Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chengeta Mwoyo Wako

Chengeta Mwoyo Wako

Chengeta Mwoyo Wako

“Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—ZVIREVO 4:23.

1, 2. Nei tichifanira kuchengeta mwoyo wedu?

DUTU rine mvura rapera, imwe harahwa kuchitsuwa cheCaribbean yakabuda mayaigara. Sezvayaitarira kuparara kwakanga kwaita zvinhu kumativi ose, yakaona kuti mumwe muti muhombe hombe wakanga uri pedyo negedhi rayo rokumberi kwemakumi emakore wakanga usisipo. ‘Asi zvingadaro sei,’ yakadaro ichishamisika, ‘nepo tumwe tumiti turi pedyo twapona?’ Yakaziva chikonzero chacho payakatarira chigutsa chomuti wacho wakanga wadonha. Mukati momuti uyu wairatidzika sousingatsuduguki makanga maora, uye zvakanga zvisingaoneki zvaiva zvabudiswa pachena nedutu.

2 Zvinorwadza chaizvo apo munamati wechokwadi anoratidzika seakanyatsodzika midzi mumararamiro echiKristu anokundwa nomuedzo wokutenda. Bhaibheri rinotaura zvakarurama kuti “kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake.” (Genesi 8:21) Izvi zvinoreva kuti pasina kuchenjerera kwenguva dzose, kunyange mwoyo yakanakisisa inogona kunyengedzwa kuita zvakaipa. Sezvo pasina mwoyo womunhu asina kukwana unonzi haugoni kukanganiswa, tinoda kufungisisa zano rokuti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa.” (Zvirevo 4:23) Saka tingachengeta sei mwoyo wedu wokufananidzira?

Tinofanira Kugara Tichizviongorora

3, 4. (a) Mibvunzo ipi ingabvunzwa maererano nemwoyo chaiwo? (b) Chii chichatibatsira kuongorora mwoyo wedu wokufananidzira?

3 Kana ukaenda kuna chiremba kuti unoongororwa utano, angangoongorora mwoyo wako. Utano hwako, kusanganisira mwoyo wako, hunoratidza here kuti uri kuwana zvinovaka muviri zvakakwana? Kutenderera kweropa mumuviri wako kwakadini? Kurova kwemwoyo wako kwakaenzanirana uye kwakasimba here? Unozvirovedza zvakakwana here? Mwoyo wako unonetseka zvisina kufanira here?

4 Kana mwoyo wako chaiwo uchida kugara uchiongororwa, zvakadini nemwoyo wokufananidzira? Jehovha anouongorora. (1 Makoronike 29:17) Ndizvo zvatinofanirawo kuita. Sei? Nokubvunza mibvunzo yakadai sewokuti: Mwoyo wangu unowana zvokudya zvokumudzimu zvakakwana nokugara ndichidzidza ndiri ndoga uye kupinda misangano here? (Pisarema 1:1, 2; VaHebheru 10:24, 25) Mwoyo wangu unofungisisa shoko raJehovha so“moto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu,” zvichindiita kuti ndiite basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi here? (Jeremia 20:9; Mateu 28:19, 20; VaRoma 1:15, 16) Ndinonzwa ndichida kuzvishandisa nesimba, ndichiita rudzi rwakati rwoushumiri hwenguva yakazara pazvinobvira here? (Ruka 13:24) Ndinoratidza mwoyo wangu zvinhu zvakaita sei? Ndiri kutsvaka kusonganira nevamwe vane mwoyo yavo yakabatanidzwa mukunamata kwechokwadi here? (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Ngatikurumidze kuona pose patisiri kuita zvakanaka tobva tapagadzirisa pakarepo.

5. Miedzo yokutenda inogona kushanda chinangwa chei chinobatsira?

5 Tinowanzonangana nemiedzo yokutenda. Iyoyi inotipa mikana yokuona mamiriro emwoyo wedu. KuvaIsraeri vakanga vava kuda kutopinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akati: “Jehovha Mwari wako [akakufambisa] murenje makore aya makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirayiro yake, kana kwete.” (Dheuteronomio 8:2) Hatiwanzoshamiswa here nezvatinofunga, zvishuvo, kana maitiro zvinobuda pachena patinotarisana nemamiriro ezvinhu kana miedzo yatanga tisingatarisiri? Miedzo inobvumirwa naJehovha kuti iitike inogona kutiita kuti tizive zvatinokanganisa, ichitipa mukana wokuita zviri nani. (Jakobho 1:2-4) Ngatisambokundikana kunyengetera tichifungisisa pamusoro pezvatinoita kana taedzwa!

Zvatinotaura Zvinoratidzei?

6. Nhau dzatinoda kutaura dzinoratidzei pamusoro pemwoyo wedu?

6 Tingaziva sei zvatakachengeta mumwoyo medu? Jesu akati: “Munhu akanaka anoburitsa zvakanaka papfuma yakanaka yemwoyo wake, asi munhu akaipa anoburitsa zvakaipa papfuma yake yakaipa; nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo.” (Ruka 6:45) Zvatinowanzotaura nezvazvo chiratidzo chakanaka chezvinodiwa nemwoyo wedu. Tinowanzotaura nezvezvinhu zvokunyama uye kubudirira munyika here? Kana kuti zvatinotaurirana zvinowanzova zvokumudzimu nevavariro dzechiKristu here? Pane kuparidza zvikanganiso zvevamwe, tinoda kuratidza rudo nokuzvifukidza here? (Zvirevo 10:11, 12) Takarerekera pakutaura zvakanyanya nezvevanhu nezviri kuitika muupenyu hwavo asi tisinganyanyi kutaura nezvenhau dzokumudzimu nedzetsika here? Kuti izvi zvingaratidza kuti tiri kufarira zvisina kufanira nhau dzevamwe here?—1 Petro 4:15.

7. Chidzidzoi chokuchengeta mwoyo wedu chatingadzidza munhoroondo yevakoma gumi vaJosefa?

7 Funga zvakaitika mune imwe mhuri huru. Vanakomana gumi vakuru vaJakobho ‘vaisagona kutaura nomufaro’ nomunun’una wavo Josefa. Nei? Vaiva neshanje nokuti ndiye ainyanyodiwa nababa vavo. Gare gare Josefa paakarotswa naMwari, zvichiratidza kuti aiva nenyasha dzaJehovha, “vakanyanya kumuvenga.” (Genesi 37:4, 5, 11) Noutsinye, vakatengesa munun’una wavo muuranda. Ipapo, vachiedza kuvanziridza kutadza kwavo, vakanyengedza baba vavo kuti vafunge kuti Josefa akanga aurayiwa nechikara. Vakoma gumi vaJosefa vakatadza kuchengeta mwoyo wavo ipapo. Kana tichikurumidza kutsoropodza vamwe, zvingadaro zvichiratidza godo kana shanje dziri mumwoyo medu here? Tinofanira kungwarira kuongorora zvinobuda mumuromo medu tokurumidza kudzura pfungwa dzipi nedzipi dzisina kufanira.

8. Chii chichatibatsira kuongorora mwoyo wedu kana tikareva nhema?

8 Kunyange “zvisingabviriri Mwari kuti areve nhema,” zviri nyore kuti vanhu vasina kukwana vaite kudaro. (VaHebheru 6:18) “Vanhu vose vanoreva nhema,” akachema achidaro munyori wepisarema. (Pisarema 116:11) Kunyange muapostora Petro akareva nhema achiramba Jesu katatu. (Mateu 26:69-75) Zviri pachena kuti tinofanira kungwarira kudzivisa kureva nhema, nokuti Jehovha anovenga “rurimi runoreva nhema.” (Zvirevo 6:16-19) Kana tichizofa takareva nhema, zvingava zvakanaka kuongorora chakakonzera izvozvo. Kwaiva kutya munhu here? Kwaiva kutya kurangwa here? Zvichida taida kudzivirira zita redu kana kuti udyire chaihwo ndihwo hwakakonzera chinetso chacho? Chipi zvacho chingava chikonzero chacho, zvakakodzera zvikuru kuti tifungisise nyaya yacho, tichibvuma nokuzvininipisa kukanganisa kwedu, tokumbira kukanganwirwa naJehovha, tichitsvaka kubatsirwa naye kugadzirisa patisina kusimba pacho! “Varume vakuru veungano” vangava ndivo vanonyatsokwanisa kutibatsira zvakadaro.—Jakobho 5:14.

9. Minyengetero yedu ingaratidza chii pamusoro pemwoyo wedu?

9 Achipindura kukumbira kwakaita Mambo muduku Soromoni uchenjeri nezivo, Jehovha akati: “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa . . . , njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa pfuma, nezvakawanda, nokukudzwa.” (2 Makoronike 1:11, 12) Kubva pane zvakakumbirwa naSoromoni nezvaasina kukumbira, Jehovha aiziva zvaidiwa nemwoyo waSoromoni. Zvatinotaura naMwari zvinoratidza chii pamusoro pemwoyo wedu? Minyengetero yedu inoratidza nyota yatinayo yezivo, uchenjeri, uye kunzwisisa here? (Zvirevo 2:1-6; Mateu 5:3) Zvinhu zvine chokuita noUmambo zvinodiwa nemwoyo wedu here? (Mateu 6:9, 10) Kana minyengetero yedu yangova iya yokutaura tisina kumbofunga, izvi zvingaratidza kuti tinoda kutora nguva tichifungisisa zvakaitwa naJehovha. (Pisarema 103:2) VaKristu vose vanofanira kungwarira kuziva zvinoratidzwa neminyengetero yavo.

Zviito Zvedu Zvinoratidzei?

10, 11. (a) Upombwe noufeve zvinotangira pai? (b) Chii chichatibatsira kusa‘ita upombwe mumwoyo medu’?

10 Zvinonzi zviito zvinotaura zvinonzwika zvikuru kupfuura mashoko. Zviito zvedu zvinotaura zvakawanda pamusoro pezvatiri nechomukati. Somuenzaniso, munyaya dzetsika, kuchengeta mwoyo kunosanganisira zvinopfuura kungodzivisa kuita ufeve kana upombwe. Mumharidzo yake yepaGomo, Jesu akataura kuti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Tingadzivisa sei kuita upombwe kunyange mumwoyo medu?

11 Tateguru akatendeka Jobho akaratidza muenzaniso kuvarume nevakadzi vechiKristu vakaroora. Hapana mubvunzo kuti Jobho aishanda nevakadzi vaduku kunyange kuvabatsira kana vaida kubatsirwa. Asi murume akanga akavimbika uyu haana kumbobvira apindwa nepfungwa yokuda zvokudanana navo. Nei? Nokuti akanga anyatsosarudza kuti aisada kutarira vakadzi noruchiva. Akati: “Ndakaita sungano nameso angu; zvino ndingatarira musikana seiko?” (Jobho 31:1) Ngatiitewo sungano yakadaro nemaziso edu tochengeta mwoyo wedu.

12. Ungashandisa sei Ruka 16:10 panyaya yokuchengeta mwoyo wako?

12 “Munhu akatendeka muzviduku pane zvose akatendekawo muzvikuru,” akadaro Mwanakomana waMwari, “uye munhu asina kururama muzviduku pane zvose haanawo kururama muzvikuru.” (Ruka 16:10) Hungu tinoda kuongorora mufambiro wedu muzvinhu zvoupenyu hwemazuva ose zvinoita sezviduku, kunyange zviya zvinoitika tiri toga mumusha wedu. (Pisarema 101:2) Patinenge tigere mumba medu, tichiona TV, kana kuti tiri paIndaneti, tinova nechokwadi chokuti tinoita maererano nezano romuMagwaro here rokuti: “Ufeve nokusachena kworudzi rwose kana kukara ngazvirege kumbodudzwa pakati penyu, sezvazvinokodzera vanhu vatsvene; kana mufambiro unonyadzisa kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa, zvinhu zvisina kufanira.”? (VaEfeso 5:3, 4) Kana kuti zvakadini nechisimba chingava muTV kana kuti mumitambo yemavhidhiyo? “Jehovha unoidza vakarurama,” anodaro munyori wepisarema, “asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.”—Pisarema 11:5.

13. Tinofanira kungwarirei patinofunga zvinobuda mumwoyo medu?

13 “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose,” akayambira kudaro Jeremia. (Jeremia 17:9) Kunyengera kwemwoyo uku kungabuda pachena patinopa tuzvikonzero twokukanganisa kwedu, patinotora zvikanganiso sezviduku, patinoedza kuita kuti paite sepane zvikonzero zvinonzwisisika zvezvikanganiso zvakakomba, kana kuti patinotaura tichiwedzeredza pamusoro pezvatinenge taita. Mwoyo wakaora unogonawo kuva nezvinangwa zviviri—miromo inonyengera ichitaura ichi, zviito zvichireva zvimwewo. (Pisarema 12:2; Zvirevo 23:7) Zvinokosha kwazvo kuti tive vakatendeseka patinoongorora zvinobuda mumwoyo!

Ziso Redu Rakanaka Here?

14, 15. (a) Ziso “rakanaka” rakadini? (b) Kuchengeta ziso rakanaka kunotibatsira sei kuchengeta mwoyo wedu?

14 “Rambi romuviri iziso,” akadaro Jesu. Akawedzera kuti: “Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka.” (Mateu 6:22) Ziso rakanaka rinofunga nezvevavariro imwe, kana kuti chinangwa, risingatsauswi pachiri. Chokwadi, ziso redu rinongofanira ku‘tanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’ (Mateu 6:33) Chii chingaitika kumwoyo wedu wokufananidzira kana ziso redu risina kunaka?

15 Funga nezvenyaya yokuwana chokurarama nacho. Isu vaKristu tinosungirwa kutarisira zvinodiwa nemhuri dzedu. (1 Timoti 5:8) Asi zvakadini kana tikaedzwa nechishuvo chokuva nezvichangobva kubuda, zvakanakisisa, uye zviri kutsvakwa nevakawanda panyaya yezvokudya, zvokupfeka, pokugara, nezvimwewo zvinhu? Izvozvo hazvingaiti kuti mwoyo nepfungwa zvive varanda, zvichiita kuti tinamate nemwoyo miviri here? (Pisarema 119:113; VaRoma 16:18) Nei tichifanira kubatikana zvakanyanya kutarisira zvatinoda kunyama zvokuti upenyu hwedu hunenge hwangova hwokutarisira mhuri, bhizimisi, uye zvinhu zvokunyama? Yeuka zano rakafuridzirwa rinoti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo seriva. Nokuti richauya pana avo vose vanogara pamusoro pepasi rose.”—Ruka 21:34, 35.

16. Jesu akapa zano rei pamusoro peziso, uye nei?

16 Ziso inzira inokosha yokutaurirana nepfungwa nemwoyo. Zvarinotarisa zvinogona kuchinja zvikuru pfungwa dzedu, manzwiro, uye zviito. Achitaura nenzira yokuenzanisira, Jesu akataura nezvesimba romuedzo wokuona ndokuti: “Zvino, kana ziso rako rorudyi iroro richiita kuti ugumbuke, ribvise urirasire kure newe. Nokuti zvinobetsera zvikuru kwauri kuti urasikirwe hako nomumwe wemitezo yako pane kuti muviri wako wose ukandirwe muGehena.” (Mateu 5:29) Ziso rinofanira kudzorwa kuti risaone zvisina kufanira. Somuenzaniso, harifaniri kubvumirwa kuramba richiona zvinhu zvinoitirwa kumutsa zvishuvo zvisina kunaka.

17. Kushandisa VaKorose 3:5 kunotibatsira sei kuchengeta mwoyo wedu?

17 Ichokwadi kuti kuona haisiriyo nzira yoga yokuziva nayo zviri kuitika munyika. Kubata nokunzwa kunoshandawo, uye tinofanira kutora matanho okudzivirira dzimwe nhengo dzomuviri zvekare. Muapostora Pauro akapa zano rokuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu iri pasi pano kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora, kuri kunamata zvidhori.”—VaKorose 3:5.

18. Matanhoi atinofanira kutora ane chokuita nepfungwa dzisina kunaka?

18 Chishuvo chisina kunaka chingatanga mukati-kati mepfungwa dzedu. Kuramba tichifunga nezvacho kunowanzowedzera chishuvo chacho chisina kururama, chochinja mwoyo. “Ipapo kuchiva, pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” (Jakobho 1:14, 15) Vakawanda vanobvuma kuti ndiwo matangire anowanzoita bonhora. Zvinokosha kwazvo kuti tirambe tichiita kuti pfungwa dzedu dzifunge zvinhu zvokumudzimu! (VaFiripi 4:8) Uye kana pfungwa isina kunaka ikauya mumusoro, tinofanira kurwisa kuibudisa.

‘Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana’

19, 20. Tingabudirira sei kushumira Jehovha nomwoyo wakakwana?

19 Akwegura, Mambo Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake kuti: “Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo.” (1 Makoronike 28:9) Soromoni pachake akanyengetera achikumbira “mwoyo unonzwisisa.” (1 Madzimambo 3:9) Kunyange zvakadaro, akatarisana nebasa guru rokuramba aine mwoyo wakadaro muupenyu hwake hwose.

20 Kuti tibudirire pakadai, hatingofaniri kuva nemwoyo unofadza Jehovha asiwo kuuchengeta. Kuti tiite izvi, tinofanira kuramba tiine zviyeuchidzo zveShoko raMwari mumwoyo medu—‘mukati mawo.’ (Zvirevo 4:20-22) Tinofanirawo kugara tichiongorora mwoyo wedu, tichinyengetera nokufungisisa pamusoro pezvinoratidzwa nemashoko nezviito zvedu. Kufungisisa ikoko kungabatsirei kana tisingatsvaki kubatsirwa naJehovha kururamisa chero patinowana tisina kusimba? Uye zvinokosha kwazvo kuti tinyatsongwarira zvatinopinza nomupfungwa dzedu! Pakuita izvi, tinovimbiswa kuti “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nemasimba [edu] okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Hungu, ngatishingei kuchengeta mwoyo wedu kupfuura zvose zvinofanira kurindwa uye kushumira Jehovha nomwoyo wakakwana.

Unoyeuka Here?

• Nei kuchengeta mwoyo kuchikosha?

• Kuongorora zvatinotaura kunotibatsira sei kuchengeta mwoyo wedu?

• Nei tichifanira kuchengeta ziso redu “rakanaka”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Tinowanzotaura nezvei mubasa romumunda, pamisangano, uye kumba?

[Mifananidzo iri papeji 25]

Ziso rakanaka haritsauswi