Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Utiziro Hwedu

Jehovha Utiziro Hwedu

Jehovha Utiziro Hwedu

“[Nokuti wakati:] Jehovha, muri utiziro hwangu, . . . hapana chakaipa chingakuwira.”—PISAREMA 91:9, 10.

1. Nei tingati Jehovha utiziro hwedu?

JEHOVHA utiziro hwechokwadi kuvanhu vake. Kana takazvipira zvizere kwaari, ‘tingamanikidzwa munzira dzose, asi hatimanikidziki zvokusagona kufamba; tingavhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo; tingatambudzwa, asi hatisiyiwi tisina chinotibatsira; tingapunzirwa pasi, asi hatiparadzwi.’ Nei? Nokuti Jehovha anotipa “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinde 4:7-9) Hungu, Baba vedu vokudenga vanotibatsira kurarama upenyu nenzira yavanoda, uye tinogona kufungisisa mashoko omunyori wepisarema, anoti:“[Nokuti wakati:] Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusoro-soro ugaro hwako. Hapana chakaipa chingakuwira.”—Pisarema 91:9, 10.

2. Chii chingataurwa nezvePisarema rechi91 uye zvarinopikira?

2 Mashoko iwayo ePisarema rechi91 angave akanyorwa naMosesi. Mashoko akanyorwa nechepamusoro anoratidza kuti ndiye akanyora Pisarema rechi90, uye Pisarema rechi91 rinotevera pasina mamwe mashoko anotaura nezvomumwe munyori. Zvichida Pisarema rechi91 rakaimbwa vamwe vachibvumira; kureva kuti, munhu mumwe chete angave akatanga kuimba (91:1, 2), kwaya ichibvumira (91:3-8). Zvichida paizonzwika inzwi romunhu mumwe chete (91:9a) ozodavirwa neboka (91:9b-13). Zvadaro muimbi mumwe angava akaimba mashoko okupedzisira (91:14-16). Kunyange ringava rakaimbwa nenzira ipi zvayo, Pisarema rechi91 rinovimbisa kuti boka revaKristu vakazodzwa richadzivirirwa, uye rinopa vimbiso yakadaro kuboka reshamwari dzavo dzakazvitsaurira. * Regai timbotarira pisarema iri mumaonero evashumiri vaMwari vose ivavo.

Kuchengeteka ‘Panzvimbo Yokuvanda yaMwari’

3. (a) “Nzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro” chii? (b) Chii chinoitika kwatiri tika“rambira pamumvuri woWamasimba ose”?

3 Munyori wepisarema akaimba kuti: “Uyo ugere panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro ucharambira pamumvuri woWamasimba ose. Ndichati pamusoro paJehovha: Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu; iye Mwari wangu, wandinovimba naye.” (Pisarema 91:1, 2) “Nzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro” inzvimbo yokufananidzira yokudzivirirwa kwedu, uye zvikurukuru kwevakazodzwa, vanonyanyonangwa naDhiyabhorosi. (Zvakazarurwa 12:15-17) Aizotiparadza tose kudai tisingadzivirirwi sevaenzi vaMwari pakunamata. Tika“rambira pamumvuri woWamasimba ose,” tinoisirwa mumvuri waMwari unodzivirira. (Pisarema 15:1, 2; 121:5) Hapana utiziro hwakachengeteka kana kuti nhare inozezesa kupfuura Changamire Ishe wedu, Jehovha.—Zvirevo 18:10.

4. “Muteyi weshiri,” Satani, anoshandisei, uye tinopukunyuka sei?

4 Munyori wepisarema anowedzera kuti: “Iye [Jehovha] uchakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, napahosha [inokonzera nhamo].” (Pisarema 91:3) Muteyi weshiri muIsraeri yekare aiwanzobata shiri achishandisa misungo kana mariva. “Muteyi weshiri,” Satani, anoshandisawo sangano rake rakaipa uye “manomano” ake, pakati pemimwe misungo yake. (VaEfeso 6:11 NW, Ref; mashoko omuzasi) Misungo yakavanzwa inoiswa munzira yedu kuti itikwevere muzvakaipa yoparadza kunamata kwedu. (Pisarema 142:3) Zvisinei, nokuti takaramba kusarurama, ‘mweya wedu wakaita seshiri inopukunyuka parugombe.’ (Pisarema 124:7, 8) Tinofara kwazvo kuti Jehovha anotinunura pa“muteyi weshiri” akaipa!—Mateu 6:13.

5, 6. I“hosha” ipi yave ichikonzera ‘nhamo,’ asi nei vanhu vaJehovha vasingakundwi nayo?

5 Munyori wepisarema anotaura ‘hosha inokonzera nhamo.’ Kufanana nechirwere chinotapuriranwa, pane chimwe chinhu chinokonzera “nhamo” kuvanhu uye kune vaya vanotsigira uchangamire hwaJehovha. Munyori wezvakaitika kare Arnold Toynbee akanyora nezvazvo kuti: “Kubvira pakaguma Hondo Yenyika II urudzi hwakapeta nekaviri nhamba yenyika dzakazvimirira . . . Mafungiro ari kuita vanhu iye zvino ari kuwedzera kuita kuti vasabatane.”

6 Mumazana emakore akapfuura, vamwe vatongi vakakuchidzira kurwisana kwemarudzi akawanda kunoparadzanisa vanhu. Vakarayirawo kuti ivo varemekedzwe kana kuti mifananidzo kana zviratidzo zvakasiyana-siyana zviremekedzwe. Asi Jehovha haana kumbosiya vanhu vake vakatendeka vachikundwa ne“hosha” yakadaro. (Dhanieri 3:1, 2, 20-27; 6:7-10, 16-22) Sehama dzomunyika yose dzinodanana, tinozvipira zvakakwana kuna Jehovha, tinoramba tisina kwatakarerekera sezvinorayirwa neMagwaro, uye tinobvuma pasina kusarudza vamwe kuti “murudzi rwose munhu [anotya Mwari] uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35; Eksodho 20:4-6; Johani 13:34, 35; 17:16; 1 Petro 5:8, 9) Kunyange zvazvo tichiva ne“nhamo” patinotambudzwa pamusana pokuti tiri vaKristu, tinofara uye kunamata kwedu kwakachengeteka “panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro.”

7. Jehovha anotidzivirira sei ne“minhenga” yake?

7 Zvatiina Jehovha soutiziro hwedu, tinonyaradzwa nemashoko anoti: “Iye uchakufukidza neminhenga yake, uchatizira pasi pamapapiro ake; zvokwadi yake inhoo huru [uye rusvingo].” (Pisarema 91:4) Mwari anotidzivirira, sezvinongoita amai veshiri vanoyengerera pamusoro pevana vavo vachivadzivirira. (Isaya 31:5) ‘Anotifukidza neminhenga yake.’ “Minhenga” yeshiri ingarevawo mapapiro ayo. Inofukidza vana vayo nawo, ichivadzivirira pane zvinoda kuvauraya. Kufanana nemanyana, takachengeteka pasi peminhenga yokufananidzira yaJehovha nokuti takatizira musangano rake rechokwadi rechiKristu.—Rute 2:12; Pisarema 5:1, 11.

8. “Zvokwadi” yaJehovha inhoo huru uye rusvingo pakudini?

8 Tinovimba ne“zvokwadi,” kana kuti kutendeka. Yakaita senhoo huru yomunguva dzekare, iyo yaiwanzova yakaita segonhi uye yakakura zvokuti yaivhara muviri wose womunhu. (Pisarema 5:12) Kuvimba nedziviriro yakadaro kunotisunungura pakutya. (Genesi 15:1; Pisarema 84:11) Kufanana nokutenda kwedu, zvokwadi yaMwari inhoo huru inodzivirira inovhika miseve yaSatani inopfuta moto uye inovhika zvibhakera zvinokandwa nomuvengi. (VaEfeso 6:16) Zvekare iyo rusvingo, mudhuri wakasimba unodzivirira, watinomira seri kwawo takasimba.

‘Hatizotyi’

9. Nei usiku hungava nguva inotyisa, asi nei tisingatyi?

9 Achifunga nezvokudzivirira kwaMwari, munyori wepisarema anoti: “Haungatyi chinhu chinovhundutsa usiku, kana museve unopfurwa masikati; kana hosha inofamba murima, kana kuparadza kunouraya masikati.” (Pisarema 91:5, 6) Sezvo zvakaipa zvakawanda zvichiitwa murima, usiku hunogona kuva nguva inotyisa. Murima rokunamata rakafukidza pasi, vavengi vedu vanowanzoita zvinhu zvounyengeri vachiedza kuparadza kunamata kwedu nokumisa basa redu rokuparidza. Asi ‘hatityi chinhu chinovhundutsa usiku’ nokuti Jehovha anotirinda.—Pisarema 64:1, 2; 121:4; Isaya 60:2.

10. (a) “Museve unopfurwa masikati” unenge unoratidzei, uye tinonzwa sei nezvawo? (b) “Hosha inofamba murima” yakaita sei, uye nei tisingaityi?

10 “Museve unopfurwa masikati” unenge unoratidza kurwiswa nemashoko. (Pisarema 64:3-5; 94:20) Sezvatinoramba tichipa mashoko echokwadi, kushora basa redu dzvene zviri pachena kudaro kunoratidza kuti hakushandi. Uyezve, hatityi “hosha inofamba murima.” Iyi ihosha yokufananidzira inobva murima renyika ino inorwara mutsika uye pakunamata iri musimba raSatani. (1 Johani 5:19) Inoita kuti vanhu vave nepfungwa nemwoyo zvinogona kuuraya, zvichivasiya vasingazivi Jehovha, zvinangwa zvake, uye zvaanotipa nenzira yorudo. (1 Timoti 6:4) Hatityi murima iri, nokuti tine chiedza chakawanda chokumudzimu.—Pisarema 43:3.

11. Chii chinoitika kune vaya ‘vanoparadzwa masikati’?

11 “Kuparadza kunouraya masikati” hakutityisiwo. “Masikati” angaratidza kunonzi kuvhenekerwa munyika. Vaya vanokundwa nemaonero ayo okudisa zvokunyama vanofa mumudzimu. (1 Timoti 6:20, 21) Sezvatinozivisa noushingi shoko roUmambo, hatityi chero ani zvake wevavengi vedu, nokuti Jehovha Mudziviriri wedu.—Pisarema 64:1; Zvirevo 3:25, 26.

12. Vane gumi remazana ‘vanowa’ parutivi pavanaani, uye munzirai?

12 Munyori wepisarema anoenderera mberi achiti: “Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; asi hazvingaswederi kwauri. Uchangozvitarira hako nameso ako, ukaona mubayiro wavakaipa.” (Pisarema 91:7, 8) Nemhaka yokusaita Jehovha utiziro hwavo, vakawanda ‘vanowa’ murufu rwokumudzimu “kurutivi” rwedu. Zvakatoitika ndezvokuti “vane gumi ramazana” vakawa ‘kurutivi rworudyi’ rwaIsraeri wokumudzimu wanhasi. (VaGaratiya 6:16) Asi tingava tiri vaKristu vakazodzwa kana kuti shamwari dzavo dzakazvitsaurira, takachengeteka mu“nzvimbo yokuvanda” yaMwari. ‘Tinongotarira toona mubayiro wevakaipa,’ vari kukohwa matambudziko mune zvokutengeserana, zvechitendero, nomudzimwewo nzira.—VaGaratiya 6:7.

‘Hapana Chakaipa Chichatiwira’

13. Hatiwirwi nezvakaipa zvipi, uye nei?

13 Kunyange munyika muno musisina kuchengeteka, tinoisa Mwari pakutanga toshingiswa nemashoko omunyori wepisarema anoti: “[Nokuti wakati]: Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusoro-soro ugaro hwako. Hapana chakaipa chingakuwira, uye hapana hosha ichaswedera patende rako.” (Pisarema 91:9, 10) Hungu, Jehovha ndiye utiziro hwedu. Zvisinei, tinoitawo Mwari Wokumusoro-soro ‘ugaro hwedu,’ kwatinochengetedzwa. Tinokudza Jehovha tichiti ndiye Changamire Wezvose, ‘tinogara’ maari soMuchengeti wedu, uye tinozivisa mashoko akanaka oUmambo hwake. (Mateu 24:14) Naizvozvo, ‘hapana chakaipa chichatiwira’—kunyange chimwe chezvakaipa zvataurwa kare mupisarema rino. Kunyange patinowirwa nenjodzi dzakadai sokudengenyeka kwepasi, madutu, mafashamo, nzara, nokuparadza kwehondo sezvinongoitawo vamwe, izvi hazviparadzi kutenda kwedu kana kudzivirirwa kwedu pakunamata.

14. Sevashumiri vaJehovha, nei tisingabatwi nehosha dzinouraya?

14 VaKristu vakazodzwa vakaita sevaeni vanogara mumatende kure nezvinhu zviri munyika ino. (1 Petro 2:11) ‘Hapana hosha inoswedera pedyo netende ravo.’ Tingava tiine tariro yokudenga kana kuti yepasi, hatisi venyika, uye hatibatwi nehosha dzayo dzinouraya pakunamata dzakadai sounzenza hwayo, kudisa zvenyika, chitendero chenhema, uye kunamata “chikara” no“mufananidzo” wacho, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose.—Zvakazarurwa 9:20, 21; 13:1-18; Johani 17:16.

15. Ngirozi dzinotibatsira sei?

15 Nezvokudzivirirwa kwatinoitwa, munyori wepisarema anowedzera kuti: “Iye [Jehovha] ucharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose. Vachakusimudza pamaoko avo, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.” (Pisarema 91:11, 12) Ngirozi dzakapiwa simba rokutidzivirira. (2 Madzimambo 6:17; Pisarema 34:7-9; 104:4; Mateu 26:53; Ruka 1:19) Dzinotirinda ‘munzira dzedu dzose.’ (Mateu 18:10) Tinotungamirirwa nokudzivirirwa nengirozi sevazivisi voUmambo uye hatigumburwi pakunamata kwedu. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Kunyange ‘matombo’ akadai sokurambidzwa kwebasa redu haana kuita kuti tigumburwe totadza kuwana nyasha dzaMwari.

16. Kurwisa kunoitwa no“mwana weshumba” uye “chiva” kunosiyana sei, uye tinoita sei patinorwiswa zvakadaro?

16 Munyori wepisarema anoenderera mberi achiti: “Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; mwana weshumba [ane zenze] nenyoka uchazvitsikirira pasi. (Pisarema 91:13) Kufanana nezvinoita mwana weshumba anodenha zvakananga, vamwe vavengi vedu vanoratidza kushora kwavo pachena nokuisa mitemo inoitirwa kumisa basa redu rokuparidza. Asi tinorwiswawo zvisingatarisirwi sezvinongoitwa nenyoka inokobora iri pakahwanda. Vafundisi dzimwe nguva vanotirwisa zvisingaoneki vakahwanda vachishandisa vagadziri vemitemo, vatongi, nevamwewo. Asi tichitsigirwa naJehovha, tinoenda mumatare kuti tinotsvaka kusunungurwa tisingaiti zvechisimba, nokudaro tichi“dzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”—VaFiripi 1:7; Pisarema 94:14, 20-22.

17. Tinotsika pamusoro po‘mwana weshumba ane zenze’ sei?

17 Munyori wepisarema anotaura nezvokutsika pamusoro po“mwana weshumba [ane zenze] nenyoka.” Mwana weshumba ane zenze anogona kutyisa chaizvo, zinyoka rinogona kuva rakakura zvokuti. (Isaya 31:4) Kunyange zvakadaro, pasinei nokuti mwana weshumba ane zenze uyu anotyisa zvakadini paanorwisa zvakananga, tinotsika pamusoro pake nenzira yokufananidzira nokuteerera Mwari panzvimbo pevanhu kana masangano akaita seshumba. (Mabasa 5:29) Saka “shumba” inotyisidzira iyi haitikuvadzi pakunamata kwedu.

18. “Nyoka” huru ingatifungisa ani, uye tinofanira kuitei kana tava kurwiswa?

18 MuSeptuagint yechiGiriki, “nyoka” huru inonzi “dhiragoni.” Izvi zvingatiyeuchidza nezve“dhiragoni huru . . . , nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.” (Zvakazarurwa 12:7-9; Genesi 3:15) Akaita sechipuka chikuru kwazvo chinogona kupwanya-pwanya nokumedza mhuka yachinenge chabata. (Jeremia 51:34) Satani paanenge achiedza kutimonera, kutipwanya-pwanya nenyika yake, uye kutimedza, ngatizvisunungure totsika pamusoro pe“nyoka” huru iyi. (1 Petro 5:8) Vakazodzwa vasara vanofanira kuita izvi kana vachizogovana mukuzadzika kwaVaRoma 16:20.

Jehovha—Muponesi Wedu

19. Nei tichipotera muna Jehovha?

19 Nezvomunamati wechokwadi, munyori wepisarema anotaura kuti Mwari anoti: “Zvaakandida, ndichamurwira; ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu. (Pisarema 91:14) Mashoko okuti “ndichamuisa pakakwirira” anoreva kuti achaiswa pasingasvikiki. Tinopotera muna Jehovha sevanamati vake zvikurukuru nokuti ‘takamuda.’ (Mako 12:29, 30; 1 Johani 4:19) Uyewo Mwari ‘anotirwira’ pavavengi vedu. Hatizomboparadzwi panyika. Asi, tichaponeswa nokuti tinoziva zita raMwari uye tinodana pariri mukutenda. (VaRoma 10:11-13) Uye takatsunga ‘kufamba nezita raJehovha nokusingaperi.’—Mika 4:5; Isaya 43:10-12.

20. Pisarema rechi91 zvarinosvika kumagumo aro, Jehovha anovimbisa chii mushumiri wake akatendeka?

20 Pisarema rechi91 zvarinosvika kumagumo aro, Jehovha anoti nezvomushumiri wake akatendeka: “Iye uchadana kwandiri, ndichamupindura; ini ndichava naye pakutambudzika; ndichamurwira, nokumukudza. Ndichamugutsa noupenyu hurefu, nokumuratidza ruponeso rwangu.” (Pisarema 91:15, 16) Patinodana kuna Mwari mumunyengetero maererano nokuda kwake, anotipindura. (1 Johani 5:13-15) Tatopfuura kare nomumatambudziko akawanda nemhaka yoruvengo runokonzerwa naSatani. Asi mashoko okuti “ndichava naye pakutambudzika” anoita kuti tigadzirire miedzo ichauya uye anotivimbisa kuti Mwari achatitsigira pachaparadzwa nyika ino yakaipa.

21. Vakazodzwa vakatopiwa mbiri sei?

21 Pasinei nokutishora kunoita Satani nehasha, vose vakazodzwa vasara vari pakati pedu vachapiwa mbiri kudenga panguva yakafanira yaJehovha—pashure po“upenyu hurefu” panyika. Asi kununura kwaMwari kunoshamisa kwakatounzira vakazodzwa mbiri yokumudzimu. Uye vakakudzwa kwazvo kuti vatungamirire seZvapupu zvaJehovha panyika pano mumazuva ano okupedzisira! (Isaya 43:10-12) Kununura kuchaita Jehovha vanhu vake zvinopfuura zvaakamboita kuchaitika pahondo yake huru yeAmagedhoni paachareverera uchangamire hwake ndokutsvenesa zita rake dzvene.—Pisarema 83:18; Ezekieri 38:23; Zvakazarurwa 16:14, 16.

22. Ndivanaani ‘vachaona ruponeso runoitwa naJehovha’?

22 Tingava tiri vaKristu vakazodzwa kana kuti shamwari dzavo dzakazvitsaurira, tinotarisira kuti Mwari achatiponesa. Pa“zuva guru raJehovha rinotyisa,” vaya vanoshumira Jehovha vakavimbika vachaponeswa. (Joere 2:30-32) Vamwe vedu vachaumba “boka guru revanhu” vachapukunyuka vachipinda munyika itsva yaMwari uye vacharamba vakatendeka mumuedzo wokupedzisira ‘vachagutswa naye noupenyu hurefu’—upenyu husina magumo. Achamutsawo vazhinji-zhinji. (Zvakazarurwa 7:9; 20:7-15) Jehovha achafara zvikuru ‘kutiratidza ruponeso’ achishandisa Jesu Kristu. (Pisarema 3:8) Zvatiine tarisiro dzakakura kudaro pamberi pedu, ngatirambe tichitarisira kuti Mwari atibatsire kuverenga mazuva edu zvinoita kuti apiwe mbiri. Nemashoko edu nezviito, ngatirambe tichiratidza kuti Jehovha ndiye utiziro hwedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Vanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki havana kukurukura Pisarema rechi91 vachiritora souprofita hwaMesiya. Ichokwadi kuti Jehovha aiva utiziro nenhare kuna Jesu Kristu paaive munhu, kunyange sezvaari kuvateveri vakazodzwa vaJesu neboka reshamwari dzavo dzakazvitsaurira ‘munguva ino yokupedzisira.’—Dhanieri 12:4.

Ungapindura Sei?

• “Nzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro” chii?

• Nei tisingatyi?

• Nei kuri kuti ‘hapana chakaipa chichatiwira’?

• Nei tingati Jehovha ndiye muponesi wedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Unoziva kuti zvokwadi yaJehovha inhoo huru kwatiri sei?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jehovha anobatsira vashumiri vake kuita ushumiri hwavo pasinei nokurwiswa vasingafungiri kana kushorwa zvakananga

[Kwazvakatorwa]

Cobra: A. N. Jagannatha Rao, Trustee, Madras Snake Park Trust