Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nyoka yomubindu reEdheni yakasvitsa sei kuna Evha zano rokutyora mutemo waMwari pamusoro pomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa?

Genesi 3:1 inoti: “Zvino nyoka yakanga ine mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” Kwakataurwa zvakawanda pamusoro pokuti nyoka ingava yakataura sei naEvha. Imwe pfungwa ndeyokuti yakataura nomuviri wayo kana kuti yakaita zvokuzvongonyora-zvongonyora muviri wayo. Somuenzaniso, mufundisi wokuEngland Joseph Benson akati: “Zvinonyanyoratidzika sokuti yakashandisa zviratidzo zvorumwe rudzi. Zvechokwadi vamwe vakafungidzira kuti panguva iyoyo nyoka dzainyatsofunga nokutaura, . . . asi hapana umboo hwacho.”

Zvisinei, nyoka yaigona sei kutaurira Evha ichishandisa muviri kuti akadya muchero wakarambidzwa aizova saMwari, achikwanisa kusarudza chakanga chakanaka nechakanga chakaipa? Uyezve, Evha akataurawo, achipindura mubvunzo waive wabvunzwa nenyoka. (Genesi 3:2-5) Pfungwa yokuti nyoka yakataura ichishandisa zviratidzo kana kuti kufambisa muviri inoita kuti tibva tati Evha akapindura achishandisa maoko chete, uku Bhaibheri richiti akataura.

Achitaura nezvechiitiko ichi, muapostora Pauro akanyevera vamwe vaKristu kuti: “Ndinotya kuti nenzira yakati, sokunyengetedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo, pfungwa dzenyu dzingaodzwa.” Ngozi yaitaurwa nomuapostora Pauro yaibva ku“vaapostora venhema, vashandi vanonyengera.” Zvaigona kuitwa ne‘vaapostora vakanaka zvikuru’ vakadaro zvaisagumira pakushandisa muviri chete. Zvaisanganisira kutaura kwavo—mashoko avo okunyengera, aitaurirwa kutsausa vamwe.—2 VaKorinde 11:3-5, 13.

Kunyange zvazvo kutaura kwakashandiswa pakutsausa Evha mubindu reEdheni, hapana chinoratidza kuti nyoka chaiyo yaive nezvinhu zviri pahuro zvinokonzera kutaura. Chaizvoizvo yakanga isina basa nazvo. Apo ngirozi yaJehovha yakataura naBharami ichishandisa mbongoro hadzi, iyi imhuka yaisafanira kuva nedokoriro rinenge romunhu. (Numeri 22:26-31) Zviri pachena kuti apo iyi “mhuka isingatauri inotakuriswa zvinhu, yakataura nenzwi romunhu,” simba rokuti idaro rakabva kunzvimbo yomudzimu.—2 Petro 2:16.

Chisikwa chomudzimu chaive seri kwenyoka yakataura naEvha chinoziviswa muBhaibheri se“nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.” (Zvakazarurwa 12:9) Mashoko ainzwikwa naEvha akaadavira aibva kuna Satani, uyo “anoramba achizvishandura kuva ngirozi yechiedza.”—2 VaKorinde 11:14.

[Mufananidzo uri papeji 27]

‘Muchava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa’