Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Anoponesa—Sei?

Jesu Anoponesa—Sei?

Jesu Anoponesa—Sei?

“Jesu anoponesa!” “Jesu ndiye Muponesi wedu!” Munyika dzakawanda pasi pose, mashoko akadai anonyorwa pamadziro ezvivako uye mudzimwe nzvimbo dzinoonekwa nevanhu vose. Mamiriyoni evanhu anodavira nomwoyo wose kuti Jesu ndiye Muponesi wavo. Dai waizovabvunza kuti “Jesu anotiponesa sei?” zvichida vaizopindura kuti, “Jesu akatifira” kana kuti “Jesu akafira zvivi zvedu.” Hungu, rufu rwaJesu runoita kuti tikwanise kuponeswa. Asi rufu rwomunhu mumwe chete rungadzikinura sei zvivi zvevakawanda? Dai waizobvunzwa kuti, “Rufu rwaJesu rungatiponesa sei?” waizotii?

MHINDURO inopiwa neBhaibheri kumubvunzo uyu yakapfava chaizvo asi yakajeka uye yakakosha zvikuru. Zvisinei, kuti tinzwisise kukosha kwayo, tinofanira kutanga taona upenyu hwaJesu uye rufu rwake sezvinogadzirisa chinetso chakaoma zvikuru. Kana tadaro ndiko kutoti tinyatsonzwisisa kukosha kukuru kworufu rwaJesu.

Nokuita kuti Jesu ape upenyu hwake, Mwari akanga achigadzirisa mamiriro ezvinhu akaitika pakatadza Adhamu. Chivi ichocho chakatiparira zvechokwadi! Murume wokutanga chaiye nomudzimai wake Evha, vaiva vakakwana. Bindu rakaisvonaka reEdheni ndiro raiva musha wavo. Mwari akavapa basa rine chinangwa rokutarisira musha wavo webindu. Vaizofanira kutarisira norudo zvimwe zvisikwa zvipenyu zvepasi. Vanhu pavaizowanda kusvika kumamiriyoni ndokuzadza pasi norudzi rwavo, vaizoita kuti paradhiso isvike kumiganhu yepasi pose. (Genesi 1:28) Raiva basa rinofadza nerinonakidza kwazvo ravakanga vapiwa! Uyezve, vaishamwaridzana norudo. (Genesi 2:18) Hapana chavaishayiwa. Vaitarisira kurarama nokusingaperi vachifara.

Zvakaoma kufungidzira kuti Adhamu naEvha vakatadza sei. Asi vanhu vaviri vokutanga vakapandukira akavasika chaiye—Jehovha Mwari. Chichishandisa nyoka, chisikwa chomudzimu chinonzi Satani Dhiyabhorosi chakanyengera Evha kuti asateerere Jehovha, uye Adhamu akamutevedzerawo.—Genesi 3:1-6.

Pakanga pasina mubvunzo kuti Musiki aizoitei naAdhamu naEvha. Akanga atotaura migumisiro yokusateerera, achiti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Mubvunzo unokosha chaizvo wakanga wava kuda mhinduro.

Vanhu Vanotarisana Nechinetso Chakaoma

Chivi chokutanga chakaita kuti vanhu vave nechinetso chakaoma zvikuru. Adhamu akatanga kurarama ari munhu akakwana. Nokudaro, vana vake vaizowanawo upenyu hwakakwana nokusingaperi. Zvisinei, Adhamu akatadza asati ava nemwana. Dzinza rose revanhu rakanga richiri muchiuno chake paakapiwa mutongo waiti: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Saka Adhamu paakatadza ndokutanga kufa sezvakanga zvataurwa naMwari, vanhu vose vakatongerwa mutongo worufu pamwe chete naye.

Nenzira yakakodzera, muapostora Pauro gare gare akanyora kuti: “Sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe [Adhamu] norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Hungu, nemhaka yechivi chokutanga, vana vaizofanira kuberekwa vakakwana vaine tariro youpenyu husingaperi vakaberekwa vava kurwara, kukwegura, uye kufa.

“Ikoko kudzvinyirira,” mumwe munhu angadaro. “Hatina kusarudza kusateerera Mwari—Adhamu ndiye akadaro. Nei tichifanira kurasikirwa netariro yedu youpenyu husingaperi uye mufaro?” Tinoziva kuti dai dare remhosva raizoisa mwanakomana mujeri nokuti baba vake vakaba motokari, mwanakomana wacho angava nekodzero yokunyunyuta achiti: “Apa hapana kururamisira! Ini handina kutadza.”—Dheuteronomio 24:16.

Nokuita kuti murume nomukadzi vokutanga vatadze, zvimwe Satani akafunga kuti aizoita kuti Mwari ashaye kuti oita zvipi. Dhiyabhorosi akadenha pamavambo zvikuru munhau yevanhu—pasati patombova nevana vapi nevapi vakanga vaberekwa. Adhamu paakangotadza, mubvunzo unokosha waiva wokuti, Jehovha achaitei nevana vachaberekwa naAdhamu naEvha?

Jehovha Mwari akaita zvakanga zvakarurama. “Mwari haangatongoiti zvisakarurama; Wamasimba ose haangakanganisi pakutonga” akadaro murume akarurama Erihu. (Jobho 34:10) Uye nezvaJehovha, muprofita Mosesi akanyora kuti: “Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Kugadzirisa kwakaita Mwari wechokwadi chinetso chakakonzerwa nechivi chaAdhamu hakuna kubvisa tariro yedu youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi.

Mwari Anopa Mhinduro Yakakwana

Funga nezvokugadzirisa kwakarongwa naMwari mumutongo wakapiwa Satani Dhiyabhorosi. Jehovha akati kuna Satani: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, [sangano raMwari rokudenga] napakati porudzi rwako [nyika inodzorwa naSatani] norudzi rwake; [Jesu Kristu] irwo ruchapwanya musoro wako [Satani], newe uchapwanya chitsitsinho charwo [Jesu Kristu].” (Genesi 3:15) Muuprofita uhwu hwokutanga hweBhaibheri, Jehovha akataura chinangwa chake chokuti Mwanakomana wake womudzimu wokudenga Jesu auye kupasi kuzorarama somunhu akakwana zvadaro ofa—opwanywa chitsitsinho—asina kutadza.

Nei Mwari aida kuti munhu akakwana afe? Jehovha Mwari aizoranga Adhamu sei dai aizotadza? Haana kumutongera rufu here? (Genesi 2:16, 17) “Mubayiro unoripa chivi rufu,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 6:23) Adhamu akaripa chivi chake nokufa kwake pachake. Akapiwa upenyu, akasarudza kutadza, uye akafa sechirango chechivi chake. (Genesi 3:19) Zvakadini nokufa kwakaguma kwava kuita vanhu vose nemhaka yechivi ichocho? Rufu rwaidiwa kuyananisa zvivi zvavo. Asi rufu rwaani rwaigona kufukidza kudarika kwevanhu vose zvakarurama?

Mutemo waMwari kurudzi rwaIsraeri wekare waida kutsiva “upenyu noupenyuwo.” (Eksodho 21:23) Maererano nenheyo iyi, rufu rwaifukidza kudarika kwevanhu rwaizofanira kukosha zvakaenzana nezvakanga zvaraswa naAdhamu. Rufu rwomumwe munhu akakwana bedzi ndirwo rwaigona kuripa mubayiro wechivi. Jesu aiva munhu akadaro. Zvechokwadi, Jesu aiva “rudzikinuro runoenzanirana” rwokuponesa vanhu vose vanokwanisa kudzikinurwa vakabva kuna Adhamu.—1 Timoti 2:6; VaRoma 5:16, 17.

Rufu rwaJesu Runokosha Zvikuru

Kufa kwaAdhamu kwakanga kusingakoshi; aifanira kufira chivi chake. Zvisinei, rufu rwaJesu rwaikosha zvikuru nokuti akafa asina chivi. Jehovha Mwari aigona kubvuma ukoshi hwoupenyu hwakakwana hwaJesu sorudzikinuro rwevana vanoteerera vaAdhamu akatadza. Uye ukoshi hwechibayiro chaJesu hahungoshandi kuripa zvivi zvedu zvekare chete. Dai zvirizvo, taisazova netariro yeremangwana. Sezvo takanambirwa muchivi, tinoramba tichitadza. (Pisarema 51:5) Tinogona kufara zvikuru kuti rufu rwaJesu runoita kuti tiwane kukwana kwaidiwa naJehovha kubvira pakutanga nokuda kwevana vaAdhamu naEvha!

Adhamu angafananidzwa nababa vakafa ndokutisiya tiine chikwereti chemari chikuru (chivi) zvokuti hatina nzira yatinokwanisa kuchibhadhara nayo. Ukuwo, Jesu akafanana nababa vakanaka vakafa ndokutisiyira nhaka yakakura inotisunungura muchikwereti chikuru chatakasiyirwa naAdhamu uyewo inotipa zvakakwana kuti tirarame nokusingaperi. Rufu rwaJesu harusi kungobviswa kwezvivi zvakaitwa kare; asiwo urongwa hwakaisvonaka hwenguva yedu yemberi.

Jesu anoponesa nokuti akatifira. Rufu rwake runobatsira zvikuru! Kana tikaona rufu rwake sokumwe kwokugadzirisa kunoita Mwari zvinetso zvakaoma zvechivi chaAdhamu, kutenda kwedu muna Jehovha nenzira yake yokuita zvinhu kunosimbiswa. Hungu, rufu rwaJesu inzira yokununura “munhu wose anotenda” maari kubva muchivi, hosha, kukwegura, uye rufu pacharwo. (Johani 3:16) Unoonga Mwari here nokuita urongwa uhwu hworudo kuti tipone?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Adhamu akaunzira vanhu chivi norufu

[Mufananidzo uri papeji 6]

Jehovha akapa mhinduro yakakwana