Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nomwoyo Unofadza Jehovha

Iva Nomwoyo Unofadza Jehovha

Iva Nomwoyo Unofadza Jehovha

“Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.”—PISAREMA 51:10.

1, 2. Nei tichifanira kuda kuziva mwoyo yedu?

AIVA murefu aine chitarisiko chinoyevedza. Paakangomuona, Samueri akaororwa zvokuti akabva angofunga kuti mwanakomana mukuru waJese uyu ndiye akanga asarudzwa naMwari kuti ave mambo pashure paSauro. Asi Jehovha akati: “Usatarira chiso [chomwanakomana uyo], kana mumhu wake, nokuti ndamuramba . . . Munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” Jehovha akasarudza mwanakomana wokupedzisira waJese, Dhavhidhi—“munhu unofadza mwoyo wake.”—1 Samueri 13:14; 16:7.

2 Mwari anogona kuziva zviri pamwoyo womunhu, sezvaakazojekesa kuti: “Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.” (Jeremia 17:10) Hungu, “Jehovha unoidza mwoyo.” (Zvirevo 17:3) Zvisinei, mwoyo uri mumunhu unoidzwa naJehovha chii? Uye tingaitei kuti tive nomwoyo unomufadza?

“Munhu Akavanzika Wemwoyo”

3, 4. Shoko rokuti “mwoyo” rinonyanya kushandiswa mupfungwa ipi muBhaibheri? Ipa mienzaniso.

3 Shoko rokuti “mwoyo” rinooneka muMagwaro Matsvene kanenge kane chiuru. Kakawanda kacho rinoshandiswa munzira yokufananidzira. Somuenzaniso, Jehovha akaudza muprofita Mosesi kuti: “Taura navana vaIsraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe unoda kundiitira izvozvo nomwoyo wake.” Uye vaya vaipa zvipo “vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake.” (Eksodho 25:2; 35:21) Zviri pachena kuti mwoyo wokufananidzira unosanganisira kukurudzirwa—simba riri nechomukati rinotikurudzira kuita chiito. Mwoyo wedu wokufananidzira unoratidzawo manzwiro edu nemafungiro atinoita, zvishuvo nezvatinoda. Mwoyo unogona kuzadzwa nehasha zvikuru kana kunzwa kutya kwazvo, kuparadzwa nenhamo kana kuzara nomufaro. (Pisarema 27:3; 39:3; Johani 16:22; VaRoma 9:2) Unogona kudada kana kuzvininipisa, kuda kana kuvenga.—Zvirevo 16:5; Mateu 11:29; 1 Petro 1:22.

4 Maererano naizvozvo, “mwoyo” unowanzobatanidzwa nokukurudzirwa uye manzwiro atinoita, nepo “pfungwa” zvikurukuru ine chokuita nokufunga. Ndiyo nzira inofanira kunzwisiswa nayo mashoko aya paanenge ari pamwe chete muMagwaro. (Mateu 22:37; VaFiripi 4:7) Asi mwoyo nepfungwa hazvigoni kuparadzaniswa. Somuenzaniso, Mosesi akakurudzira vaIsraeri kuti vaifanira ku‘rangarira mumwoyo yavo [kana kuti ‘mupfungwa dzavo,’ NW ref., mashoko omuzasi] kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.’ (Dheuteronomio 4:39) Kuvanyori vairangana pamusoro pake, Jesu akati: “Muri kufungirei zvinhu zvakaipa mumwoyo menyu?” (Mateu 9:4) ‘Kunzwisisa,’ “zivo,” uye ‘kufunga’ zvinogonawo kuva nechokuita nomwoyo. (1 Madzimambo 3:12; Zvirevo 15:14; Mako 2:6) Naizvozvo mwoyo wokufananidzira unogonawo kusanganisira mano edu okuziva—kufunga kwedu kana kuti kunzwisisa kwedu.

5. Mwoyo wokufananidzira unomiririrei?

5 Maererano nerimwe bhuku rokutsvakurudza mashoko, mwoyo wokufananidzira unomiririra “kakawanda kacho nzvimbo inonyanya kukosha, mukati, uye nokudaro zvichireva munhu womukati anozviratidza mumabasa ake ose akasiyana-siyana, muzvishuvo zvake, zvaanoda, manzwiro aanoita, zvinonyanyomukwezva, zvinangwa, pfungwa dzake, zvaanonzwisisa, zvaanofungidzira, uchenjeri hwake, ruzivo, unyanzvi, zvaanotenda uye zvaanofunga, zvaanoyeuka uye zvaanoziva nezvazvo.” Unomiririra zvatiri chaizvo nechomukati, “munhu akavanzika wemwoyo.” (1 Petro 3:4) Ndizvo zvinoonekwa naJehovha uye zvaanoidza. Saka, Dhavhidhi aigona kunyengetera kuti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.” (Pisarema 51:10) Tingava sei nomwoyo wakachena?

“Teererai Nemwoyo Yenyu” Shoko raMwari

6. Mosesi akakurudzira vaIsraeri vakanga vakadzika misasa muMapani eMoabhi kuita chii?

6 Achirayira vanakomana vaIsraeri vakanga vakaungana pamapani eMoabhi vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akati: “Teererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti murayire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu.” (Dheuteronomio 32:46) VaIsraeri vaifanira ku‘teerera zvakanaka.’ Vaizogona kuramba vachidzidzisa vana vavo murayiro waMwari kana ivo vanyatsouziva.—Dheuteronomio 6:6-8.

7. Ku‘teerera nomwoyo wedu’ Shoko raMwari kunosanganisirei?

7 Chinhu chikuru chinodiwa kuti tive nomwoyo wakachena kuwana zivo yakarurama yokuda kwaMwari nezvinangwa zvake. Panongova nebhuku rimwe chete rinobva zivo iyoyo, Shoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Timoti 3:16, 17) Kunyange zvakadaro, zivo yomumusoro chete haizotibatsiri kuva nomwoyo unofadza Jehovha. Kuti zivo itichinje zvatiri nechomukati, tinofanira ‘kuteerera nomwoyo wedu,’ kana kuti “kupinza mumwoyo,” zvatiri kudzidza. (Dheuteronomio 32:46, An American Translation) Izvi zvinoitwa sei? Munyori wepisarema Dhavhidhi anotsanangura achiti: “Ndinorangarira mazuva akare; ndinofungisisa zvose zvamakaita; ndinofunga basa ramaoko enyu.”—Pisarema 143:5.

8. Mibvunzo ipi yatingafungisisa sezvatinodzidza?

8 Isuwo tinofanira kufungisisa nokuonga basa raMwari. Pakuverenga Bhaibheri kana mabhuku anotaura nezveBhaibheri, tinoda kufungisisa mibvunzo yakadai seyokuti: ‘Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Unhu hupi hwaJehovha hwandinoona huchiratidzwa pano? Nyaya iyi inondidzidzisa chii pamusoro pezvinodiwa nezvisingadiwi naJehovha? Kutevera nzira inodiwa naJehovha kunoguma nei zvichienzaniswa nokutevera nzira yaanovenga? Mashoko aya anobatana sei nezvandinotoziva kare?’

9. Kudzidza woga nokufungisisa kunokosha sei?

9 Lisa * ane makore 32 anotsanangura manzwisisire aakaita kukosha kwokudzidza zvine chinangwa nokufungisisa: “Ndabhabhatidzwa muna 1994, ndakanga ndichishingaira chaizvo muchokwadi kwemakore anenge maviri. Ndaipinda misangano yose yechiKristu, ndaipedza maawa 30 kusvikira ku40 pamwedzi muushumiri hwomumunda, uye ndaishamwaridzana nevamwe vaKristu. Ipapo ndakatanga kukukurwa. Ndakaderera zvakanyanya zvokuti ndakatotyora mutemo waMwari. Asi ndakazopengenuka ndikasarudza kuchenesa upenyu hwangu. Ndiri kuzofara kwazvo kuti Jehovha akabvuma kupfidza kwangu akandigamuchirazve! Ndinowanzofungisisa kuti: ‘Nei ndakatsauka?’ Mhinduro inogara ichiuya mupfungwa mangu ndeyokuti ndakaregeredza kudzidza zvine chinangwa nokufungisisa. Chokwadi cheBhaibheri chakanga chisina kumbosvika pamwoyo pangu. Kubva iye zvino, ndicharamba ndichikoshesa kudzidza ndoga nokufungisisa muupenyu hwangu.” Sezvatinokura muzivo yaJehovha, Mwanakomana wake, uye Shoko rake, zvinokosha chaizvo kuti tiwane nguva yokufungisisa zvine chinangwa!

10. Nei zviri zvokukurumidzira kuti tiwane nguva yokudzidza tiri toga nokufungisisa?

10 Munyika ino yakabatikana, kuwana nguva yokudzidza nokufungisisa ibasa zvechokwadi. Zvisinei, vaKristu nhasi vari pamusuo chaipo peNyika Yakapikirwa inoshamisa—nyika itsva yaMwari yakarurama. (2 Petro 3:13) Zviitiko zvinotyisa, zvakadai sokuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru” uye kudenha vanhu vaJehovha kunoitwa na“Gogi, wenyika yaMagogi” zvava pedyo. (Zvakazarurwa 17:1, 2, 5, 15-17; Ezekieri 38:1-4, 14-16; 39:2) Zviri pamberi apa zvingaedza kuda kwatinoita Jehovha. Ndezvokukurumidzira kuti iye zvino titenge nguva yedu yakafanira toteerera nomwoyo wedu Shoko raMwari!—VaEfeso 5:15, 16.

‘Gadzirira Mwoyo Wako Kutsvaka Shoko raJehovha’

11. Mwoyo wedu ungafananidzwa nevhu sei?

11 Mwoyo wokufananidzira ungafananidzwa nevhu rinogona kudyarwa mbeu yechokwadi. (Mateu 13:18-23) Ivhu chairo rinowanzorimwa kuti pave nechokwadi chokuti chirimwa chinokura zvakanaka. Saizvozvowo mwoyo unofanira kugadzirirwa, zvokuti unogamuchira zviri nyore Shoko raMwari. Mupristi Ezra ‘akagadzirira mwoyo wake kuti atsvake mutemo waJehovha nokuuita.’ (Ezra 7:10) Isu tingagadzirira sei mwoyo wedu?

12. Chii chichabatsira kugadzirira mwoyo kudzidza?

12 Kunyengetera nomwoyo wose ndiko kunogadzirira mwoyo zvakanakisisa patinoverenga Shoko raMwari. Misangano yechiKristu yevanamati vechokwadi inozarurwa nokupfigwa nomunyengetero. Zvakakodzera zvikuru kuti titange chidzidzo chomunhu oga cheBhaibheri chimwe nechimwe nomunyengetero wepachokwadi tobva taramba tichizvibata somunhu anyengetera patinenge tichidzidza!

13. Kuti tive nomwoyo unofadza Jehovha, tinofanira kuitei?

13 Mwoyo wokufananidzira unofanira kugadzirira kudzima pfungwa dzatagara tiinadzo. Vatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu vakanga vasingadi kuita izvi. (Mateu 13:15) Ukuwo, amai vaJesu, Mariya, vakafungisisa “mumwoyo mavo” zvichibva pachokwadi chavakanga vanzwa. (Ruka 2:19, 51) Vakava mudzidzi akatendeka waJesu. Ridhiya wokuTiyatira akateerera Pauro, “uye Jehovha akanyatsozarura mwoyo wake kuti ateerere.” Naiyewo akava mutendi. (Mabasa 16:14, 15) Ngatirege kuomerera kune zvatinofunga pachedu kana kuti maonero echitendero atinoda. Asi, ngatide kuita kuti Mwari “awanikwe ari wechokwadi, kunyange munhu wose angawanikwa ari murevi wenhema.”—VaRoma 3:4.

14. Tingagadzirira sei mwoyo wedu kuti uteerere pamisangano yechiKristu?

14 Kugadzirira mwoyo kuti uteerere zvikurukuru pamisangano yechiKristu kunokosha. Zvipiringidzo zvingabvisa pfungwa dzedu pane zviri kutaurwa. Mashoko anotaurwa angasashanda zvakanyanya kwatiri kana tiri kufunga zvinhu zvaitika zuva iroro kana kuti tichinetseka nezvakatimirira mangwana. Kana tichizobatsirwa nezviri kutaurwa tinofanira kunyatsotsunga kuteerera ndokudzidza. Tichabatsirwa kwazvo kana tine shungu dzokunzwisisa magwaro anenge achitsanangurwa nokududzirwa kwaanenge achiitwa!—Nehemia 8:5-8, 12.

15. Kuzvininipisa kunotibatsira sei kuva vanodzidzisika zviri nyore?

15 Kungowedzera zvimwe zvakakodzera kungaita kuti ivhu riorere, saka kukudziridza kwedu kuzvininipisa, chishuvo chokukura mumudzimu, chivimbo, kutya Mwari, uye kuda Mwari kunogona kuvandudza mwoyo wedu wokufananidzira. Kuzvininipisa kunoita kuti mwoyo uve munyoro, zvichitibatsira kuva vanodzidzisika zviri nyore. Jehovha akati kuna Mambo weJudha ainzi Josia: “Mwoyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura . . . ukachema pamberi pangu; . . . ini ndakunzwawo.” (2 Madzimambo 22:19) Mwoyo waJosia waizvininipisa uye waiteerera. Kuzvininipisa kwakaita kuti vadzidzi vaJesu “vakanga vari vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza” vabate ndokushandisa chokwadi chokumudzimu chakanga chatadza kunzwisiswa nevanhu “vakachenjera nevakangwara.” (Mabasa 4:13; Ruka 10:21) Ngati“zvininipise pamberi paMwari wedu” sezvatinoedza kuva nomwoyo unofadza Jehovha.—Ezra 8:21.

16. Nei pachitoda basa kuti tikudziridze nzara yezvokudya zvokumudzimu?

16 Jesu akati: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Kunyange zvazvo takapiwa chido chokukura mumudzimu, kuoma kwezvinhu munyika ino yakaipa kana kuti usimbe hungaita kuti titadze kuziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu. (Mateu 4:4) Tinofanira kuva nechido chakanaka chezvokudya zvokumudzimu. Kunyange pakutanga tingasafarira kuverenga Bhaibheri nokudzidza tiri toga, tikashingirira tichaona kuti zivo ‘ichafadza mweya wedu,’ zvokuti tinotarisira nomwoyo wose nguva dzokudzidza.—Zvirevo 2:10, 11.

17. (a) Nei Jehovha aine kodzero yokuti tivimbe naye zvakakwana? (b) Tingavimba sei naMwari?

17 “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako,” akapa zano achidaro Mambo Soromoni. (Zvirevo 3:5) Mwoyo unovimba naJehovha unoziva kuti chero chaanokumbira kana chaanorayira achishandisa Shoko rake chakarurama nguva dzose. (Isaya 48:17) Zvechokwadi Jehovha ane kodzero yokuti tivimbe naye zvakakwana. Anokwanisa kuita zvose zvaanoda kuita. (Isaya 40:26, 29) Zita rake chairo rinoreva chaizvoizvo kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda,” zvinoita kuti tivimbe kuti anokwanisa kuita zvaakapikira! “Akarurama panzira dzake dzose, une nyasha pazvose zvaanoita.” (Pisarema 145:17) Chokwadi, kuti tivimbe naye, tinofanira ku‘ravira toona kuti Jehovha akanaka’ nokushandisa zvatinodzidza muBhaibheri muupenyu hwedu pachedu uye nokufungisisa zvakanaka zvinobva mukudaro.—Pisarema 34:8.

18. Kutya Mwari kunotibatsira sei kuteerera nhungamiro yake?

18 Achitaura nezvechimwezve chinoita kuti mwoyo yedu iteerere nhungamiro yaMwari, Soromoni akataura kuti: “Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa.” (Zvirevo 3:7) Jehovha akati nezvevaIsraeri vekare: “Dai vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirayiro yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!” (Dheuteronomio 5:29) Hungu, vaya vanotya Mwari vanomuteerera. Jehovha anokwanisa ku“ratidz[a] simba rake kune iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari” uye kuranga vaya vasingamuteereri. (2 Makoronike 16:9) Kutya kutsamwisa Mwari ngakutungamirire zviito zvedu, zvatinofunga, uye manzwiro edu.

‘Ida Jehovha Nemwoyo Wako Wose’

19. Rudo runoita basa rei mukuita kuti mwoyo wedu ubvume kutungamirirwa naJehovha?

19 Kupfuura zvimwe zvose, rudo runonyatsoita kuti mwoyo wedu ubvume kutungamirirwa naJehovha. Mwoyo wakazara nokuda Mwari unoita kuti munhu ade zvikuru kudzidza zvinofadza Mwari nezvisingamufadzi. (1 Johani 5:3) Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Ngatidzamise rudo rwedu kuna Mwari nokugara tichifungisisa runako rwake, nokutaura naye nguva dzose sezvatinoita neshamwari yepedyo, uye nokuda chaizvo kutaura nezvake kune vamwe.

20. Tingava sei nomwoyo unofadza Jehovha?

20 Tichidzokorora: Kuva nomwoyo unofadza Jehovha kunosanganisira kubvumira Shoko raMwari kuchinja zvatiri mukati, munhu akavanzika wemwoyo. Tinotofanira kudzidza toga Magwaro zvine chinangwa nokufungisisa kwokuonga. Izvi zvinoitwa zvakanakisisa nomwoyo wakagadzirirwa—mwoyo usina pfungwa dzagara dzirimo, wakazadzwa nounhu hunoita kuti tidzidzisike! Hungu, tichibatsirwa naJehovha, tinogona kuva nomwoyo wakanaka. Zvisinei, tinogona kutora matanho api kuti tidzivirire mwoyo wedu?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Zita rakachinjwa.

Ungapindura Sei?

• Jehovha anoidza mwoyo upi wokufananidzira?

• Tinga‘teerera sei nomwoyo wedu’ Shoko raMwari?

• Tingagadzirira sei mwoyo wedu kudzidza Shoko raMwari?

• Pashure pokudzidza nyaya iyi, unonzwa uchikurudzirwa kuitei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Dhavhidhi akafungisisa nenzira yokuonga zvinhu zvokumudzimu. Ndizvo zvaunoita here?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Gadzirira mwoyo wako paunenge wava kuda kudzidza Shoko raMwari