Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinorevei Kuva Akavimbika?

Zvinorevei Kuva Akavimbika?

Zvinorevei Kuva Akavimbika?

KUVAMBIRA muzana remakore rechipiri B.C.E. nhengo dzechitendero chechiJudha [Hasidim] dzaizviona sedzakavimbika zvechokwadi. Zita iri rinobva pashoko rokuti cha·sidhʹ, shoko rechiHebheru rinoreva kuti “kuvimbika.” Rinobva pazita rokuti cheʹsedh, rinowanzoshandurwa kuti “mutsa une rudo,” “rudo rune kuvimbika,” “mutsa,” “kunaka,” “nyasha.” Maererano neTheological Dictionary of the Old Testament, cheʹsedh “kushingaira, kufarirana nevamwe, uye kutsungirira [uye] haringorevi mafungiro omunhu, asiwo chiito chinovapo nemafungiro aya. Chiito chinochengetedza upenyu uye chinoita kuti hurambe huripo. Kupindira uchibatsira mumwe munhu ari kutambura kana kuti akaora mwoyo. Kuratidza ushamwari.”

Zvitori pachena kuti mitauro yakawanda haina shoko rimwe chete rinogona kubudisa zvizere zvinoreva shoko iri rechiHebheru semashandisirwe arakaitwa muBhaibheri. Chero zvaringareva, mupfungwa yeBhabheri kuvimbika kunoreva zvinopfuura kuomerera nokutendeseka pane zvinoda kuitwa. Kunosanganisira pfungwa yokuda ichiteverwa nechiito chaicho kuti vamwe vabatsirike. Kuti unzwisise zvinoreva kuvimbika kwechokwadi, chimboona kuti Jehovha akakuratidza sei kuna Abrahamu, Mosesi, Dhavhidhi, rudzi rwaIsraeri, uye kuvanhu vosewo zvavo.

Jehovha Akaratidza Kuvimbika

Jehovha akaudza shamwari yake Abrahamu kuti: “Ini ndiri nhovo yako.” (Genesi 15:1; Isaya 41:8) Aya aisangova mashoko okungotaurawo chete. Jehovha akadzivirira uye akarwira Abrahamu neimba yake pana Farao naAbhimereki. Akabatsira Abrahamu kununura Roti pamadzimambo mana akanga abatana kumurwisa. Jehovha akapazve Abrahamu akanga ava nemakore 100 naSara akanga ave nemakore 90 simba rokubereka kuitira kuti Mbeu yakapikirwa ibude nemavari. Jehovha aiwanzotaura naAbrahamu nokumuonesa zviratidzo, zviroto uye achishandisa vatumwa. Kutaura zvazviri, Jehovha akaratidza kuvimbika kuna Abrahamu paaiva mupenyu uyewo nguva refu afa. Kwemazana akawanda emakore, Jehovha akachengeta zvipikirwa zvake kuvazukuru vaAbrahamu, rudzi rwaIsraeri, pasinei nokutsauka kwavo. Ukama hwaJehovha naAbrahamu kwaiva kuratidzwa kwokuvimbika kwechokwadi—rudo rwakachinjwa kuva chiito.—Genesi, chitsauko 12 kusvikira ku25.

Zvakanzi “Jehovha waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu unotaurirana neshamwari yake.” (Eksodho 33:11) Hungu, Mosesi aiva noukama hwepedyo zvikuru naJehovha kupfuura muprofita upi noupi akararama Jesu Kristu asati auya. Jehovha akaratidza sei kuvimbika kuna Mosesi?

Zvaaiva murume ane makore 40 akanga achine simba uye mano, Mosesi achidarika paaifanira kugumira akada kuzviita iye pachake musununguri wevanhu vake. Asi nguva yacho yakanga isati yasvika. Aifanira kutiza kuitira upenyu hwake. Kwemakore 40 akafudza makwai muMidhiyani. (Mabasa 7:23-30) Zvisinei, Jehovha haana kumusiya. Nguva yakakodzera payakasvika, Mosesi akadzoswazve kuti atungamirire vaIsraeri kubuda muIjipiti.

Saizvozvowo Jehovha akaratidza kuvimbika kwake kuna Dhavhidhi, mambo waIsraeri wechipiri anozivikanwa kwazvo. Dhavhidhi achiri muduku, Jehovha akaudza muprofita Samueri kuti: “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.” Kubvira ipapo, Jehovha akadzivirira uye akatungamirira Dhavhidhi nokuvimbika sezvaaikura kuti ave mambo waIsraeri womunguva yemberi. Jehovha akamurwira “pagumbo reshumba negumbo rebere” uye paruoko rwehofori yokuFiristia Goriati. Akaita kuti Dhavhidhi arambe achingokunda vavengi vevaIsraeri, uye Jehovha akarwira Dhavhidhi papfumo raSauro aiva neshanje uye aivenga.—1 Samueri 16:12; 17:37; 18:11; 19:10.

Zvechokwadi, Dhavhidhi akanga asiri munhu akakwana. Kutaura zvazviri, akatadza zvakaipisisa. Zvisinei, pane kumusiya, Jehovha akaratidza rudo rune kuvimbika kuna Dhavhidhi anopfidza nomwoyo wose. Muupenyu hwose hwaDhavhidhi, Jehovha akadzokorora chiito chokuchengetedza uye kupfuudzira upenyu. Aipindira achibatsira munhu anotambura kuora mwoyo. Zvechokwadi uyu ndiwo mutsa une rudo!—2 Samueri 11:1–12:25; 24:1-17.

Rudzi rwevaIsraeri rwose zvarwo rwakava noukama hunokosha hwakatsaurirwa kuna Jehovha parwakabvuma sungano yoMutemo waMosesi paGomo reSinai. (Eksodho 19:3-8) Saka, Israeri anotaurwa seane ukama hwokuroorana naJehovha. Kuna Israeri zvakanzi: “Jehovha wakakudana somukadzi.” Uye Jehovha akati kwaari: “Ndichakunzwira nyasha nounyoro husingaperi.” (Isaya 54:6, 8) Jehovha akaratidza sei kuvimbika muukama uhwu hunokosha?

Jehovha ndiye akatanga kutarisira zvaidiwa nevaIsraeri uye kusimbisa ukama hwake navo. Akavarwira kuti vabude muIjipiti, akavaronga kuva rudzi, uye akavapinza mu“nyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8) Akavapa murayiridzo wokumudzimu wenguva dzose achishandisa vapristi, vaRevhi, uye vaprofita nevatumwa vaingoramba vachivapo. (2 Makoronike 17:7-9; Nehemia 8:7-9; Jeremia 7:25) Rudzi rwacho parwaitsauka rwuchinamata vamwe vanamwari, Jehovha airwudzorera mugwara. Parwaipfidza, airwukanganwira. Ichokwadi kuti rudzi rwaIsraeri rwaiva “mukadzi” anonetsa. Asi, Jehovha haana kukurumidza kumusiya. Nemhaka yezvipikirwa zvake kuna Abrahamu, Akaramba aine vaIsraeri nokuvimbika kusvikira zvinangwa Zvake zvine chokuita navo zvazadzika. (Dheuteronomio 7:7-9) Muenzaniso wakaisvonaka kwazvo kune vakaroorana nhasi!

Jehovha anoratidzawo kuvimbika kuvanhu vosewo zvavo mukuti anopa vanhu vose zvinodiwa muupenyu zvinokosha, kune vose vakarurama nevasina kururama. (Mateu 5:45; Mabasa 17:25) Kupfuura izvozvo, akapa Mwanakomana wake sechibayiro chorudzikinuro kuitira kuti vanhu vose vave nomukana wokusunungurwa muuranda kuchivi norufu vova netarisiro ine mbiri youpenyu hwakakwana husingaperi muParadhiso. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Chipo chorudzikinuro chaiva chiito chikuru kwazvo chokuchengetedza uye kuita kuti upenyu hupfuurire. Zvechokwadi kwaiva “kupindira uchibatsira mumwe munhu ari kutambura kana kuti akaora mwoyo.”

Ratidza Kuvimbika Kwako Nezviito Zvakanaka

Zvakwakafanana nomutsa une rudo, kuvimbika kunewo pfungwa yakasimba yokuitirana. Kana ukaratidzirwa mutsa une rudo, zvinotarisirwawo kuti uite zvakadaro. Kuvimbika kunoripwa nezvakafanana. Kuti Dhavhidhi ainzwisisa zvinobatanidzwa pashoko rokuti cheʹsedh zviri pachena mumashoko ake anoti: “Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, nokuonga zita renyu.” Nei? “Nokuda kwo[“mutsa une rudo,” NW] nokutendeka kwenyu.” (Pisarema 138:2) Sezvo aigamuchira mutsa une rudo kubva kuna Jehovha, Dhavhidhi pasina mubvunzo akanzwa achida kumunamata uye kumurumbidza. Saka, sezvatinofungisisa kuratidzwa kwatinoitwa mutsa une rudo naJehovha, tinonzwa tichida kuitawo zvakadaro here? Somuenzaniso, kana zita raJehovha rikazvidzwa, kukoshesa kwako zita rake kunoita kuti utaure uchimudzivirira here?

Izvi ndizvo zvakaitika kune mumwe muKristu akanga achiri mutsva nomudzimai wake pavakaenda kumariro ehama yavo yakanga yafa mutsaona yomudhudhudhu. Aisava mariro echitendero, uye vose vaivapo vakatenderwa kutaura chimwe chinhu nezvomufi. Mumwe akataura akatanga kupomera Mwari nokuda kworufu rwomurume muduku uyu rwaisatarisirwa achiti, ‘Mwari anga achimuda mudenga, saka amutora.’ Hama yedu yechiKristu yakaona zvakaoma kuramba yakanyarara. Yakaendawo pachikuva, kunyange zvazvo yaisava neBhaibheri kana pakanyorwa. Yakabvunza kuti: “Munofunga kuti Mwari wemasimba ose, ane tsitsi, ane nyasha, angabvumira zvinhu zvakadai here?” Yakabva yapfuurira nehurukuro yemaminitsi gumi yokungofungira ipapo ichitora mashoko anobva muMagwaro kutsanangura nei tichifa, zvakaitwa naMwari kusunungura vanhu parufu, uye tariro inoshamisa yokumutsirwa kuupenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Vanhu vanopfuura 100 vaivapo vakaombera maoko nguva refu. Hama yacho pava paya yakazoti: “Ndakanzwa kufara mukati-kati zvandisina kumbobvira ndaita. Ndakaonga Jehovha nokundidzidzisa uchenjeri hwake uye kundipa mukana wokudzivirira zita rake dzvene.”

Kuvimbika kuna Jehovha kunosanganisira kuvimbika kuShoko rake, Bhaibheri. Nei? Nokuti achishandisa Bhaibheri, Jehovha anotidzidzisa mararamiro. Mitemo nenheyo zvakanyorwa imomo kutaura chokwadi ndiwo mashoko akanakisisa uye anobatsira kupfuura ose muupenyu. (Isaya 48:17) Usabvumira kumanikidzwa kwaunoitwa nevamwe kana kusakwana kwako kukuita kuti upedzisire usisina kuomerera pamitemo yaJehovha. Ramba wakavimbika kuShoko raMwari.

Kuvimbika kuna Mwari kunosanganisirawo kuvimbika kusangano rake. Nokuti zvaiva zvakakodzera, mumakore ose apfuura manzwisisiro ataiita mamwe magwaro akati ave achigadziriswa nokunatsiridzwa. Chokwadi ndechokuti hapana vanonyatsopiwa zvokudya zvomudzimu sezvatinoitwa. (Mateu 24:45-47) Pasina mubvunzo, Jehovha aramba aine sangano rake remazuva ano. Hatifaniri kuitawo saizvozvo here? A. H. Macmillan akazviita. Nguva pfupi asati afa, akati: “Ndakaona sangano raJehovha richikura kubvira pamavambo maduku, pandakazvitsaurira kuna Mwari pazera remakore makumi maviri nematatu muna September 1900, kusvikira rava revanhu vomunyika yose vanofara vari kuzivisa nokushingaira chokwadi chake. . . . Ndine kutenda kunopfuura kwekare, sezvandinoona kupera kwebasa rangu kuna Mwari pasi pano kuchisvika, kuti Jehovha akatungamirira vanhu vake ndokuvapa zvavaida chaizvo panguva yakakodzera.” Hama Macmillan vakashumira nokutendeka uye nokuvimbika kwemakore anoda kusvika 66, kusvikira parufu rwavo musi waAugust 26, 1966. Vaiva muenzaniso wakaisvonaka wokuvimbika kusangano raMwari rinooneka.

Kuwedzera pakuva takavimbika kusangano, tichavimbika kune mumwe nomumwe here? Pazvinoratidza kuti tingangotambudzwa noutsinye zvinotyisa, ticharamba takavimbika kuhama dzedu nehanzvadzi here? MuHondo Yenyika II, hama dzedu dzomuNetherlands dzakagadza muenzaniso wakaisvonaka wokuvimbika. Mumwe mukuru weUngano yeGroningen, anonzi Klaas de Vries, akabvunzurudzwa noutsinye uye pasina tsitsi neveGestapo yeNazi, akapfigirwa mujeri rake oga kwemazuva 12 aine chingwa nemvura chete, ndokubvunzurudzwazve. Akanongedzwa pfuti uye rufu ruchinhuhwa, akapiwa maminitsi maviri kuti ataure kwaiva nehama dzine mutoro, nemamwewo mashoko anokosha. Klaas aingotaura kuti: “Hapana chamuri kuzonzwa kwandiri. . . . Handisi kuzova mutengesi.” Katatu akatyisidzirwa nepfuti. Pakupedzisira veGestapo vakaora mwoyo, uye Klaas akaendeswa kune rimwe jeri. Haana kumbobvira atengesa hama dzake.

Kuvimbika kwedu kungapfuurira here kuhama yedu yepedyo kwazvo—watakaroorana naye? Kungofanana nokuremekedza kwakaita Jehovha ukama hwake hwesungano norudzi rwaIsraeri, takavimbika kumhiko dzedu dzemichato here? Pane kungochengeta mhiko chete, tsvaka kunyatsowirirana newawakaroorana naye. Tanga kuchengetedza muchato wenyu. Pedzai nguva muri pamwe chete, kurukuriranai makasununguka uye zvakajeka, tsigiranai uye kurudziranai, teereranai, sekai mose, chemai mose, tambai mose, shandai mose kuti musvike vavariro dzenyu, fadzanai, ivai shamwari. Chenjererai chaizvo kuti musatange kunzwa kuda kuita zvepabonde nevamwe. Kunyange zvakarurama uye zvakakodzera kutanga kuzivana nevanhu uye kuva noushamwari hwepedyo nevamwe vasiri wawakaroorana naye, zvepabonde ndezvako newawakaroorana naye chete. Usabvumira kuti munhu upi noupi ave pakati pako newawakaroorana naye.—Zvirevo 5:15-20.

Ramba wakavimbika kumhuri yako uye kushamwari dzaunonamata nadzo. Makore zvaanofamba, usadzikanganwa. Ramba uchitaura nadzo, dzinyorere tsamba, dziridzire runhare, dzishanyire. Zvisinei nemamiriro ako ezvinhu, edza kusadziodza mwoyo. Ita kuti dzinzwe dzichifara kutaura kuti dzinokuziva uye kuti uri hama yadzo. Kuvimbika kwadziri kuchaita kuti urambe wakatsunga pane chakarurama uye kuchakukurudzira.—Estere 4:6-16.

Hungu, kuvimbika kwechokwadi kunosanganisira zviito zvakanaka kuitira kuchengetedza ukama hunokosha. Ita zvaungagona kuitirawo Jehovha mutsa une rudo. Tevedzera kuvimbika kwaJehovha paunobata neungano yechiKristu, wawakaroorana naye, mhuri yako, uye shamwari dzako. Zivisa nokuvimbika kunaka kwaJehovha kuvavakidzani vako. Munyori wemapisarema akanga akarurama paakati: “Ndichaimba ndichireva ngoni [“mutsa une rudo,” NW] dzaJehovha nokusingaperi; ndichaparidza nomuromo wangu kutendeka kwenyu kumarudzi nemarudzi.” (Pisarema 89:1) Hatinzwi tichikwezvwa naMwari akadaro here? Chokwadi, ‘mutsa wake une rudo uripo nokusingaperi.’—Pisarema 100:5.

[Mufananidzo uri papeji 23]

A. H. Macmillan