Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzerai Jehovha Pakurovedza Vana Venyu

Tevedzerai Jehovha Pakurovedza Vana Venyu

Tevedzerai Jehovha Pakurovedza Vana Venyu

“Ko vabereki vose havaruramisi vana vavo here?”—VAHEBHERU 12:7, Contemporary English Version.

1, 2. Nei vabereki vaine dambudziko rokurera vana vavo?

KUMWE kuongorora kwakaitwa kuJapan makore mashomanana apfuura kwakaratidza kuti hafu yevanhu vakuru vakabvunzurudzwa vaifunga kuti vabereki nevana havawanzotauri vose uye kuti vabereki vari kutunhidza vana vavo zvakanyanya. Mune kumwe kuongorora munyika iyoyo, mumwe chete muvana voga voga vakabvunzwa akabvuma kuti aisaziva kukurukura nevana. Hazvisi zvokuMabvazuva kwoga. “Vabereki vakawanda vokuCanada vakabvuma kuti havana chokwadi kuti vangava sei vabereki vakanaka,” rakashuma kudaro The Toronto Star. Kwose kwose, vabereki vanozviwana zvakaoma kurera vana vavo.

2 Nei vabereki vakaomerwa nokurera vana vavo? Chikonzero chikuru ndechokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” uye “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” ndidzo dzino. (2 Timoti 3:1) Uyezve, “kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake,” rinodaro Bhaibheri. (Genesi 8:21) Uye vechiduku ndivo vanonyanyoitira Satani nyore kudenha, uyo se“shumba inodzvova” anobata vasati vaziva upenyu. (1 Petro 5:8) Zvechokwadi zvipingamupinyi zvakawandira vabereki vechiKristu, avo vanoedza kurera vana vavo “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Vabereki vangabatsira sei vana vavo kukura kuti vave vanamati vaJehovha vakakura mumudzimu, vanokwanisa kusiyanisa “zvakanaka nezvakaipa”?—VaHebheru 5:14.

3. Nei kurovedza nokutungamirira kwevabereki zvichikosha pakuyarutsa vana zvinobudirira?

3 “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana,” akadaro mambo akachenjera Soromoni. (Zvirevo 13:1; 22:15) Kuti vabvise upenzi ihwohwo mumwoyo, vechiduku vanoda kururamiswa norudo nevabereki vavo. Zvisinei vechiduku havawanzogamuchiri kururamiswa kwakadaro. Vanotoshatiriswa nezano pasinei nokuti ndiani ari kuripa. Saka vabereki vanofanira kudzidza ku“rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo.” (Zvirevo 22:6) Vana vakabatisisa chirango chakadaro, zvinogona kureva upenyu kwavari. (Zvirevo 4:13) Zvinokosha zvikuru kuti vabereki vazive zvinobatanidzwa pakurovedza vaduku!

Chirango—Zvachinoreva

4. “Chirango chinonyatsorevei semashandisirwo achakaitwa muBhaibheri?

4 Vamwe vabereki vanorega kururamisa vana vavo vachitya kuti vanozonzi vari kuvashungurudza mupfungwa, nemashoko, kana kuti mumuviri. Hatifaniri kutya saizvozvo. Shoko rokuti “chirango” semashandisirwo arakaitwa muBhaibheri harirevi kushungurudza kupi zvakwo kana kuti utsinye. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chirango” rinonyanyova nechokuita nemirayiridzo, dzidzo, kururamisa uye, dzimwe nguva kunyatsorova chaizvo asi zvine rudo.

5. Nei zvichibatsira kufunga nezvenzira inobata nayo Jehovha nevanhu vake?

5 Mukupa chirango chakadaro, Jehovha Mwari anoratidza muenzaniso wakaisvonaka. Achifananidza Jehovha nababa chaivo vomunhu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ko vabereki havaruramisi vana vavo here? . . . Vanababa vedu vanotiruramisa kwenguva duku, uye vanozviita sezvavanoona zvakanakisisa. Asi Mwari anotiruramisa zvinotinakira, nokuti anoda kuti tive vatsvene.” (VaHebheru 12:7-10, Contemporary English Version) Hungu Jehovha anoranga vanhu nechinangwa chokuti vangangova vatsvene, kana kuti vakachena. Zvechokwadi tinogona kudzidza zvakawanda nezvokuranga vana nokufunga marovedzero akaita Jehovha vanhu vake.—Dheuteronomio 32:4; Mateu 7:11; VaEfeso 5:1.

Rudo—Simba Rinokuchidzira

6. Nei zvingava zvakaomera vabereki kutevedzera rudo rwaJehovha?

6 “Mwari rudo,” anodaro muapostora Johani. Saka kurovedza kunoitwa naJehovha kunokuchidzirwa norudo nguva dzose. (1 Johani 4:8; Zvirevo 3:11, 12) Izvi zvinoreva here kuti vabereki vanoda vana vavo zvomuzvarirwo vachawana zviri nyore kutevedzera Jehovha mukuvarovedza? Kwete hazvo. Rudo rwaMwari rwune nheyo. Uye imwe nyanzvi yechiGiriki inoti rudo rwakadaro “haruwanzoenderani nezvatakazvarwa tichida.” Mwari haavharwi kumeso notupfungwa tunonyengera. Nguva dzose anofunga nezvezvakanakisisa kuvanhu vake.—Isaya 30:20; 48:17.

7, 8. (a) Muenzaniso wei worudo rwune nheyo wakaratidzwa naJehovha mukubata nevanhu vake? (b) Vabereki vangatevedzera sei Jehovha mukubatsira vana vavo kuva nemano okutevedzera nheyo dzeBhaibheri?

7 Chimbofunga nezvorudo rwakaratidzwa naJehovha mukubata nevaIsraeri. Mosesi akashandisa fananidzo yakaisvonaka kutsanangura rudo rwaJehovha kurudzi ruduku rwaIsraeri. Tinoverenga kuti: “Segondo rinomutsa vana varo, richiengerera pamusoro pavana varo, richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, richivabereka pamapapiro aro; saizvozvo Jehovha, iye oga, waka . . . tungamirira [Jakobho].” (Dheuteronomio 32:9, 11, 12) Kuti vadzidzise vana kubhururuka, amai vegondo ‘vanomutsa vana vavo’ vachibhabhama mapapiro avo kuti vakurudzire vana vavo kubhururuka. Shiri duku painozosvetuka kubva mudendere, rinowanzova pazidombo rakakwirira, amai vacho ‘vanoengerera’ pamusoro pomwana wavo. Kana zvikaita sokuti kamwana kangangodonhera pasi, amai vacho vanoenda pasi pako, vokatakura ‘pamapapiro avo.’ Jehovha aitarisira norudo rudzi rwevaIsraeri rwakanga ruchangozvarwa nenzira yakadaro. Akapa vanhu vacho Mutemo waMosesi. (Pisarema 78:5-7) Mwari akazovatarira nechido, akagadzirira kununura kana vanhu ava vava mumatambudziko.

8 Vabereki vechiKristu vangatevedzera sei rudo rwaJehovha? Chokutanga, vanofanira kudzidzisa vana vavo nheyo nemitemo zvinowanika muShoko raMwari. (Dheuteronomio 6:4-9) Chinangwa ndechokubatsira muduku wacho kudzidza kuita zvisarudzo zvinoenderana nenheyo dziri muBhaibheri. Mukuita izvi, vabereki vane rudo vanoita zvingafananidzwa nokuengerera pamusoro pevaduku vavo, vachiona mashandisiro avanoita nheyo dzavakadzidza. Vana vavo sezvavanokura vachienda vachiwedzerwa rusununguko rwakakura, vabereki vane hanya vakagadzirira “kuenda pasi” pavo vo‘takura vana vavo pamapapiro avo’ pose zvapo panenge pave nengozi. Ngozi yorudzii?

9. Vabereki vane rudo vanofanira kungwarira ngozi ipi zvikurukuru? Enzanisira.

9 Jehovha Mwari akayambira vaIsraeri nezvemigumisiro yesonganiro dzakaipa. (Numeri 25:1-18; Ezra 10:10-14) Kutadza kusarudza vokutamba navo idambudziko riri kwose kwosewo mazuva ano. (1 VaKorinde 15:33) Pakadai vabereki vechiKristu vanoita zvakanaka kutevedzera Jehovha. Mumwe musikana ane makore 15 anonzi Lisa akatanga kufarira mumwe mukomana aiva asina tsika uye asinganamati sezvaiita vomumhuri yake. “Vabereki vangu vakabva vatanga kuona kuchinja kwakaita unhu hwangu vakanetseka,” anorondedzera kudaro Lisa. “Dzimwe nguva vaindiruramisa uye pamwe pacho vaindikurudzira nounyoro.” Vakagara pasi naLisa vakamuteerera nomwoyo murefu, nokudaro vachimubatsira kukurira chavakaona sechaikonzera chinetso chacho—kuda kugamuchirwa nevezera rake. *

Garai Muchikurukura Makasununguka

10. Jehovha akaratidza muenzaniso wakaisvonaka munzirai mukukurukura nevaIsraeri?

10 Kuti vabudirire mukurovedza vana, vabereki vanofanira kuedza kugara vachikurukura nevana vavo vakasununguka. Jehovha, kunyange zvazvo achinyatsoziva zviri mumwoyo, anotikurudzira kukurukura naye. (1 Makoronike 28:9) Apa vaIsraeri Mutemo, Jehovha akatuma vaRevhi kuvadzidzisa, uye akatuma vaprofita kunokurukura navo nokuvaruramisa. Akaratidzawo chido chokunzwa minyengetero yavo.—2 Makoronike 17:7-9; Pisarema 65:2; Isaya 1:1-3, 18-20; Jeremia 25:4; VaGaratiya 3:22-24.

11. (a) Vabereki vangaita sei kuti vagare vachikurukura zvakanaka nevana vavo? (b) Nei zvichikosha kuti vabereki vave vateereri vakanaka kana vachitaura nevana vavo?

11 Vabereki vangatevedzera Jehovha sei kana vachikurukura nevana vavo? Chokutanga uye chinokosha ndechokuti vanofanira kuvawanira nguva. Vabereki vanofanirawo kusataura zvokunyomba vasina kufunga, zvakadai sokuti, “Izvozvo chete? Ndanga ndichitoti zvangu inyaya kwayo ini”; “Ndezvenhando izvo”; “Saka wanga uchiti zvichaita sei? Uri pwere chaiyo iwe.” (Zvirevo 12:18) Kuti vakurudzire vana vavo kunzwa vakasununguka kutaura, vabereki vakangwara vanoedza kuva vateereri vakanaka. Vabereki vanofuratira vana vavo vachiri vaduku vangafuratirwawo nevana vacho kana vakura. Jehovha agara achida kuteerera vanhu vake. Anogara akavhura nzeve dzake kuvaya vanouya kwaari nokuzvininipisa mumunyengetero.—Pisarema 91:15; Jeremia 29:12; Ruka 11:9-13.

12. Vabereki vangaratidza unhu hwakaita sei kuti vana vawane zviri nyore kutaura navo?

12 Fungaiwo nezvokuti zvimwe zviri muunhu hwaMwari zvakaita sei kuti vanhu vake vaone zviri nyore kutaura naye. Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akaita chivi chakakomba nokuita upombwe naBhatishebha. Sezvo aiva munhu asina kukwana, Dhavhidhi akaita zvimwe zvivi zvakakomba muupenyu hwake. Asi, haana kumbokundikana kusvika kuna Jehovha ndokutsvaka kukanganwirwa nokutsiurwa. Hapana mubvunzo kuti nyasha dzaMwari dzorudo nengoni zvakaita kuti zvive nyore kuna Dhavhidhi kudzokera kuna Jehovha. (Pisarema 103:8) Nokuratidza unhu hwakafanana nehwaMwari hwakadai setsitsi nengoni, vabereki vanogona kubatsira nokuita kuti pagare paine mukana wokukurukura kunyange kana vana vakatadza.—Pisarema 103:13; Maraki 3:17.

Nzwisisai

13. Kunzwisisa kunosanganisira chii?

13 Pavanenge vachiteerera vana vavo, vabereki vanofanira kunzwisisa voratidza “uchenjeri hunobva kumusoro.” (Jakobho 3:17) “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:5) Kunzwisisa kunorevei? Imwe tsanangudzo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kunzwisisa” ndeyokuti “kusaomerera papfungwa yomutemo.” Vabereki vangava sei vanonzwisisa uku vachitsigira mitemo yetsika neyokunamata yakasimba?

14. Jehovha akaratidza sei kunzwisisa pakubata naRoti?

14 Jehovha anoratidza muenzaniso unocherechedzeka wokunzwisisa. (Pisarema 10:17) Paakarayira Roti nemhuri yake kubuda muguta rakanga roda kuparadzwa reSodhomu, Roti ‘akanonoka.’ Gare gare, apo ngirozi yaJehovha yakamukumbira kutizira kumakomo, Roti akati: “Handigoni kutizira kugomo . . . Tarirai, guta iri [Zoari] riri pedyo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko (harizi duku here?).” Jehovha akamuita sei? Akati: “Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva.” (Genesi 19:16-21, 30) Jehovha aida zvikuru kubvuma zvakakumbirwa naRoti. Hungu, vabereki vanofanira kuomerera kumitemo inogadzwa naJehovha Mwari muShoko rake, Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, zvingava zvichibvira kubvumirawo zvido zvevaduku kana pasingaputswi nheyo dzeBhaibheri.

15, 16. Vabereki vanowana chidzidzo chei pamuenzaniso unowanikwa pana Isaya 28:24, 25?

15 Kunzwisisa kunosanganisira kugadzirira mwoyo yevana kuti vave vakagadzirira kugamuchira zano. Achienzanisira, Isaya akafananidza Jehovha nomurimi ndokuti: “Ko murimi, unoda kudyara, unoswera achirima here? Unoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here? Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudyara kumini, nokuisa zviyo mumitsara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here?”—Isaya 28:24, 25.

16 Jehovha ‘anorima achida kudyara’ uye ‘anoparura munda nokuputsa mavhinga.’ Nokudaro anogadzirira mwoyo yevanhu vake asati avaranga. Pakururamisa vana vavo, vabereki vanga‘rima’ mwoyo yevana vavo sei? Vamwe baba vakatevedzera Jehovha pakururamisa mwanakomana wavo ane makore mana. Mwanakomana wavo paakarova mumwe muvakidzani wechikomana, baba vacho vakateerera nomwoyo murefu tuzvikonzero twaipiwa nomwanakomana wavo. Sokunge kuti vai‘rima’ mwoyo womwana, baba vacho vakazotaura kamwe kanyaya komumwe mukomana muduku akatambudzwa zvakaoma nomunhu anodherera. Paakanzwa nezvenyaya yacho, mukomana wacho akasvika pakutaura kuti munhu anodherera wacho anofanira kurangwa. ‘Kurima’ kwakadaro kwakaita kuti mwoyo womukomana wacho ugadzirire uye kwakaita kuti zvimuitire nyore kuona kuti kurova kwaakanga aita muvakidzani wechikomana uya kwaiva kuita kwokudherera uye kwaiva kusina kururama.—2 Samueri 12:1-14.

17. Chidzidzo chei mukururamisa kwevabereki chinopiwa pana Isaya 28:26-29?

17 Isaya akaenzanisazve kururamisa kwaJehovha nezvimwe zvinoitwa mukurima—kupura. Murimi anoshandisa midziyo yakasiyana-siyana yokupurisa zvichienderana nokuti makoto ezviri kupurwa zvacho akaoma sei kubvisa. Mhuro inoshandiswa pakupura kumini nhema yakapfava uye chitsvimbo chinoshandiswa pakumini, asi chireyi kana kuti mavhiri engoro zvinoshandiswa patsanga dzine makoto akanyanyooma kubvisa. Kunyange zvakadaro, haazotsika-tsika tsanga dzacho dzakaoma zvokusvika pakudzitsonda. Saizvozvowo, apo Jehovha anoda kubvisa chimwe chinhu chisingadiwi muvanhu vake, anosiyanisa-siyanisa mabatiro aanoita zvichienderana nezvinenge zvichidiwa uye mamiriro ezvinhu. Haatomboshandisi simba rake noutsinye kana kuti noudzvinyiriri. (Isaya 28:26-29) Vamwe vana vanoteerera nokungotariswa chete nevabereki vavo, uye hapana chimwe chinodiwa. Vamwewo vanoda kugara vachiyeuchidzwa, nepo vamwe zvakare vangada kunyengetedzwa kwakati simbei. Vabereki vanonzwisisa vacharuramisa mwana mumwe nomumwe maererano nezvaari.

Itai Kuti Hurukuro Dzomumhuri Dzinakidze

18. Vabereki vangawana sei nguva yechidzidzo cheBhaibheri chemhuri chenguva dzose?

18 Imwe yenzira dzakanakisisa dzokurayiridza vana venyu chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chenguva dzose uye kukurukura Magwaro zuva nezuva. Chidzidzo chemhuri chinonyanyobudirira kana chichiitwa nguva dzose. Kana chiri chokuzoita kana mukana wawanikwa kana kuti chokungofungira ipapo, zvingazoitika ndezvokuti chichazopota chichiregwa kunyange paine mukana wakanakisisa. Saka vabereki vanofanira ‘kutenga nguva’ yechidzidzo chacho. (VaEfeso 5:15-17) Kuwana nguva yachinozogara chichiitwa yakanakira vose kungava kwakaoma. Vamwe baba vakaona kuti vana sezvavaikura, zvirongwa zvavo zvakasiyana-siyana zvaiita kuti zvive zvakaoma kuti mhuri ive pamwe chete. Asi, mhuri yacho yaigarova pamwe chete manheru emisangano yeungano. Saka baba vacho vakaronga kuva nechidzidzo chemhuri pamamwe emanheru iwayo. Izvi zvakabudirira. Vana vacho vose vatatu iye zvino vashumiri vakabhabhatidzwa vaJehovha.

19. Vabereki vangatevedzera sei Jehovha pakuitisa chidzidzo chemhuri?

19 Zvisinei, hazvina kukwana kungokurukura zvimwe zvinobva muMagwaro mukudzidza kwacho. Jehovha akadzidzisa vaIsraeri achishandisa vapristi, avo ‘vakatsanangura’ Mutemo, ‘vachiita kuti zvaiverengwa zvacho zvinzwisisike.’ (Nehemia 8:8) Vamwe baba vakabudirira kubatsira vana vavo vanomwe kuti vade Jehovha vaitanga vaenda mukamuri ravo nguva dzose chidzidzo chemhuri chisati chatanga kuti vanogadzirira, vachironga zvichadzidzwa maererano nezvinodiwa nomwana mumwe nomumwe. Vaiita kuti chidzidzo chinakidze vana vavo. “Chidzidzo chacho chainakidza nguva dzose,” anoyeuka kudaro mumwe wevanakomana vavo vakura. “Kana takanga tiri panze tichitamba bhora pachivanze todanwa kuchidzidzo chemhuri, taibva tasiya bhora redu pakarepo tomhanyira kuchidzidzo. Aive mamwe emanheru ainakidza zvikuru muvhiki.”

20. Idambudziko ripi ringaitika mukurera vana richiri kuda kukurukurwa?

20 Munyori wepisarema akazivisa kuti: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.” (Pisarema 127:3) Kurovedza vana vedu kunotora nguva uye ibasa, asi kuzviita nemazvo kunogona kureva upenyu husingaperi kuvaduku vedu. Mubayiro wakazonaka! Saka ngative nechido chokutevedzera Jehovha pakurovedza vana vedu. Zvisinei, nepo vabereki vakaronzeswa mutoro woku“rera [vana] muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha,” hazvirevi kuti vanobva vangobudirira. (VaEfeso 6:4) Kunyange paanotarisirwa zvakanakisisa, mwana anogona kupanduka orega kushumira Jehovha. Poitwa sei kana zvadaro? Izvozvo ndizvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Zviitiko zviri munyaya ino neinotevera zvingava zvomunyika dzine tsika dzakasiyana nedzomunyika menyu. Edza kuona nheyo dzinobatanidzwa, wodzishandisa maererano netsika dzemaunogara.

Unopindura Kutii?

• Vabereki vangatevedzera sei rudo rwaJehovha runotsanangurwa pana Dheuteronomio 32:11, 12?

• Wadzidzei kubva munzira iyo Jehovha akakurukura nayo nevaIsraeri?

• Kuteerera kwaJehovha chikumbiro chaRoti kunotidzidzisa chii?

• Chidzidzo chei mukururamisa vana chawadzidza kubva pana Isaya 28:24-29?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Mosesi akafananidza kurovedza kunoita Jehovha vanhu vake nezvinoita gondo nevana varo

[Mifananidzo iri papeji 10]

Vabereki vanofanira kuwanira vana vavo nguva

[Mufananidzo uri papeji 12]

“Aive mamwe emanheru ainakidza zvikuru muvhiki”