Chengeta Hana Yako
Chengeta Hana Yako
PFUNGWA yokubhururuka nendege ine kombiyuta yakaiswa purogiramu isina kururama inotyisa. Panzvimbo paizvozvo, fungidzira kuti mumwe munhu akauraya zvinhu zviri mundege zvinoitungamirira kana kuti akanga aita achiziva kuti mashoko acho ave enhema! Saizvozvowo, mupfungwa yokufananidzira, izvozvo ndizvo chaizvo zviri kuedza mumwe munhu kuita hana yako. Ari kuda kuuraya chinhu chinokutungamirira patsika. Chinangwa chake ndechokuti akubonderanise naMwari!—Jobho 2:2-5; Johani 8:44.
Mharadzi iyi ndiani? MuBhaibheri, anonzi “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Akaonekwa achiita chiito mubindu reEdheni, achishandisa kutaura kwokunyengera, akanyengetedza Evha kufuratira zvaaiziva kuti zvaiva zvakarurama uye kupandukira Mwari. (Genesi 3:1-6, 16-19) Kubvira ipapo, Satani ave achitungamirira kuvambwa kwemasangano ose anonyengera kuti atungamirire vanhu kubatana sevavengi vaMwari. Rinoshoreka zvikuru kupfuura mamwe ose chitendero chenhema.—2 VaKorinde 11:14, 15.
Chitendero Chenhema Chinoodza Hana
Mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, chitendero chenhema chinoonekwa sehure rokufananidzira rinonzi Bhabhironi Guru. Dzidziso dzaro dzakaondonga tsika dzevanhu vakawanda uye dzakaita kuti vavenge uye kunyange kuita zvinhu nechisimba kuvanhu vanenge vasiri vechitendero chavo. Chaizvoizvo, maererano naZvakazarurwa, Mwari anoti chitendero chenhema ndicho chine mhaka yeropa “revose vakaurawa pasi pano,” kusanganisira vanamati vaMwari pachake.—Zvakazarurwa 17:1-6; 18:3, 24.
Jesu akanyevera vadzidzi vake nezvokuti chitendero chenhema chaizoondonga tsika dzevamwe zvakadini paakati: “Awa iri kuuya apo munhu wose anokuurayai achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene.” Vanhu vakadaro vanoita zvechisimba vakapofumara mutsika zvikuru! Jesu akati: “Havana kusvika pakuziva Baba kana zvimwe ini.” (Johani 16:2, 3) Pasina nguva refu ataura mashoko iwayo, Jesu akaurayiwa zvichitungamirirwa nevatungamiriri vechitendero, vakakwanisa kuyananisa hana dzavo nokupara mhosva. (Johani 11:47-50) Kusiyana naizvozvo, Jesu akati vateveri vake vechokwadi vanozivikanwa nokudanana kwavanoita. Asi rudo rwavo rwakafara zvikuru, nokuti runosvika pakuda kunyange vavengi vavo.—Mateu 5:44-48; Johani 13:35.
Imwe nzira iyo chitendero chenhema chakuvadza nayo hana dzevakawanda ndeyokutsigira chero tsika dzipi zvadzo dziri kuoneka sedzakakurumbira, kana kuita kuti dzishayikwe zvachose. Achifanotaura nezvazvo, muapostora Pauro 2 Timoti 4:3.
akati: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nokuda kwavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.”—Mazuva ano, vatungamiriri vechitendero vanofadza nzeve dzevanhu nokutaura kuti kusangana pabonde kwevanhu vasina kuroorana kungagamuchirwa naMwari. Vamwe vanopembedza zviito zvoungochani. Chaizvoizvo, vamwe vafundisi pachavo vanoita zvoungochani. Imwe nyaya iri mupepanhau rokuBritain rinonzi The Times yakati “ngochani gumi nenhatu dzinozivikanwa noruzhinji” dzakasarudzwa kupinda mudare rinotungamirira Chechi yeEngland rinonzi General Synod. Vatungamiriri vemachechi pavanosiya tsika dzomuBhaibheri, pasina zvavanonyanyoitwa nemachechi avo, vanovatevera vanofanira kutevedzera tsika dzaani? Saka hazvishamisi kuti mamiriyoni akavhiringika zvikuru.
Zviri nani zvikuru kutungamirirwa nechokwadi chaMwari chakajeka chetsika chinodzidzwa muBhaibheri chinoita sechikwangwani! (Pisarema 43:3; Johani 17:17) Somuenzaniso, Bhaibheri rinodzidzisa kuti zvifeve kana mhombwe “havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Rinotiudza kuti varume nevakadzi vanochinja “zvavakasikirwa kuti zvive izvo zvakasiyana nezvokusikwa kwavo” vari ‘kuita zvinonyadzisa” mumeso aMwari. (VaRoma 1:26, 27, 32) Ichi chokwadi pamusoro petsika hachina kuvambwa nevanhu vasina kukwana; zvinhu zvinodiwa naMwari zvaakafuridzira, zvaasina kumbochinja. (VaGaratiya 1:8; 2 Timoti 3:16) Asi Satani ane dzimwe nzira dzokukuvadza nadzo hana.
Sarudza Mune Zvinovaraidza
Zvakaipa kumanikidza munhu kuita chakaipa, ndoda kutomuita kuti ade kuita chinhu chakadaro. Ichi ndicho chinangwa chaSatani “mutongi wenyika.” Kuti apinze mafungiro ake akashata mupfungwa nemwoyo yevakapusa nevasingafungiri—zvikurukuru vechiduku, vaanowana vari nyore—anoshandisa nzira dzakadai semabhuku ane nyaya dzisina kunyatsotsarukana, mafirimu, mimhanzi, mitambo yepakombiyuta, nokuona zvinonyadzisira paIndaneti.—Johani 14:30; VaEfeso 2:2.
“Vechiduku [muUnited States] vanoona zviito zvechisimba zvinofungidzirwa kuva 10000 pagore,” wakadaro mumwe mushumo mupepanhau rinonzi Pediatrics, “mapurogiramu evana ari iwo anonyanyova echisimba.” Mushumo wacho wakabudisawo kuti “gore roga roga, vayaruki vanoona nyaya, nenyambo dzine chokuita nezvokusangana pabonde dzinoda kusvika 15 000.” Rakati kunyange panguva inoonekwa terevhizheni noruzhinji, “zviitiko zvokusangana pabonde zvinooneka kasere paawa yoga yoga, kupeta nekana zvaiitika muna 1976.” Hazvishamisi kuti ongororo yacho yakawana kuti “mutauro wakashata uri kuwedzerawo zvinoshamisa.” Asi Bhaibheri uye ongororo dzakawanda dzesayenzi dzinoyambira kuti kupinza mupfungwa zvinhu zvakadaro kunoshatisa vanhu. Saka kana Zvirevo 4:23, inoti: “Chengeta mwoyo wako. . . nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—Isaya 48:17.
uchida kufadza Mwari zvechokwadi uye kuzvibatsira, teereraNziyo dzakakurumbira dzinokanganisawo hana. Muimbi ane nziyo dzinoita mukurumbira uye dzinofarirwa nevakawanda munyika dzokumadokero anoita “nepaanogona napo kuimba zvinotyisa,” unoyambira kudaro mumwe mushumo mupepanhau rokuAustralia The Sunday Mail. Nyaya yacho inoti “nziyo dzake dzinokurudzira kushandiswa kwezvinodhaka, makunakuna uye kubata chibharo” uye kuti “anoimba nezvokuuraya mudzimai wake omukanda mudziva.” Mamwe mashoko orwiyo rwacho akataurwa anonyadzisa zvokuti hatingamboadzokorori munyaya ino. Asi, mimhanzi yake yakamuita kuti awane mubayiro wepamusoro. Ungada kudyara mupfungwa dzako nemwoyo zvinhu zvinokuvadza zvakadai sezvataurwa pamusoro apa, kunyange kana zvikanatsiridzwa nemimhanzi here? Zvinotarisirwa kuti haudaro, nokuti vanoita zvakadaro vanoshatisa hana dzavo vozopedzisira vava ne“mwoyo wakaipa,” unovaita kuti vave vavengi vaMwari.—VaHebheru 3:12; Mateu 12:33-35.
Saka ngwarira pakusarudza kwako zvinokuvaraidza. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.”—VaFiripi 4:8.
Ushamwari Hune Zvahunoita Pahana Yako
Pavaive vana, Neil naFranz vaive neshamwari dzakanaka dzaive vaKristu vechokwadi. * Asi, nokufamba kwenguva, Neil anoti, “Ndakatanga kutamba nevanhu vasiri ivo.” Anozvidemba kuti zvakazoguma nokupara mhosva nokuenda kujeri. Ndizvo zvakaitwawo naFranz. “Ndaifunga kuti ndinogona kutamba nevechiduku vokunyika vasingandikanganisi,” anozvidemba achidaro. “Asi sezvinotaura VaGaratiya 6:7, ‘Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.’ Ndakazozviziva nemisodzi pamatama kuti ndaive ndisina kururama uye Jehovha aive akarurama. Ndava kunofira mujeri nokutadza kwandakaita.”
Vanhu vakaita saNeil naFranz havangotangi kupara mhosva munguva pfupi; pakutanga vaitomboona sezvisingafungiki. Zvinowanzotanga zvishoma nezvishoma, kazhinji kacho zvichitanga neshamwari dzakaipa. (1 VaKorinde 15:33) Kushandisa zvinodhaka nokunwa doro zvingatevera. Zvechokwadi ndokusaka hana yakarondedzerwa so“rutivi rwounhu ruri nyore kunyungudutswa nedoro.” Kubva ipapo, inhanho imwe chete kusvika pakupara mhosva nokuita unzenza.
Ko kumbotorerei nhanho iyoyo yokutanga? Zvirevo 13:20) Kunyange zvavo vachakapfigirwa, Neil naFranz iye zvino vava kuona hana dzavo sezvipo zvakabva kuna Mwari zvinofanira kurovedzwa zvakanaka, hungu, kukosheswa. Uyezve, vari kushanda zvakaoma kuti vavake ukama hwakanaka naMwari wavo, Jehovha. Iva akachenjera, udzidze pazvikanganiso zvavo.—Zvirevo 22:3.
Pane kudaro, tamba nevanhu vanoda Mwari zvechokwadi. Vachakubatsira kusimbisa hana yako kuitira kuti igokutungamirira zvakanaka, zvokudzivirira pamarwadzo akawanda awaizova nawo. (Chengetedza Hana Yako
Tinoratidza kuti tinoda kuchengetedza hana yedu kana tichivaka rudo nokutenda muna Mwari, zvose nokumutya kwakanaka. (Zvirevo 8:13; 1 Johani 5:3) Bhaibheri rinoratidza kuti hana isingapesvedzerwi nezvinhu izvi inowanzova isina kudzikama mune zvetsika. Somuenzaniso, Pisarema 14:1 rinotaura nezvevaya vanoti mumwoyo mavo: “Mwari haako.” Kushayikwa kwokutenda uku kunoita kuti mufambiro wavo uve sei? Ndima yacho inopfuurira kuti: “Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza.”
Vanhu vasina kutenda chaiko muna Mwari havanawo tariro yakasimba yenguva yemberi iri nani. Nokudaro, vanoita sevanongoraramira nguva iripo, vachiita zvinofadza zvishuvo zvavo zvenyama. Ivo vanongoti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Ukuwo, vaya vane meso ari pamubayiro woupenyu husingaperi havakwezvwi nezvinofadza zvenyika zviri kupfuura. Kufanana nekombiyuta yomundege inoshanda zvakanaka, hana dzavo dzakarovedzwa dzinovachengeta vari mugwara rokuteerera Mwari kwokutendeka.—VaFiripi 3:8.
Kuti hana yako irambe iine simba uye ichiita nemazvo, inoda kutungamirirwa neShoko raMwari nguva dzose. Bhaibheri rinotiudza kuti nhungamiro yakadaro inowanikwa parinoti nenzira yomufananidzo: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Saka iva nenguva yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Izvi zvichakusimbaradza nokukukurudzira paunenge uchitamburira kuita zvakarurama kana kuti paunenge wava kunyanya kutya uye kunetseka. Iva nechivimbo chokuti Jehovha achakutungamirira mutsika uye mukunamata kana ukaisa chivimbo chako chizere maari. Hungu, tevedzera munyori wepisarema akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.”—Pisarema 16:8; 55:22.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 16 Mazita akachinjwa.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Chitendero chenhema, chinorondedzerwa muBhaibheri se“Bhabhironi Guru,” ndicho chakagomadza hana dzevakawanda
[Kwazvakatorwa]
Mupristi ari kunamatira mauto: U. S. Army photo
[Mifananidzo iri papeji 6]
Kuona zvinhu zvechisimba nezvounzenza kuchakuvadza hana yako
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nhungamiro yenguva dzose yeShoko raMwari ichachengetedza hana yako