Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chichaita Kuti Pave Nenyika Inofadza

Chichaita Kuti Pave Nenyika Inofadza

Chichaita Kuti Pave Nenyika Inofadza

“MUNHU mumwe chete ane simba kupfuura vose—kwete chete mumamireniyamu maviri ano asi munhau yose yevanhu—ava ari Jesu weNazareta,” yakadaro magazini inonzi Time. Jesu paaiva pasi pano, zviuru zvevanhu vane mwoyo yakatendeseka zvakabvuma, kwete chete ukuru hwake, asi kuva nehanya kwake nevamwe. Nokudaro hazvishamisi kuti vaida kumuita mambo. (Johani 6:10, 14, 15) Asi, sezvataurwa munyaya yapfuura, Jesu akaramba kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika.

KURAMBA kwaJesu kwaibva pazvikonzero zvatingati zvitatu: maonero aBaba vake kuzviitira zvisarudzo kwevanhu, kunosanganisira utongi hwevanhu; kuziva kwaJesu kuti kune masimba akavanda anokwikwidzana noutongi hwevanhu kunyange hwakanakisisa; uye chinangwa chaMwari chokugadza hurumende yokudenga kuti itonge pasi pose. Sezvatinoongorora pfungwa idzi nhatu zvakadzama, tichaona kuti nei kuedza kwevanhu kuita kuti nyika ive nzvimbo iri nani kwakundikana. Tichaonawo kuti zvichabudirira sei.

Vanhu Vanogona Kuzvitonga Here?

Mwari paakasika vanhu, akavapa chiremera pamusoro pemhuka dzose. (Genesi 1:26) Asi vanhu vaiva pasi pouchangamire hwaMwari. Murume nomukadzi vokutanga vaizoratidza kuzviisa kwavo pasi paMwari nokuteerera vachirega muchero womumwe muti, “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:17) Zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha vakashandisa zvisina kufanira rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira ndokurega kuteerera Mwari. Kutora muchero wakanga warambidzwa kwakanga kusiri kungobawo hako. Kwairatidza kupandukira uchangamire hwaMwari. Mashoko omuzasi aGenesi 2:17 muThe New Jerusalem Bible anoti Adhamu naEvha vakati vaida “kuzvitonga kwakakwana kunoratidza kuramba kwomunhu kuti iye akasikwa . . . Chivi chokutanga kwaiva kutsoropodzwa kwouchangamire hwaMwari.”

Nokuda kwenhau dzakakomba dzetsika dzaibatanidzwa, Mwari akabvumidza Adhamu naEvha nevana vavo kusarudza nzira yavo youpenyu, uye vakadzika mitemo yavo yechakarurama nechisina kururama. (Pisarema 147:19, 20; VaRoma 2:14) Tingangoti ndiwo matangiro akaita vanhu kuedza kuzvisarudzira. Kwave kuchibudirira here? Nokuwanda kwaita makore apfuura, tinogona kuti kwete! Muparidzi 8:9 inoti: “Kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, a[no]muitira zvakaipa.” Ichi chinyorwa chinochemedza chokuzvitonga kwomunhu chinosimbisa chokwadi chemashoko aJeremia 10:23 anoti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhanho dzake.” Zvakaitika zvaratidza kuti vanhu havakwanisi kutonga zvinobudirira pasina Musiki.

Jesu akabvumirana nazvo zvizere. Kuzvitonga pasina Mwari kwaitomunyangadza. “Handiiti chinhu changu ndoga,” akadaro. “Ndinogaroita zvinhu zvinomufadza [Mwari].” (Johani 4:34; 8:28, 29) Nokudaro, pasina mvumo yaMwari yokugamuchira umambo kubva kuvanhu, Jesu haana kutombofunga zvokuhubvuma. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti akanga asingadi kubatsira vamwe vanhu. Kusiyana naizvozvo, akaita zvose zvaaikwanisa kuita kuti abatsire vanhu kuwana mufaro mukuru zvikuru panguva iyoyo uye mune remangwana. Akapa kunyange upenyu hwake nokuda kwevanhu. (Mateu 5:3-11; 7:24-27; Johani 3:16) Asi Jesu aiziva kuti ‘chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,’ kusanganisira nguva yaMwari yokusimbisa uchangamire hwake pavanhu. (Muparidzi 3:1; Mateu 24:14, 21, 22, 36-39) Zvisinei, yeuka kuti muEdheni vabereki vedu vokutanga vakabvuma zvido zvechimwe chisikwa chomudzimu chakashata chakataura chichishandisa nyoka yaioneka. Izvi zvinotipa chikonzero chechipiri nei Jesu asina kupindira mune zvematongerwe enyika.

Mutongi Wenyika Asingazivikanwi

Bhaibheri rinotiudza kuti Satani akaedza kupa Jesu “umambo hwose hwenyika nembiri yahwo” kana aizoita chiito chimwe chete chokumunamata. (Mateu 4:8-10) Tingangoti Jesu akaedzwa kupiwa utongi hwenyika—asi maererano nezvaidiwa naDhiyabhorosi. Jesu haana kubatwa mumuedzo uyu. Zvisinei, waiva muedzo zvechokwadi here? Satani aigona kupa chinhu chikuru zvakadaro here? Hungu, nokuti Jesu pachake akadana Dhiyabhorosi kuti “mutongi wenyika,” uye muapostora Pauro akamurondedzera sa“mwari wegadziriro ino yezvinhu.”—Johani 14:30; 2 VaKorinde 4:4; VaEfeso 6:12.

Chokwadi Jesu aiziva kuti Dhiyabhorosi haana zvido zvevanhu mumwoyo make. Akatsanangura Satani so“muurayi” uye sa“baba venhema uye vezvose zvokunyepa.” (Johani 8:44, The Amplified Bible) Zviri pachena kuti nyika “iri musimba” romudzimu wakaipa kudaro haingambofari zvechokwadi. (1 Johani 5:19) Asi Satani haasi kuzova nesimba iri nokusingaperi. Jesu, uyo zvino ava chisikwa chomudzimu chine simba, achabvisa Satani munguva pfupi iri kutevera nokubvisa pesvedzero yake zvachose.—VaHebheru 2:14; Zvakazarurwa 20:1-3.

Satani pachake anoziva kuti mazuva ake somutongi wenyika asara mashoma. Nokudaro, ari kuparapatika kuedza kushatisa vanhu zvokusagadzirisika, sezvaakangoita Mafashamo omuzuva raNoa asati aitika. (Genesi 6:1-5; Judha 6) “Nhamo nokuda kwepasi negungwa,” inodaro Zvakazarurwa 12:12, “nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” Uprofita hweBhaibheri nezviitiko zvenyika zvinoratidza kuti tiri kurarama pakupedzisira kwe“nguva pfupi” iyi. (2 Timoti 3:1-5) Kusunungurwa kwava pedyo zvino.

Hurumende Ichaunza Mufaro

Chikonzero chechitatu nei Jesu asina kupindira mune zvematongerwe enyika ndechokuti aiziva kuti pane imwe nguva yakatarwa, Mwari aizotanga hurumende yokudenga kuti itonge pasi. Bhaibheri rinodana hurumende iyi kuti Umambo hwaMwari, uye ndihwo hwaiva musoro mukuru wedzidziso yaJesu. (Ruka 4:43; Zvakazarurwa 11:15) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera Umambo ihwohwo kuti huuye, nokuti mukutonga kwahwo chete ndimo muchaitika ‘kuda kwaMwari pasi panowo, sokudenga.’ (Mateu 6:9, 10) Unganetseka kuti ‘Kana Umambo uhwu huchizotonga pasi pose, chii chichaitika kuhurumende dzakavambwa nevanhu?’

Mhinduro yacho inowanika pana Dhanieri 2:44 panoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [anenge achitonga pakuguma kwenyika ino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwakavambwa nevanhu], ihwo huchamira nokusingaperi.” Nei Umambo hwaMwari huchifanira “kuputsanya” utongi hwepasi? Nokuti ihwo hunoramba huchipfuudzira pfungwa yokuramba Mwari pakuzvisarudzira chakanaka nechakaipa yakatangwa naSatani kare mubindu reEdheni. Kuwedzera pakushanda nokuita zvinopesana nezvido zvevanhu, vaya vanopfuudzira pfungwa iyoyo vanopesanawo noMusiki. (Pisarema 2:6-12; Zvakazarurwa 16:14, 16) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti ‘Tiri kurutivi rwokutonga kwaMwari here kana kuti tiri kupesana nakwo?’

Uchasarudza Uchangamire Hwaani?

Kuti abatsire vanhu kuita chisarudzo chakanaka nezvoutongi, Jesu akapa vadzidzi vake basa rokuparidza “mashoko akanaka oumambo . . . mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose” mugumo wenyika ino usati wasvika. (Mateu 24:14) Ndivanaani nhasi vanozivikanwa munyika yose nokuda kwokuparidza Umambo hwaMwari? Zvapupu zvaJehovha. Chaizvoizvo, magazini ino yava nenguva iine mashoko pabutiro repamberi anoti “Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.” Nhasi, Zvapupu zvinenge mamiriyoni matanhatu zviri munyika dzinopfuura 230 zviri kubatsira vanhu kuwana zivo yakarurama yoUmambo hwaMwari. *

Zvikomborero Kuvanhu Vachatongwa noUmambo

Jesu aigaroita zvinhu nenzira yaMwari. Nokudaro, pane kusarudza kurarama achizvimirira nokuedza kutsigira kana kuti kuvandudza nyika yaivapo achishandisa zvematongerwe enyika, akashanda zvakaoma kuti afambisire mberi zvinhu zvinotsigira Umambo hwaMwari, nzira yoga yokupedza nayo zvinetso zvenyika. Nokuda kwokutendeka kwake akapiwa mubayiro wechigaro chine mbiri kudenga saMambo chaiye woUmambo ihwohwo. Mubayiro wakazonaka wokuzviisa pasi paMwari kwaakaita!—Dhanieri 7:13, 14.

Mamiriyoni nhasi anotevedzera Jesu mukuisa Umambo hwaMwari pakutanga uye kuzviisa pasi pokuda kwaMwari achawanawo chipo chakazonaka—ropafadzo yokugara pasi pano vachitongwa noUmambo hwaMwari. (Mateu 6:33) Pasi pokutonga kwahwo kworudo, vachasimudzirwa kusvika vava vanhu vakakwana, vaine tariro youpenyu husingaperi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi,” inodaro 1 Johani 2:17. Zvichazova zvinofadza kuramba tiripo nokusingaperi kana Satani nevateveri vake vatsvairwa uye pasi rose rachinjwa kuva paradhiso isina marudzi akakamukana, zvokutengeserana zvine uori, nechitendero chenhema!—Pisarema 37:29; 72:16.

Hungu, Umambo hwaMwari ndihwo musimboti chaiwo wenyika inofara, uye shoko riri kuhuzivisa rakanyatsokodzera kunzi mashoko akanaka. Kana usati watodaro, nguva inotevera ichashanyira mumwe weZvapupu zvaJehovha pamusha pako, wadii kugamuchira aya mashoko akanaka ari kuunzwa kwauri?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Pakutsigira Umambo hwaMwari, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwe enyika kana kuronga kupandukira hurumende dzevanhu, kunyange munyika munorambidzwa kana kutambudzwa Zvapupu. (Tito 3:1) Pane kudaro, zvinoedza kutsigira nenzira inobatsira uye yokumudzimu isiri yezvematongerwe enyika yakashandiswa naJesu nevadzidzi vake vomuzana remakore rokutanga. Zvapupu zvinoedza kubatsira vanhu vane mwoyo yakarurama vari mazvinogara makasiyana-siyana kuti varovedzane nenheyo dzeBhaibheri dzakanaka, dzakadai sorudo rwomumhuri, kuvimbika, tsika dzakachena, netsika dzokushanda dzakanaka. Zvikurukuru vanoedza kuvadzidzisa kutevera nheyo dzeBhaibheri uye kutarisa kuUmambo hwaMwari setariro chaiyo yevanhu vose.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Zvakaitika kare zvinoratidza kuti vanhu havagoni kutonga zvinobudirira pasina Mwari

[Mufananidzo uri papeji 5]

Nokuti anotonga “gadziriro ino yezvinhu,” Satani aigona kuedza kupa Jesu “umambo hwose hwenyika”

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jesu akadzidzisa kuti pasi poUmambo hwaMwari, nyika ichava nzvimbo yakazonaka