Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unobata Sei Nounyengeri?

Unobata Sei Nounyengeri?

Unobata Sei Nounyengeri?

MUBINDU reGetsemane, Judhasi Isikariyoti akaenda kuna Jesu uye “akamutsvoda zvinyoronyoro zvikuru.” Iyi yaive tsika yokuratidza rudo rwoushamwari. Asi kuita kwaJudhasi kwaingova kwokunyepedzera achida kuti Jesu azivikanwe nevaya vaive vauya kuzomusunga. (Mateu 26:48, 49) Judhasi aive munyengeri—munhu anonyepedzera kuva zvaasiri, mumwe munhu anovanza vavariro dzake dzakaipa achiita kunge akanyatsoperera. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “munyengeri” rinoreva “mumwe munhu anopindura” uyewo rinoreva munhu anotamba mumutambo pamberi pevanhu. Nokufamba kwenguva shoko racho rakazenge rava kureva ani naani aiita chimwe chiito kuti anyengedze vamwe.

Ko iwe unoita sei ukaona unyengeri? Somuenzaniso, unoshatirwa here apo unoona vagadziri vemidzanga vachikurudzira kusvuta pasinei nezvinonyatsooneka kuti fodya inokuvadza? Unoshatiriswa here nounyengeri hwevatarisiri vanoshungurudza vanhu vavanenge vanzi vatarisire? Zvinokurwadza here kana shamwari yawaifunga kuti yaive yepachokwadi ikaratidza kuti ndeyokunyepa? Ko unyengeri hwechitendero hunokuita sei?

“Mune Nhamo Imi . . . Vanyengeri!”

Chimbofunga zvakanga zvakaita chitendero Jesu paaive pasi pano. Vanyori nevaFarisi vainyepedzera kuva vadzidzisi vakatendeka voMutemo waMwari, asi chaizvoizvo vaizadza pfungwa dzevanhu nedzidziso dzevanhu dzaitovabvisa pakuteerera Mwari. Vanyori nevaFarisi vaiomerera pamutemo wakanyorwa, asi vaifuratira nheyo dzinokosha dzairatidza rudo rwaMwari nengoni. Muruzhinji vainyepedzera kuva vakazvipira kuna Mwari, asi muchivande vaiva vakazara nouipi. Mabasa avo akanga asingatomboenderani nemashoko avo. Vaiitira zvinhu zvavo “kuti vaonekwe nevanhu.” Vaive vakafanana “nemakuva akadzururwa nevhu jena, ayo nechokunze zvechokwadi anooneka akanaka zvikuru asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa uye nokusachena kworudzi rwose.” Achifumura unyengeri hwavo noushingi, Jesu akataura ataurazve kuti: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri!”—Mateu 23:5, 13-31.

Dai wakararama mumazuva iwayo, ungadai wakanyangadzwa nounyengeri hwechitendero hwakadaro sezvaingoita vamwe vaive nemwoyo yakatendeseka. (VaRoma 2:21-24; 2 Petro 2:1-3) Asi ungadai wakarega unyengeri hwavanyori nevaFarisi huchikushatirisa zvokuti waizoramba zvitendero zvose, kusanganisira chiya chaidzidziswa naJesu Kristu nevadzidzi vake here? Izvozvo hazvisi zvaitozoshatira iwewe here?

Mufambiro wounyengeri unoitwa nevanhu vechitendero unogona kutiita kuti tisemeswe nechitendero. Zvisinei, kudaro kunogonawo kuita kuti tisaona vanamati vari kuita zvepachokwadi. Zvatinovaka zvacho kuti zvitidzivirire paunyengeri zvinogona kupedzisira zvatitadzisa kuona shamwari dzechokwadi. Saka, zvatinoita patinoona unyengeri zvinofanira kuva nomusoro uye kuva pakati nepakati.

“Rambai Makasvinura”

Chokutanga, tinofanira kudzidza kuziva vanyengeri. Izvi hazvisi nyore nguva dzose. Imwe mhuri yakazoziva izvozvo yarasikirwa zvikuru. Amai vacho vaive vatadza kufefemuka. Payakanga yava kumhan’arira chipatara chakanga chaitikira izvi ichiti hachina kushanda nemazvo, mhuri yacho yakahaya gweta iro raive muparidzi muchechi yomunharaunda imomo zvekare. Kunyange zvazvo chipatara chakaripa mamiriyoni 3,4 emadhora okuUnited States [Z$187 000 000], nhamo yemhuri yacho yakatowedzera. Amai vacho vakafa vava rombe, uye pakanga pasina mari yokuvaviga. Nei? Nokuti gweta racho rakatyorera zhinji yemari yacho muhomwe. Rimwe pepanhau rinonyora nezvomutemo rakataura nezvegweta iroro kuti: “Kana kuparidza kwake kuchienderana nomufambiro wake . . . , shoko rake rinofanira kuva rokuti: ngatinyengerei.” Tingazvidzivirira sei pavanhu vakadaro?

“Rambai makasvinura,” ndiro zano rakapiwa naJesu kuvaya vaitarisana nounyengeri hwechitendero muzuva rake. (Mateu 16:6; Ruka 12:1) Hungu, tinofanira kungwarira. Vanhu vanogona kutaura kuti vane zvinangwa zvakanakisisa vagoratidza kuva vepachokwadi, asi tinofanira kungwarirawo torega kungotora munhu maererano nechitarisiko chake. Dai taiziva kuti kune mari yokunyepedzera iri kutenderera taizorega here kunyatsoongorora mari dzedu?

Vanyengeri vave vachioneka kunyange muungano yechokwadi yechiKristu. Mudzidzi Judha akanyevera nezvavo achiti: “Ava ndivo matombo akavanzika pasi pemvura mumitambo yenyu yorudo pavanenge vachidya nemi, vafudzi vanozvidyisa vasingatyi; makore asina mvura anoendeswa kuno nokoko nemhepo; miti yomukupera kwematsutso, asi isina zvibereko.”—Judha 12.

‘Kuramba takasvinura’ kunoreva kusanyengedzwa nomumwe munhu anoita seane rudo asi iye achizvifunga pachake uye anotsigira pfungwa dzisingabvi muShoko raMwari. Munhu akadaro anogona kuparadza mumudzimu vanhu vasina kungwarira sezvinoitwa ngarava neibwe rakachanjamara rakasara zvishomanana kubuda pamusoro pemvura yakanyatsogadzikana. (1 Timoti 1:19) Munyengeri anogona kuvimbisa kuti achazorodza zvikuru mumudzimu asi anozoratidzika kuva ‘gore risina mvura’—risinganayi. Kufanana nomuti usingabereki muchero, munyengeri haana zvibereko zvechokwadi zvechiKristu. (Mateu 7:15-20; VaGaratiya 5:19-21) Hungu, tinofanira kugara takasvinurira vanyengeri vakadaro. Asi, tinofanira kuita kudaro tisingangofungiri vavariro dzomunhu wose.

“Musatonga”

Zviri nyore zvikuru kuti vanhu vasina kukwana vataure nezvezvinokanganiswa nevamwe vanhu ivo vasingatarisi zvavo! Zvisinei izvozvo ndizvo zvinototiita kuti tive vanyengeri nyore nyore. “Munyengeri!” akadaro Jesu. “Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisire aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.” Tingaita zvakanaka kuteerera zano rake rokuti: “Musatonga kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nakwo, muchatongwa nakwo . . . Ipapo, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako?”—Mateu 7:1-5.

Apo dzimwe nguva vamwe vanoita zvinhu zvinoratidzika sounyengeri, tinofanira kungwarira kukurumidza kuvati vanyengeri. Somuenzaniso muapostora Petro ‘akazviparadzanisa’ nevamwe vatendi veMarudzi muAndiyoki kuti afadze vaenzi vechiJudha vaibva Jerusarema. Bhanabhasi ‘akatevedzerawo Petro nevamwe vaJudha pakunyepedzera kwavo.’ Petro akadaro pasinei nokuti akanga apiwa ropafadzo yokuzarurira veMarudzi nzira yokuti vagamuchirwe muungano yechiKristu. (VaGaratiya 2:11-14; Mabasa 10:24-28, 34, 35) Asi chokwadi kuti tsaukei uku kwaBhanabhasi naPetro hakungambovaisi muboka revanyori nevaFarisi kana kuti Judhasi Isikariyoti.

“Rudo Rwenyu Ngaruve Rusina Unyengeri”

“Paunenge uchiitira vamwe vanhu zvakanaka,” akakurudzira kudaro Jesu, “usakoka vanoridza mabhosvo kuti vakutungamire—sezvinoita vaya vanoshamisira mumasinagogi nomumigwagwa avo vanoda kuva nechokwadi kuti vanhu vavayemure.” (Mateu 6:2, Phillips) “Rudo rwenyu ngaruve rusina unyengeri,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 12:9) Akakurudzira wechiduku Timoti kuva no“rudo runobva mumwoyo wakachena . . . nepakutenda kusina kunyengera.” (1 Timoti 1:5) Kana rudo rwedu nokutenda zviri zvechokwadi—zvisina kusangana noudyire nokunyengera—vamwe vachavimba nesu. Tichasimbisa nokukurudzira vanenge vari pedyo nesu. (VaFiripi 2:4; 1 Johani 3:17, 18; 4:20, 21) Uye kupfuura zvose, tichafadza Jehovha.

Ukuwo, unyengeri hucharatidza kuti hunourayisa kune vanohuita. Pakupedzisira, unyengeri huchafumurwa. “Hapana chinhu chakafukidzwa chisingazofukurwi,” akadaro Jesu Kristu, “nechakavanzika chisingazozivikanwi.” (Mateu 10:26; Ruka 12:2) Mambo akachenjera Soromoni akazivisa kuti: “Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”—Muparidzi 12:14.

Zvisinei, tingaregererei unyengeri huchitikanganisa kusvika pakutitadzisa kuwana rudo rweshamwari dzechokwadi? Tinogona kuva vakangwarira tisingaiti zvokungofungira munhu wose. Uye nepatinogona napo, ngatirambei tiine rudo nokutenda zvisina unyengeri.—Jakobho 3:17; 1 Petro 1:22.

[Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Ungadai wakarega unyengeri hwevanyori nevaFarisi huchikubvisa kuna Jesu Kristu nevadzidzi vake here?