Jehovha ndiMwari Ane Mwoyo Murefu
Jehovha ndiMwari Ane Mwoyo Murefu
“Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru.”—EKSODHO 34:6.
1, 2. (a) Ndivanaani vakabatsirwa nemwoyo murefu waJehovha munguva yakapfuura? (b) Mashoko okuti “mwoyo murefu” anorevei?
VANHU vomuzuva raNoa, vaIsraeri vaifamba rwendo nomurenje naMosesi, vaJudha vaiva vapenyu pakararama Jesu panyika—vose vairarama mumamiriro ezvinhu akasiyana. Asi vose vakabatsirwa nechimwe chinhu chakanaka china Jehovha—mwoyo murefu. Ndiwo wakatoita kuti vamwe varambe vari vapenyu. Uye mwoyo murefu waJehovha unogona kureva upenyu hweduwo.
2 Mwoyo murefu chii? Jehovha anouratidza rini, uye nei? “Mwoyo murefu” unorondedzerwa so“kushivirira kwenguva refu chikanganiso kana kudenhwa, kwakabatanidzwa nokusada kurega kuva netariro yokuti ukama hwakanganiswa huchaita nani.” Naizvozvo, mwoyo murefu une chinangwa. Unotarisira zvikurukuru kubatsirika kweari kukonzera zvisingadiwi. Zvisinei, kuva ane mwoyo murefu hakurevi kutunhidza zvakaipa. Vavariro yemwoyo murefu painozadziswa kana kuti pakunenge kusina chikonzero chokuramba uchishivirira, mwoyo murefu unoguma.
3. Ndeipi yave iri vavariro yemwoyo murefu waJehovha, uye unogumira papi?
3 Nepo vanhu vachigona kuva nemwoyo murefu, Jehovha ndiye muenzaniso mukuru wawo. Mumakore ose kubvira apo chivi chakakanganisa ukama hwaivapo pakati paJehovha nevanhu vake vaakasika, Musiki wedu akaratidza kushivirira kwenguva refu uye akaronga nzira yokuti vanhu vanopfidza vavandudze ukama hwavo naye. (2 Petro 3:9; 1 Johani 4:10) Asi apo mwoyo murefu wake unozadzisa vavariro yawo, Mwari achaparadza vanoita zvakaipa, achigumisa nyika yakaipa iripo nhasi.—2 Petro 3:7.
Kuwirirana Nounhu Hukuru hwaMwari
4. (a) Pfungwa yemwoyo murefu inoratidzwa sei muMagwaro echiHebheru? (Onawo mashoko omuzasi NW, Ref.) (b) Muprofita Nahumi anorondedzera sei Jehovha, uye izvi zvinoratidzei nezvemwoyo murefu waJehovha?
4 MuMagwaro echiHebheru, pfungwa yemwoyo murefu inoratidzwa nemashoko maviri echiHebheru anoreva zvakananga kuti “urefu hwemhino” uye anoshandurwa kuti “kunonoka kutsamwa” muShanduro yeNyika Itsva. * Achitaura nezvemwoyo murefu waMwari, muprofita Nahumi akati: “Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi une mhosva.” (Nahumi 1:3) Saka, mwoyo murefu waJehovha haurevi kuti haana simba, uye haungorambi uchipfuurira. Chokwadi chokuti Mwari wemasimba ose anonoka kutsamwa, panguva imweyo aine simba guru chinoratidza kuti mwoyo murefu wake ndewokuzvidzora aine chinangwa. Ane simba rokuranga, asi anonoka kudaro hake nemaune kuti ape mutadzi mukana wokuchinja. (Ezekieri 18:31, 32) Naizvozvo, mwoyo murefu waJehovha kuratidzwa kworudo rwake, uye unoratidza uchenjeri hwake pakushandisa simba rake.
5. Mwoyo murefu waJehovha unopindirana sei nokururamisira kwake?
5 Mwoyo murefu waJehovha unopindiranawo Eksodho 34:6) Kwapera makore akawanda kubva ipapo, Mosesi akaimba achirumbidza Jehovha kuti: “Nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi. (Dheuteronomio 32:4) Hungu, ngoni dzaJehovha, mwoyo murefu, kururamisira, uye kururama zvose zvinopindirana.
nokururamisira uye kururama kwake. Kuna Mosesi akazviti ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa [“mwoyo murefu,” King James Version], une tsitsi huru nezvokwadi.” (Mwoyo Murefu waJehovha Mafashamo Asati Aitika
6. Uchapupu hupi hunoorora hwemwoyo murefu hwakaratidzwa naJehovha kuvazukuru vaAdhamu naEvha?
6 Kupanduka kwaAdhamu naEvha muEdheni kwakacheka zvachose ukama hwavo hunokosha noMusiki wavo ane rudo, Jehovha. (Genesi 3:8-13, 23, 24) Kuparadzaniswa uku kwakaitikawo kuvana vavo, avo vakawana kubva kwavari chivi, kusakwana, uye rufu. (VaRoma 5:17-19) Kunyange zvazvo vanhu vaviri vokutanga vakaita zvivi vachida, Jehovha akavabvumira kubereka vana. Gare gare, akaita kuti pave nenzira yokuti vazukuru vaAdhamu naEvha vayananiswe naye. (Johani 3:16, 36) Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira. Naizvozvo, sezvo zvino takanzi takarurama nemhaka yeropa rake, tichaponeswa nemaari zvikuru kwazvo pahasha. Nokuti kana, patakanga tiri vavengi, takayananiswa naMwari nemhaka yorufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru kwazvo noupenyu hwake, zvino zvatava vakayananiswa.”—VaRoma 5:8-10.
7. Jehovha akaratidza sei mwoyo murefu Mafashamo asati aitika, uye nei kuparadzwa kwechizvarwa chaivapo Mafashamo asati aitika kwakanga kwakakodzera?
7 Mwoyo murefu waJehovha wakaonekwa muzuva raNoa. Rinodarika zana remakore Mafashamo asati aitika, “Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.” (Genesi 6:12) Zvisinei, kwenguva pfupi, Jehovha akaratidzira vanhu mwoyo murefu. Akati: “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” (Genesi 6:3) Makore 120 iwayo akapa Noa nguva yokubereka vana uye—paakaudzwa murayiro waMwari—kuvaka areka nokuzivisa vaairarama navo panguva iyoyo nezveMafashamo. Muapostora Petro akanyora kuti: “Kushivirira [unhu hwakada kufanana nomwoyo murefu] kwaMwari kwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa, umo vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.” (1 Petro 3:20) Ichokwadi kuti vaya vakanga vasiri vomumhuri yaNoa havana kuteerera kuparidza kwake. (Mateu 24:38, 39) Asi nokuita kuti Noa avake areka uye ashande zvichida kwemakumi akati kuti emakore so“muparidzi wokururama,” Jehovha akapa vairarama panguva imwe chete naNoa mukana wakakwana wokupfidza pamararamiro avo echisimba votendeuka kuti vamushumire. (2 Petro 2:5; VaHebheru 11:7) Kuparadzwa kwakapedzisira kwaitwa chizvarwa ichocho chakanga chakaipa kwakanga kwakakodzera chaizvo.
Mwoyo Murefu Wakanaka Wakaitirwa vaIsraeri
8. Mwoyo murefu waJehovha wakaratidzwa sei kurudzi rwaIsraeri?
8 Mwoyo murefu wakaitirwa vaIsraeri naJehovha wakagara kwemakore anopfuura 120. Mumakore ose anopfuura 1 500 avakararama sevanhu vakasarudzwa naMwari, paingova nenguva shomanana vaIsraeri pavasina kuedza mwoyo murefu waMwari kusvikira paunogumira. Kwangopera vhiki shomanana chete vanunurwa zvinoshamisa muIjipiti, vakatanga kunamata chidhori, vachiratidza kusaremekedza kukuru Muponesi wavo. (Eksodho 32:4; Pisarema 106:21) Mumakumi emakore akazotevera acho, vaIsraeri vakanyunyuta pamusoro pezvokudya zvaigoverwa zvinoshamisa naJehovha murenje, vakagunun’unira Mosesi naAroni, vakashora Jehovha, uye vakaita ufeve nevahedheni, kunyange kunamatawo Bhaari. (Numeri 11:4-6; 14:2-4; 21:5; 25:1-3; 1 VaKorinde 10:6-11) Nenzira yakarurama, Jehovha angadai akaparadza vanhu vake, asi pane kudaro akaratidza mwoyo murefu.—Numeri 14:11-21.
9. Jehovha akaratidza sei kuti ndiMwari ane mwoyo murefu panguva yeVatongi uye yemadzimambo?
9 Munguva yeVatongi, vaIsraeri vairamba vachitsauka vachinamata zvidhori. Pavaidaro, Jehovha aivarasira kuvavengi vavo. Asi pavaipfidza vodana kwaari kuti avabatsire, airatidza mwoyo murefu omutsa vatongi kuti vavanunure. (Vatongi 2:17, 18) Mumakore emadzimambo, vashoma vawo vakaratidza kuzvipira kwakakwana kuna Jehovha. Uye kunyange paitonga madzimambo akatendeka, vanhu vaiwanzosanganisa kunamata kwechokwadi nokwenhema. Jehovha paakamutsa vaprofita kuti vayambire nezvokusatendeka, vanhu vaiwanzosarudza kuteerera vapristi vakanga vasina kutendeka nevaprofita venhema. (Jeremia 5:31; 25:4-7) VaIsraeri vaitotambudza vaprofita vakatendeka vaJehovha uye kunyange kuuraya vamwe vavo. (2 Makoronike 24:20, 21; Mabasa 7:51, 52) Kunyange zvakadaro, Jehovha akaramba achiratidza mwoyo murefu.—2 Makoronike 36:15.
Mwoyo Murefu waJehovha Hauna Kupera
10. Mwoyo murefu waJehovha wakasvika rini paunogumira?
10 Zvisinei, zvakaitika kare zvinoratidza kuti mwoyo murefu waMwari une paunogumira. Muna 740 B.C.E., akabvumira vaAsiriya kupidigura 2 Madzimambo 17:5, 6) Uye pakupera kwezana remakore rakatevera racho, akabvumira vaBhabhironi kupinda muumambo hweJudha hwemadzinza maviri ndokuparadza Jerusarema netemberi yaro.—2 Makoronike 36:16-19.
umambo hweIsraeri hwemadzinza gumi ndokuisa vagari vemo muusungwa. (11. Jehovha akasiya sei mukana wemwoyo murefu kunyange paakanga achipa mutongo?
11 Zvisinei, kunyange paaipa Israeri neJudha mutongo, Jehovha haana kukanganwa kuva nemwoyo murefu. Achishandisa muprofita wake Jeremia, Jehovha akafanotaura kudzorerwa kwevanhu vake vakasarudzwa. Akati: “Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino. Ndichawanikwa nemi . . . Ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai.”—Jeremia 29:10, 14.
12. Kudzoka kwevakasara vechiJudha kunyika yeJudha kwakaratidza sei kuti kwaitungamirirwa naMwari zvine chokuita nokuuya kwaMesiya?
12 Vakasara pavaJudha vakanga vakatapwa vakadzoka kuJudha zvechokwadi ndokumutsidzira kunamatwa kwaJehovha patemberi yakanga yavakwazve muJerusarema. Mukuitwa kwezvinangwa zvaJehovha, vakasara ava vaizova se“dova rinobva kuna Jehovha,” rinounza donhodzo nokubudirira. Vaizovawo vakashinga uye vakasimba se“shumba pakati pemhuka dzomudondo.” (Mika 5:7, 8) Mashoko okupedzisira aya angave akazadzika munguva yavanaMaccabee apo vaJudha vaitungamirirwa nemhuri yavanaMaccabee vakadzinga vavengi vavo muNyika Yakapikirwa ndokutsaurirazve temberi, yakanga yasvibiswa. Saka nyika netemberi zvakachengetedzwa kuti vamwe vakasara vakatendeka vakwanise kugamuchira Mwanakomana waMwari paaizouya ikoko saMesiya.—Dhanieri 9:25; Ruka 1:13-17, 67-79; 3:15, 21, 22.
13. Kunyange pashure pokunge vaJudha vauraya Mwanakomana wake, Jehovha akapfuurira sei kuvaratidza mwoyo murefu?
13 Kunyange pashure pokunge vaJudha vauraya Mwanakomana wake, Jehovha akapfuurira kuvaratidza mwoyo murefu kwenguva inokwana makore matatu nehafu, achivapa mukana wakakwana wokudanwa kuti vave vamwe vembeu yokumudzimu yaAbrahamu. (Dhanieri 9:27) * Gore ra36 C.E. risati rasvika uye radarika, vamwe vaJudha vakabvuma kudanwa uku, uye nokudaro, semataurirwo azvakazoitwa naPauro, “vakasara vakaoneka maererano nokusarudza nemhaka yomutsa usina kufanirwa.”—VaRoma 11:5.
14. (a) Muna 36 C.E., ropafadzo yokuva vamwe vembeu yokumudzimu yaAbrahamu yakapiwa kuna vanaani? (b) Pauro akaratidza sei manzwiro ake nezvemasarudziro anoita Mwari nhengo dzaIsraeri wokumudzimu?
14 Muna 36 C.E., kokutanga ropafadzo yokuva mumwe wembeu yokumudzimu yaAbrahamu yakapiwa kune vaya vakanga vasiri vaJudha kana vaya vakatendeukira kuchiJudha. Chero VaGaratiya 3:26-29; VaEfeso 2:4-7) Achiratidza kuonga zvikuru uchenjeri nechinangwa zvaiita kuti Jehovha ave nemwoyo murefu une ngoni, waanoita nawo kuti pave nenhamba yose yevakadanwa kuzadzisa Israeri wokumudzimu, Pauro akati: “Haiwa ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo! Kutonga kwake hakunzvereki sei uye nzira dzake hadzirondeki sei!”—VaRoma 11:25, 26, 33; VaGaratiya 6:15, 16.
ani aibvuma akagamuchirawo mutsa usina kufanirwa uye mwoyo murefu waMwari. (Mwoyo Murefu Nokuda Kwezita Rake
15. Chikonzero chikuru chomwoyo murefu waMwari ndechei, uye inyaya ipi yaida nguva yokugadziriswa?
15 Nei Jehovha achiratidza mwoyo murefu? Zvikurukuru kuti akudze zita rake dzvene ndokureverera uchangamire hwake. (1 Samueri 12:20-22) Nyaya yoruvimbiko yakamutswa naSatani maererano nemashandisiro anoita Jehovha uchangamire Hwake yaida nguva yokuti igadziriswe zvinogutsa pamberi pezvisikwa zvose. (Jobho 1:9-11; 42:2, 5, 6) Saka, vanhu vake pavaidzvinyirirwa muIjipiti, Jehovha akaudza Farao kuti: “Ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.”—Eksodho 9:16.
16. (a) Mwoyo murefu waJehovha wakaita sei kuti zviite kugadzirira vanhu vezita rake? (b) Zita raJehovha richatsveneswa sei uye uchangamire hwake hucharevererwa sei?
16 Mashoko aJehovha kuna Farao akadzokororwa naPauro paaitsanangura zvinoitwa nemwoyo murefu waMwari pakupa mbiri zita Rake dzvene. Pauro akabva anyora kuti: “Zvino, kana Mwari, kunyange aida kuratidzira hasha dzake uye kuita kuti simba rake rizivikanwe, akashivirira nemwoyo murefu zvikuru midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa, kuti azivise pfuma yembiri yake pamidziyo yengoni, yaakafanogadzira nokuda kwembiri, isusu, vaakadana kwete bedzi kubva pakati pevaJudha asiwo kubva pakati pemamwe marudzi, zvakadini izvozvo? Zviri sokutaurawo kwaanoita muna Hosea, kuti: ‘Avo vasiri vanhu vangu ndichavadana kuti “vanhu vangu.”’” (VaRoma 9:17, 22-25) Nokuti Jehovha akaratidza mwoyo murefu, akakwanisa kutora mumarudzi “vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14) Vachitungamirirwa noMusoro wavo, Jesu Kristu, “vatsvene” ava vanogara nhaka yoUmambo huchashandiswa naJehovha kutsvenesa zita Rake guru uye kureverera uchangamire Hwake.—Dhanieri 2:44; 7:13, 14, 27; Zvakazarurwa 4:9-11; 5:9, 10.
Mwoyo Murefu waJehovha Unoguma Noruponeso
17, 18. (a) Tingava tichishora Jehovha tisingazivi kuti ari kuratidza mwoyo murefu kana tikaitei? (b) Tinokurudzirwa kuti tione sei mwoyo murefu waJehovha?
17 Kubvira pakatanga kupinda vanhu muchivi chakakonzera matambudziko kusvikira iye zvino, Jehovha akaratidza kuti ndiMwari ane mwoyo murefu. Mwoyo murefu waaiva nawo Mafashamo asati aitika wakabvumira nguva yokuti nyevero yakafanira ipiwe uye kuti paitwe nzira yokuponeswa nayo. Asi kushivirira kwake kwakasvika pakunogumira, uye Mafashamo akauya. Saizvozvowo nhasi, Jehovha ari kuratidza mwoyo murefu mukuru, uye ari kuzviita kwenguva refu kupfuura zvingadaro zvaitarisirwa nevamwe. Zvisinei, ichocho hachisi chikonzero chokurega. Kuita kudaro kungaita sokuti tiri kushora Mwari kuti aitirei mwoyo murefu. Pauro akabvunza kuti: “Unozvidza here pfuma yomutsa wake nokushivirira nemwoyo murefu, nokuti hauzivi kuti mutsa waMwari uri kuedza kukutungamirira kurupfidzo?”—VaRoma 2:4.
18 Hapana mumwe wedu anogona kuziva kuti tinoda kuitirwa mwoyo murefu naMwari kusvika papi kuti tive nechokwadi chokuti tinotenderwa naye kuti tiponeswe. Pauro anotipa zano rokuti ti‘rambe tichishandira kuponeswa kwedu nokutya nokudedera.’ (VaFiripi 2:12) Muapostora Petro akanyorera vamwe vaKristu kuti: “Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 Petro 3:9.
19. Tingashandisa sei mwoyo murefu waJehovha?
19 Saka, ngatirege kutadza kushivirira mabatiro anoita Jehovha zvinhu. Asi, ngatitevedzerei zano rinotaurwazve naPetro to“fung[a] nezvekushivirira kwaShe wedu soruponeso.” Ruponeso rwaani? Rwedu, uye kuwedzera ipapa, rwevamwe vasingaverengeki vachiri kuda kunzwa “mashoko akanaka oumambo.” (2 Petro 3:15; Mateu 24:14) Izvi zvichatibatsira kukoshesa kuratidza kwave kuchiita Jehovha mwoyo murefu zvikuru zvotiita kuti tive nemwoyo murefu mumabatiro atinoita nevamwe.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 4 MuchiHebheru, shoko rinoshandurwa kuti “mhuno” kana kuti “maburi emhuno” (ʼaph) rinowanzoshandiswa kufananidzira hasha. Izvi zvinodaro nemhaka yokufemereka kunoitwa nomunhu atsamwa.
^ ndima 13 Kuti utsanangurirwe zvinopfuura apa maererano nouprofita uhwu, ona bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!, mapeji 191-4, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Ungatsanangura Here?
• Mashoko okuti “mwoyo murefu” anorevei muBhaibheri?
• Jehovha akaratidza sei mwoyo murefu Mafashamo asati aitika, pashure poutapwa hwomuBhabhironi, uye muzana remakore rokutanga C.E.?
• Jehovha akaratidza mwoyo murefu nokuda kwezvikonzero zvipi zvinokosha?
• Tinofanira kuona sei mwoyo murefu waJehovha?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mwoyo murefu waJehovha Mafashamo asati aitika wakapa vanhu mukana wakakwana wokupfidza
[Mufananidzo uri papeji 10]
Bhabhironi rawa, vaJudha vakabatsirwa nemwoyo murefu waJehovha
[Mufananidzo uri papeji 11]
Muzana remakore rokutanga, vaJudha nevakanga vasiri vaJudha vakabatsirwa nemwoyo murefu waJehovha
[Mifananidzo iri papeji 12]
VaKristu nhasi vanoshandisa zvakanaka mwoyo murefu waJehovha