Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mungabatsira Sei Mwana “Anopanduka”?

Mungabatsira Sei Mwana “Anopanduka”?

Mungabatsira Sei Mwana “Anopanduka”?

“Fara nokuti . . . akanga arasika, akawanwa.”—RUKA 15:32.

1, 2. (a) Vamwe vaduku vakaita sei kuchokwadi chechiKristu? (b) Vabereki nevana vari mumamiriro akadaro ezvinhu vanganzwa sei?

“NDAVA kusiya chokwadi!” Zvinovhiringidza zvakadini kuvabereki vanotya Mwari vakaedza zvakaoma kuyarutsa vana vavo munzira yechiKristu kuti vanzwe mashoko aya achibva kumwana wavo! Vamwe vechiduku ‘vanongokukurwa’ vasina kutombozivisa zvavari kuda kuita. (VaHebheru 2:1) Vazhinji vaivava vakafanana nemwanakomana mupambadzi womumufananidzo waJesu, akasiya imba yababa vake ndokuparadza nhaka yake kunyika iri kure.—Ruka 15:11-16.

2 Kunyange zvazvo vazhinji veZvapupu zvaJehovha vasina dambudziko iri, kune avo vanaro, hapana mashoko okunyaradza anogona kubvisa zvachose marwadzo avo. Uye chimwe chisingadi kufuratirwa kusafara kungasanganwa nakwo nowechiduku wacho ane misikanzwa. Nechomukati-kati, hana yake ingamutambudza. Mumufananidzo waJesu, mwanakomana mupambadzi akapedzisira “apengenuka,” zvikafadza baba vake. Vabereki nevamwe vari muungano vangabatsira sei vana vanopanduka kuti ‘vapengenuke’?—Ruka 15:17.

Chinoita Kuti Vamwe Vasarudze Kusiya Chokwadi

3. Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei vechiduku vachisarudza kusiya ungano yechiKristu?

3 Pane mazana ezviuru zvevechiduku vanoshumira Jehovha nomufaro muungano yechiKristu. Ko zvino nei vamwe vechiduku vachisiya chokwadi? Vangava vachifunga kuti vari kusaririra pane zvimwe zviri kuwanikwa munyika. (2 Timoti 4:10) Kana kuti vangafunga kuti danga remakwai aJehovha rinodzivirira rinonyanya kuvaomesera. Hana ine mhaka, kunyanyoda vakomana kana kuti vasikana, kana kuti kuda kuonekwa nevezera somumwe wavo zvinogonawo kukonzera wechiduku kukukurwa obva muboka raJehovha. Wechiduku angasiya kushumira Jehovha nokuda kwehwaanofunga kuti unyengeri hwevabereki vake kana kuti hwomumwe muKristu.

4. Chii chinowanzokonzera vechiduku kurasika?

4 Kazhinji kacho mwana anowanzoratidza nemaitiro okupandukira kuti aneta mumudzimu, zvichiratidza zviri mumwoyo make. (Zvirevo 15:13; Mateu 12:34) Chipi zvacho chingava chikonzero chokuti wechiduku arasike, kazhinji kacho chinetso chacho chinobva pakuti anenge asina “zivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (2 Timoti 3:7) Pane kungotevedzera zvinenge zvichiitwa mukunamata Jehovha, zvinokosha kuti vechiduku vave noukama hwepedyo naye. Chii chichavabatsira kudaro?

Swederai Pedyo naMwari

5. Chii chinokosha kuti wechiduku ave noukama naMwari pachake?

5 “Swederai pedyo naMwari,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho, “uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Kuti aite saizvozvo, wechiduku anofanira kubatsirwa kufarira Shoko raMwari. (Pisarema 34:8) Pakutanga achada “mukaka”—dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Asi sezvaanowedzera kufarira Shoko raMwari otanga kuda “zvokudya zvikukutu”—mashoko akadzama okumudzimu—kukura mumudzimu kunenge kwava pedyo. (VaHebheru 5:11-14; Pisarema 1:2) Mumwe wechiduku akabvuma kuti akambenge amedzwa nenyika akatanga kukoshesa zvinhu zvomudzimu. Chii chakamubatsira kutendeuka? Paakakurudzirwa kuverenga Bhaibheri rose, akaramba akaomerera pachirongwa chokuverenga Bhaibheri. Hungu, kuverenga Shoko raMwari nguva dzose kunokosha mukuva noukama hwepedyo naJehovha.

6, 7. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kufarira Shoko raMwari?

6 Zvinokosha zvikuru kuti vabereki vabatsire vana vavo kufarira Shoko raMwari! Pasinei nokuti vanoita chidzidzo chemhuri nguva dzose, mumwe musikana wechiduku akashamwaridzana nenhubu. Achitaura nezvechidzidzo chavo chemhuri, anoyeuka kuti: “Baba pavaibvunza mibvunzo, ndaingoverenga mhinduro dzacho, ndisina kumbotarisa kumeso kwavo.” Pane kungopedza ndima dzakati muchidzidzo chemhuri, vabereki vakachenjera vanoshandisa unyanzvi hwokudzidzisa. (2 Timoti 4:2) Kuti wechiduku afarire chidzidzo chacho, anofanira kunzwa kuti zviri kudzidzwa zvine chokuita naye. Kuregererei kumubvunza mibvunzo yemaonero aanoita moita kuti ataurewo zvaanofunga? Kurudzirai wechiduku wacho kushandisa zviri kudzidzwa. *

7 Uyezve, itai kuti kukurukurirana kwacho kwomuMagwaro kuve noupenyu. Kana zvakakodzera, itai kuti vaduku vatambe mitambo yezvakaitika zvomuBhaibheri. Vabatsirei kuita sevari kuona nzvimbo nemamiriro akaita pakaitikira zvinhu zviri kukurukurwa. Kushandisa mepu nemachati kungabatsira. Hungu, paine kakufungidzira, chidzidzo chemhuri chinogona kuitwa kuti chive chipenyu uye kuitwa nemitoo yakasiyana-siyana. Vabereki vanofanira kuongorora ukama hwavo naJehovha. Sezvavanoswedera pedyo naJehovha ivo pachavo, vanogona kubatsira vana vavo kuita kudaro.—Dheuteronomio 6:5-7.

8. Munyengetero unobatsira sei munhu kuswedera pedyo naMwari?

8 Munyengetero unobatsirawo munhu kuswedera pedyo naMwari. Mumwe musikana achiri kuyaruka akanzwa zvava kumuomera kusarudza pakati penzira yechiKristu youpenyu neshamwari dzake dzisinganamati naye. (Jakobho 4:4) Akaita sei nezvazvo? Akabvuma kuti “kokutanga ndakanyengetera kuna Jehovha nezvemanzwiro andaiita.” Akagutsikana kuti munyengetero wake wakapindurwa paakazowana shamwari muungano yechiKristu, yaaigona kuudza zvakavanzika zvake. Achinzwa kuti Jehovha akanga achimutungamirira, akatanga kuvaka ukama hwake naMwari. Vabereki vanogona kubatsira vana vavo nokunatsiridza minyengetero yavo pachavo. Pakunyengetera semhuri, vabereki vanogona kudurura zviri mumwoyo yavo kuitira kuti vana vavo vanzwe ukama hwepedyo huri pakati pevabereki naJehovha.

Ivai Nomwoyo Murefu asi Musingatsuduguki

9, 10. Muenzaniso upi wakagadzwa naJehovha wokuva anoshivirira vaIsraeri vakanga vachirasika?

9 Wechiduku paanotanga kukukurwa, angaedza kuzvibvisa pane vamwe oramba chipi zvacho chingaedzwa nevabereki vake kuti vakurukure naye nezvokunamata. Vabereki vangaita sei mumamiriro ezvinhu anoedza zvakadaro? Chimbofunga zvakaitwa naJehovha nevaIsraeri vakare. Akashivirira vaIsraeri vakange “vane mitsipa mikukutu” kwemakore anopfuura 900 ndokuzovasiya vachienda nenzira yavo yokurasika. (Eksodho 34:9; 2 Makoronike 36:17-21; VaRoma 10:21) Pasinei nokuramba ‘vachimuidza,’ Jehovha “akanga ane nyasha” kwavari. “Kazhinji wakadzora kutsamwa kwake, akasamutsa hasha dzake dzose.” (Pisarema 78:38-42) Mwari haana kuva nemhaka pakubata kwake navo. Vabereki vane rudo vanotevedzera Jehovha uye vane mwoyo murefu kana mwana wacho asingashandisi pakarepo zvavanoedza kumubatsira nazvo.

10 Kuva anoshivirira neane mwoyo murefu kunorevawo kuramba uine tariro yokuti ukama hwakakanganisika huchava nani. Jehovha akaratidza muenzaniso wokushivirira. Ndiye aitanga nokutumira atumirazve nhume dzake kuvaIsraeri. Jehovha “wakanga ane tsitsi nevanhu vake,” kunyange zvazvo “vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake.” (2 Makoronike 36:15, 16) Akateterera kuvaIsraeri, achiti: “Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa.” (Jeremia 25:4, 5) Asi Jehovha haana kubva panheyo dzake dzakarurama. VaIsraeri vakarayirwa ku“dzoka” kuna Mwari nokunzira dzake.

11. Vabereki vanogona sei kuva vanoshivirira asi vasingatsuduguki mukubata nomwana ari kutsauka?

11 Vabereki vanogona kutevedzera Jehovha mukuva vanoshivirira nokusakurumidza kurega mwana anenge achitsauka. Vasina kurasa tariro, vanogona kutanga ivo kuita kuti mukana wokukurukurirana ugare wakazaruka kana kuti kukurukurirana kutangezve. Nepo vachiomerera panheyo dzakarurama, vanogona kuteterera vatetererazve mwana wacho kuti adzoke kunzira yechokwadi.

Kana Mwana Asati Ayaruka Akadzingwa

12. Vabereki vane mutoro wei pamwana asati ayaruka wavanogara naye asi anenge adzingwa muungano?

12 Zvakadini kana mwana asati ayaruka ari kugara nevabereki akabatanidzwa muchivi chakakomba uye nokuda kwokusapfidza kwake odzingwa muungano? Sezvo mwana wacho achigara nevabereki vake, vachine mutoro wokumudzidzisa nokumuranga maererano neShoko raMwari. Izvi zvingaitwa sei?—Zvirevo 6:20-22; 29:17.

13. Vabereki vangaedza sei kusvika pamwoyo wemwana anenge akanganisa?

13 Zvingava zvinobvira—tingatoti, zvingava zvakanakisisa—kupa mirayiridzo yakadaro nechirango pavanenge vachidzidza Bhaibheri naye oga. Mubereki haafaniri kubva ati mwana yava nhinhi asi anofanira kuedza kuona zviri mumwoyo make. Ari kurwara zvakadini mumudzimu? (Zvirevo 20:5) Nzvimbo yemwoyo wake isina kuoma inogona kusvikika here? Magwaro api angashandiswa zvinobudirira? Muapostora Pauro anotipa chivimbo achiti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaHebheru 4:12) Hungu, vabereki vanogona kuita zvinopfuura kungoudza vana vavo kuti vasaitezve zvivi. Vanogona kuedza kutanga ivo kuita kuti anaye.

14. Inhanho ipi yokutanga inofanira kutorwa newechiduku kuti adzorere ukama hwake naJehovha, uye vabereki vangabatsira sei mwana wacho kutora nhanho iyoyo?

14 Mwana anenge akanganisa anoda kudzorera ukama hwake naJehovha. Nhanho yokutanga yaanofanira kutora ndeyoku‘pfidza otendeuka.’ (Mabasa 3:19; Isaya 55:6, 7) Mukubatsira wechiduku ari mumusha mavo kuti apfidze, vabereki vanofanira ‘kuramba vachizvidzora pakuitirwa zvakaipa, vachidzidzisa nounyoro’ mwana asingadi. (2 Timoti 2:24-26) Vanofanira kumu“tsiura” sezvinotaura Bhaibheri. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “tsiura” rinogonawo kushandurwa kuti kupa “uchapupu hwechokwadi.” (Zvakazarurwa 3:19; Johani 16:8) Saka kutsiura kunosanganisira kuratidza uchapupu hwakakwana zvokuita kuti mwana wacho ave nechokwadi kuti nzira yaari ndeyokutadza. Sezvinobvumwa, hazvisi nyore kuzviita. Pazvinobvira, vabereki vanogona kumusvika pamwoyo pake, vachishandisa nzira dzose dzomuMagwaro dzakafanira kuti vamuite kuti agutsikane. Vanofanira kumubatsira kunzwisisa kuti anofanira ku‘venga zvakaipa nokuda zvakanaka.’ (Amosi 5:15) Anogona ku“pengenukazve kubva mumusungo waDhiyabhorosi.”

15. Munyengetero unoshandei mukudzorera ukama hweakanganisa naJehovha?

15 Munhu anotofanira kunyengetera pakudzorera ukama hwake naJehovha. Asika hapana anofanira ‘kukumbira’ pamusoro pechivi chiri pachena chiri kuitwa zvokusapfidza naani zvake aimbopinda neungano yechiKristu. (1 Johani 5:16, 17; Jeremia 7:16-20; VaHebheru 10:26, 27) Asi vabereki vangakumbira Jehovha kuti avape uchenjeri hwokubata nemamiriro acho ezvinhu. (Jakobho 1:5) Kana wechiduku akadzingwa akapa uchapupu hwokupfidza asi asina “rusununguko rwokutaura kuna Mwari,” vabereki vanganyengetera kuti kana Mwari achiwana chikonzero chokukanganwira chikanganiso chemwana wacho, kuda kwake [Mwari] kuitwe. (1 Johani 3:21) Kunzwa minyengetero iyi ichipiwa kunofanira kubatsira wechiduku wacho kuona Jehovha saMwari ane ngoni. *Eksodho 34:6, 7; Jakobho 5:16.

16. Tingabatsira sei vomumhuri dzevana vasati vayaruka vakadzingwa?

16 Kana wechiduku akabhabhatidzwa akadzingwa, vomuungano vanotarisirwa ‘kurega kufambidzana’ naye. (1 VaKorinde 5:11; 2 Johani 10, 11) Izvi zvingapedzisira zvamubatsira ‘kupengenuka’ odzoka kudanga raMwari rinodzivirira. (Ruka 15:17) Zvisinei, angava achidzoka musangano raMwari kana kuti kwete, vomuungano vanogona kukurudzira mhuri yewechiduku akadzingwa. Tose tinogona kutsvaka mikana yo‘kuvanzwira ngoni’ uye ‘kuvanzwira tsitsi.’—1 Petro 3:8, 9.

Mabatsiriro Angaita Vamwe

17. Vomuungano vanofanira kugara vachiziva chii pavanenge vachiedza kubatsira mwana akarasika?

17 Zvakadini nowechiduku asina kudzingwa muungano yechiKristu asi akaneta mukutenda? “Kana mutezo mumwe ukatambura,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “mimwe mitezo yose inotambura na[ye].” (1 VaKorinde 12:26) Vamwe vanogona kutanga kufarira wechiduku akadaro. Ichokwadi kuti panoda kuti ngwarirei, sezvo vechiduku vari kurwara mumudzimu vanogona kufurira vamwe vaduku. (VaGaratiya 5:7-9) Mune imwe ungano, vamwe vanhu vakuru vaiva nevavariro dzakanaka vaida kubatsira vechiduku vaiva vaneta mumudzimu vakavakoka kumabiko kuti varidze nziyo dzenyika navo. Kunyange zvazvo vechiduku vacho vakabvuma nokukurumidza ndokunakidzwa nemitambo yakadaro, kupesvedzerana kwavakaita kwakaita kuti pakupedzisira varege kusonganira neungano. (1 VaKorinde 15:33; Judha 22, 23) Chinogona kuporesa mwana ari kurwara mumudzimu hakusi kuungana pamitambo yenyika pasina nhungamiro yaMwari, asi kuungana kunomubatsira kukudziridza kuda kwake zvinhu zvomudzimu. *

18. Tingatevedzera sei zvakaitwa nababa vomufananidzo waJesu womwanakomana mupambadzi?

18 Wechiduku akanga asiya ungano paanodzoka kuHoro yoUmambo kana kuti akapinda rimwe gungano, imbofunga nezvemanzwiro aangaita. Hatifaniri kusununguka kumugamuchira sezvakaita baba vomufananidzo waJesu womwanakomana mupambadzi here? (Ruka 15:18-20, 25-32) Mumwe muyaruki akasiya ungano yechiKristu ndokubva azopinda imwe kokorodzano yoruwa akati: “Ndaifunga kuti hapana aizofarira munhu akaita seni, asi hama nehanzvadzi dzakasvika pandiri ndokundichingamidza. Zvakazondifadza.” Akatanga kudzidzazve Bhaibheri ndokubva azobhabhatidzwa.

Musarega

19, 20. Nei tichifanira kugara tichifunga zvakanaka nezvomwana akapanduka?

19 Kubatsira mwana “mupambadzi” kuti ‘apengenuke’ kunoda kuva nomwoyo murefu uye kunogona kuomera vabereki nevamwewo. Asi musarega. “Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Magwaro anotipa chivimbo chokuti Jehovha anoda kuti vanhu vapfidze vararame. Ndiye akatotanga nokuita hurongwa hwokuti vanhu vayanane naye. (2 VaKorinde 5:18, 19) Kuva kwake nomwoyo murefu kwakaita kuti mamiriyoni akwanise kupengenuka.—Isaya 2:2, 3.

20 Saka vabereki havafaniri kushandisa nzira dzose dzomuMagwaro dzinobvira kuti vabatsire vana vavo vasati vayaruka vanopanduka kuti vapengenuke here? Muchitevedzera Jehovha, shivirirai sezvamunotora nhanho dzakanaka dzokubatsira mwana wenyu kuti adzoke kuna Jehovha. Omererai zvakasimba kunheyo dzeBhaibheri, uye edzai kuratidza zvinoratidzwa naJehovha zvakadai sorudo, ruramisiro, uye uchenjeri uku muchinyengetera kwaari kuti akubatsirei. Sokungodzokawo kwakaita vapanduki vakawanda kuna Jehovha avakoka, mwanakomana kana mwanasikana wenyu akapanduka angadzoka kudanga raMwari rinodzivirira.—Ruka 15:6, 7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti uwane mamwe mazano pamusoro pokudzidzisa vechiduku zvinobudirira, ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1999, mapeji 13-17.

^ ndima 15 Minyengetero yakadaro haisati ichizopiwa paruzhinji ichiitirwa mwana asati ayaruka akadzingwa pamisangano yeungano, sezvo vamwe vangava vasingatombozivi nezvemamiriro ezvinhu omunhu wacho akadzingwa.—Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 1980, peji 31.

^ ndima 17 Kuti uwane mazano pamusoro penyaya iyi ona Mukai! yechiRungu yaJune 22, 1972, mapeji 13-16; uye Mukai! yaOctober 8, 1996, mapeji 28-30.

Unoyeuka Here?

• Chinetso chingava chichibva papi vechiduku pavanosiya ungano?

• Vechiduku vangabatsirwa sei kuva noukama pachavo naJehovha?

• Nei vabereki vachifanira kuva vanoshivirira asi vakasimba pakubatsira mwana akapanduka?

• Vaya vari muungano vangabatsira sei wechiduku akapanduka kudzoka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munyengetero wemwoyo wose wevabereki unogona kubatsira vana vavo kunzwa ukama hwepedyo huri pakati pevabereki naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuverenga Shoko raMwari kunokosha pakuva noukama hwepedyo naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 17]

Gamuchirai mwana akapanduka paanenge ‘apengenuka’

[Mufananidzo uri papeji 18]

Itai nhanho dzakanaka kubatsira mwana wenyu kudzoka kuna Jehovha