Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Matanda aitakuriswa areka yesungano akanga akaiswa papi, sezvo 1 Madzimambo 8:8 ichiratidza kuti aionekwa uri paNzvimbo Tsvene?

Jehovha paakaudza Mosesi magadzirirwo aizoitwa tebhenekeri murenje, chainyanya kukosha ipapo yaiva areka yesungano. Bhokisi iri, rakanga rakanamwa rose nendarama, rakaenzana kumativi ose riine mahwendefa akavezwa akanyorwa Mutemo uye zvimwe zvinhu. Raichengetwa mukamuri romukati-kati, muNzvimbo Tsvene Tsvene. Chaikwidibira Areka yacho chaiva nemifananidzo yemakerubhi endarama akavhura mapapiro. Divi rimwe nerimwe reAreka iyi, raiva nemarin’i kuitira kuti itakurike nematanda maviri, akagadzirwa nomuti womugoferi wakanamwa nendarama. Matanda acho anofanira kunge aipinda nomumarin’i iwayo uye akatevedza Areka. Saka, Areka zvayakanga iri munzvimbo yayo Tsvene Tsvene mutebhenekeri, iyo yainge yakatarisa kumabvazuva, matanda ayo aiva akachinjika akatarisa kumaodzanyemba nokuchamhembe. Izvi ndizvowo zvaiva zvakaita Areka gare gare payaiva mutemberi yakavakwa naSoromoni.—Eksodho 25:10-22; 37:4-9; 40:17-21. *

Nzvimbo Tsvene Tsvene neNzvimbo Tsvene (kamuri rokunze) zvaikamuraniswa neketeni. Vapristi vari muNzvimbo Tsvene vaisakwanisa kutarisa Nzvimbo Tsvene Tsvene uye Areka, yaimiririra kuvapo kwaMwari pachake. (VaHebheru 9:1-7) Saka, 1 Madzimambo 8:8 ingaita seyakaoma kunzwisisa: “Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingaonekwi nechokunze.” Pfungwa imwe chete inotaurwawo pana 2 Makoronike 5:9. Matanda aionekwa sei nomunhu ari paNzvimbo Tsvene yetemberi?

Vamwe vakafungidzira kuti matanda acho aigumha keteni, zvoita kuti aoneke. Asi hazvaizodaro dai matanda ainge akatarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, uku maketeni akaererana nematanda. (Numeri 3:38) Pane tsanangudzo ine musoro kupfuura iyoyo. Matanda angava aioneka kana pakanga paine mukaha mudiki pakati peketeni nemadziro etemberi kana kuti mupristi mukuru paaipinda muNzvimbo Tsvene Tsvene. Keteni raiita kuti Areka pachayo isaoneka, asi matanda akaererana kumativi ose angava aioneka nepamukaha wacho. Kunyange zvazvo tsanangudzo iyi iine musoro, hatigoni kuti ndizvo zvazvainge zviri chaizvo.

Zviri pachena kuti pane zvinhu zvakawanda zvatichigere kuziva. Muapostora Pauro akataura zvinhu zvishoma mutsamba yake kuvaHebheru. Iye akati: “Ino haisi nguva yokutaura zvose pamusoro pezvinhu izvi.” (VaHebheru 9:5) Kumutswa kwevakatendeka kuri mberi kunofanira kuzarura mukana unokurudzira wokudzidza kubva kuvarume vakadai saMosesi, Aroni, Bhezareri, nevamwe vaiziva magadzirirwo akanga akaita tebhenekeri uye basa rayo.—Eksodho 36:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Matanda akanga asingafaniri kubviswa pamarin’i iwayo kunyange Areka payaiva munzvimbo yayo mutebhenekeri. Saka, matanda acho akanga asingashandisirwi zvimwewo zvinangwa. Uyezve, Areka yakanga isingafaniri kubatwa; paibuda matanda mumarin’i, kutakurwa kwayo kwose kwaitoda vanoita basa rokutakura Areka tsvene kuti vadzorere matanda ayo mumarin’i iwayo. Mashoko ari pana Numeri 4:6 anotaura nezvo“kupinza matanda” angareva kuronga nokugadzirisa matanda acho pakugadzirira kutakura areka inorema kuiendesa panzvimbo yayo itsva.