Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Achatiparadzanisa Norudo rwaMwari?

Ndiani Achatiparadzanisa Norudo rwaMwari?

Ndiani Achatiparadzanisa Norudo rwaMwari?

“Kana tiri isu, tinoda, nokuti akatanga kutida.”—1 JOHANI 4:19.

1, 2. (a) Nei kuziva kuti tinodiwa kuchikosha kwatiri? (b) Rudo rwaani rwatinonyanya kuda?

ZVINOKOSHA sei kwauri kuziva kuti unodiwa? Kubvira vari vacheche kusvikira vakura, vanhu vanoita zvakanaka kana vachidiwa. Wakamboona kamwana kachiratidzwa rudo naamai vako vakakagumbatira mumaoko here? Kazhinji kacho, pasinei nezviri kuitika pedyo nako, kamwana aka pakanotarisa chiso chiri kunyemwerera chaamai vako, kanenge kakadekara zvako, kachifara mumaoko aamai vako vanokada. Kana kuti unoyeuka here zvawakanga uri mumakore aya aimbonetsa okuyaruka? (1 VaTesaronika 2:7) Dzimwe nguva, ungadaro waisaziva zvawaida kana kusatonzwisisa manzwiro awaiita, asi zvakanga zvakakosha kwazvo kuziva kuti baba naamai vako vaikuda! Zvaisabatsira here kuziva kuti waigona kuenda kwavari nechinetso chipi nechipi kana mubvunzo? Chaizvoizvo, muupenyu hwose, chimwe chezvatinonyanya kuda kudiwa. Rudo rwakadaro runoita kuti tive nechokwadi chokuti tinokosha.

2 Rudo runogara ruripo rwevabereki runobatsira chaizvo munhu kukura zvakanaka nokudzikama. Asi, kuvimba kuti Baba vedu vokudenga, Jehovha, vanotida kunotonyanya kukosha kuti tiite zvakanaka mumudzimu nomumanzwiro edu. Vamwe vaverengi vemagazini ino vangava vasina kumbova nevabereki vaiva nehanya navo zvechokwadi. Kana uri mumwe wacho, usaora mwoyo. Kunyange vabereki vakanga vasingakudi kana kuti vakakundikana kukuda, rudo rwaMwari rwokuvimbika runokunyaradza.

3. Jehovha akavimbisa sei vanhu vake kuti anovada?

3 Achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha akataura kuti amai vanga“kanganwa” mwana wavo anoyamwa, asi iye haangakanganwi vanhu vake. (Isaya 49:15) Saizvozvowo, Dhavhidhi akataura nechivimbo kuti: “Nokuti baba vangu naamai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Zvinozosimbaradza! Pasinei nemamiriro ako ezvinhu, kana wakapinda muukama hwakatsaurirwa kuna Jehovha Mwari, unofanira kugara uchiyeuka kuti kukuda kwaanoita kunopfuura nokure kuya kunoitwa nomunhu upi noupi!

Zvichengete Uri Murudo rwaMwari

4. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakavimbiswa sei rudo rwaMwari?

4 Wakatanga rini kuziva rudo rwaJehovha? Zvichida zvakaitika kwauri zvakanga zvakati fananei nezvakaitika kuvaKristu vomuzana remakore rokutanga. Chitsauko chechishanu chetsamba yaPauro kuvaRoma chinorondedzera zvakaisvonaka kuti vatadzi, vaimbova vakaparadzaniswa naMwari, vakatanga sei kuziva rudo rwaJehovha. Mundima 5 tinoverenga kuti: “Rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nomudzimu mutsvene, watakapiwa.” Mundima 8, Pauro anowedzera kuti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira.”

5. Wakasvika sei pakunzwisisa ukuru hworudo rwaMwari?

5 Saizvozvowo pawakaudzwa chokwadi chinobva muShoko raMwari ukatanga kuratidza kutenda, mudzimu mutsvene waJehovha wakatanga kushanda mumwoyo mako. Ndiwo matangiro awakaita kunzwisisa makoshero ezvakaitwa naJehovha pakutumira Mwanakomana wake anodiwa kuti akufire. Nokudaro Jehovha akakubatsira kuziva madiro aanoita vanhu. Pawakaziva kuti, kunyange wakaberekwa uri mutadzi akaparadzaniswa naye, Jehovha akanga azarura nzira yokuti vanhu vanzi vakarurama, vaine tarisiro youpenyu husina magumo, hauna kufara here? Hauna kunzwa uchida Jehovha here?—VaRoma 5:10.

6. Nei tingapota tichinzwa tava kure naJehovha?

6 Wakwezvwa norudo rwaBaba vako vokudenga uye wagadzirisa upenyu hwako kuti hugamuchirike kwavari, wakatsaurira upenyu hwako kuna Mwari. Wava norugare naMwari zvino. Asi, unombonzwa sokuti uri kure naJehovha here? Izvozvo zvinogona kuitika chero kuna ani naani wedu. Asi gara uchiyeuka kuti Mwari haachinji. Rudo rwake runopfuurira uye runoramba rwakadaro sezuva, rinongoramba richitumira mwaranzi yaro yechiedza inodziya pasi pano. (Maraki 3:6; Jakobho 1:17) Asi kana tirisu, tinogona kuchinja—kunyange kwenguva pfupi. Pasi zvarinotenderera, hafu yaro inofukidzwa nerima. Saizvozvowo, kana tikabva kuna Mwari, kunyange zvishoma hazvo, tinganzwa ukama hwedu naye hwava kuderera. Tingaitei kuti tigadzirise mamiriro ezvinhu iwayo?

7. Kuzviongorora kungatibatsira sei kuramba tiri murudo rwaMwari?

7 Kana tichinzwa tiri kubva parudo rwaMwari, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndave ndichirerutsa rudo rwaMwari here? Munzira yakati ndave ndichitsauka zvishoma nezvishoma kubva kuna Mwari mupenyu uye ane rudo, ndichiratidza munzira dzakasiyana-siyana kutenda kwakaderera here? Ndave ndichifunga “zvinhu zvenyama,” pane kufunga “zvinhu zvomudzimu” here?’ (VaRoma 8:5-8; VaHebheru 3:12) Kana tazviparadzanisa naJehovha, tinogona kutora nhanho dzokugadzirisa zvinhu, kuti tidzokere muukama hwepedyo, hwoushamwari naye. Jakobho anotikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Teerera mashoko aJudha anoti: “Vanodiwa, nokuzvivaka pakutenda kwenyu kutsvene tsvene, muchinyengetera nomudzimu mutsvene, zvichengetei muri murudo rwaMwari.”—Judha 20, 21.

Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu Hakuchinji Rudo rwaMwari

8. Zvii zvinogona kuerekana zvachinja muupenyu hwedu?

8 Upenyu hwedu munyika ino hunochinja-chinja. Mambo Soromoni akacherechedza kuti ‘nguva nezvinoitika zvatisingafanoona zvinotiwira tose.’ (Muparidzi 9:11) Upenyu hwedu hunogona kungoerekana hwachinja zvachose. Nhasi tingava takagwinya, mangwana tava kutorwarisa. Nhasi tingava tichishanda zvakanaka, mangwana basa riya rapera. Pasina yambiro, rufu rungatora munhu watinoda. VaKristu vari mune imwe nyika vangava norunyararo kwenguva yakati, vozongoerekana vava kutambudzwa. Zvichida tinopomerwa zvenhema, uye nemhaka yeizvi, tinobatwa zvisina ruramisiro. Hungu, upenyu hauna kugadzikana kana kuchengeteka zvakakwana.—Jakobho 4:13-15.

9. Nei zvingava zvakanaka kuongorora chikamu chaVaRoma chitsauko 8?

9 Panoitika zvinhu zvinosuwisa kwatiri, tingatanga kunzwa tasiyiwa, kunyange kufungidzira kuti rudo rwaMwari kwatiri rwatonhora. Sezvo tose tichiwirwa nezvinhu zvakadaro, tinoita zvakanaka kunyatsoongorora mashoko anonyaradza zvikuru omuapostora Pauro akanyorwa muna VaRoma chitsauko 8. Mashoko iwayo akataurwa kuvaKristu vakazodzwa nomudzimu. Asi nheyo yacho inoshandawo kune vaya vemamwe makwai, vakanzi vakarurama seshamwari dzaMwari, sezvakanga zvakaita Abrahamu chiKristu chisati chavapo.—VaRoma 4:20-22; Jakobho 2:21-23.

10, 11. (a) Dzimwe nguva vavengi vanopomera chii vanhu vaMwari? (b) Nei kupomerwa kwakadaro kusina nebasa rose kuvaKristu?

10 Verenga VaRoma 8:31-34. Pauro anobvunza kuti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?” Ichokwadi kuti Satani nenyika yake yakaipa vari kutirwisa. Vavengi vangatipomera zvenhema, kunyange mumatare enyika. Vamwe vabereki vechiKristu vakapomerwa kuti vanovenga vana vavo pamusana pokusavatendera kurapwa nenzira inotyora mutemo waMwari kana kusavatendera kuita mhemberero dzechihedheni. (Mabasa 15:28, 29; 2 VaKorinde 6:14-16) Vamwe vaKristu vakatendeka vakapomerwa zvenhema kuti vanopandukira zviremera nokuti havadi kuuraya vamwe vavo muhondo kana kupinda mune zvematongerwe enyika. (Johani 17:16) Vamwe vanoshora vakaparadzira nhema munhau, kunyange kupomera Zvapupu zvaJehovha kuti kapoka kane ngozi.

11 Asi usakanganwa kuti muzuva revaapostora, zvakanzi: “Pamusoro peboka iri tinozviziva kuti rinoshorwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Kupomerwa zvenhema kune basa here? NdiMwari anoti vaKristu vechokwadi vakarurama, maererano nokutenda kwavo muchibayiro chaKristu. Jehovha angazoregererei kuda vanamati vake iye ambovapa chipo chakanakisisa chaaigona—Mwanakomana wake pachake anodiwa? (1 Johani 4:10) Zvino Kristu zvaakamutswa kune vakafa uye akaiswa kuruoko rworudyi rwaMwari, anonyatsoreverera vaKristu. Ndiani angataura zvakarurama kuti kudzivirira kunoita Kristu vateveri vake hakuna kururama kana ndiani angabudirira kupikisa kutonga zvakanaka kunoita Mwari vanhu vake vakatendeka? Hapana!—Isaya 50:8, 9; VaHebheru 4:15, 16.

12, 13. (a) Mamiriroi ezvinhu asingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari? (b) Chinangwa chaDhiyabhorosi chokukonzera nhamo kwatiri ndechei? (c) Nei vaKristu vachizokunda zvachose?

12 Verenga VaRoma 8:35-37. Kunze kwedu, pane mumwe munhu kana chimwe chinhu chingatiparadzanisa norudo rwaJehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu here? Satani angashandisa vanhu vake vepasi pano kukonzera vaKristu nhamo huru. Muzana remakore rapfuura, hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzakawanda dzaitambudzwa zvine chisimba munyika dzakawanda. Mune dzimwe nzvimbo nhasi, hama dzedu dzinotarisana nenhamo yemari mazuva ose. Vamwe vanoziya nenzara kana kushaya zvokupfeka zvakakwana. Chinangwa chaDhiyabhorosi chokukonzera nhamo idzi ndechei? Tingati chimwe chezvinangwa zvake ndechokurambidza kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha. Satani anoda kuti tidavire kuti rudo rwaMwari rwatonhora. Asi, ndizvo here?

13 Kufanana naPauro, akataura zviri muna Pisarema 44:22, takadzidza Shoko raMwari rakanyorwa. Tinonzwisisa kuti zvinhu izvi zvinoitika kwatiri isu “makwai” aMwari, nokuda kwezita rake. Zvine chokuita nokutsveneswa kwezita raMwari uye kurevererwa kwouchangamire hwake pazvinhu zvose. Nyaya huru idzodzo ndidzo dzakaita kuti Mwari abvumire miedzo, kwete kuti haachatidi. Pasinei nokuti chii chingava chichinetsa, tinovimbiswa kuti rudo rwaMwari kuvanhu vake, kusanganisira mumwe nomumwe wedu, haruna kuchinja. Kukundwa kupi nokupi kungaita sokuri kuitika kwatiri kuchaguma kwava kukunda kana tikaramba takavimbika. Tinosimbiswa nokutsigirwa nevimbiso yorudo rwaMwari rusingaperi.

14. Nei Pauro aiva nechokwadi chorudo rwaMwari pasinei nenhamo dzingatambudza vaKristu?

14 Verenga VaRoma 8:38, 39. Chii chakaita kuti Pauro ave nechokwadi chokuti hapana chaigona kuparadzanisa vaKristu norudo rwaMwari? Hapana mubvunzo kuti zvakasangana naPauro ari muushumiri zvakasimbisa chivimbo chake chokuti nhamo dzakanga dzisingagoni kuchinja rudo rwaMwari kwatiri. (2 VaKorinde 11:23-27; VaFiripi 4:13) Uyezve, Pauro aiziva nezvechinangwa chaJehovha chisingagumi uye kubata kwaaiita nevanhu Vake. Rufu pacharwo rungakunda rudo rwaMwari rwaanarwo kune vaya vakamushumira vakatendeka here? Kana! Vakatendeka vakadaro vanofa vacharamba vari mundangariro dzakakwana dzaMwari, uye achavamutsa munguva yakafanira.—Ruka 20:37, 38; 1 VaKorinde 15:22-26.

15, 16. Taura zvimwe zvinhu zvisingazomboiti kuti Mwari arege kuda vashumiri vake vakatendeka.

15 Chero zvakashata zvipi zvingaitika muupenyu nhasi—ingava tsaona inoremadza, chirwere chinouraya, kana kuti nhamo yemari—hapana chingaparadza rudo rwaMwari kuvanhu vake. Ngirozi dzine simba, dzakadai sengirozi isina kuteerera yakava Satani, hadzigoni kuita kuti Jehovha arege kuda vashumiri vake vakazvipira. (Jobho 2:3) Hurumende dzingarambidza vashumiri vaMwari, dzingavaisa mujeri, nokuvabata zvisina kunaka uye dzingavati “vanhu vasingadiwi.” (1 VaKorinde 4:13) Ruvengo rusina kururama rwakadaro rwemarudzi rungaita kuti vanhu vatipandukire, asi haruiti kuti Changamire wezvose atisiye.

16 SevaKristu, hatifaniri kutya kuti chero chimwe chezvakadanwa naPauro kuti “zvinhu zviripo zvino,”—zviitiko, uye mamiriro ezvinhu ari munyika yazvino—“kana zvinhu zvichauya” munguva iri mberi zvingaparadza kuda kunoita Mwari vanhu vake. Kunyange masimba epasi pano kana okudenga achitirwisa, rudo rwaMwari rwokuvimbika ruripo kutitsigira. “Kukwirira kana kudzika” hakuvhiringidzi rudo rwaMwari, sezvakasimbiswa naPauro. Hungu, hapana chingada kutiodza mwoyo, kana chingada kushandisa simba patiri, chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari; uye hapana chimwe chinhu chakasikwa chingakanganisa ukama hwoMusiki nevashumiri vake vakatendeka. Rudo rwaMwari harumbokundikani, runogara nokusingaperi.—1 VaKorinde 13:8.

Koshesa Mutsa une Rudo waMwari Nokusingaperi

17. (a) Nei kudiwa naMwari kuchi“kunda upenyu”? (b) Tinoratidza sei kuti tinokoshesa mutsa une rudo waMwari?

17 Rudo rwaMwari runokosha sei kwauri? Unonzwa sezvakaita Dhavhidhi here, uyo akanyora kuti: “Nokuti unyoro hwenyu [“mutsa une rudo,” NW] hunokunda upenyu; miromo yangu ichakurumbidzai. Naizvozvo ndichakuongai ndichiri mupenyu; ndichasimudza maoko angu nezita renyu”? (Pisarema 63:3, 4) Chokwadi, pane chinhu chingapiwa noupenyu munyika ino chiri nani kupfuura kudiwa naMwari nokuva shamwari yake yakavimbika here? Somuenzaniso, kutsvaka basa rokunyika rine mari yakawanda kuri nani pane kuva nepfungwa dzakagadzikana uye mufaro zvinobva paukama hwepedyo naMwari here? (Ruka 12:15) Vamwe vaKristu vakatarisana nechisarudzo chokuramba Jehovha kana kufa. Izvozvo zvakaitika kune Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvaiva mumisasa yevasungwa yeNazi muHondo Yenyika II. Kunze kwevashomanana chete, hama dzedu dzechiKristu dzakasarudza kuramba dziri murudo rwaMwari, dzichida kufa kana zvakanga zvirizvo zvazvaireva. Vaya vanoramba vari murudo rwaMwari nokuvimbika vanogona kuva nechivimbo chokuwaniswa naMwari remangwana risingagumi, chimwe chinhu chatisingagoni kupiwa nenyika. (Mako 8:34-36) Asi pane zvakatowanda zviripo kupfuura upenyu husingaperi.

18. Nei upenyu husingaperi huchidiwa zvikuru?

18 Kunyange zvisingaiti kurarama nokusingaperi pasina Jehovha, edza kufungidzira kuti upenyu hwakareba kwazvo hungava hwakaita sei pasina Musiki wedu. Hungava husina maturo, husina chinangwa chaicho. Jehovha akapa vanhu vake basa rinogutsa rokuita mumazuva ano okupedzisira. Saka tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha, Muiti Mukuru Wezvinangwa, paanopa upenyu husingaperi, huchava hwakazara nezvinhu zvinofadza, zvakanaka zvokuti tidzidze uye tiite. (Muparidzi 3:11) Pasinei nezvakawanda zvatichadzidza mumamiriyoni emakore ari mberi, hatizombofi takanyatsopedza “ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo.”—VaRoma 11:33.

Baba Vanokudai Kwazvo

19. Jesu Kristu akapa vadzidzi vake mashoko okuonekana okutii anopa chivimbo?

19 Pana Nisani 14, 33 C.E., manheru okupedzisira nevaapostora vake 11 vakanga vakatendeka, Jesu akataura zvinhu zvakawanda kuti avasimbise nokuda kwezvakanga zviri mberi. Vose vakanga vanamatira Jesu mumiedzo yake, uye vakanga vazvionera madiro aaivaita. (Ruka 22:28, 30; Johani 1:16; 13:1) Ipapo Jesu akavavimbisa kuti: “Baba vanokudai kwazvo.” (Johani 16:27) Mashoko iwayo anofanira kunge akabatsira vadzidzi kuziva madirwo avaiitwa naBaba!

20. Washinga kuitei, uye unogona kuvimba nei?

20 Vakawanda vari kurarama iye zvino vakashumira Jehovha kwemakumi emakore. Hapana mubvunzo kuti nyika ino isati yaguma tichatarisana nemimwe miedzo yakawanda. Usambobvumira miedzo yakadaro kana kuti nhamo kukuita kuti usavimbe norudo rwaMwari rwokuvimbika. Hapana mashoko anotsanangura zvinopfuura izvi: Jehovha anokuda kwazvo. (Jakobho 5:11) Tose ngatirambe tichiita zvatinogona, tichiteerera mirayiro yaMwari takavimbika. (Johani 15:8-10) Ngatishandise mukana wose kurumbidza zita rake. Tinofanira kunyatsoshinga kuramba tichiswedera pedyo naJehovha mumunyengetero uye kudzidza Shoko rake. Chero chii zvacho chingauya mangwana, kana tiri kuita zvose zvatinokwanisa kuti tifadze Jehovha, ticharamba tiine rugare, tichivimba zvizere norudo rwake rusingaperi.—2 Petro 3:14.

Ungapindura Sei?

• Kuti tirambe takadzikama mumudzimu nomumanzwiro edu, tinonyanyoda rudo rwaani?

• Zvii zvisingazombofi zvakaita kuti Jehovha arege kuda vashumiri vake?

• Nei kudiwa naJehovha kuchi“kunda upenyu”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 13]

Kana tichinzwa setakaparadzaniswa norudo rwaMwari, tinogona kushanda kuti tigadzirise zvinhu

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pauro ainzwisisa kuti nei aitambudzwa