzai zvamakaita”! (Hagai 1:7) Chaizvoizvo, Jehovha akanga ari kuvaudza kuti: ‘Fungai! Onai kubatana kwakaita kushanda kwenyu pasina muminda nokuparara kweimba yangu yokunamatira.’ Mashoko akafuridzirwa evaprofita vaJehovha pakupedzisira akapinda mumwoyo yevaivateerera, nokuti vanhu vakatangisazve kushanda patemberi, vachiipedza muna 515 B.C.E.

8. Jehovha akarayirei vaJudha vomuzuva raMaraki, uye nei?

8 Gare gare, mumazuva aMaraki, vaJudha vakanga vasisaoneki pavamire chaipo panyaya yokunamata, vachitopa zvibayiro zvisingagamuchiriki kuna Mwari. (Maraki 1:6-8) Saka Jehovha akavarayira kuti vauye nezvegumi zvezvibereko zvavo kuimba yokuchengetera uye kuti vamuedze kuti vaone kana aisazovavhurira misuo yokudenga ovadururira zvikomborero kusvikira vasisadi zvimwe. (Maraki 3:10) Inga vaJudha vakanga vakapusa chaizvo kutamburira zvinhu zvavaizopiwa naMwari ari mafashafasha kudai vaizongoramba vachiteerera inzwi rake!—2 Makoronike 31:10.

9. Tichaongorora upenyu hwevanhu vapi vatatu vakanyorwa muBhaibheri?

9 Kuwedzera panhau yevaIsraeri, Bhaibheri rine zviitiko zvakatevedzana zvoupenyu hwevanhu vakawanda vakagamuchira kuropafadzwa kana kuti kutukwa kubva kuna Mwari, zvichienderana nokuti vaiteerera Jehovha here kana kuti kwete. Ngationei zvatingadzidza kubva muvatatu vavo—Bhoazi, Nabhari, uye Hana. Maererano neizvi, ungada kuverenga bhuku raRute nera1 Samueri 1:1–2:21 uye 1 Samueri 25:2-42.

Bhoazi Akateerera Mwari

10. Bhoazi naNabhari vaiva vakafanana papi?

10 Kunyange zvazvo Bhoazi naNabhari vasina kurarama panguva imwe chete, vaiva nezvimwe zvinhu zvakafanana. Somuenzaniso, varume vaviri ivavo vaigara munyika yeJudha. Vaiva vanatenzi vakapfuma, uye vose vaiva nomukana unokosha wokuratidza mutsa worudo kune mumwe munhu anoshayiwa. Asi izvozvo ndizvo zvoga zvavakanga vakafanana.

11. Bhoazi akaratidza sei kuti airamba achiteerera Jehovha?

11 Bhoazi akararama munguva yevatongi veIsraeri. Airemekedza vamwe, uye vashandi vake vokukohwa vaimuremekedza zvikuru. (Rute 2:4) Achiteerera Mutemo, Bhoazi aiva nechokwadi kuti mumunda make maisaririra zvimwe zvaizounganidzwa nevanotambura nevarombo. (Revhitiko 19:9, 10) Bhoazi akaitei paakaziva nezvaRute naNaomi uye ndokuona kubishaira kwaiita Rute kuti atarisire vamwene vake vakanga vachembera? Akaratidzira Rute tsitsi zvikuru ndokurayira varume vaimushandira kuti vasiye Rute achiunganidza zvakanga zvasaririra mumunda make. Nemashoko ake nezviito zvorudo, Bhoazi akaratidza kuti aiva munhu aikoshesa zvinhu zvokumudzimu aiteerera Jehovha. Naizvozvo akanzwirwa nyasha nokuropafadzwa naMwari.—Revhitiko 19:18; Rute 2:5-16.

12, 13. (a) Bhoazi akaratidza sei kuti aikoshesa zvikuru mutemo waJehovha wokugara nhaka? (b) Kuropafadzwa kupi kunobva kuna Mwari kwakawanwa naBhoazi?

12 Chinonyanya kuratidza kuti Bhoazi akaramba achiteerera Jehovha yaiva nzira isina udyire yaakaita nayo zvinodiwa nomutemo waMwari wokugara nhaka. Bhoazi akaita zvose zvaaigona kuti ave nechokwadi chokuti nhaka yehama yake—murume waNaomi, mushakabvu Erimereki—yaizoramba iri muimba yaErimereki. Noku‘wanikwa nomukoma kana mumunun’una womurume wayo,’ chirikadzi yaifanira kuroorwa nehama yepedyo yomurume wayo kuitira kuti mwanakomana wavaizobereka apfuudzire nhaka. (Dheuteronomio 25:5-10; Revhitiko 25:47-49) Rute akabvuma kuroorwa panzvimbo yaNaomi, uyo akanga aguma ura. Hama yepedyo yaErimereki payakaramba kubatsira Naomi, Bhoazi akatora Rute kuti ave mudzimai wake. Mwanakomana wavo Obhedhi akatorwa somwana waNaomi uye mugari nhaka wepamutemo waErimereki.—Rute 2:19, 20; 4:1, 6, 9, 13-16.

13 Bhoazi akaropafadzwa nezvakawanda pamusana pokuita kwake kusina udyire maererano nomutemo. Nokumwanakomana wavo Obhedhi, iye naRute vakakomborerwa neropafadzo yokuva madzitateguru aJesu Kristu. (Rute 2:12; 4:13, 21, 22; Mateu 1:1, 5, 6) Kubva mumabasa asina udyire aBhoazi, tinodzidza kuti kuropafadzwa kunowanwa nevaya vanoratidza rudo kune vamwe voita maererano nezvinodiwa naMwari.

Nabhari Haana Kuteerera

14. Nabhari aiva munhu worudzii?

14 Kusiyana naBhoazi, Nabhari akakundikana kuteerera Jehovha. Akatyora mutemo waMwari unoti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe.” (Revhitiko 19:18) Nabhari akanga asingakoshesi zvinhu zvokumudzimu; aiva “nomwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake.” Kunyange varanda vake vaimuona so“munhu . . . akaisvoipa.” Nenzira yakakodzera, zita rake rokuti Nabhari rinoreva kuti “benzi,” kana kuti “fuza.” (1 Samueri 25:3, 17, 25) Saka Nabhari aizoita sei paakawana mukana wokuratidza mutsa kune mumwe munhu anoshayiwa—Dhavhidhi, muzodzwa waJehovha?—1 Samueri 16:13.

15. Nabhari akabata sei Dhavhidhi, uye Abhigairi akaita sei zvakasiyana nomurume wake panyaya iyi?

15 Pavaiva vakadzika misasa pedyo nemakwai aNabhari, Dhavhidhi nevarume vake vakaadzivirira kuvapambi, vasingakumbiri kubhadharwa. “Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati,” akadaro mumwe wevafudzi vaNabhari. Zvisinei, apo vatumwa vaDhavhidhi vakakumbira zvokudya, Nabhari “akavatuka kwazvo” akavadzosa vasina chavakabata. (1 Samueri 25:2-16) Mudzimai waNabhari akakurumidza kuendesera Dhavhidhi zvokudya. Atsamwa kwazvo, Dhavhidhi akanga ava kuda kunoparadza Nabhari nevaranda vake. Saka kumira-mira kwakaita Abhigairi kwakaponesa vakawanda uye kwakaita kuti Dhavhidhi asava nemhaka yeropa. Asi makaro nehasha zvaNabhari zvakanga zvapfuura mwero. Anenge mazuva gumi gare gare, “Jehovha akarova Nabhari, akafa.”—1 Samueri 25:18-38.

16. Tingatevedzera sei Bhoazi tichiramba nzira dzaNabhari?

16 Chokwadi Bhoazi naNabhari vakanga vakasiyana! Nepo tichifanira kuramba nzira dzehasha noudyire dzaNabhari, ngatitevedzere mutsa uye kusava noudyire kwaBhoazi. (VaHebheru 13:16) Tinogona kuita kudaro nokushandisa zano romuapostora Pauro rokuti: “Chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Nhasi, “mamwe makwai” aJesu, vaKristu vane tariro yepasi pano, vane ropafadzo yokuitira zvakanaka vakazodzwa, vasara ve144 000, vachapiwa kusafa mudenga. (Johani 10:16; 1 VaKorinde 15:50-53; Zvakazarurwa 14:1, 4) Jesu anoona zviito zvorudo zvakadaro sezviri kuitirwa iye, uye kuita zvinhu zvakanaka izvi kunoguma nokuropafadzwa naJehovha zvikuru.—Mateu 25:34-40; 1 Johani 3:18.

Miedzo yaHana Nokuropafadzwa Kwake

17. Hana akatarisana nemiedzo ipi, uye akaratidza pfungwa dzakaita sei?

17 Hana, mudzimai aida Mwari akawanawo kuropafadza kwaJehovha. Aigara munyika yemakomo yeEfraimi nomurume wake aiva muRevhi, Erikana. Sezvaitenderwa noMutemo, Erikana aiva nomumwe mudzimai—Penina. Hana akanga agara asingabereki, chinhu chaizvidzisa kumukadzi wechiIsraeri, nepo Penina aiva nevana vakati kuti. (1 Samueri 1:1-3; 1 Makoronike 6:16, 33, 34) Zvisinei, pane kuti anyaradze Hana, Penina aiita nenzira isingaratidzi rudo yaiita kuti Hana ashungurudzike zvokutosvika pakusvimha misodzi nokushayiwa chido chokudya. Zvakatoipisisa, izvi zvaiitika “gore rimwe nerimwe,” nguva dzose paienda mhuri yacho kuimba yaJehovha kuShiro. (1 Samueri 1:4-8) Penina akanga asina tsitsi chokwadi, kuzoti Hana, akanga apinda pamuedzo chaiwo! Asi Hana haana kumbopa Jehovha mhosva; uye akanga asingasari kumba murume wake paaienda kuShiro. Naizvozvo, aizoguma aropafadzwa zvikuru.

18. Hana akaratidza muenzaniso wei?

18 Hana akaratidza muenzaniso wakaisvonaka kuvanhu vaJehovha nhasi, kunyanya kune vaya vangave vakarwadziwa nemashoko akashata akataurwa nevamwe. Mumamiriro ezvinhu akadaro, kuzviparadzanisa nevamwe haisiriyo mhinduro. (Zvirevo 18:1) Hana haana kubvumira miedzo yake kuderedza chido chake chokuenda kwaidzidziswa Shoko raMwari uye kwaiungana vanhu vake kuti vanamate. Naizvozvo akaramba akasimba mumudzimu. Kusimba kwaakanga akaita mumudzimu kwakaratidzwa mumunyengetero wake wakanaka kwazvo wakanyorwa pana 1 Samueri 2:1-10. *

19. Tingaratidza sei kuti tinoonga zvinhu zvokumudzimu?

19 Zvatiri vashumiri vaJehovha vemazuva ano, hatinamati patebhenekeri. Kunyange zvakadaro, tinogona kuratidza kuonga kwatinoita zvinhu zvokumudzimu, sezvakaita Hana. Somuenzaniso, tinogona kuratidza kuonga kwedu zvikuru pfuma yomudzimu nokugara tichipinda misangano yechiKristu, magungano, nekokorodzano. Ngatishandisei zviitiko izvi kukurudzirana mukunamatwa kwechokwadi kwaJehovha, uyo akatipa “ropafadzo yokumuitira basa dzvene nokusatya nokuvimbika nokururama.”—Ruka 1:74, 75; VaHebheru 10:24, 25.

20, 21. Hana akapiwa sei mubayiro nokuda kwokuzvipira kwake kuna Mwari?

20 Jehovha akacherechedza kuzvipira kwaiva naHana akamupa mibayiro yakawanda. Pane imwe yenzendo dzemhuri dzegore negore kuShiro, Hana akanyengetera nemisodzi nomwoyo wose kuna Mwari ndokuita mhiko iyi: “Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakanganwa murandakadzi wenyu asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake.” (1 Samueri 1:9-11) Mwari akanzwa chikumbiro chaHana akamukomborera nomwanakomana, waakatumidza zita rokuti Samueri. Paakanga arumurwa, akamuendesa kuShiro kuti anoshanda patebhenekeri.—1 Samueri 1:20, 24-28.

21 Hana akaratidza kuda Mwari ndokuzadzikisa mhiko yake yaiva ine chokuita naSamueri. Uye funga nezvezvikomborero zvakawanda izvo iye naErikana vakava nazvo nokuti mwanakomana wavo anodiwa aishanda patebhenekeri yaJehovha! Vabereki vakawanda vechiKristu vanewo mufaro wakadaro nokuti vanakomana nevanasikana vavo vanoshumira semapiyona enguva yakazara, senhengo dzemhuri yeBheteri, kana kuti nedzimwewo nzira dzinokudza Jehovha.

Ramba Uchiteerera Jehovha!

22, 23. (a) Tinogona kuva nechokwadi chei kana tikaramba tichiteerera inzwi raJehovha? (b) Munyaya inotevera muchataurwei?

22 Tinogona kuva nechokwadi chei kana tikaramba tichiteerera Jehovha? Tichapfuma mumudzimu kana tikaratidza kuda Mwari nomwoyo wose toratidza kuti takazvitsaurira kwaari. Kunyange kana kutevera nzira iyoyo kuchireva kuti tinofanira kutsungirira miedzo yakaoma, hatizomboregi kuwana kuropafadza kwaJehovha—kazhinji munzira huru kupfuura dzatingafungidzira.—Pisarema 37:4; VaHebheru 6:10.

23 Vanhu vaMwari vacharopafadzwa zvikuru munguva yemberi. “Boka guru revanhu” richachengetedzwa richipfuura nomu“kutambudzika kukuru” uye richawana mufaro woupenyu munyika itsva yaMwari nokuti rinoteerera Jehovha. (Zvakazarurwa 7:9-14; 2 Petro 3:13) Imomo Jehovha achagovera zvizere zvinhu zvakarurama zvinodiwa nevanhu vake vose. (Pisarema 145:16) Zvisinei, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera, kunyange iye zvino vaya vanoramba vachiteerera inzwi raJehovha vanokomborerwa ne‘zvipo zvakanaka nezvinopiwa zvakakwana zvinobva kumusoro.’—Jakobho 1:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Mashoko aHana akada kufanana neemhandara Mariya, ayakataura yava kuziva kuti yaizova amai vaMesiya.—Ruka 1:46-55.

Unoyeuka Here?

• Nhoroondo yevaIsraeri inotidzidzisei nezvokuropafadza kwaMwari?

• Bhoazi naNabhari vakanga vakasiyana sei?

• Tingatevedzera sei Hana?

• Nei tichifanira kuramba tichiteerera inzwi raJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mambo Soromoni akanyengeterera mwoyo unoteerera, uye Jehovha akamukomborera nouchenjeri

[Mufananidzo uri papeji 12]

Bhoazi akabata vamwe noruremekedzo nomutsa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Hana akaropafadzwa zvikuru pamusana pokuvimba naJehovha