Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungagona Kuita Kuti Nyika Ive Nzvimbo Iri Nani Here?

Ungagona Kuita Kuti Nyika Ive Nzvimbo Iri Nani Here?

Ungagona Kuita Kuti Nyika Ive Nzvimbo Iri Nani Here?

“Zvematongerwe enyika hazvigoni kubatanidzazve vanhu. Hazvina zvokushandisa zvakakwana zvinoita kuti tsika dzaidavirwa pasichigare dzivepozve. Mitemo iya inonzi ndiyo yakanakisisa haigoni kudzorera tsika dzekare dzokupfimbana kana kuroorana, uye haigoni kuita kuti vanababa vatarisire vana vavo, uye kuita kuti vanhu vatye kana kunyara sezvavaiita kare . . . Zvinetso zvizhinji zvine chokuita netsika zviri kutitambudza hazvigoni kubviswa nomutemo.”

UNONZWA uchida kubvumirana nemashoko ayo omumwe aimbova mushandi wehurumende yeUnited States here? Kana zvakadaro, zvinetso zviriko nhasi zvinokonzerwa nemakaro, kushayikwa kworudo rwomuzvarirwo, tsika dzakafumuka, kusaziva, nezvimwe zvikonzero zvinokuvadza zviri kuparadza nzanga zvinopedzwa nei? Vamwe vanhu vanofunga kuti hapana nzira yokuzvipedza nayo, saka vanongopfuurira noupenyu hwavo zvakanaka sezvavanokwanisa. Vamwe vane tariro yokuti rimwe zuva mutungamiriri anodiwa, anofarirwa uye anoteererwa nevanhu vose akachenjera, zvichida kunyange mutungamiriri wechitendero, achauya ovanongedzera kwokuenda nakwo kwakarurama.

Chokwadi, zviuru zviviri zvemakore zvapfuura vanhu vakatoda kuita kuti Jesu Kristu ave mambo wavo nokuti vakanga vanzwisisa kuti akanga atumwa naMwari uye kuti aizova mutongi anokwanisa zvikuru. Kunyange zvakadaro, Jesu paakaona zvavaida kuita, akakurumidza kubvapo. (Johani 6:14, 15) “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino,” akazotsanangurira mumwe gavhuna weRoma kudaro. (Johani 18:36) Zvisinei, mazuva ano vashoma vanoita sezvakaitwa naJesu—kunyange vatungamiriri vechitendero vanozviti vateveri vake. Vamwe vaivava vaedza kuita kuti nyika ino ive nzvimbo iri nani, zvichida nokupesvedzera vatungamiriri venyika kana kuti nokutotora zvinzvimbo zvematongerwe enyika pachavo. Tinogona kuona izvi nokutarira kuma1960 nema1970.

Kuedza Kwechitendero Kuvandudza Nyika

Pakupera kwema1960, vamwe vafundisi munyika dzeLatin-America vakatanga kurwira varombo nevakadzvinyirirwa. Nechinangwa ichi, vakavamba dzidziso yokurwira rusununguko. Mudzidziso iyi Kristu ainge asisatsanangurwi somuponesi maererano nepfungwa yeBhaibheri asi mupfungwa yezvematongerwe enyika nezvoupfumiwo. MuUnited States, vatungamiriri vechechi vakati wandei vakava nehanya zvikuru nokuparara kuri kuita tsika vakaumba sangano rinonzi Moral Majority [Ruzhinji Rune Tsika]. Chinangwa charo chaiva chokuisa vanhu vaizogadza mitemo yomumhuri yakanaka mumahofisi ezvematongerwe enyika. Saizvozvowo, munyika dzakawanda dzechiMuslim, mapoka akaedza kuomerera kuKoran kuti amise uori nokupambadza.

Unodavira kuti nyika inzvimbo iri nani nokuda kwezviri kuitwa izvi here? Chokwadi chinoratidza kuti tsika dziri kuramba dzichingoderera kwose kwose uye mukaha uri pakati pevapfumi nevarombo uri kungoramba uchikura, kusanganisira vaya vari munyika umo dzidziso yokurwira rusununguko yakanga yakakurumbira.

Nokuti sangano reMoral Majority rakakundikana muzvinangwa zvaro zvikuru muUnited States, muvambi waro, Jerry Falwell akaparadza sangano racho muna 1989. Mamwe masangano akaritsiva. Kunyange zvakadaro, Paul Weyrich, uyo akaumba mashoko okuti “moral majority,” akanyora mumagazini inonzi Christianity Today kuti: “Kunyange kana tikabudirira mune zvematongerwe enyika, kubudirira kwedu kunokundikana kubudisa mitemo yatinodavira kuti inokosha.” Akanyorawo kuti: “Tsika dziri kuramba dzichifumuka. Takabatwa mukuparara kwetsika kusingaenzanisiki, kuparara kwakakura zvokuti kuri kukurira vezvematongerwe enyika.”

Munyori wenhau nemabhuku Cal Thomas akazivisa kwaakaona sokukanganisa kukuru mukuedza kusimudzira nzanga kunoitwa nezvematongerwe enyika: “Kuchinja chaiko kunobva mumwoyo mumwe nomumwe kwete pasarudzo imwe neimwe, nokuti matambudziko edu makuru haasi ezvoupfumi nezvematongerwe enyika asi ane chokuita netsika nokunamata.”

Asi unogadzirisa sei zvine chokuita netsika nokunamata munyika isina mipimo, umo vanhu vanozvisarudzira zvakarurama nezvisina kururama? Kana vanhu vane simba uye vane vavariro dzakanaka—vechitendero kana kuti vasiri—vasingakwanisi kuita kuti nyika ino ive nzvimbo iri nani zvechokwadi, ndiani angagona kudaro? Mhinduro iripo, sezvatichaona munyaya inotevera. Mhinduro iyoyo ndiyo inotova chikonzero chikuru nei Jesu akati Umambo hwake hwakanga husiri hwenyika ino.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 2]

BUTIRO: Mvura yakasviba: WHO/UNICEF photo; globe: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

Vana: UN photo; globe: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.