Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinoita Nepatinogona Napo!

Tinoita Nepatinogona Napo!

Tinoita Nepatinogona Napo!

“ITA nepaunogona napo.” Zano iroro rinoshanda rakambopiwa mumwe mumishinari nenhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Asi kupirei mushumiri agara nebasa zano rakadaro rinofanira kupiwa munhu achiri kudzidzira? Mamishinari mazhinji haasi vanhu vane ushingi vanotarisana notupuka, nyoka, kupisa, zvirwere, nematambudziko akasiyana-siyana zuva nezuva here?

Chaizvoizvo mamishinari eZvapupu zvaJehovha varume nevakadzi vakangoita sevamwe vose, vaKristu vakakurudzirwa nokuda Jehovha uye vamwe vanhu kushumira kune dzimwe nyika. Vari kuedza kushumira Jehovha nepanogumira mano avo, vachitarira kwaari kuti avape simba.—VaEfeso 6:10.

Kuti tidzidze zvakawanda nezvebasa roumishinari, ngatifungidzirei kuti tiri kuswera mune mumwe wemisha yemamishinari watashanyira muWest Africa.

Kuswera Pamusha Wemamishinari

Dzava kuda kukwana 7:00 dzemangwanani. Tabva tasvika pamusha wemamishinari panguva chaiyo yavanokurukura Rugwaro rwezuva. Mamishinari acho gumi anotitambira noushamwari votigadzirirawo nzvimbo patafura yokudya kwemangwanani. Sezvatinojairana, mumwe wemamishinari, anga ari mubasa rake kwemakore akawanda, anotanga kurondedzera chimwe chiitiko chinosekesa chaakasangana nacho muushumiri. Asi nyaya yedu inobva yamirira panzira apo sachigaro wehurukuro pazuva iroro anoyeuchidza boka racho rinofara kuti yava nguva yokuita rugwaro rwezuva. Hurukuro yacho ichaitwa mumutauro wokuFrance. Kunyange zvazvo tisingatauri mutauro iwoyo, zviri pachena munzira yavari kutsanangura nayo pfungwa dzavo kuti mamishinari akazvarirwa kune dzimwe nyika aya ari kuita zvakazonaka mukudzidzira mutauro wacho.

Pashure pokukurukura Rugwaro, panopiwa munyengetero womwoyo wose, uye yava nguva yokudya kwemangwanani. Patinenge tichidya bota rakapakurwa rakawanda, mumishinari akagara pedyo nesu anotikurudzira kuchekacheka mabhanana toaisa pamusoro. Tinomuudza kuti hatifariri mabhanana, asi anotiudza kuti tichafarira anorimwa muno kana tikangoaravira. Saka tinoisa zvidimbu zvishomanana. Ingawani ari kutaura chokwadi! Mabhanana acho anonaka—anotapira seaizikirimu! Uye tinoudzwa kuti chingwa chakabikwa nomutoo wokuFrance chatiri kudya chabikwa mangwanani ano mushopu diki iri pamhiri pomugwagwa.

Pashure pokudya kwemangwanani, tichaswera nemamwe mamishinari akaroorana, vatichati Ben naKaren. Takambonzwa nezvezvibereko zvakawanda zvomundima yokunyika ino yeWest Africa, saka tiri kuda kuona kana zviri zvechokwadi.

Patinosvika panomirira mabhazi, tinowana vanhu vakawanda vakamirira. Pasina nguva, shamwari dzedu mamishinari dzava kutaura nomumwe mukadzi nomwanakomana wake zvine upenyu pamusoro peimwe nhau yomuBhaibheri. Sezvo tisingazivi chiFrench tinongomira ipapo tichinyemwerera! Mukadzi wacho achingobvuma kutora magazini eNharireyomurindi neMukai!, bhazi rinobva rasvika, ipapo vanhu vose vanoedza kukwira panguva imwe chete! Patiri kukwira mhomho iri kusairirana inotisunda nokumashure. Zviri kutiomera kufamba tichienda kumashure kwebhazi. Bhazi parinongosimuka, tinobatirira kuitira kuti tisakuvadzwe. Nguva nenguva rinongoerekana ramira, uye vamwe vanhu vanoramba vachitsvikinyidzira kupinda. Tinonyemwerera vamwe vari mubhazi, uye ivo vanotinyemwererawo. Tiri kuzokungura kuti dai taigona kutaura navo!

Sezvo bhazi rinomhanya richipfuura, tinodongorera nepahwindo tichiona bishi riri mumugwagwa. Vakadzi vaviri vari kufambidzana vakatakura zvinhu zvinorema pamusoro. Mumwe wavo akadengezera mugomo wemvura. Mumwe murume ari kushambadza awaridza gumbeze parutivi penzira uye aronga tumwe tunhu tushomanana twaari kutarisira kutengesa. Pose pose pane vanhu vari kutenga nokutengesa chinenge chinhu chose zvacho chinotengeka nokutengeseka.

Pakarepo Ben, uyo amire pedyo neni, anonzwa kuti pane chinhu chiri kumujobora pagumbo. Chingava chii? Mubhazi makamanikidzana, asi anojoborwa zvekare. Anokwanisa kutarisa pasi. Mune rimwe bhegi mune dhadha benyu riri kupota richibudisa musoro waro romujobora! Ben anotsanangura kuti muridzi wedhadha racho anofanira kuva ari kuenda kunoritengesa kumariketi.

Patinosvika kundima yedu, tinofara kuziva kuti tichange tichishanyira mumwe worudzi rwemisha yomuAfrica. Tichisvika paimba yokutanga, Ben anoombera zvakasimba kuti saimba azive kuti pasvika vanhu. Ndiwo magogodzero anoita vanhu kurutivi rwuno rwenyika. Rimwe jaya rinobuda rotsanangura kuti rakabatikana asi rinotikumbira kudzoka gare gare mangwanani iwayo.

Paimba inotevera, tinowana mukadzi anotaura mutauro uyo Ben asinganzwisisi. Anodaidza mwanakomana wake omukumbira kuturikira zviri kuda kutaurwa naBen. Panopedza Ben, mukadzi wacho anobvuma bhurocha riri pamusoro penhau dzomuBhaibheri, uye mwanakomana wake anovimbisa kumutsanangurira zviri mariri. Paimba yechitatu, pane pwere dzakati wandei dzakagara pachivanze nechepamberi. Vaviri vacho vanobva pamacheya avo nokukurumidza kuti vaenzi vagare. Panozotevera kurukurirano ine upenyu pamusoro pokushandiswa kwomuchinjikwa pakunamata. Panorongwa kuti kukurukurirana kwacho kuzoitwazve vhiki inotevera. Iye zvino yava nguva yokudzokera kujaya riya ranga rakabatikana rataona paimba yokutanga. Hameno kuti anzwawo sei nezvekurukurirano yataita nepwere dziya pane imwe imba iri mumugwagwa iwoyo. Ane mibvunzo yeBhaibheri yakawanda uye anokumbira kuti aitiswe chidzidzo cheBhaibheri. Pashure pokutarira karenda yake, Ben anobvumirana naye kuzodzoka vhiki inouya panguva imwe chete iyoyo. Munzira tava kudzokera kumusha wemamishinari, Ben naKaren vanotsanangura kuti vanofanira kuronga zvakanaka zvidzidzo zvavo zveBhaibheri nokuti zviri nyore kutangisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawandisa kupfuura zvavanogona kuitisa.

Tinovarumbidza nokugona kwavo kutaura mutauro wokuFrance zvakanaka. Ben anotsanangura kuti iye naKaren vave vari mubasa roumishinari kwemakore matanhatu, uye vava kutanga kunzwa vakasununguka kana vachitaura mutauro wokuFrance. Kudzidza mutauro mutsva kwanga kusiri nyore, vanotiudza kudaro, asi kutsungirira kwakabatsira.

Nenguva dza12:30 masikati, mamishinari ose anoungana patafura pakudya kwemasikati. Tinoudzwa kuti zuva rimwe nerimwe, mumwe mumishinari anopiwa basa rokubika zvokudya zvemangwanani nezvemasikati nokuzosuka ndiro. Nhasi mumwe wemamishinari akaringa nyama yehuku uye mbatatisi, pamwe chete nemadomasi asina kubikwa zvinorwerwesa mate—ndizvo zvaanonyatsogona!

Ben naKaren vakaronga kuitei masikati? Vanotsanangura kuti vanhu vose vanohwanda zuva kubva na1:00 kusvika na3:00 masikati, saka mamishinari anowanzoshandisa imwe yenguva iyoyo kumbozorora kana kuti kudzidza. Hazvitishamisi patinoudzwa naKaren kuti hazvitori nguva kuti mumishinari mutsva ajairire tsika iyi!

Pashure pokuzorora, tinodzokera mubasa romumunda. Mumwe murume anofarira uyo Ben akaedza kuona kwenguva yakati nanhasi haapo pamba, asi majaya maviri anouya kumusuo panoombera Ben. Vanotiudza kuti muridzi wemba ataura nezvokuuya kwaBen uye kuti asimbisa kwazvo kuti vatore bhuku rokushandisa kudzidza Bhaibheri rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tinofara kuvasiyira bhuku iroro. Tinozokwira bhazi rinotiendesa kune mumwe mukadzi anofarira achanoitiswa chidzidzo cheBhaibheri naKaren.

Patiri mubhazi tichipfuura nomumigwagwa yakazara vanhu, Karen anotiudza kuti akaonana nomukadzi wacho rimwe zuva pavakakwira tekisi pamwe chete nevamwe vanhu vane chitsama. Karen akapa mukadzi wacho turakiti rokuverenga vari parwendo. Mukadzi wacho akaverenga turakiti iroro akazokumbira rimwe rakasiyana nairoro. Akaverenga iri atowedzera kufarira. Pakaperera rwendo rwacho, Karen akaronga kuzoshanyira mukadzi wacho kumba kwake ndokutanga chidzidzo cheBhaibheri chiri kubudirira mubhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Nhasi, Karen ari kunoitisa chidzidzo chechishanu mubhurocha racho.

Tazonakidzwa nezuva redu mubasa romumunda, asi tine mimwe mibvunzo pamusoro pebasa roumishinari. Vagamuchiri vedu vanotivimbisa kuti kana tadzokera kumba, vachatigadzirira zvokudya zvakareruka vozopindura mibvunzo yedu.

Zvinoita Kuti Varambe Vachipfuurira

Pataidya mazai akakangwa nechingwa chokuFrance, nechizi, takaudzwa zvakawanda nezvoupenyu hwoumishinari. Muvhuro izuva rinowanzozorora mamishinari kana kuti ravanoita zvinhu zvavo. Mamishinari mazhinji anopedza nguva yakati pazuva iroro achinyorera mhuri neshamwari. Mashoko anobva kumusha anokosha zvikuru, uye mamishinari anonakidzwa nokutumira uye kugamuchira tsamba.

Sezvo mamishinari achigara uye achishanda pedyo nepedyo, zvinokosha kuti vagare vachitaura vose zvakanaka nokushamwaridzana nemamwe mamishinari uye nokukurukura nhau dzine chokuita nokunamata. Kuti vadaro, kuwedzera kuchirongwa chokudzidza Bhaibheri nguva dzose kwomumwe nomumwe, Muvhuro woga woga manheru mamishinari anodzidza Bhaibheri pamwe chete nemagazini yeNharireyomurindi. Ben anotaura kuti kana mamishinari anobva kwakasiyana akagara pamwe chete, kupesana kuduku pamafungiro hakudzivisiki, asi kudzidza semhuri kunovabatsira kuramba vaine rugare vakabatana. Anosimbisa kuti zvinobatsirawo kuti usazvitora sounonyanyokosha.

Kuzvininipisa kunokoshawo. Mamishinari anotumwa, kwete kunoshumirwa asi kushumira. Shamwari dzedu idzi dzinoti chimwe chezvinhu zvakaoma kutaura mumutauro upi zvawo kuti “Ndine urombo,” zvikurukuru kana munhu achikumbira ruregerero pachinhu chaaita kana kutaura asingazivi. Ben anotiyeuchidza nezvomuenzaniso womuBhaibheri waAbhigairi, uyo akakumbirira murume wake aizvikudza ruregerero nokudaro ndokudzora mamiriro ezvinhu angadai akaipa. (1 Samueri 25:23-28) Kukwanisa ‘kugara norugare’ chimwe chezvinhu zvinokosha pakuva mumishinari akanaka.—2 VaKorinde 13:11.

Kamwe chete pamwedzi mamishinari anosangana kuti akurukure zvinhu zvine chokuita nemhuri yacho, pamwe chete nokuchinja majana. Pashure pacho vanodya vose chimwe chokuseredzera chinonaka. Tinoona marongero acho achishanda zvikuru—uye achinakidza.

Tangopedza chirariro, tinombotenderera musha wemamishinari. Tinoona kuti, kunyange zvazvo musha wacho uine mwero, mamishinari anoshandira pamwe kuuchengeta wakachena. Pane firiji, muchina wokuwacha, uye chitofu. Karen anotiudza kuti munyika dzinopisa dzakafanana neino yokuWest Africa, michina yokudziyisa kana kutonhodza mhepo ingavapowo. Pokugara pakakodzera, zvokudya zvinovaka muviri, uye matanho okuchengetedza utano akapfava zvinobatsira mamishinari kuramba aine utano uye achiita zvibereko.

Isa Pfungwa Dzako Pane Zvakanaka

Taororwa nezvose zvataona. Kungava here kuti tinogonawo kuva mamishinari? Tingaziva sei? Vagamuchiri vedu vanotipa zvinhu zvishomanana zvokufunga nezvazvo.

Chokutanga, vanotiudza kuti mamishinari echiKristu haaendi kunotsvaka kuona nokunakidzwa nezvinhu zvitsva. Vari kutsvaka vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanoda kudzidza nezvezvipikirwa zvaMwari zvinoshamisa. Mamishinari anoisa maawa 140 kana kupfuura pamwedzi mubasa romumunda, saka vanotofanira kuda ushumiri.

‘Asi,’ tinonetseka kudaro, ‘zvakadini nenyoka, madzvinyu, notupukanana?’ Nepo izvi zvichigona kuwanikwa mundima dzakawanda dzemamishinari, Ben anotiudza kuti mamishinari anopedzisira azvijaira. Anowedzera kuti mugove wose woumishinari une zvawo zvawakanakira, uye nokufamba kwenguva, mamishinari anotarisa zvakanakira migove yavo chete. Zvimwe zvinhu zvinganzi pakutanga “zvakasiyana nezvatakajaira,” munguva pfupi zvinozova zvakajairika, uye pane dzimwe nguva zvingatonakidza. Mumwe mumishinari akashandira muWest Africa kwemakore akawanda asati adzokera kumusha nokuda kwemitoro yake oga akati zvakanga zvakaoma kusiya mugove wake kupfuura kuoma kwazvakanga zvakaita kusiya kwaakaita nyika yake makore akapfuura. Kwaaiitira umishinari ndiko kwakanga kwava kumusha kwake.

Wagadzirira Here?

Ben naKaren vatipa zvakawanda zvokufunga nezvazvo. Ko iwe? Wati wambofunga nezvokunoshanda somumishinari mune imwe nyika here? Kana zvakadaro, ungava uri pedyo nokuzviita kupfuura zvawaifungidzira. Chimwe chezvinhu zvikuru zvinodiwa kuda ushumiri hwenguva yakazara uye kufarira basa rokubatsira vanhu. Yeuka, mamishinari havazi magamba anoshamisira asi varume nevakadzi vakangoita sevamwe vanhuwo. Vari kuita nepavanogona napo kuti vapedze basa rinokosha zvikuru.

[Mifananidzo iri papeji 27]

Zuva rimwe nerimwe rinotanga nokukurukura rugwaro rweBhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 28, 29]

Zvaunoona muAfrica

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kurarama somumishinari kunogona kugutsa zvikuru