Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kwechokwadi—Kuchiri Kubvira Here?

Kutenda Kwechokwadi—Kuchiri Kubvira Here?

Kutenda Kwechokwadi—Kuchiri Kubvira Here?

“Kutenda chivimbo chakasimba munyasha dzaMwari, kune chokwadi zvokuti mutendi wacho anoisa upenyu hwake mungozi kakawanda achivimba nakwo.”—MARTIN LUTHER, 1522.

“Tinenge tatova munzanga isinganamati musina zvachose kutenda kwechiKristu nemabasa akwo.”—LUDOVIC KENNEDY, 1999.

MAONERWO anoitwa kutenda anosiyana zvinoshamisa. Kare, kutenda muna Mwari kwakanga kuri kwose kwose. Mazuva ano, munyika izere kusava nechokwadi uye kutambura, kutenda kwechokwadi muna Mwari uye muBhaibheri kuri kutsakatika nokukurumidza zvikuru.

Kutenda Kwechokwadi

Kuvakawanda, “kutenda” kunongoreva kuva nechimwe chitendero kana kuti kutevera mamwe manamatiro. Zvisinei, semashandisirwo akwakaitwa muBhaibheri, “kutenda” kunonyanyoreva kuvimba zvakazara—chivimbo chakakwana chisingazununguki muna Mwari nezvipikirwa zvake. Ndicho chinhu chinoratidza kuti uyu mudzidzi waJesu Kristu.

Pane chimwe chiitiko, Jesu Kristu akataura nezvokukosha kwokunyengetera uye “kusarega.” Mukudaro, akamutsa mubvunzo pamusoro pokuti kutenda kwechokwadi kwaizombowanikwa here muzuva redu. Akabvunza kuti: “Panosvika Mwanakomana womunhu, chaizvoizvo achawana kutenda [uku] pasi pano here?” Nei akabvunza mubvunzo wakadaro?—Ruka 18:1, 8.

Kutenda Kwakaraswa

Zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti vanhu varase kutenda kupi zvako kwavangava nako. Zvimwe zvaizvozvo zvinhu zvinovhiringidza nemiedzo youpenyu hwezuva nezuva. Somuenzaniso, Purofesa Michael Goulder aiva mupristi womuManchester, kuEngland panguva yakaitika tsaona yendege yeMunich yomuna 1958 yakafira vazhinji vevatambi vechikwata chenhabvu cheManchester United. Muimwe purogiramu yeterevhizheni yeBBC, mushamarari Joan Bakewell akatsanangura kuti Goulder “akanzwa asina maturo paakaona ukuru hwenhamo yevanhu.” Mumwe wemigumisiro yacho ndewokuti “akarasa kutenda kwake muna Mwari anosarudza zvichaitika kuvanhu.” Goulder akataura kuti aidavira kuti “Bhaibheri harisi . . . shoko raMwari risingakanganisi” asi kuti “ishoko ravanhu rinokanganisa, zvichida rakafuridzirwa naMwari mune dzimwe nzvimbo.”

Dzimwe nguva kutenda kunongopera. Ndizvo zvakaitika kumunyori uye mushamarari Ludovic Kennedy. Iye anotaura kuti kubva pauduku “kusava nechokwadi [nezvaMwari] kwaimbouya kwodzokera uye kusadavira [kwake] kwakawedzera.” Zvinoratidzika sokunge pakanga pasina aikwanisa kumupa mhinduro dzine musoro kumibvunzo yake. Kufira munyanza kwababa vake kwakapedzisa kutenda kwakanga kwagara kusina kusimba. Minyengetero kuna Mwari “kuti aite kuti tisawirwa nengozi dzomunyanza uye tisarwiswa nevavengi” haina kupindurwa sezvo ngarava yakanga iina baba vake yakarwiswa ndokuparadzwa nengarava dzehondo dzeGermany muHondo Yenyika II.—All in the Mind—A Farewell to God.

Zviitiko zvakadaro hazvishamisi. “Kutenda,” anodaro muapostora Pauro, “hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Unofungei? Zvinobvira here kutenda muna Mwari neShoko rake munyika iri kuwedzera kusava nechokwadi? Ongorora zvinotaurwa nenyaya inotevera pamusoro penhau iyi.