Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuva Nokutenda Kwechokwadi

Unogona Kuva Nokutenda Kwechokwadi

Unogona Kuva Nokutenda Kwechokwadi

Paaiva nemakore 19, Sarah Jayne akaudzwa kuti aiva nekenza yomuchibereko. Pashure pokuvhiyiwa, ainzwa zvakanaka uye aiva nechivimbo nezveramangwana. Aiva nechivimbo zvokuti, paakanga ava nemakore 20, akapanana chitsidzo nomukomana wake ndokutanga kugadzirira kuchata. Gore rakare iroro kenza yacho yakadzoka, uye akaudzwa kuti akanga angosara nemavhiki mashomanana ari mupenyu. Sarah Jayne akafa muna June 2000, ava kuda kusvitsa makore 21.

CHAKAORORA vaishanyira Sarah Jayne ari pamubhedha muchipatara chivimbo chaaiva nacho nezvenguva yemberi, pamwe chete nokutenda kwake kwakadzama muna Mwari neShoko rake, Bhaibheri. Pasinei nenhamo yakaipa yaakanga akatarisana nayo, aiva nechokwadi netariro yorumuko—yokuti achaona shamwari dzake dzose zvakare. (Johani 5:28, 29) “Ndichakuonai mose munyika yaMwari itsva,” akadaro.

Vamwe vanoti kutenda kwakadaro kuzvinyepera. Ludovic Kennedy akabvunza kuti: “Chiiko chichaitika pashure porufu kunze kwokungoti kudavira kwevasina kuchengeteka, kwokuti pacharira hwamanda yokupedzisira pachava nemadyo nemafaro, vacharidzirwawo hwamanda, uye kuti vachava mune imwe Edheni yakasvibirira mavachava nenguva dzinofadza pamwe chete nevakatanga kufa nevamwe vangazotevera pashure?” Kupindura mubvunzo iwoyu tinofanirawo kubvunza mumwe mubvunzo. Ndezvipi zvine musoro zvikuru—kudavira kuti “upenyu huno ndihwo chete huripo, saka ngatihushandise zvizere,” sematauriro anoita Kennedy, kana kuti kutenda muna Mwari nechipikirwa chake chorumuko? Sarah Jayne akasarudza kuita chechipiri chacho. Akava sei nokutenda kwakadaro?

‘Tsvaka Mwari . . . Umuwane Chaizvoizvo’

Kuti uve nokutenda uye uvimbe nomumwe munhu, unofanira kumuziva uye kudzidza mafungiro ake nemaitiro ake. Kuita izvi kunosanganisira mwoyo nepfungwa. Ndizvo chaizvo zvazvakaita pakuva nokutenda kwechokwadi muna Mwari. Unofanira kusvika pakumuziva, kudzidza nezvounhu hwake, uye kuona kuti akaratidza kuva akavimbika zvakadini mune zvose zvaakataura nezvaakaita.—Pisarema 9:10; 145:1-21.

Vamwe vanofunga kuti izvi hazvibviri. Vanoti Mwari ari kure zvikuru uye haatombonzwisisiki—ndokunge achitombovako. “Kana Mwari ari chaiye sezvaakaita kuvaKristu vakaita saSarah Jayne,” mumwe asina chokwadi anobvunza kudaro, “nei asingazviiti kuti azivikanwe nesu tose?” Asi chaizvoizvo Mwari ari kure zvikuru uye haatsvakiki here? Achipa hurukuro kuvazivi nenyanzvi dzedzidzo muAtene, muapostora Pauro akataura kuti “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi” akaitawo kuti kuwanike zvose zvinodiwa paku‘mutsvaka nokumuwana chaizvoizvo.’ Pauro akatoti: ‘Haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’—Mabasa 17:24-27.

Saka unga‘tsvaka sei Mwari . . . womuwana chaizvoizvo’? Vamwe vakadaro nokungotarisa zvakasikwa zvakavapoteredza. Kuvakawanda, zvakasikwa zvoga zvinopa uchapupu hunokwana kuvagutsa kuti kune Musiki. * (Pisarema 19:1; Isaya 40:26; Mabasa 14:16, 17) Vanonzwa semanzwiro akaita muapostora Pauro, kuti “Zvaari zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika, nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake.”—VaRoma 1:20; Pisarema 104:24.

Unoda Bhaibheri

Zvisinei, kuti uvake kutenda muMusiki unoda chimwe chinhu zvakare chaanowanisa. Chii ichocho? IBhaibheri—Shoko raMwari rakafuridzirwa, raanozivisa mariri kuda kwake nezvinangwa zvake. (2 Timoti 3:16, 17) Vamwe vangati: “Asi imbomira, zvingabvira sei kuti udavire chipi zvacho chinotaurwa neBhaibheri uchiona zvinhu zvakashata zvinoitwa nevanhu vanotaura kuti vanotevedzera Bhaibheri?” Zvichitariswa, zvinooneka kuti chiKristudhomu chine mbiri inotyisa younyengeri, utsinye, uye unzenza. Asi munhu upi zvake anofunga anonyatsoona kuti chiKristudhomu chinongonyepedzera kutevedzera nheyo dzeBhaibheri.—Mateu 15:8.

Bhaibheri pacharo rakanyevera kuti vanhu vakawanda vaizozviti vanonamata Mwari asi chaizvoizvo, vaizo“ramba kunyange tenzi akavatenga.” “Nemhaka yeizvi,” akadaro muapostora Petro, “zvakaipa zvichataurwa pamusoro penzira yechokwadi.” (2 Petro 2:1, 2) Jesu Kristu akati ava vaiva vanhu “vasingateereri mutemo,” vaizozivikanwa zviri pachena nezviito zvavo zvakaipa. (Mateu 7:15-23) Kuramba Bhaibheri nemhaka yembiri ine chiKristudhomu kwakafanana nokurasa tsamba inobva kushamwari yakavimbika nemhaka bedzi yokuti munhu atumwa nayo munhu ane mukurumbira wakashata.

Pasina Shoko raMwari hazvibviri kuvaka kutenda kwechokwadi. Tingati, Jehovha anobudisa zviri maererano naye muBhaibheri chete. Anojekesa mibvunzo inogara ichibvunzwa yakadai sokuti nei akabvumidza kutambura nemarwadzo uye kuti achaita sei kuti agadzirise zvinhu zvacho. (Pisarema 119:105; VaRoma 15:4) Sarah Jayne akasvika pakudavira kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa. (1 VaTesaronika 2:13; 2 Petro 1:19-21) Sei? Kwete chete nokuti vabereki vake vakamuudza kudaro, asi nokuti akatora nguva achinyatsoongorora nokuvimbika uchapupu hwose hunoratidza kuti Bhaibheri kuziviswa kwaMwari kusingaenzaniswi. (VaRoma 12:2) Somuenzaniso, akaona simba reBhaibheri muupenyu hwevanoomerera kunheyo dzaro. Achibatsirwa nemabhuku akadai serinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, * akanyatsoongororawo uchapupu husingaverengeki hwokuti rakafuridzirwa naMwari.

“Kutenda Kunotevera Chinhu Chakanzwiwa”

Zvisinei, hazvina kukwana kungova neBhaibheri kana kuti kunyange kudavira kuti rakafuridzirwa. “Kutenda,” anonyora kudaro muapostora Pauro, “kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (VaRoma 10:17) Kunzwa Bhaibheri, kwete kungova naro, ndiko kunovaka kutenda. “Unonzwa” zvinotaurwa naMwari nokuverenga uye kudzidza Shoko rake. Kunyange vaduku vanogona kudaro. Pauro anoti “kubvira paucheche” Timoti akadzidziswa “zvinyorwa zvitsvene” naamai vake naambuya. Izvi zvinoreva here kuti akaita zvokumanikidzwa kudavira zvaakanga asingadi? Kwete! Timoti haana kudzorwa pfungwa dzake kana kunyengedzwa nenzira ipi zvayo. Aka‘tendiswa’ mune zvaakanzwa nokuverenga.—2 Timoti 1:5; 3:14, 15.

Sarah Jayne akatendiswa nenzira imwe chete iyoyo. SevaBheriya vomuzana remakore rokutanga, aka“gamuchira shoko [kubva kuvabereki vake nevamwe vadzidzisi] nepfungwa dzinoda zvikuru.” Paaiva mwana, hapana mubvunzo kuti aivimba nezvaaitaurirwa nevabereki vake sezvinongoitwa nevana vose. Pave paya, sezvaaikura haana kungobvuma zvose zvaaidzidziswa asingafungi. Ai“nyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”—Mabasa 17:11.

Unogona Kuvaka Kutenda Kwechokwadi

Iwewo, unogona kuvaka kutenda kwechokwadi—rudzi rwokutenda serwakatsanangurwa nomuapostora Pauro mutsamba yake kuvaKristu vechiHebheru. Akati kutenda kwakadaro “kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka.” (VaHebheru 11:1) Uine kutenda kwakadaro, unonyatsova nechokwadi chokuti zvose zvaunotarisira, kusanganisira chipikirwa chaMwari chorumuko, zvichazadzika. Uchava nechivimbo kuti tariro dzakadaro dzakavakirwa panheyo dzechokwadi, kwete pakungofunga kwokuti dai zvaita saizvozvo. Uchaziva kuti Jehovha haasati ambokundikana kuzadzika zvipikirwa zvake. (Joshua 21:45; 23:14; Isaya 55:10, 11; VaHebheru 6:18) Nyika itsva yaMwari yakapikirwa inova yechokwadi kwauri zvokuti inoita kunge yatovapo. (2 Petro 3:13) Uye uchaona zvakajeka nemaziso okutenda kuti Jehovha Mwari, Jesu Kristu, uye Umambo hwaMwari zvose zvinhu zvechokwadi, kwete zvokufungidzira.

Hausiyiwi uri woga mukuvaka kutenda kwechokwadi. Kuwedzera pakuita kuti Shoko rake riwanike nyore, Jehovha akagoverawo ungano yechiKristu yenyika yose yakazvipira kubatsira vane mwoyo yakarurama kuvaka kutenda muna Mwari. (Johani 17:20; VaRoma 10:14, 15) Bvuma kubatsira kwose kunoita Jehovha achishandisa sangano iroro. (Mabasa 8:30, 31) Uye sezvo kutenda kuri chibereko chomudzimu mutsvene waMwari, gara uchinyengeterera kuti mudzimu iwoyo ukubatsire kuvaka kutenda kwechokwadi.—VaGaratiya 5:22.

Usaodzwa mwoyo nevasina chokwadi vanoshora ani naani anoti anotenda muna Mwari neShoko rake. (1 VaKorinde 1:18-21; 2 Petro 3:3, 4) Chaizvoizvo, kutenda kwechokwadi kunokosha zvikuru pakuita kuti unyatsomirisana nokudenhwa kwakadaro. (VaEfeso 6:16) Sarah Jayne akaona izvozvo zviri zvechokwadi, uye aigarokurudzira vaya vaimushanyira ari muchipatara kuti vavake kutenda kwavo pachavo. “Itai kuti chokwadi chive chenyu pachenyu,” aidaro. “Dzidzai Shoko raMwari. Rambai muri pedyo nesangano raMwari. Garai muchinyengetera. Garai muchishingaira mubasa raJehovha.”—Jakobho 2:17, 26.

Achiona kutenda kwaSarah Jayne muna Mwari nomurumuko, mumwe wevanamukoti akati: “Unonyatsodavira zvinhu izvi here?” Paakabvunzwa kuti chii chinomuita kuti aone zvinhu nenzira yakanaka kudaro pasinei nemiedzo yake, akapindura kuti: “Kutenda muna Jehovha. Ishamwari yangu chaiyo, uye ndinonyatsomuda.”

[Mashoko omuzasi]

^ ndima 8 Ona bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 12 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 6]

“Kubvira paucheche” Timoti akadzidziswa “zvinyorwa zvitsvene” naamai vake naambuya

[Mufananidzo uri papeji 6]

VaBheriya vakarumbidzirwa kunzvera Magwaro zuva nezuva

[Kwazvakatorwa]

Inobva pa“Photo-Drama of Creation,” ya1914

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kunzwa nokuteerera zvinotaura Bhaibheri ndiko kunovaka kutenda, kwete kungova naro

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Ndichakuonai mose munyika itsva yaMwari”