Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mvura Inopa Upenyu Inoyerera muAndes

Mvura Inopa Upenyu Inoyerera muAndes

Mvura Inopa Upenyu Inoyerera muAndes

Makomo eAndes anopinda nepakati pePeru, achikamura nyika yacho zvokuti kumuganhu wokumadokero kwakaoma nokumabvazuva kune masango akasvibira zvakaisvonaka. Pamuchinjiziri uyu wemakomo panogara chikamu chechitatu chevagari vomuPeru vanokwana mamiriyoni 27. Vari pamusorosoro nomumajinga akateruka emakomo eAndes kana kuti vari mumipata nemapani akaorera emakomo iwayo.

MAKOMO eAndes akachachamara-chachamara anoita kuti zvisava nyore kupinda uchibva kunze. Saka mamiriyoni anogara ikoko anoita seari kwawo oga, vasingabatanidzwi nezviitiko zvokunze kwenharaunda yavo.

Misha miduku yakatanga ichitevedza nzizi kuitira kuwana mvura inodiwa nembesa uye zvipfuyo zvakadai sehwai. Zvisinei, kune rumwe rudzi rwemvura inopa upenyu inoyerera mumakomo eAndes—mvura inozorodza yokumudzimu inobva kuna Jehovha, “tsime remvura mhenyu.” (Jeremia 2:13) Mwari anoshandisa Zvapupu zvake kubatsira vanhu vanogara nechokumusoro kwemakomo eAndes kuti vawane zivo yakarurama pamusoro pake nezvinangwa zvake.—Isaya 12:3; Johani 17:3.

Sezvo kuri kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi,” vashumiri ivava vanoedza nepavanogona napo kushanyira misha inonetsa kusvika neshoko rinopa upenyu rinobva muBhaibheri. (1 Timoti 2:4) Iri shoko rinobva muBhaibheri rinovhenekera uye rakanaka kwazvo. Rakasunungura vanhu vemo vane mwoyo yakatendeka kubva mukudavira mashura, tsika, nepfungwa zvaiita kuti vatye vakafa, midzimu yakaipa, nemasimba anongozviitikira oga. Zvinotokosha zvikuru, shoko iri rinovapa tariro ine mbiri youpenyu husingagumi muparadhiso pasi pano.

Kuedza Kuzviita

Vaparidzi voUmambo vanoshanyira nharaunda idzi dziri kwadzo dzoga vanofanira kugadziridza zvinhu zvakawanda. Kuti vasvike pamwoyo yevanhu, vadzidzisi veBhaibheri vanofanira kuva noruzivo rwomumwe wemitauro miviri yeko, Quechua kana kuti Aymara.

Kusvika mumisha iri mumakomo eAndes hakusi nyore. Hakuna njanji dzakawanda dzinoenda kunzvimbo idzi. Zvokufambisa hazvina chokwadi uye zvinogona kuchinjwa nemamiriro okunze akaipa uye kushata kwakaita nzvimbo yacho. Saka Zvapupu zvinosvika sei kuvanhu neshoko roUmambo?

Vaparidzi vemashoko akanaka vakashinga vakazvipira kutarisana nedambudziko racho saka vanoita sezvakaitwa nomuprofita Isaya kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Vave vachishandisa makaravhani matatu kuti vaende kunharaunda dzokumusoro, pakati, uye kuzasi. Vaine mabhokisi akawanda emaBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri, mapiyona anoshingaira, kana kuti vashumiri venguva yakazara, vakadyara mbeu dzechokwadi cheBhaibheri muvanhu vane ushamwari, vanogamuchira vaenzi, uye vane mwoyo yakatendeseka vanogara ikoko.

Migwagwa yomumakomo ine ngozi, zvikurukuru mainopota. Kuti dzipoterere makaita saimomo, motokari dzinofanira kushandisa njanji dzeboterekwa. Pavaifamba pamwe pakadaro, mumwe mumishinari aiva agere kuchigaro chokumashure chebhazi akatarisa nepahwindo akaona kuti rimwe remavhiri okumashure rakanga riri pamucheto chaipo pemawere akadzika mamita 190! Akatsinzinya kusvikira bhazi racho rapapfuura.

Mimwe migwagwa yakashata zvikuru uye mitete. Ichifamba munzvimbo yakashata zvakadaro, imwe yemakaravhani yakanga ichidzika nomugwagwa mutetetete payakasangana nerori yaikwidza. Karavhani yaifanira kudzorerwa kumashure nemadududu kuti isvike pane imwe nzvimbo padzaigona kupfuudzana dzichisiya padukuduku kugumhana.

Kunyange zvakadaro migumisiro yokuedza kunoramba kuchiitwa uku yave ichishamisa. Ungada kuziva zvakawanda nezvokuedza uku here?

“Kudira Mvura” muLake Titicaca

Lake Titicaca iri panhongonya yeMakomo eAndes iri pakakwirira nemamita 3 800 kupfuura mwero wegungwa. Ndiyo nzvimbo ine mvura inofambika nezvikepe iri pakakwirira kupfuura dzose panyika. Makomo ane sinou pamusoro, mamwe acho akareba mamita 6 400, ndiwo akavamba dzakawanda dzenzizi 25 dzinodira muTiticaca. Nemhaka yokukwirira kwakaita nzvimbo yacho, kunogara kuchitonhora, uye vaya vasina kujairira kugara munzvimbo yacho vanotorwariswa nemamiriro okunze anokonzerwa nokukwirira kwenzvimbo.

Nguva shomanana yapfuura, boka remapiyona anotaura chiQuechua nechiAymara rakaita rwendo kuenda kuzvitsuwa zveAmantani neTaquile zviri paLake Titicaca. Vakatakura hurukuro yemasiraidhi ine musoro unoti “A Closer Look at the Churches,” ongororo inonyatsobudisa nhema dzechiKristudhomu. Iyi yakagamuchirwa zvakanaka. Mumwe murume akatambira hama akadzipa imba yakakura mumusha make yokuti vagare vachidzidzisa Bhaibheri.

Musangano wokutanga paAmantani wakapindwa nevanhu 100; wepaTaquile ukapindwa ne140. Hurukuro yakapiwa muchiQuechua. Vamwe vakaroorana vakambenge vagara kunze kwenzvimbo yemvura vakati: “Yanga yava nguva yokuti Zvapupu zvaJehovha mutiyeuke. Tanga tichikunyengetererai kuti muuye.”

Kunze kwezvitsuwa zvacho zvikuru zviviri, zvimwe zvitsuwa 40 “zvinoyangarara” muLake Titicaca zvakasvikwawo nemashoko akanaka. Zvitsuwa zvinoyangarara here? Hungu, izvi zvinogadzirwa norumwe rudzi rwetsanga runonzi totora runomera munzvimbo dzisina kudzika dzedhamu racho. Tsanga idzi dzinokura nomumvura dzichibuda pamusoro pemvura. Kuti vagadzire chitsuwa vanhu veko vanokombamisa tsanga dzacho, vasingadzidzuri, vodziita kuti dzipfekerane-pfekerane dzichiita uriri. Uriri hwacho hunozonamwa nevhu hwosimbiswa nedzimwe tsanga dzinozotemwa dzowedzerwa. Vanhu vanogara mudzimba dzetsanga dzakavakwa pamusoro pacho.

Zvapupu zvaJehovha zvakawana chikepe chokuendesa kunoparidzira vanhu vepazvitsuwa zvepaLake Titicaca. Chikepe chacho chinokwana vanhu 16. Kana zvamisa chikepe pazvitsuwa zvinoyangarara, Zvapupu zvinozofamba nepauriri hwetsanga kubva pane imwe imba zvichienda pane imwe. Zvinoti zvinowanzonzwa kakufambafamba nechepasi pouriri. Apa hapasi pokufambwa nevanhu vanorohwa nehana kana pavamire pakazununguka!

Kana vari vanotaura chiAymara, vanogara mumisha yakawandawanda yakatevedza mahombekombe nomutuzvitsuwa turi nechokumucheto kwedhamu racho. Iyi inosvikika nyore nechikepe kupfuura nokunze kwemvura. Zvinofungidzirwa kuti vose pamwe chete vanhu vanogara munharaunda inosvikwa nezvikepe zvakadaro neshoko roUmambo vanoda kukwana 400 000. Zvikepe zvichange zvakabatikana kwenguva yakati kuti iri kutevera.

Kutonhodza Nyota Yokumudzimu

Flavio aigara mumusha weSanta Lucía, pedyo neJuliaca, muAndes. MuChechi yake yeEvangelical, akanga adzidziswa dzidziso yomoto wehero. Akararama kwemakore achitya chirango chakadaro chemoto chisingaperi. Aigaronetseka kuti sei Mwari ane rudo aigona kutambudza vanhu mumoto nokusingaperi. Apo Tito, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, akashanyira musha iwoyo, akasvika pana Flavio.

Mumwe wemibvunzo yakatanga kubvunzwa naFlavio ndewokuti, “Chitendero chenyu chinodzidzisa kuti vanhu vanotambudzwa mumoto wehero here?” Tito akapindura kuti pfungwa yakadaro inonyangadza Musiki uye inounza ruzvidzo kuzita raJehovha, Mwari worudo. Achishandisa shanduro yeBhaibheri yaiva naFlavio pachake, Tito akamuratidza kuti vakafa havana kana nechavanoziva uye kuti vakamirira kumutswa pasi pano muUmambo hwaMwari. (Muparidzi 9:5; Johani 5:28, 29) Izvi zvakasvinudza Flavio. Akabva angobvuma chidzidzo cheBhaibheri uye munguva pfupi akava muKristu akabhabhatidzwa.

Musha Une Vanhu Vanoonga

Fungidzira kunakidza kwazvinoita kuunza Magwaro kuvanhu vomumusha vasati vamboona kana chinonzi Bhaibheri kana kuti kuparidza mumisha umo vanhu vacho vasati vambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha kana kuti mashoko akanaka azvinoparidza! Ndizvo zvakaitwa nedzimwe hanzvadzi nhatu dzinopayona—Rosa, Alicia, naCecilia—avo vakaparidzira mumisha yose yeIzcuchaca neConayca, iri pakakwirira nemamita 3 600 nechepakati pePeru.

Pavakasvika pamusha wokutanga, vakanga vasina pokugara. Vakataura nomukuru wemapurisa emo, vachitsanangura chavakanga vashanyira. Chii chakaitika? Akavabvumira kurara mukamba yemapurisa kwemanheru iwayo. Mangwana acho, mapiyona akakwanisa kuwana imba yokugara zvachose pavaizoshanda vachibva.

Munguva pfupi Chirangaridzo chorufu rwaKristu chegore negore chakasvika. Mapiyona acho akanga ashanyira dzimba dzose dziri mumusha weIzcuchaca, vagovera maBhaibheri akawanda, uye vakanga vatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakati kuti. Chirangaridzo chisati chasvika, vakatumira vanhu mashoko okukoka kuchiitiko ichi, vachitsanangura chinangwa chokurangarira kwacho uye zvinorehwa nezviratidzo zvinoshandiswa pakuchengeta. Rimwe boka rehama rakanga rakokwa kuzobatsira pachiitiko chacho, uye mumwe wavo akapa hurukuro. Zvaifadza zvikuru kuona vanhu 50 vomumusha iwoyo muduku vari pachiitiko ichi chinokosha! Kwenguva yokutanga, vakakwanisa kunzwisisa zvinonyatsorehwa noKudya kwaShe kweManheru. Zvakanga zvakakoshawo zvikuru kwavari kuva neShoko raMwari mumaoko avo!

Kusunungurwa Pamitoro Inorema

Kuunza mvura inozorodza yechokwadi cheBhaibheri kuvasungwa vechitendero chenhema kunofadza nguva dzose. Pisac ndiyo yaiva muzinda woUmambo hweInca. Vazhinji vevanhu vanogara ikoko vakadzidziswa dzidziso isiri mumagwaro yemoto wehero. Vapristi vavo vanovaudza kuti vanongogona kuenda kudenga nokukumbirirwa naivo chete.

Zvinonzwisisika kuti vanhu vakadaro vane nyota yemvura inozorodza yechokwadi cheBhaibheri. Paaiparidza paimba neimba, mumwe mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha anonzi Santiago akava nomukana wokutsanangurira mumwe murume kuti vakarurama vakarongerwa kugara muparadhiso pasi pano. (Pisarema 37:11) Santiago akaratidza kubva muBhaibheri kuti vakafa vachamutswa uye kuti vanhu vacharayiridzwa nzira dzakakwana dzaJehovha vachitarisira kurarama nokusingaperi. (Isaya 11:9) Kusvikira ipapo murume iyeye akanga ari muKaturike akazvitsaurira, ainge akanyura mune zvemidzimu, uye achinwisa. Iye zvino akanga ava netariro yaibva muBhaibheri uye chinangwa muupenyu—kurarama muParadhiso. Akapisa zvose zvaaishandisa kuita zvemidzimu ndokurega kunwisa. Akaunganidza mhuri yake ndokubvuma chidzidzo cheBhaibheri. Nokufamba kwenguva vose vomumhuri iyoyo vakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari ndokubhabhatidzwa.

Kugamuchira Vaenzi Kunoongwa

Vanhu vanogara mumakomo acho vanozogamuchira vaenzi. Kunyange zvazvo dzimba dzavo dzisina kutsarukana uye vanhu vacho vachishayiwa, vanopa vaenzi zvavanenge vanazvo. Asati adzidza mitemo yakanaka kwazvo yeBhaibheri, mugamuchiri angapa muenzi mashizha ecoca kuti atsenge pavanenge vachikurukura. Asi paanozova Chapupu, angapa chipunu chizere neshuga, ichi chinotorwa sechine ukoshi sehwecoca munzvimbo dzacho dziri kwadzo dzoga.

Mumwe mumishinari akakumbirwa neimwe hama kuti aiperekedze kunoshanyazve. Mushure mokukwira mukwidza unonetesa nenzira yomugomo refu, vakaombera maoko avo kuzivisa kusvika kwavo kuna saimba. Vakanzi vapinde zvavo muimba yakapfirirwa, vachiita zvokukotama kuti vapinde nepamusuo wacho uri pakaderera. Vakafamba nokungwarira vachinyenyeredza pakati pouriri hwacho husina kuroverwa, apo amai vacho vakanga vachera gomba, ndokutsokera gumbeze, ndokuisa mwana wavo mucheche. Asingagoni kubuda mucheche uyu akanga asina basa nezvakawanda asi aitofara zvake vakuru vachikurukura. Mushure mokukurukurirana kunofadza nezvezvikomborero zvoUmambo, mukadzi akabudisa chinhu chirefu chizere nechinwiwa chomunzvimbo imomo. Munguva pfupi hama dzakanga dzava munzira dzichidzika nomujinga megomo dzichishanyazve.

Kukohwa Kukuru

Iye zvino kune mapoka ari oga zana ane vanhu vanopfuura chiuru vari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha munharaunda iyi. Vakapedza kudzidza paChikoro Chokurovedza Vashumiri muLima vari kutumirwa kuti vaite kuti mapoka ari oga iwayo aite ungano. Vanhu vane mwoyo yakarurama vanga vari vasungwa vechitendero chenhema nokudavira mashura kwenguva yakareba vakawana rusununguko nemashoko akanaka oUmambo! (Johani 8:32) Nyota yavo yemvura yechokwadi iri kupedzwa.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kupupurira pazvitsuwa “zvinoyangarara” zvepaLake Titicaca