Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwakazara Nezvinoshamisa Mubasa raJehovha

Upenyu Hwakazara Nezvinoshamisa Mubasa raJehovha

Nyaya Youpenyu

Upenyu Hwakazara Nezvinoshamisa Mubasa raJehovha

YAKATAURWA NAERIC NAHAZEL BEVERIDGE

“Ndinokutongera mwedzi mitanhatu mujeri.” Mashoko iwayo achirira munzeve dzangu, ndakaendeswa kuJeri reStrangeways riri kuManchester, England. Maiva muna December 1950, uye ndaiva nemakore 19. Ndakanga ndichangobva kutarisana nomumwe muedzo wakaomesesa muupenyu hwangu hwouduku—ndakanga ndaramba kushanda muchiuto.—2 VaKorinde 10:3-5.

NDAIVA piyona, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, zvaireva kuti ndaisafanira kuita basa rechiuto, asi mutemo weBritain hauna kubvuma kuti taiva vashumiri. Saka ndakaguma ndava muchitokisi changu ndoga. Uye ndakafunga baba vangu. Nenzira isina kunanga, ndaiva mujeri pamusana pavo.

Regai ndikuudzei, Baba vaiva mushandi wepajeri, vari murume wokuYorkshire aiva wemitemo nezvinhu zvaaitendawo. Nemhaka yokuziva kwavo zvechiuto uye basa romujeri, vakanga vasingadi chiKaturike zvachose. Vakanga vatanga kuonana nevamwe veZvapupu kare kumavambo ema1930 pavakaenda pasuo kuti vavadzinge—ndokuuya vakabata mamwe mabhuku avo! Gare gare vakazvinyoresa kugamuchira magazini inonzi Consolation (zvino yava Mukai!). Zvapupu zvacho zvaiwanzoshanya gore roga roga kuzovakurudzira kunyoresazve. Pandakanga ndava nemakore anenge 15, vakakurukura zvimwezve naBaba, uye ndakabatana navo ndiri kudivi reZvapupu. Ndipo pandakatanga kudzidza Bhaibheri.

Ndava nemakore 17, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa muna March 1949. Gare gare gore iroro ndakaonana naJohn naMichael Charuk, vadzidzi vakanga vachangopedza kudzidza pachikoro chemamishinari cheGiriyedhi vakanga vachienda kuNigeria. Ndakaororwa kwazvo nepfungwa yavo youmishinari. Vangave vaizviziva kana kuti kwete, vakadyara pfungwa iyoyo mumwoyo mangu.

Pandaidzidza Bhaibheri, chido chokutsvaka nzvimbo payunivhesiti chakapera. Mugore randakabva pamusha kuti ndinoshanda muhofisi Inoripisa Zvinhu Zvinopinda Nokubuda Munyika muLondon, ndakanzwa kuti ndaisagona kuzadzika kuzvitsaurira kwangu kuna Mwari nokuramba ndichishanda muhurumende. Pandakasiya basa rangu romuhofisi, mumwe wandaishanda naye muhofisi akanga agara nebasa romuhofisi akandikorokotedza kuti ndakanga ndasiya “basa rinoparadza mweya.”

Izvi zvisati zvaitika ndakatarisana nomumwe muedzo—maudzire andaizoita baba vangu kuti ndaida kusiya basa rangu rakanaka kuti ndive mushumiri wenguva yakazara. Mamwe manheru ndiri kumba pazororo, ndakataura nhau yacho inokatyamadza. Ndakamirira kunzwa kubhon’a kwaizoita Baba vasingabvumirani nazvo. Zvakatondishamisawo, vakangoti: “Waita chisarudzo chako; unofanira kurarama nemigumisiro yacho. Asi kana ukakundikana, usadzoka kwandiri.” Mashoko andakanyora mudhayari rangu musi waJanuary 1, 1950, anoti: “Ndataurira Baba nezvokupayona. Ndashamiswa zvachose nemafungiro avo okunzwisisa anobatsira. Ndaerekana ndachema pamusana pomutsa wavo.” Ndakarega kushanda muhurumende ndokugamuchira basa renguva yakazara roupiyona.

Basa Raisanganisira “Imba Duku”

Zvadaro muedzo wangu wokuzvipira kuna Mwari wakatevera. Ndakapiwa basa roupiyona, ndichizogara mune imwe “imba duku” muLancashire naLloyd Griffiths, mumwe muKristu aibva kuWales. Ndizere nefungidziro dzemamiriro akaita imba duku iyoyo, ndakasvika mutaundi risingafadzi reBacup raive rakati chakwata nemvura. Nenguva isipi ndakatarisana nechokwadi pandakaona kuti imba yacho yaive yepasi pevhu! Usiku shamwari dzedu dzaizova makonzo nemapete. Ndakapotsa ndafunga zvokudzokera kumba. Asi, ndakanyengetera chinyararire ndichikumbira simba rokutarisana nomuedzo uyu. Kamwe kamwe, ndakanzwa kugadzikana ndokutanga kuona mamiriro acho ezvinhu zvine chinangwa. Iri raiva basa rangu raibva kusangano raJehovha. Ndaizovimba naJehovha kuti andibatsire. Ndinofara kwazvo kuti ndakatsungirira, nokuti kusiya kwaizodai kwakachinja upenyu hwangu zvachose!—Isaya 26:3, 4.

Ndakaparidza kwemwedzi inenge mipfumbamwe muRossendale Valley, panguva iyoyo maiva noupfumi hwakaderera, ndikazoiswa mujeri nemhaka yokuramba basa rechiuto. Ndapedza vhiki mbiri ndiri muJeri reStrangeways, ndakachinjirwa kuJeri reLewes kumuganhu wokumaodzanyemba kweEngland. Pakupedzisira takava Zvapupu zvishanu pamwe chete imomo, uye takakwanisa kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu tiri muchitokisi.

Baba vakambouya kuzondiona kamwe chete. Izvozvo zvinofanira kuve zvakavanyadzisa—mushandi wepajeri anozivikanwa zvikuru achishanyira mwanakomana wake akasungwa! Ndicharamba ndichionga kushanya ikoko. Pakupedzisira zuva rangu rokubudiswa rakasvika muna April 1951.

Ndabudiswa muLewes, ndakakwira chitima chokuCardiff, Wales, panguva iyoyo kwakanga kwava kushanda baba vangu vari mukuru mukuru wejeri. Ndini ndaiva mukuru pavana vana—vakomana vatatu nomusikana mumwe chete. Ndaifanira kutsvaka basa risiri renguva dzose kuti ndigone kuzvitsigira uye panguva imwe chete ndiri piyona. Ndakanoshanda muchitoro chembatya, asi chinangwa changu chikuru muupenyu hwaiva ushumiri hwangu hwechiKristu. Panenge panguva ino amai vedu vakatuta twavo ndokutisiya. Izvozvo zvakarwadza zvikuru Baba nesu vana, taiva nemakore anobvira pa8 kusvikira ku19. Zvinosuruvarisa kuti vabereki vedu vakarambana.

Uyo Anowana Mudzimai Akanaka . . .

Muungano yacho maiva nemapiyona anoverengeka. Pakati pawo paiva neimwe hanzvadzi yaibva kumugodhi wemarasha kuRhondda Valley mazuva ose ichiuya kubasa rayo uye kubasa rokuparidza. Yainzi Hazel Green—piyona akaisvonaka. Hazel akanga aziva chokwadi kwemakore akawanda kudarika ini—vabereki vake vaipinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri (zvino vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha) kare kuma1920. Asi regai azvitaurire nyaya yake.

“Ndakanga ndisingakoshesi Bhaibheri kutozosvikira muna 1944 pandakaverenga kabhuku kanonzi Religion Reaps the Whirlwind. Amai vangu vakandikurudzira kuenda kugungano redunhu muCardiff. Ndine zivo shoma shoma yeBhaibheri, ndakawana ndava panzvimbo huru yezvitoro ndine chikwangwani muhuro mangu chaizivisa hurukuro yavose. Ndakapona pachiitiko chacho pasinei zvapo nokunetswa nevafundisi uye vamwe vanhu. Ndakabhabhatidzwa muna 1946 ndokubva ndatanga kupayona muna December gore iroro. Zvadaro muna 1951 mumwe piyona wechiduku akasvika muCardiff, achangobuda mujeri. Aiva Eric.

“Taienda kunoparidza pamwe chete. Taiwirirana. Taiva nezvinangwa zvimwe chete muupenyu—kufambisira mberi zvinhu zvoUmambo hwaMwari. Saka takaroorana muna December 1952. Kunyange zvazvo tose taiita basa renguva yakazara roupiyona uye taiva nemari shoma, hatina kumboshayiwa zvinhu zvose zvinokosha. Dzimwe nguva taigamuchira chipo kubva kune chimwe Chapupu chainge chatenga jamu rakawandisa kana kuti sipo pazvinhu zvachinenge chatenga—uye taizvipiwa panguva chaiyo yataizvida! Taionga zvikuru kubatsira kwakadaro. Asi zvinhu zvinoshamisa zvikuru zvakanga zvakatimirira.”

Chishamiso Chakachinja Upenyu Hwedu

Muna November 1954, ini naHazel takawana chishamiso chatakanga tisingatarisiri—chikumbiro chaibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuLondon chokuti ini ndive mutariri anofambira, ndichishanyira ungano yakasiyana vhiki imwe neimwe. Isu takati chikanganiso, saka hapana watakaudza muungano. Zvisinei, ndakazadza fomu racho ndokuridzorera, ndokubva tamirira tisina chokwadi. Mazuva mashomanana gare gare, mhinduro yacho yakauya ichiti: “Uya kuLondon kuti uzodzidziswa”!

Pahofisi yeLondon, handina kumbozvidavira kuti ini, pamakore 23, ndaivapo nehama dzakaisvonaka dzaiita sehofori dzokumudzimu kwandiri—Pryce Hughes, Emlyn Wynes, Ernie Beavor, Ernie Guiver, Bob Gough, Glynn Parr, Stan naMartin Woodburn, nevamwe vakawanda, vazhinji vavo vakatofa. Vakavaka nheyo yakasimba yokushingaira nokutendeseka muBritain kare kuma1940 nokuma1950.

Basa Redunhu muEngland—Harina Kumbofinha

Takatanga basa redu rokufambira muchando cha1954/55. Takaendeswa kuEast Anglia, nharaunda yeEngland yakati sandara inovhuvhuta mhepo inotonhora yeNorth Sea. Panguva iyoyo muBritain maingova neZvapupu 31 000. Dunhu rokutanga iroro rakatidzidzisa nenzira yakaoma, uye zvinhu zvaisava nyore nguva dzose kuhama dzataishanyira. Noruzivo rwangu rushoma uye kungotaura zvakananga sezvinoita vanhu vokuYorkshire, dzimwe nguva ndaigumbura vamwe. Mumakore ose iwayo, ndaifanira kudzidza kuti mutsa unokosha zvikuru kupfuura kuti zvinhu zviitwe nokukurumidza uye kuti vanhu vanokosha kwazvo kupfuura maitirwe ezvinhu. Ndichiri kuedza, asi ndisingabudiriri nguva dzose, kutevera muenzaniso waJesu wokuzorodza vamwe.—Mateu 11:28-30.

Tapedza mwedzi 18 tiri muEast Anglia, takatumirwa kunoshanda mudunhu riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweEngland, Newcastle upon Tyne neNorthumberland. Ndakafarira vanhu vane ushamwari venzvimbo iyoyo inoyevedza. Akanyanya kundibatsira aiva mutariri woruwa aishanya, Don Ward, aibva kuSeattle, Washington, U.S.A. Aiva apedza kudzidza kirasi yechi20 yeGiriyedhi. Somukurukuri, ndaiwanzotaura mashoko ndichikurumidza kwazvo. Akandidzidzisa kutaura zvishoma nezvishoma, kumbomira, uye kudzidzisa.

Chimwe Chishamiso Chakachinja Upenyu Hwedu

Muna 1958 takagamuchira tsamba yakachinja upenyu hwedu. Takakokwa kunopinda Chikoro cheGiriyedhi kuSouth Lansing, New York, U.S.A. Takatengesa motokari yedu duku yeAustin Seven yomuna 1935 ndokubva tatenga matikiti okuti tikwire ngarava inoenda kuNew York. Kutanga takapinda kokorodzano yemarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha muNew York City. Tabva ipapo takaenda kuPeterborough, Ontario, kunopayona kwemwedzi mitanhatu tisati taenda kumaodzanyemba kuChikoro cheGiriyedhi.

Varayiridzi vechikoro chacho vaisanganisira Albert Schroeder, zvino ava nhengo yeDare Rinodzora, pamwe chete naMaxwell Friend uye Jack Redford, vava vashakabvu. Ushamwaridzani hwevadzidzi 82 vaibva munyika 14 hwaivaka kwazvo. Takatanga kunzwisisa zvishoma tsika dzomumwe nomumwe. Kusangana nevadzidzi vokune dzimwe nyika vaitamburira kutaura chiRungu kwakatipa muenzaniso wezvinetso zvataizotarisana nazvo pataizodzidza rumwe rurimi. Mumwedzi mishanu takapedza kurovedzwa uye takagoverwa kunyika 27. Zvadaro kwakaitwa mhemberero yokupedza kudzidza, uye mumazuva mashomanana takanga tava kuNew York City, tichimirira ngarava yedu, Queen Elizabeth, kuti itidzosere kuEurope.

Mugove Wedu Wokutanga Kune Imwe Nyika

Takanga tapiwa mugove wokupi? Portugal! Takasvika muLisbon muna November 1959. Ipapo takava nomuedzo wokuchinjira kumutauro netsika zvitsva. Muna 1959 muPortugal maiva neZvapupu 643 zvaishingaira, pavanhu vemo vanoda kusvika mamiriyoni 9. Asi basa redu rokuparidza rakanga risingazivikanwi zviri pamutemo. Kunyange zvazvo taiva neHoro dzoUmambo, paiva pasina zvikwangwani zvokunze.

Tadzidziswa chiPutukezi nomumwe mumishinari anonzi Elsa Piccone, ini naHazel takashanyira ungano nemapoka omuLisbon, Faro, Evora, neBeja. Zvadaro muna 1961 zvinhu zvakatanga kuchinja. Ndaidzidza Bhaibheri nomumwe murume wechiduku ainzi João Gonçalves Mateus. Akasarudza kuva muKristu asina kwaakarerekera munhau dzebasa rechiuto. Nguva pfupi zvadaro, ndakadanwa kumuzinda wemapurisa kunobvunzurudzwa. Chishamiso! Mazuva mashomanana gare gare, takaziviswa kuti taiva nemazuva 30 okubva munyika yacho! Izvozvo zvakaitikawo kumamwe mamishinari, Eric naChristina Britten uye Domenick naElsa Piccone.

Ndakakumbira kukwirira nyaya yacho, uye takabvumirwa kuona mukuru mukuru wemapurisa epachivande. Akatitaurira zvakajeka chikonzero nei takanga tichinzi tiende ndokutiudza zita iri—João Gonçalves Mateus—wandaidzidza naye Bhaibheri! Akataura kuti Portugal, kusiyana neBritain, yaisagona kubvumira rusununguko rwokuramba kunotungamirirwa nehana. Saka taifanira kubva muPortugal, uye handina kuzoonana naJoão. Zvadaro, makore 26 gare gare, ndakafara kwazvo kumuona aine mudzimai wake nevanasikana vatatu pakutsaurirwa kweBheteri itsva yePortugal! Ushumiri hwedu hwomuPortugal hwakanga hwabudirira!—1 VaKorinde 3:6-9.

Mugove wedu wakatevera waiva wokupi? Zvinoshamisa! MuSpain yaiva pedyo. Maziso edu azere misodzi, muna February 1962 takakwira chitima muLisbon ndokunanga kuMadrid.

Kuchinjira Kune Dzimwe Tsika

MuSpain taifanira kujairana nenzira yokuparidza uye kuita misangano yedu pachivande. Pakuparidza, taisambowanzosvika pamisha miviri iri pedyo nepedyo. Tapupurira pasuo, taizoenda kune mumwe mugwagwa, kune chimwe chivako. Izvozvo zvakaita kuti zviomere mapurisa—kana kuti vapristi—kuti vatibate. Yeuka kuti tairarama pasi pechiFascist, udzvinyiriri hweKaturike, uye basa redu rokuparidza rairambidzwa. Sevanhu vokune imwe nyika, takashandisa mazita okuSpain kuti tisazivikanwe. Ini ndakava Pablo, uye Hazel akava Juana.

Tapedza mwedzi mishomanana muMadrid, takaendeswa kubasa redunhu muBarcelona. Taishanyira ungano dzakasiyana-siyana muguta racho, kazhinji tichipedza vhiki mbiri kana nhatu mune imwe. Kushanya kwacho kwaitora nguva yakareba kudaro nokuti taifanira kushanyira boka rimwe nerimwe rechidzidzo chebhuku sokunge kuti raiva ungano, uye izvozvo zvaiwanzoreva mapoka maviri pavhiki.

Rimwe Basa Rakaoma Ratakanga Tisingatarisiri

Muna 1963 takakumbirwa kunoita basa roruwa muSpain. Kuti tibatsire Zvapupu zvinoshingaira zvinoda kusvika 3 000, taifanira kupedza nyika yacho yose, tichishanyira matunhu mapfumbamwe aivapo panguva iyoyo. Takaita mamwe magungano edu edunhu asingakanganwiki zvikuru epachivande mumasango ari pedyo neSeville, papurazi riri pedyo neGijon, uye panzizi dziri pedyo neMadrid, Barcelona, uye Logroño.

Kuti tizvidzivirire pataiparidza paimba neimba, ndaiwanzoongorora mamiriro akanga akaita migwagwa yaiva pedyo kuti tizowana pokutiza napo kana zvinhu zvaipa. Pane imwe nguva pataiparidza muMadrid, ini nechimwe Chapupu taiva pauriri hwepamusoro patakaerekana tanzwa kudaidzira uye mhere mhere nechepasi. Patakadzika pauriri hwepasi, paiva neboka revasikana vakanga vachiri kuyaruka, nhengo dzeboka reKaturike rinonzi Hijas de María (Vanasikana vaMariya). Vakanga vachinyevera vavakidzani nezvedu. Takakundikana kukurukura navo kuti vasadaro, uye ndakaziva kuti taifanira kubva nokukurumidza, dai taisadaro taizobatwa nemapurisa. Saka takatiza—nokukurumidza!

Iwayo aiva makore anofadza okuva kuSpain. Taiedza kukurudzira hama nehanzvadzi dzakaisvonaka dzaiva ikoko, kusanganisira vashumiri vari mapiyona chaiwo. Vaizviisa pangozi yokuiswa mujeri uye kakawanda kacho vaitsungirira kuzvidzwa kuitira kuti vaparidze mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye kuumba ungano nokudzikurudzira.

Panguva iyi takagamuchirawo mashoko akaipa. Hazel anotsanangura kuti: “Muna 1964 amai vangu, Chapupu chaiva chakatendeka, vakafa. Chaiva chinhu chinosuruvarisa kurasikirwa navo ndisina kunyange kumboonekana navo. Ndizvo zvimwe zvinoitika mubasa roumishinari zvakaitikawo kune vamwe vakawanda.”

Rusununguko Pakupedzisira

Pashure pemakore okutambudzwa, muna July 1970 basa redu rakazozivikanwa zviri pamutemo nehurumende yaFranco. Ini naHazel takafara nokuzarurwa kweHoro dzoUmambo, yokutanga muMadrid uye yechipiri muLesseps, Barcelona. Dzaiva nezvikwangwani zvikuru nguva dzose, kazhinji zvakavhenekerwa. Taida kuti vanhu vazive kuti takanga tava kuzivikanwa zviri pamutemo uye kuti taizoramba tirimo! Panguva iyoyi, muna 1972, muSpain maiva neZvapupu zvinoda kusvika 17 000.

Panenge panguva iyi, ndakatambira mashoko anokurudzira kwazvo kubva kuEngland. Baba vangu vakanga vatishanyira kuSpain muna 1969. Vakafadzwa zvikuru nemabatirwe avakaitwa neZvapupu zvokuSpain zvokuti pavakadzokera kuEngland, vakatanga kudzidza Bhaibheri. Zvadaro muna 1971, ndakataurirwa kuti Baba vakanga vabhabhatidzwa! Yaiva nguva inofadza zvikuru patakashanya kumusha, uye ivo, sehama yangu yechiKristu, vakanyengeterera zvokudya zvedu. Zuva irori ndakanga ndarimirira kwemakore anopfuura 20 kuti risvike. Bob munun’una wangu nomudzimai wake, Iris, vakanga vava Zvapupu muna 1958. Mwanakomana wavo, Phillip zvino ari kushanda somutariri wedunhu muSpain nomudzimai wake, Jean. Zvinotifadza zvikuru kwazvo kuvaona vachishanda munyika iyoyo yakaisvonaka.

Chimwe Chishamiso Chatakava Nacho

Muna February 1980, imwe nhengo yeDare Rinodzora yakashanyira Spain somutariri wenyika. Ndakashamisika kuti aida kushanda neni muushumiri. Ndakanga ndisingazivi kuti akanga achindiongorora! Zvadaro muna September takakumbirwa kutamira kudzimbahwe renyika yose kuBrooklyn, New York! Takashaya neromuromo. Takabvuma kukoka kwacho, kunyange zvazvo kusiya hama dzedu dzokuSpain kwairwadza zvikuru. Panguva iyoyo, maiva neZvapupu 48 000!

Patakabva, imwe hama yakandipa wachi yomuhomwe sechipo. Yakanga yakanyora magwaro maviri pairi—“Lucas 16:10; Lucas 17:10.” Yakataura kuti ndiwo aiva magwaro angu makuru. Ruka 16:10 inosimbisa kuti tinofanira kuva vakatendeka muzvinhu zviduku, uye Ruka 17:10 inoti tiri “varanda pasina” naizvozvo hatina chikonzero chokuzvirumbidza. Ndinogaroona kuti chipi nechipi chatinoita mubasa raJehovha chinongova mutoro wedu sevaKristu vakazvitsaurira.

Chishamiso Choutano

Muna 1990, ndakatanga kuva nezvinetso zvomwoyo. Pakupedzisira, ndaifanira kuisirwa chubhu yesimbi (stent) kuvhura imwe tsinga yakanga yakavhara. Munguva iyi yakaoma youtano husina kutsarukana, Hazel akanditsigira munzira dzakawanda, aiwanzotakura mabhegi nemasutukezi andakanga ndisingakwanisi kutakura. Zvadaro muna May 2000, ndakaisirwa chinodzora kurova kwomwoyo. Pakaita musiyano mukuru!

Mumakore 50 apfuura, ini naHazel takaona kuti ruoko rwaJehovha harunyimi uye kuti zvinangwa zvake zvinozadzika munguva yake yakafanira, kwete yedu. (Isaya 59:1; Habhakuki 2:3) Takava nezvishamiso zvakawanda zvinofadza muupenyu hwedu uyewo zvishomanana zvinosuruvarisa, asi Jehovha akatitsigira mazviri. Pano padzimbahwe renyika yose revanhu vaJehovha, tinofara mazuva ose kuonana nenhengo dzeDare Rinodzora. Dzimwe nguva ndinozvibvunza kuti, ‘Tiri pano chaizvoizvo here?’ Mutsa usina kufanirwa. (2 VaKorinde 12:9) Tinovimba kuti Jehovha acharamba achitidzivirira pamazano aSatani uye achatichengeta kuti tizofara muzuva rokutonga kwake kwakarurama pasi pano.—VaEfeso 6:11-18; Zvakazarurwa 21:1-4.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jeri reStrangeways, Manchester, kwandakatangira mutongo wangu wejeri

[Mufananidzo uri papeji 27]

Tiine “Austin Seven” yedu mubasa redunhu muEngland

[Mufananidzo uri papeji 28]

Gungano repachivande muCercedilla, Madrid, muSpain, muna 1962

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tiri patafura yedu yokupupurira muBrooklyn