Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda kwaNoa Kunopa Nyika Mhosva

Kutenda kwaNoa Kunopa Nyika Mhosva

Kutenda kwaNoa Kunopa Nyika Mhosva

WAKAMBONZWA nezvaNoa here, murume aitya Mwari akavaka areka kuti aponese upenyu mumafashamo epasi rose? Pasinei nokuti ndeyekare kare, nyaya iyi inozivikanwa nemamiriyoni. Zvisinei, chisingazivikanwi nevakawanda ndechokuti upenyu hwaNoa hune zvahunoreva kwatiri tose.

Nei tichifanira kuda kuziva nyaya yakaitika zviuru zvemakore zvakapfuura? Mamiriro ezvinhu aNoa pane paakafanana needu here? Kana paripo, tingabatsirwa sei nomuenzaniso wake?

Nyika Yomuzuva raNoa

Kuverenga nguva kwomuBhaibheri kunoratidza kuti Noa akaberekwa muna 2970 B.C.E.—makore 126 Adhamu afa. Pakazosvika zuva raNoa, pasi pakanga pazara mhirizhonga, uye ruzhinji rwevazukuru vaAdhamu rwakasarudza kutevera muenzaniso watateguru warwo wokutsauka. Nokudaro, “Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.”—Genesi 6:5, 11, 12.

Kupanduka kwevanhu handiko chete chaiva chikonzero chaJehovha chokusafara. Nhoroondo yaGenesi inotsanangura kuti: “Vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvitsaurira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo. . . . Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo [“vaNefirimu,” NW] panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.” (Genesi 6:2-4) Kuenzanisa ndima idzi nemashoko akanyorwa naPetro kunoratidza kuti “vanakomana vaMwari” dzaive ngirozi dzisina kuteerera. VaNefirimu vaiva vana vakaberekwa nevakadzi pavakarara zvisina kutenderwa nengirozi dzakanga dzapanduka kuita sevanhu chaivo.—1 Petro 3:19, 20.

“Nefirimu,” kureva “Vawisi,” ishoko rinoratidza vanhu vaikonzera kuti vamwe vawe. Vaiva vadzvinyiriri vanodheerera, uye chivi chemadzibaba avo aive noruchiva chinofananidzwa nokupanduka kweSodhomu neGomora. (Judha 6, 7) Pamwe chete vakakurudzira uipi husingaiti pasi pano.

“Asine Mhosva Mumarudzi Ake”

Uipi hwakanga hwapararira zvokuti Mwari akanga atsunga kuparadza vanhu vose. Asi nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha. . . . Noa wakanga ari munhu wakarurama, asine mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.” (Genesi 6:8, 9) Zvaibvira sei ‘kufamba naMwari’ munyika isina basa naMwari yakanga yakakodzera kuparadzwa chete?

Hapana mubvunzo kuti Noa akadzidza kuna baba vake, Rameki, murume aive nokutenda uye akararama Adhamu achiri mupenyu. Pakupa mwanakomana wake zita rokuti Noa (rinofungwa kunzi rinoreva “Zororo,” kana kuti “Nyaradzo”), Rameki akaprofita kuti: “Uyu uchativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.” Mwari akazadzika uprofita uhwu nokubvisa kutuka kwaakanga aita nyika.—Genesi 5:29; 8:21.

Kuva nevabereki vanonamata hakurevi kuti unobva wava akakura mumudzimu, nokuti munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvitangira ukama hwake pachake naJehovha. Noa “wakafamba naMwari” nokufamba nenzira youpenyu yaifadza Mwari. Zvakadzidzwa naNoa nezvaMwari zvakamuita kuti ade kumushumira. Kutenda kwaNoa hakuna kuzununguka paakaudzwa nezvechinangwa chaMwari chokuita ‘kuti mvura zhinji iparadze zvipenyu zvose.’—Genesi 6:13, 17.

Aine chivimbo chokuti iyi njodzi yaive isati yamboitika yaizoitika, Noa akateerera murayiro waJehovha wokuti: “Uzviitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo.” (Genesi 6:14) Kuita zvakanga zvataurwa naJehovha nezveareka kwakanga kusiri basa duku. Kunyange zvakadaro, “Noa akaita . . . sezvaakarayirwa naMwari.” Chaizvoizvo akaita “saizvozvo.” (Genesi 6:22) Noa akaita izvi achibatsirwa nomudzimai nevana vake Shemi, Hami, uye Jafeti nemadzimai avo. Jehovha akakomborera kutenda kwakadaro. Muenzaniso wakanaka kwazvo kumhuri dzanhasi!

Kuvaka areka kwaizosanganisira chii? Jehovha akarayira Noa kuvaka zibhokisi remiti rine nhurikidzwa nhatu, rakareba mamita 133 nokupamhama mamita 22 nokukwirira nemamita 13. (Genesi 6:15, 16) Ngarava iyoyo yaizova yakakura sezvakaita ngarava dzokutakurisa zvinhu dzemazuva ano.

Paive nebasa guru! Panofanira kuva paive nokutemwa kwezviuru zvemiti, kukakaritsana nayo kusvika panzvimbo yokuvakira, kuitsemura kuti ive mapuranga kana kuti nhungo. Zvaireva kugadzira mapango okumira pamusoro pawo pakuvaka pakakwirira, kugadzira hoko, kuwana namo yokudzivirira mvura, kuwana midziyo yokuisira zvinhu neyokuitisa basa, nezvimwe zvakadaro. Basa racho ringave raida kuti akurukure nevanotengesa zvinhu uye abhadhare zvinhu uye mabasa aaiitirwa. Zviri pachena kuti zvaida unyanzvi hwokuveza kuitira kubatanidza mapuranga nomazvo uye kuvaka chinhu chakasimba zvakakwana. Uye chimbofunga—kuvaka kwacho kwakatora zvichida makore anenge 50 kana kuti 60!

Tevere, Noa aizotanga kufunga nezvokugadzirira zvokudya zvevanhu nezvemhuka. (Genesi 6:21) Aizofanira kuunganidza uye kudzora gurusvusvu remhuka kuti dzipinde muareka. Noa akaita zvose zvaakanga arayirwa naMwari, uye basa racho rakapedzwa. (Genesi 6:22) Chikomborero chaJehovha chakabudirira zvakakwana.

“Muparidzi Wokururama”

Kuwedzera pakuvaka areka, Noa ainyevera vanhu uye aishumira Mwari nokutendeka so“muparidzi wokururama.” Asi vanhu “havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—2 Petro 2:5; Mateu 24:38, 39.

Tichifunga nezvokushayikwa kwokunamata netsika kwemazuva iwayo, zviri nyore kuona kuti mhuri yaNoa yaigona kusekwa nevavakidzani vasingatendi uye kutukwa nokushorwa. Vanhu vanofanira kunge vakavaona sevaipenga. Zvisinei, Noa akabudirira kukurudzira uye kutsigira mhuri yake mukunamata, nokuti havana kumboita tsika dzechisimba, dzounzenza, dzokupanduka dzaiitwa nevavakararama navo vaisada Mwari. Nokutaura kwake nezviito, izvo zvairatidza kutenda kwake, Noa akapa mhosva nyika yomunguva iyoyo.—VaHebheru 11:7.

Vakapona Mumafashamo

Mvura yava kuda kutanga kudirana, Mwari akaudza Noa kupinda muareka yakanga yapera. Mhuri yaNoa nemhuka zvapinda, “Jehovha akamuzarira mukati,” achibva asiyana nokusveeredzwa kwose. Pakauya Mafashamo, ngirozi dzisina kuteerera dzinofanira kuva dzakabvisa miviri yevanhu ndokupona kuparadzwa. Asi zvakadini nevamwe? Zviri pachena kuti chisikwa chose chipenyu chaiva panyika yakaoma chiri kunze kweareka, kusanganisira vaNefirimu, chakaparara! Noa chete nemhuri yake ndivo vakapona.—Genesi 7:1-23.

Noa nevemhuri yake vakapedza mazuva 364 vari muareka. Vaive vakabatikana mukupa mhuka zvokudya nemvura, vachibvisa nokurasa tsvina, uye vachiona kufamba kwaiita nguva. Genesi inotaura nemazvo maitikiro ose eMafashamo, semanyorerwo anoitwa mafambiro engarava, zvichiratidza kururama kwenhoroondo yacho.—Genesi 7:11, 17, 24; 8:3-14.

Hapana mubvunzo kuti Noa aitungamirira mhuri yake mukukurukura nezvaMwari uye kumuonga pavaive muareka. Zviri pachena kuti nhoroondo yezvakaitika Mafashamo asati aitika yakachengetwa kuburikidza naNoa. Mashoko aiita zvokutaurwa anovimbika uye zvakaitika kare zvaive zvakanyorwa zvavaive nazvo zvaizovabatsira mukudzidza kwavo pakwainaya.

Noa nemhuri yake vanofanira kunge vakafara zvikuru pavakazotsikazve pasi pakaoma! Chinhu chokutanga chaakaita kwaiva kuvaka atari ndokushanda somupristi kumhuri yake, achipira zvibayiro kune Uyo aive avaponesa.—Genesi 8:18-20.

“Sezvakanga Zvakaita Mazuva aNoa”

Jesu Kristu akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateu 24:37) Saizvozvowo nhasi vaKristu vaparidzi vokururama, vari kukurudzira vanhu kupfidza. (2 Petro 3:5-9) Zvataona kufanana kwakaita nguva yaNoa neyedu uku, tinganetseka kuti Noa aifunga sei Mafashamo asati aitika. Akambobvira afunga kuti kuparidza kwake hakuna zvakwaibatsira here? Aimbonzwa akaneta here dzimwe nguva? Bhaibheri haritauri nezvazvo. Tinongoudzwa kuti Noa akateerera Mwari.

Unoona makoshero anoita mamiriro ezvinhu aNoa kwatiri here? Akateerera Jehovha pasinei nokupikiswa uye kuomerwa. Ndokusaka Jehovha akamuti akarurama. Vemhuri yaNoa vakanga vasingazivi nguva chaiyo apo Mwari aizounza Mafashamo, asi vaiziva kuti aizouya. Kutenda zvaive zvataurwa naMwari kwakasimbisa Noa mumakore akawanda okushanda uye basa raidai rakaratidzika serisina zvarinobatsira rokuparidza. Chaizvoizvo, tinoudzwa kuti: “Nokutenda Noa, akati anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari akavaka areka kuti aponese imba yake; uye nokutenda uku akapa nyika mhosva, uye akava mugari wenhaka yokururama kuri maererano nokutenda.”—VaHebheru 11:7.

Noa akawana sei kutenda kwakadaro? Zviri pachena kuti aitora nguva achifungisisa pamusoro pezvose zvaaiziva nezvaJehovha oita kuti atungamirirwe nezivo iyoyo. Hapana mubvunzo kuti Noa aitaura naMwari mumunyengetero. Akatosvika pakuzivana naJehovha zvepedyo zvokuti ‘akafamba naMwari.’ Somusoro wemhuri, Noa akapa nomufaro mhuri yake nguva yake uye akaitarisira norudo. Izvi zvaisanganisira kutarisira zvaidiwa mukunamata nomudzimai wake, vanakomana vake vatatu, uye varoora vake.

Kufanana naNoa, vaKristu vechokwadi nhasi vanoziva kuti Jehovha ava kubva ogumisa nyika ino isingamutyi. Hatizivi zuva iroro kana awa, asi tinoziva kuti kutevedzera kutenda nokuteerera kwo“muparidzi wokururama” uyu kuchaguma noku“chengeta mweya uri mupenyu.”—VaHebheru 10:36-39.

[Bhokisi riri papeji 29]

Zvakanyatsoitika Here?

Vanodzidza nezvevanhu vakaunganidza ngano dzinosvika 270 kubva kumadzinza nemarudzi anenge ose zvawo. “Nhoroondo yemafashamo inowanikwa munyika yose zvayo,” inodaro imwe nyanzvi inonzi Claus Westermann. “Iyo rutivi rwenhaka yedu huru yetsika, kungofanana nenhoroondo yokusika. Zvinoshamisa zvechokwadi kuti: kwose kwose pasi pano tinowana ngano dzemafashamo akaitika makare kare.” Zvinorevei? Mumwe murondedzeri wemashoko Enrico Galbiati anoti: “Kuwanikwa kwengano pamusoro pemafashamo mukati mevanhu vakasiyana-siyana uye vanogara kure nokure chiratidzo chokuti pane nhau yechokwadi iri nechepasi pengano dzakadaro.” Zvisinei, chinokosha kuvaKristu kupfuura zvinotaurwa nenyanzvi kuziva kuti Jesu pachake akataura nezveMafashamo sechinhu chakaitika chaicho munhau yevanhu.—Ruka 17:26, 27.

[Bhokisi riri papeji 30]

VaNefirimu Mungano?

Ngano pamusoro pokurara pamwe chete kwevamwari nevanhu—uye “magamba” kana kuti “vanhu vaive nesimba ravamwari” vaiberekwa kubva mukusangana uku—dzaive dzakawanda mudzidziso dzechiGiriki, dzokuIjipiti, dzavaUgarit, dzavaHurria, nedzokuMesopotamiya. Vanamwari vomungano dzechiGiriki vaive nechimiro chevanhu uye vaive norunako rukuru. Vaidya, vainwa, vaikotsira, vaiita zvepabonde, vaikakavara, vairwa, vaifurira, uye vaibata chibharo. Kunyange zvazvo vainzi vatsvene, vaikwanisa kunyengera nokupara mhosva. Magamba akaita saAchilles ainzi aive nesimba ravamwari zvose nokuva nedzinza revanhu uye aive nesimba rinopfuura revanhu asi aigona kufa. Saka zvinotaura Genesi nezvevaNefirimu zvinojekesa nezvokungava kwakatangira ngano dzakadaro.