Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Pfekai Mwoyo Murefu’

‘Pfekai Mwoyo Murefu’

‘Pfekai Mwoyo Murefu’

“Pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi . . . nemwoyo murefu.”—VAKOROSE 3:12.

1. Rondedzera muenzaniso wakaisvonaka wemwoyo murefu.

RÉGIS, anogara kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweFrance, akava Chapupu chaJehovha chakabhabhatidzwa muna 1952. Kwemakore akawanda mudzimai wake akaita zvose zvaaigona kuti amutadzise kushumira Jehovha. Aiedza kuponjesa matayi emotokari yake kuti amutadzise kupinda misangano, uye imwe nguva akatomutevera sezvaaiparidza shoko reBhaibheri pasuo nesuo, achimutsvinyira paaitaura navanasaimba nezvemashoko akanaka oUmambo. Pasinei nokuramba achipikiswa kudai, Régis akaramba aine mwoyo murefu. Saka, Régis muenzaniso wakaisvonaka wevaKristu vose, sezvo Jehovha achida kuti vanamati vake vose vave nemwoyo murefu mumabatiro avanoita nevamwe.

2. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mwoyo murefu” rinorevei zvakananga, uye shoko racho rinoratidzei?

2 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mwoyo murefu” rinoreva zvakananga kuti “urefu hwemanzwiro.” Shanduro yeNyika Itsva yechiShona inoshandura shoko iri kagumi ichiti “mwoyo murefu,” uye inorishandura kanosvika kana ichiti “kushivirira.” Shoko rechiHebheru nerechiGiriki rinoshandurwa kuti “mwoyo murefu” rinosanganisira pfungwa yokushivirira nokunonoka kutsamwa.

3. Maonero aiita vaKristu mwoyo murefu aisiyana sei neevaGiriki vomuzana remakore rokutanga?

3 Mwoyo murefu wakanga usingaonekwi sechinhu chakanaka nevaGiriki vomuzana remakore rokutanga. Shoko racho pacharo harina kumboshandiswa nevazivi vechiStoic. Maererano nenyanzvi yeBhaibheri William Barclay, mwoyo murefu “wakasiyana chaizvo nezvinonzi zvakanaka nevaGiriki,” avo pakati pezvimwe vaidada nokuti “havashiviriri kudenhwa kana kukuvadzwa chero kupi zvako.” Anotaura kuti: “KuvaGiriki ainzi murume pane vamwe varume ndouya aiita chero zvaanogona kuti atsive. KumuKristu anonzi murume pane vamwe varume ndouya asingadi kutsiva, kunyange kana achizvigona hake.” VaGiriki vangave vakafunga kuti mwoyo murefu chiratidzo chokushaya simba, asi pano, somuzvimwe zviitiko, “chinhu choupenzi chaMwari chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chisina simba chaMwari chakasimba kupfuura vanhu.”—1 VaKorinde 1:25.

Muenzaniso waKristu Wemwoyo Murefu

4, 5. Jesu akaratidza muenzaniso upi unoshamisa wemwoyo murefu?

4 Kristu Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wemwoyo murefu unotevera kune waJehovha. Paaiva panguva yakaoma zvikuru, Jesu aizvidzora zvinoshamisa. Zvakaprofitwa nezvake kuti: “Wakamanikidzwa, kunyange zvakadaro wakazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa, uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.”—Isaya 53:7.

5 Jesu akaratidza mwoyo murefu unoshamisa kwazvo muushumiri hwake hwose pasi pano! Akatsungirira mibvunzo younyengeri yevavengi vake uye kutuka kwevapikisi. (Mateu 22:15-46; 1 Petro 2:23) Aishivirira vadzidzi vake, kunyange pavairamba vachiitisana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru kupfuura vose. (Mako 9:33-37; 10:35-45; Ruka 22:24-27) Uye Jesu akazvidzora zvinoshamisa kwazvo pausiku hwaakazotengeswa, Petro naJohani pavakarara ivo vaudzwa kuti “rambai makarinda”!—Mateu 26:36-41.

6. Pauro akabatsirwa sei nemwoyo murefu waJesu, uye tinodzidzei ipapa?

6 Pashure porufu rwake norumuko, Jesu akapfuurira kuva nemwoyo murefu. Muapostora Pauro ndiye ainyatsoziva izvi, sezvo akanga ambova mutambudzi wevaKristu. Pauro akanyora kuti: “Shoko rokuti Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vanhu vanoita zvivi rakatendeka uye rakafanirwa kugamuchirwa kwazvo. Pana ivava ini ndiri mukuru. Kunyange zvakadaro, chakaita kuti ndinzwirwe ngoni ndechokuti neni somuenzaniso mukuru Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake wose kuitira muenzaniso avo vachaisa kutenda kwavo paari nokuda kwoupenyu husingaperi.” (1 Timoti 1:15, 16) Hazvinei nokuti taimborarama sei, kana tikatenda muna Jesu, achatiitira mwoyo murefu—uku achititarisirawo kubereka “mabasa anokodzera rupfidzo.” (Mabasa 26:20; VaRoma 2:4) Mashoko akatumirwa naKristu kuungano nomwe dzaiva muAsia Minor anoratidza kuti kunyange zvazvo aine mwoyo murefu, anotarisira kuvandudzika.—Zvakazarurwa, zvitsauko 2 ne3.

Chibereko Chomudzimu

7. Mwoyo murefu unei chokuita nomudzimu mutsvene?

7 Muchitsauko chechishanu chetsamba yake kuvaGaratiya, Pauro anosiyanisa mabasa enyama nezvibereko zvomudzimu. (VaGaratiya 5:19-23) Sezvo mwoyo murefu uri humwe hwounhu hwaJehovha, ndiye anotanga kuratidza unhu uhu uye chibereko chomudzimu wake. (Eksodho 34:6, 7) Chokwadi, mwoyo murefu unonyorwa pechina murondedzero yaPauro yezvibereko zvomudzimu, pamwe chete no“rudo, mufaro, rugare, . . . mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratiya 5:22, 23) Naizvozvo, vashumiri vaMwari pavanoratidza kushivirira sokwake, kana kuti mwoyo murefu, vanoita kudaro nesimba romudzimu mutsvene.

8. Chii chichaita kuti tikwanise kukudziridza zvibereko zvomudzimu, kusanganisira mwoyo murefu?

8 Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Jehovha anomanikidzira mudzimu wake pamunhu. Tinofanira kubvuma nokuzvidira kudzorwa nawo. (2 VaKorinde 3:17; VaEfeso 4:30) Tinobvumira mudzimu kushanda muupenyu hwedu nokukudziridza zvibereko zvawo pazvose zvatinoita. Apedza kutaura nezvemabasa enyama nezvibereko zvomudzimu, Pauro akawedzera kuti: “Kana tiri kurarama nomudzimu, ngatirambei tichifambawo zvakanaka nomudzimu. Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa; nokuti anodyarira nyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyarira mudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu.” (VaGaratiya 5:25; 6:7, 8) Kuti tibudirire kukudziridza mwoyo murefu, tinofanirawo kukudziridza zvimwe zvibereko zvose zvinoberekwa nomudzimu muvaKristu.

“Rudo Rune Mwoyo Murefu”

9. Pauro angava akaudza vaKorinde kuti “rudo rune mwoyo murefu” nechikonzero chei?

9 Pauro akaratidza kuti rudo rwakabatana chaizvo nemwoyo murefu paakati: “Rudo rune mwoyo murefu.” (1 VaKorinde 13:4) Imwe nyanzvi yeBhaibheri, Albert Barnes, inoti Pauro akasimbisa izvi achifunga nezvemakwikwi nokukakavadzana zvaiitika muungano yechiKristu muKorinde. (1 VaKorinde 1:11, 12) Barnes anotaura kuti: “Shoko rakashandiswa pano [nokuda kwemwoyo murefu] rinopesana nerokuti kuita chimbichimbi: nokutaura uye pfungwa dzehasha, kana kuti nokukurumidza kutsamwa. Rinoratidza pfungwa dzinogona KUSHIVIRIRA KWENGUVA REFU padzinenge dzadzvinyirirwa, dzatsamwiswa.” Rudo nemwoyo murefu zvinongoramba zvichiwedzera zvikuru rugare rweungano yechiKristu.

10. (a) Rudo runotibatsira kuva nemwoyo murefu munzira ipi, uye izano ripi rinopiwa naPauro panyaya iyoyi? (b) Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakataurei nezvemwoyo murefu uye mutsa? (Ona mashoko omuzasi.)

10 “Rudo rune mwoyo murefu [uye] rune mutsa. Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi.” Saka, munzira dzakawanda, rudo runotibatsira kuva nemwoyo murefu. * (1 VaKorinde 13:4, 5) Rudo runoita kuti tikwanise kushivirirana toyeuka kuti tose hatina kukwana uye tine zvatinokanganisa nezvatinotadza. Runotibatsira kufungawo vamwe uye kukanganwira. Muapostora Pauro anotikurudzira kufamba “nepfungwa dzinozvidukupisa zvakakwana nounyoro, nemwoyo murefu, [ti]chishivirirana murudo, [ti]chivavarira nemwoyo wose kuchengeta humwe hwomudzimu muchisungo chinobatanidza chorugare.”—VaEfeso 4:1-3.

11. Nei zvichinyanya kukosha kuti mapoka echiKristu ave nemwoyo murefu?

11 Mwoyo murefu wenhengo dzawo unobatsira mapoka echiKristu, angava ari ungano, misha yeBheteri, misha yemamishinari, mapoka okuvaka, kana kuti zvikoro, kuti ave norugare nomufaro. Mamiriro ezvinhu anoedza angamuka nguva nenguva nemhaka yokusiyana kwounhu, zvinofarirwa, marererwo, mwero wetsika, kunyange rucheno. Izvi ndizvo zvinoitikawo mumhuri. Kuva anononoka kutsamwa kunokosha. (Zvirevo 14:29; 15:18; 19:11) Mwoyo murefu—kushivirira kwenguva refu, netarisiro yokuti zvinhu zvichaita nani—unodiwa kwatiri tose.—VaRoma 15:1-6.

Mwoyo Murefu Unotibatsira Kutsungirira

12. Nei mwoyo murefu uchikosha mumamiriro ezvinhu anoedza?

12 Mwoyo murefu unotibatsira kutsungirira mamiriro ezvinhu anoedza anoratidza seasingagumi kana kuti asina chingaagadzirisa nokukurumidza. Izvi zvaiva zvechokwadi kuna Régis, adudzwa kumavambo. Kwemakore akawanda, mudzimai wake aishora kushumira Jehovha kwaaiita. Zvisinei, rimwe zuva akauya kwaari achichema ndokuti: “Ndinoziva kuti uku ndiko kunamata kwechokwadi. Ndibatsire. Ndinoda kudzidza Bhaibheri.” Akapedzisira abhabhatidzwa seChapupu. Régis anoti: “Izvi zvakaratidza kuti Jehovha akakomborera makore iwayo okutambura, kushivirira, uye kutsungirira.” Mwoyo murefu wake wakapiwa mubayiro.

13. Chii chakaita kuti Pauro akwanise kutsungirira, uye muenzaniso wake ungatibatsira sei kutsungirira?

13 Kare muzana remakore rokutanga C.E., muapostora Pauro aiva muenzaniso wakaisvonaka wemwoyo murefu. (2 VaKorinde 6:3-10; 1 Timoti 1:16) Pedyo nomugumo woupenyu hwake paaipa shamwari yake duku Timoti zano, Pauro akamunyevera kuti vaKristu vose vaizotarisana nemiedzo. Pauro akataura nezvomuenzaniso wake pachake ndokukurudzira humwe unhu hwechiKristu hunodiwa kuti titsungirire. Akanyora kuti: “Iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamire angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu, kutambudzwa kwangu, nhamo dzangu zhinji, zvinhu zvakaitika kwandiri muAndiyoki, muIkoniyumu, muRistra, kutambudzwa kwandakatsungirira; asi Ishe akandinunura mazviri zvose. Chaizvoizvo, vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:10-12; Mabasa 13:49-51; 14:19-22) Kuti titsungirire, tose tinoda kutenda, rudo, uye mwoyo murefu.

Takapfeka Mwoyo Murefu

14. Pauro akashandisa chii kufananidzira unhu hunodiwa naMwari hwakadai semwoyo murefu, uye izano ripi raakapa vaKristu vokuKorose?

14 Muapostora Pauro akafananidza mwoyo murefu uye humwe unhu hunodiwa naMwari nezvipfeko zvinofanira kupfekwa nomuKristu abvisa miitiro yo“unhu hwekare.” (VaKorose 3:5-10) Akanyora kuti: “Sevakasarudzwa vaMwari, vatsvene nevanodiwa, pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:12-14.

15. Chii chinoitika apo vaKristu ‘vanopfeka’ mwoyo murefu nohumwe unhu hunodiwa naMwari?

15 Nhengo dzeungano padzino“pfeka” tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, mwoyo murefu, norudo, dzinokwanisa kugadzirisa zvinetso dzopfuurira mberi dzakabatana mubasa raJehovha. Vatariri vechiKristu zvikurukuru vanofanira kuva nemwoyo murefu. Pangava nenguva dzavanofanira kutsiura mumwe muKristu, asi kune nzira dzakasiya-siyana dzokuzviita. Pauro akatsanangura pfungwa dzakanakisisa paakanyorera Timoti kuti: “Tsiura, ranga, rayira, nemwoyo murefu wose nounyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Timoti 4:2) Hungu, makwai aJehovha anofanira kugara achibatwa nemwoyo murefu, noruremekedzo, uye nounyoro.—Mateu 7:12; 11:28; Mabasa 20:28, 29; VaRoma 12:10.

“Mwoyo Murefu Kune Vose”

16. Chii chingaitika kana tine “mwoyo murefu kune vose”?

16 Mwoyo murefu waJehovha kuvanhu unoita kuti tive nomutoro wokuva “nemwoyo murefu kune vose.” (1 VaTesaronika 5:14) Izvi zvinoreva kushivirira vomumhuri vasiri Zvapupu, vavakidzani, vatinoshanda navo kubasa uye vatinodzidza navo kuchikoro. Zvimwe Zvapupu zvakakurira kufungirwa zvakaipa pazvakatsungirira kutsoropodzwa kana kuti kupikiswa zvakananga nevanhu vazvaisonganira navo kubasa kana kuchikoro, dzimwe nguva kwemakore akawanda. (VaKorose 4:5, 6) Muapostora Petro akanyora kuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti, muchinhu chavanokupomerai sevaiti vezvakaipa, vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.”—1 Petro 2:12.

17. Tingatevedzera sei rudo nemwoyo murefu zvaJehovha, uye nei tichifanira kuita kudaro?

17 Mwoyo murefu waJehovha uchareva ruponeso kumamiriyoni evanhu. (2 Petro 3:9, 15) Kana tikatevedzera rudo nemwoyo murefu zvaJehovha, ticharamba tichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokudzidzisa vamwe kuzviisa pasi pokutonga kwoUmambo hwaKristu. (Mateu 28:18-20; Mako 13:10) Kana tikarega kuparidza, zvaizoita sokuti tinoda kudimburira mwoyo murefu waJehovha panzira uye tinotadza kunzwisisa chinangwa chawo, chokuita kuti vanhu vapfidze.—VaRoma 2:4.

18. Munyengetero waPauro nokuda kwevaKorose waiva wokutii?

18 Mutsamba yake kuvaKristu vaiva muKorose, kuAsia Minor, Pauro akanyora kuti: “Ndokusaka isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa nezvazvo, tisina kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti muzadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti mufambe zvakafanira Jehovha muchimufadza kwazvo sezvamunoramba muchibereka zvibereko mubasa rose rakanaka muchiwedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari, muchisimbiswa nesimba rose kusvika panosvika simba rake rine mbiri kuti mutsungirire kwazvo nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.”—VaKorose 1:9-11.

19, 20. (a) Tingarega sei kuona kupfuurira kuva nemwoyo murefu kwaJehovha somuedzo? (b) Tichabatsirwa sei kana tikava nemwoyo murefu?

19 Kupfuurira kuva nemwoyo murefu uye kushivirira kwaJehovha hakuzovi muedzo kwatiri kana taka“zadzw[a] nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake,” kwokuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Ticha“ramba [ti]chibereka zvibereko mubasa rose rakanaka,” zvikurukuru rokuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Kana tikapfuurira kuita izvi nokutendeka, Jehovha achati“simbis[a] nesimba rose,” achiita kuti tikwanise ku“tsungirir[a] kwazvo nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.” Patinoita kudaro, ticha“famb[a] zvakafanira Jehovha,” uye tichava norugare runobva pakuziva kuti tiri ku“mufadza kwazvo.”

20 Ngatigutsikane zvizere nouchenjeri hwomwoyo murefu waJehovha. Hunoita kuti isu nevaya vanoteerera kuparidza nokudzidzisa kwedu tiponeswe tose. (1 Timoti 4:16) Kukudziridza zvibereko zvomudzimu—rudo rwedu, mutsa, runako, unyoro, uye kuzvidzora—zvichaita kuti tive nemwoyo murefu tichifara. Tichakwanisa zviri nani kurarama murugare nevemhuri yedu uyewo nehama nehanzvadzi dzedu dziri muungano. Mwoyo murefu uchatibatsirawo kushivirira vatinoshanda navo nevatinodzidza navo kuchikoro. Uye mwoyo murefu wedu uchava nechinangwa, chiya chokuponesa vanoita zvakaipa uye chokupa mbiri Mwari ane mwoyo murefu, Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ichitaura maererano nemashoko aPauro okuti “rudo rune mwoyo murefu [uye] rune mutsa,” nyanzvi yeBhaibheri Gordon D. Fee inonyora kuti: “Mudzidziso yaPauro izvo [mwoyo murefu nomutsa] zvinomirira mativi maviri emaonero anoitwa naMwari vanhu (cf. VaRom. 2:4). Kudivi rimwe, kushivirira kwaMwari kune rudo kunoratidzwa nokurega kwake kuratidza hasha dzake kuvanhu vanopandukira; kune rimwe racho, mutsa wake unooneka mukuratidza kwaanoita ngoni dzake kakapetwa kane chiuru. Nokudaro kurondedzera kwaPauro rudo kunotanga nokutsanangura uku kwaakaita munzira mbiri zvakaita Mwari, uyo akashandisa Kristu kuzviratidza kuti anoshivirira uye ane mutsa kune vaya vanofanirwa nomutongo waMwari.”

Ungatsanangura Here?

• Kristu muenzaniso wakaisvonaka wemwoyo murefu munzira dzipi?

• Chii chichatibatsira kukudziridza mwoyo murefu?

• Mwoyo murefu unobatsira sei mhuri, mapoka echiKristu, nevakuru?

• Kuva kwedu nemwoyo murefu kuchatibatsira sei isu pachedu nevamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kunyange paaiva panguva yakaoma zvikuru, Jesu aishivirira vadzidzi vake

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vatariri vechiKristu vanokurudzirwa kuratidza muenzaniso wakanaka wemwoyo murefu pakubata nehama dzavo

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kana tikatevedzera rudo nemwoyo murefu zvaJehovha, ticharamba tichiparidza mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 18]

Pauro akanyengetera kuti vaKristu vave “vane mwoyo murefu nomufaro”