Pane Tariro Ipi Neipi Yoruponeso Here?
Pane Tariro Ipi Neipi Yoruponeso Here?
Zana remakore rechi20 rakanzi ndiro rimwe remazana emakore rakateurwa ropa zvisina mukare akamboona. Kuparwa kwemhosva, hondo, kurwisana kwemadzinza, kushandisa zvinodhaka, kusavimbika, uye kurwisana zvave zvakapararira mumakumi emakore mashomanana apfuura. Uyezve pane kurwadziwa nokutambura kwave kuchikonzerwa nourwere, kukwegura, uye rufu. Ndiani asingadi kusunungurwa pazvinetso zvikuru zviri munyika nhasi? Sezvatinotarira remangwana, pane tariro ipi neipi yoruponeso here?
CHIMBOFUNGA zvakaratidzwa muapostora Johani makore 2 000 apfuura. Akanyora kuti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Muprofita Isaya akafanotaura saizvozvowo kuti: “[Ucha]paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose; uchabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha wakataura izvozvo.”—Isaya 25:8.
Chimbofungidzira zvichaitika kana zvipikirwa zvaMwari zvazadzika! Vanhu vachasunungurwa, kana kuti kununurwa, kubva paudzvinyiriri uye kurwisana, pazvinhu zvinokonzera kutambura uye kuodzwa mwoyo. Kunyange urwere, kukwegura, uye rufu hazvizotitambudzi! Shoko raMwari, Bhaibheri, rinopikira kuti kuchava noupenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu akakwana pasi pano. (Ruka 23:43; Johani 17:3) Uye vose vanoda upenyu vanogona kuhuwana. “[Mwari] anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.”—1 Timoti 2:3, 4.
Zvisinei, kuti tibatsirwe nezvipikirwa zvaMwari, tinofanira kunzwisisa basa raJesu Kristu mukuponeswa kwedu totenda maari. Jesu pachake akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti Johani 3:16) Achitaura nezvebasa rinokosha raJesu Kristu munyaya iyi, muapostora Petro akati: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 4:12) Muapostora Pauro nomumwe wake Sirasi vakakurudzira mumwe munhu akabvunza nomwoyo wose vachiti: “Tenda kunaShe Jesu uye uchaponeswa, iwe neveimba yako.”—Mabasa 16:30, 31.
akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Hungu, Jesu Kristu ndiye “Mumiririri Mukuru woupenyu,” uye ruponeso runobvira kuburikidza naye chete. (Mabasa 3:15) Asi munhu mumwe chete angava sei musimboti wokuponeswa kwedu? Kunzwisisa zvakajeka basa rake munhau iyi kunofanira kusimbisa tariro yedu yoruponeso.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 2]
Peji 3: Ndege dzinobhomba: USAF photo; vana vari kuziya nenzara: UNITED NATIONS/J. FRAND; ngarava yehondo iri kutsva: U.S. Navy photo