Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

I“zororo” ripi rinotaurwa nezvaro pana VaHebheru 4:9-11, uye munhu ano“pind[a] muzororo iroro” sei?

Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru vomuzana remakore rokutanga kuti: “Kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari. Nokuti munhu anenge apinda muzororo raMwari anenge azororawo pamabasa ake, sezvakaita Mwari pane ake. Naizvozvo ngatiitei nepatinogona napo kuti tipinde muzororo iroro.”—VaHebheru 4:9-11.

Pauro paakataura nezvokuzorora kwaMwari pabasa Rake, zviri pachena kuti akanga achitaura nezvezvakanyorwa pana Genesi 2:2, patinoverenga kuti: “Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; aka[pfuurira ku]zorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita.” Nei Jehovha akapfuurira ku“zorora nomusi wechinomwe”? Chokwadi kwaisava kuti aida kuti awanezve simba kubva “pabasa rake rose raakaita.” Ndima inotevera inoratidza kuti: “Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari.”—Genesi 2:3; Isaya 40:26, 28.

“Musi wechinomwe” wakanga wakasiyana nemazuva matanhatu ose akanga apfuura mukuti waiva musi wakaropafadzwa naMwari uye waakaita mutsvene, kureva kuti, musi wakatsaurwa, kana kuti wakatsaurirwa chinangwa chinokosha. Chinangwa chacho chaiva chei? Pakutanga, Mwari akanga azivisa chinangwa chake chine chokuita nevanhu uye pasi. Kumurume wokutanga nomudzimai wake, Mwari akati: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Kunyange zvazvo Mwari akanga apa vanhu nepasi mavambo akakwana, zvaizoda nguva kuti pasi rose ririmwe ndokushandurwa kuva paradhiso yakazara nemhuri yevanhu vakakwana, sezvakanga zvarongwa naMwari. Saka pa“musi wechinomwe,” Mwari akazorora, kana kuti akarega kuitazve mamwe mabasa okusika epasi kuti abvumire zvaakanga atosika kuti zvikure maererano nokuda kwake. “Musi” iwoyo pauchapera, zvose zvakarongwa naMwari zvichaitika. Zororo iroro richava rakareba sei?

Tikadzokazve kumashoko aPauro ari muna VaHebheru, tinoona kuti akataura kuti “kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari,” uye akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti vaite nepavaigona napo kuti va“pinde muzororo iroro.” Izvi zvinoratidza kuti Pauro paakanyora mashoko iwayo, “musi wechinomwe” wezororo raMwari, wakanga watanga makore 4 000 akanga apfuura, wakanga uchiri kupfuurira. Hausi kuzopera kusvikira chinangwa chaMwari maererano nevanhu nepasi chazadzika zvakakwana panopera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu, uyo ari “Ishe wesabata.”—Mateu 12:8; Zvakazarurwa 20:1-6; 21:1-4.

Achifunga nezvetariro iyoyo yakaisvonaka, Pauro akatsanangura mapindire angaita munhu muzororo raMwari. Akanyora kuti: “Munhu anenge apinda muzororo raMwari anenge azororawo pamabasa ake.” Izvi zvinotiratidza kuti kunyange vaiva nemavambo akakwana, vanhu vose vakanga vasina kupinda muzororo raMwari. Yaiva mhaka yokuti Adhamu naEvha vakanga vasina kuchengeta zororo raMwari pa“musi wechinomwe” nokubvuma zvaakanga avarongera. Pane kudaro, vakapanduka uye vakada kuzvimiririra pana Mwari. Kutaura zvazviri, vakatevera zano raSatani pane kubvuma nhungamiro yaMwari yorudo. (Genesi 2:15-17) Saka, vakarasikirwa netariro yavo yokurarama nokusingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Kubvira ipapo, vanhu vose vakava varanda vechivi norufu.—VaRoma 5:12, 14.

Kupanduka kwevanhu hakuna kumisa chinangwa chaMwari. Zuva rezororo rake rinopfuurira. Zvisinei, Jehovha akaita chirongwa chorudo—rudzikinuro—achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuti vose vanochigamuchira pahwaro hwokutenda vangatarira mberi kurusununguko ndokuzorora pamutoro wechivi norufu. (VaRoma 6:23) Ndicho chikonzero nei Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti va‘zorore pamabasa avo.’ Vaifanira kubvuma chirongwa chaMwari chokuponesa kwete kuedza kushandira nguva yavo yemberi munzira yavo pachavo, sezvakaita Adhamu naEvha. Vaifanirawo kurega kutevera mabasa avo pachavo okuzviruramisa.

Kusiyana nokutsvaka zvinhu zvoudyire kana kuti zvenyika kuti uite kuda kwaMwari zvechokwadi kunozorodza. Jesu akakoka vanhu achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30.

Zvechokwadi kukurukura kwaPauro nezvezororo raMwari uye kuti munhu angapinda sei mariri kwaikurudzira vaKristu vechiHebheru vaiva muJerusarema, vakanga vatsungirira chitambudzo chakakura uye kusekwa nemhaka yokutenda kwavo. (Mabasa 8:1; 12:1-5) Saizvozvowo, mashoko aPauro anogona kukurudzira vaKristu nhasi. Tichiziva kuti kuzadzika kwechipikirwa chaMwari chokuita pasi paradhiso pasi poUmambo hwake hwakarurama kwava pedyo kwazvo, isuwo tinofanira kuzorora pamabasa edu tobva taita nepatinogona napo kuti tipinde muzororo iroro.—Mateu 6:10, 33; 2 Petro 3:13.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Chipikirwa chaMwari chepasi rinenge riri paradhiso chichazadzika panopera zuva rake rokuzorora