Itya Jehovha Uchengete Mirayiro Yake
Itya Jehovha Uchengete Mirayiro Yake
“Itya Mwari uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.
1, 2. (a) Kutya kungatidzivirira sei pachedu? (b) Nei vabereki vakangwara vachiedza kupinza zvishoma nezvishoma kutya kwakanaka muvana vavo?
“SEZVINONGOITA chivindi chinoisa upenyu pangozi, kutya kunohuchengetedza,” akadaro Leonardo da Vinci. Kunyepera kuva noushingi, kana kuti chivindi chisina nebasa rose, zvinotungamirira munhu kunjodzi, nepo kutya kuchimuita kuti angwaririre. Somuenzaniso, kana tikasvika pamawere tikaona kwatinogona kusvika kana takoromoka, vakawanda vedu tinongoona tave kudzoka shure. Saizvozvowo, kutya kwakanaka hakungoiti kuti tive noukama hwakanaka naMwari, sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, asi kunobatsirawo pakutidzivirira pane zvinokuvadza.
2 Zvisinei, kutya ngozi dzakawanda dzemazuva ano kunofanira kudzidzwa. Sezvo vana vaduku vasingazivi ngozi dzemagetsi kana kuti motokari dzomuguta, vanogona kuita tsaona huru zviri nyore. * Vabereki vakangwara vanoedza kupinza zvishoma nezvishoma kutya kwakanaka muvana vavo, vachigara vachivanyevera nezvengozi dziripo. Vabereki vanoziva kuti kutya uku kunogona kuchengetedza upenyu hwevana vavo.
3. Nei Jehovha achitinyevera nezvezvinhu zvinovhiringidza kunamata uye anodaro sei?
3 Saizvozvowo Jehovha ane hanya nokugara zvakanaka kwedu. SaBaba vane rudo, anotidzidzisa achishandisa Shoko rake uye sangano rake kuti tibatsirwe. (Isaya 48:17) Rutivi rwokudzidzisa kwaMwari uku runobatanidza ‘kuramba’ tichinyeverwa nezvezvinhu zvinogona kukanganisa kunamata kuitira kuti tive nokutya kwakanaka ngozi dzakadaro. (2 Makoronike 36:15; 2 Petro 3:1) Munhau yose kuvhiringidzika mukunamata kwakawanda kungadai kusina kuitika uye kutambura kwakawanda kungadai kwakadziviswa ‘kudai vanhu vakangoita kuti mwoyo yavo itye Mwari nokuchengeta mirayiro yake.’ (Dheuteronomio 5:29) Mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” tingaita sei kuti mwoyo wedu utye Mwari torega kuvhiringidzika mukunamata?—2 Timoti 3:1.
Rega Kuita Zvakaipa
4. (a) VaKristu vanofanira kukudziridza kuvenga chii? (b) Jehovha anonzwa sei paanoona mufambiro wokuita zvivi? (Ona mashoko omuzasi.)
4 Bhaibheri rinotsanangura kuti “kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa.” (Zvirevo 8:13) Rimwe duramanzwi reBhaibheri rinotsanangura kuvenga uku se“maonero atinoita vanhu uye zvinhu zvisingadiwi, zvinovengwa, zvinoshorwa uye izvo munhu asingadi kuva nechokuita nazvo kana kufambidzana nazvo.” Saka kutya Mwari kunosanganisira kusada kwomumwoyo kana kuti kusema zvinhu zvose zvakaipa mumeso aMwari. * (Pisarema 97:10) Kunotiita kuti tibve pane zvakaipa, kungofanana nokubva kwatingaita pamawere apo kutya kwedu kwomuzvarirwo kunotinyevera. “Nokutya Jehovha, vanhu vanobva pane zvakashata,” rinodaro Bhaibheri.—Zvirevo 16:6.
5. (a) Tingasimbisa sei kutya Mwari uye kuvenga kwatinoita zvakaipa? (b) Nhoroondo yorudzi rwaIsraeri inotidzidzisa chii munyaya iyi?
5 Tinogona kusimbisa uku kutya kwakanaka uye kuvenga zvakaipa nokufunga migumisiro inokuvadza inounzwa nechivi. Bhaibheri rinotivimbisa kuti tichakohwa zvatinodyara—tingava tichidyarira nyama kana kuti mudzimu. (VaGaratiya 6:7, 8) Nechikonzero ichi Jehovha akatsanangura zvakajeka zvinopedzisira zvaitika pamusana pokusateerera mitemo yake uye kusiya kunamata kwechokwadi. Pasina kuchengetedzwa naMwari, rudzi ruduku, rwakanga rusina kuchengeteka rwevaIsraeri rwaisazogona kuzvidzivirira kubva kuvavakidzani vane utsinye nevane simba. (Dheuteronomio 28:15, 45-48) Mugumisiro wakaipa wokusateerera kwevaIsraeri wakanyorwa zvizere muBhaibheri nokuda “kwokunyevera” kuitira kuti tidzidze uye titye Mwari.—1 VaKorinde 10:11.
6. Ndeipi mimwe mienzaniso iri mumagwaro yatingafunga nezvayo kana tichidzidza kutya Mwari? (Ona mashoko omuzasi.)
6 Kusiyana nezvakaitika kurudzi rwaIsraeri rwose, Bhaibheri rine mienzaniso yakanyatsoitika yevanhu vakakurirwa negodo, unzenza, makaro, uye kudada. * Vamwe vevanhu ava vakanga vashumira Jehovha kwemakore akawanda, asi pane imwe nguva muupenyu hwavo, kutya kwavo Mwari kwakanga kusina kunyatsosimba zvakakwana, uye vakawana migumisiro yakaipa. Kufungisisa mienzaniso yomuMagwaro yakadaro kunogona kusimbisa kutsunga kwedu kuti tisaite zvikanganiso zvakafanana naizvozvo. Zvaizosuruvarisa sei dai taizomirira kusvikira tava nenjodzi tisati tateerera nyevero yaMwari! Kusiyana nezvinowanzotendwa nevazhinji, kudzidza kuti chinhu chakaipa tatochiita—zvikurukuru kusazvidzora—haisiriyo nzira yakanakisisa yokudzidza nayo.—Pisarema 19:7.
7. Jehovha anokoka ani kutende rake rokufananidzira?
7 Chimwe chikonzero chikuru chokutanga kutya Mwari chido chedu chokuchengetedza ukama hwedu naye. Tinotya kusafadza Mwari nokuti tinokoshesa kuva noushamwari naye. Mwari anoona ani seshamwari yake, munhu waangakoka kutende rake rokufananidzira? Uyo bedzi “unofamba asina mhosva, unoita zvakarurama.” (Pisarema 15:1, 2) Kana tichikoshesa ukama uhwu hwatine ropafadzo yokuva nahwo noMusiki wedu, tichangwarira kufamba tisingadariki mumeso ake.
8. Vamwe vaIsraeri vomuzuva raMaraki havana kukoshesa sei ushamwari naMwari?
8 Zvinosuruvarisa kuti vamwe vaIsraeri muzuva raMaraki vakanga vasingakoshesi ushamwari naMwari. Pane kutya nokuremekedza Jehovha, vakapa mhuka dzakaremara nedzinorwara paatari yake. Kusatya Mwari kwavo kwakaratidzwawo mumaonero avaiita kuroorana. Kuitira kuti varoore vakadzi vaduku, vairamba vakadzi voujaya hwavo nezvikonzero zvenhando. Maraki akavaudza kuti Jehovha anovenga “kurambana” uye kuti mweya wavo wokunyengera wakanga wavaparadzanisa naMwari. Mwari aizotarira achifarira pazvibayiro zvavo sei apo atari yacho yakanga yakazara nemisodzi nenzira yokufananidzira—misodzi yokurwadziwa yaidonhedzwa nevakadzi vavo? Kusaremekedza zvaanoda kuri pachena kwakadaro kwakaita kuti Jehovha abvunze kuti: “Kutyiwa kwangu kuripiko?”—Maraki 1:6-8; 2:13-16.
9, 10. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ushamwari naJehovha?
9 Nhasi, Jehovha anoonawo kurwadziwa mwoyo kwevamwe vakaroorwa kana kuroora vasina mhaka nevana vakatambudzwa nevarume uye vanababa kana kuti kunyange vakadzi uye vanaamai vane udyire nevanoita unzenza. Chokwadi zvinomutambudza. Shamwari yaMwari ichaona zvinhu semaonero azvinoitwa naMwari uye ichashanda zvakaoma kuti isimbise muchato wayo, yoramba kufunga kwenyika kunorerutsa kukosha kwechisungo chomuchato, uye icha‘tiza ufeve.’—1 VaKorinde 6:18.
10 Mumuchato kunyange muzvimwe zvinhu zvoupenyu, kuvenga zvose zvakaipa mumeso aJehovha, pamwe nokukoshesa zvikuru ushamwari naye, kuchaita kuti munhu akomborerwe nokutenderwa naJehovha. Muapostora Petro akataura zvakasimba kuti: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Tine mienzaniso yomuMagwaro yakawanda inoratidza kuti kutya Mwari kwakakurudzira vanhu sei kuti vaite zvakarurama mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana anoedza.
Vanhu Vatatu Vaitya Mwari
11. Abrahamu akanzi a“notya Mwari” mumamiriro ezvinhu akaita sei?
11 MuBhaibheri mune munhu mumwe akatsanangurwa naMwari pachake kuti ishamwari yake—tateguru wechiHebheru Abrahamu. (Isaya 41:8) Kutya Mwari kwaAbrahamu kwakaedzwa apo Mwari akamukumbira kupa mwanakomana wake Isaka sechibayiro, anova aizoshandiswa naMwari kuzadzika zvaakanga avimbisa kuti vana vaAbrahamu vaizova rudzi rukuru. (Genesi 12:2, 3; 17:19) “Shamwari yaJehovha” yaizobudirira here pauyu muedzo unorwadza? (Jakobho 2:23) Abrahamu achingosimudza banga rake kuti auraye Isaka, ngirozi yaJehovha yakabva yati: “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu; nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakonama wako, iye mwanakonama wako mumwe chete.”—Genesi 22:10-12.
12. Chii chakaita kuti Abrahamu atye Mwari, uye tingaita sei zvakafanana neizvozvo?
12 Kunyange zvazvo Abrahamu akanga amboratidza kuti anotya Jehovha, pachiitiko ichocho akaratidza kutya kwake Mwari pamwero mukuru. Kuda kwake kubayira Isaka kwakanga kuchipfuura zvikuru kungoteerera kwokuremekedza. Abrahamu aikurudzirwa nokuvimba kwakakwana kuti Baba vake vokudenga vaizozadzisa VaRoma 4:16-21) Ko isu takagadzirira kuita zvinodiwa naMwari kunyange zvichida kuti tiite zvimwe zvinhu zvakatiomera here? Tine chivimbo chakazara here kuti kuteerera kwakadaro kuchaunza zvinotibatsira kwenguva refu, tichiziva kuti Jehovha “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”? (VaHebheru 11:6) Ndiko kutya Mwari kwechokwadi.—Pisarema 115:11.
chipikirwa chavo chokumutsa Isaka kana zvakakodzera. Sokunyora kwakaita Pauro, Abrahamu aiva “nechokwadi kwazvo kuti [Mwari] zvaakanga apikira aikwanisawo kuzviita.” (13. Nei Josefa aigona kutaura zvakakodzera kuti iye murume ‘aitya Mwari wechokwadi’?
13 Ngationgorore mumwe muenzaniso wokutya Mwari uchiitika—uya waJosefa. Somuranda mumba maPotifari, zuva roga roga Josefa aizviwana achimanikidzirwa kuita upombwe. Hapana imwe nzira yaaimbogona kudzivisa nayo kusaonana nomudzimai watenzi wake, uye akaramba achimumanikidza kurara naye. Pakupedzisira, pa“akamubata,” iye “akatiza, akabuda panze.” Chii chakamuita kuti atize zvakaipa pakarepo? Pasina mubvunzo, chinhu chikuru kwakanga kuri kutya Mwari, chido chokusaita ‘chinhu chakaipa zvikuru ndokutadzira Mwari.’ (Genesi 39:7-12) Josefa aigona kutaura zvakakodzera kuti iye murume ‘aitya Mwari wechokwadi.’—Genesi 42:18.
14. Nyasha dzaJosefa dzakaratidza sei kutya Mwari kwechokwadi?
14 Mumakore akazotevera Josefa akanangana nevakoma vake, vakanga vamutengesa noutsinye muuranda. Angadai akashandisa kuda kwavo zvokudya nokukurumidza somukana wokutsiva zvakaipa zvavakanga vamuitira. Asi kubata vanhu noudzvinyiriri hazviratidzi kutya Mwari. (Revhitiko 25:43) Saka Josefa paakaona uchapupu hwakakwana hwokuchinja mwoyo kwevakoma vake, akavaregerera achivanzwira nyasha. SaJosefa, kutya kwedu Mwari kuchatiita kuti tikurire zvakaipa nezvakanaka, kwotiita kuti tisapinda mumuedzo.—Genesi 45:1-11; Pisarema 130:3, 4; VaRoma 12:17-21.
15. Nei mufambiro waJobho wakafadza mwoyo waJehovha?
15 Jobho akanga ari mumwe muenzaniso mukuru womunhu aitya Mwari. Jehovha akati kuna Dhiyabhorosi: “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hapana munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Kwemakore akawanda, mufambiro waJobho usina chaunopomerwa wakafadza mwoyo waBaba vake vokudenga. Jobho aitya Mwari nokuti aiziva kuti ndicho chaiva chinhu chakarurama chokuita uye nzira yakanaka yokurarama nayo. “Tarira, kutya Ishe ndihwo uchenjeri,” akadaro Jobho, “kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa.” (Jobho 28:28) Somurume akaroora, Jobho akanga asingatariri vakadzi vechiduku, uye haana kuronga mazano okuita upombwe mumwoyo make. Kunyange zvazvo akanga ari murume akapfuma, akaramba kuvimba nepfuma yake, uye akarega muitiro wose wokunamata zvidhori.—Jobho 31:1, 9-11, 24-28.
16. (a) Jobho akaratidza mutsa worudo munzira dzipi? (b) Jobho akaratidza sei kuti akakanganwira?
16 Zvisinei, kutya Mwari kunoreva kuita zvakanaka uyewo kubva pane zvakaipa. Saka, Jobho aifarira mapofu, vakaremara, uye varombo. (Revhitiko 19:14; Jobho 29:15, 16) Jobho ainzwisisa kuti “munhu, unorwisa kuziya, unofanira kuitirwa nyasha neshamwari dzake; ungazorega kutya Wamasimba ose.” (Jobho 6:14) Kusaratidza mutsa worudo kunogona kusanganisira kusakanganwira kana kuti kuva nepfundepfunde. Achitungamirirwa naMwari, Jobho akanyengeterera shamwari dzake nhatu, dzakanga dzamurwadzisa. (Jobho 42:7-10) Tingaratidza kuda kukanganwira kwakadaro kune watinotenda naye angadai akatirwadzisa munzira yakati here? Munyengetero womwoyo wose watinoitira anenge atitadzira unogona kuita zvakawanda pakutibatsira kukurira kusamufarira. Zvikomborero zvakawanikwa naJobho nokuda kwokutya kwake Mwari zvinoita kuti titi onei ‘kunaka kukuru uko Jehovha akachengetera vaya vanomutya.’—Pisarema 31:19; Jakobho 5:11.
Kutya Mwari Pane Kutya Munhu
17. Kutya vanhu kungatiitei, asi nei kutya kwakadaro kuri kutadza kuona zviri kure?
17 Nepo kutya Mwari kuchigona kutiita kuti tiite zvakarurama, kutya munhu kunogona kukanganisa kutenda kwedu. Nechikonzero ichochi, paaikurudzira vaapostora kuti vave vaparidzi vanoshingaira vemashoko akanaka, Jesu akavaudza kuti: “Musatya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.” (Mateu 10:28) Jesu akatsanangura kuti kutya munhu kutadza kuona zviri kure nokuti vanhu havagoni kuparadza tariro yomunguva yemberi youpenyu. Uyezve, tinotya Mwari nokuti tinoziva simba rake guru, richienzaniswa nokusava nematuro kwesimba remarudzi ose. (Isaya 40:15) SaAbrahamu tine chivimbo chikuru musimba raJehovha rokumutsa vashumiri vake vakatendeka. (Zvakazarurwa 2:10) Nokudaro, tinotaura nechivimbo kuti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?”—VaRoma 8:31.
18. Jehovha anopa mubayiro kune vanomutya munzira ipi?
18 Munhu anotipikisa angava ari nhengo yemhuri kana kuti anonetsa kuchikoro, tichawana kuti “pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo.” (Zvirevo 14:26) Tinogona kunyengetera kuna Mwari kuti atisimbise, tichiziva kuti achatinzwa. (Pisarema 145:19) Jehovha haambokanganwi vaya vanomutya. Achishandisa muprofita wake Maraki, anotivimbisa kuti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.”—Maraki 3:16.
19. Kutya kworudzi rupi kuchapera, asi ndokupi kucharamba kuripo nokusingaperi?
19 Nguva yava pedyo apo munhu wose ari panyika achanamata Jehovha uye kutya munhu kuchapera. (Isaya 11:9) Kutya nzara, chirwere, utsotsi, uye hondo zvichange zvapfuura. Asi kutya Jehovha kucharamba kuripo nokusingaperi sezvo vashumiri vake vakatendeka vari kudenga nepanyika vacharamba vachimuremekedza, kumuteerera, uye kumukudza zvakafanira. (Zvakazarurwa 15:4) Nguva iyoyo isati yasvika, tose zvedu ngatiteerere zano rakafuridzirwa raSoromoni rokuti: “Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; asi utye Jehovha mazuva ose. Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; chawakatarira hachingaparadzwi.”—Zvirevo 23:17, 18.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 2 Vamwe vanhu vakuru vanopedzisira vasisatyi zvinhu zvine ngozi apo basa ravo rinoita kuti vagare vachishanda munzvimbo dzine ngozi. Imwe nyanzvi yokugadzira zvinhu payakabvunzwa kuti nei nyanzvi dzokuveza zhinji dzisina mumwe munwe, yakapindura zviri nyore ichiti: “Vanenge vasisatyi masaha emagetsi anomhanya zvikuru.”
^ ndima 4 Jehovha pachake anonzwa kusemeswa ikoku. Somuenzaniso, VaEfeso 4:29 inotsanangura mutauro wakashata se“shoko rakaora.” Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pana “ora” rinoreva michero, hove, kana nyama iri kuora. Shoko rakadaro rinonyatsoratidza zvakanaka kusemburwa kwatinofanira kunzwa nokutaura kusina kunaka kana kunonyadzisira. Saizvozvowo, zvidhori zvinowanzotsanangurwa muMagwaro se“ndove,” NW. (Dheuteronomio 29:17; Ezekieri 6:9) Kusema kwatagara tichiita ndove, kana kuti tsvina, kunotibatsira kuti tinzwisise kusemeswa kunoitwa Mwari nokunamata zvidhori kupi nokupi.
^ ndima 6 Somuenzaniso, funga nhau dziri muMagwaro dzaKaini (Genesi 4:3-12); Dhavhidhi (2 Samueri 11:2–12:14); Gehazi (2 Madzimambo 5:20-27); uye Uziya (2 Makoronike 26:16-21).
Unoyeuka Here?
• Tinodzidza sei kuvenga zvakaipa?
• Vamwe vaIsraeri vomuzuva raMaraki havana kukoshesa sei ushamwari naMwari?
• Tinogona kudzidza chii kubva kuna Abrahamu, Josefa, uye Jobho nezvokutya Mwari?
• Kutya kworudzi rupi kucharamba kuripo, uye nei?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 19]
Vabereki vakachenjera vanopinza zvishoma nezvishoma kutya kwakanaka muvana vavo
[Mufananidzo uri papeji 20]
Sezvinongoita kutya kunoita kuti tibve pane ngozi, kutya Mwari kunoita kuti tibve pane zvakaipa
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jobho akaramba achitya Mwari kunyange paakanangana neshamwari dzake dzenhema nhatu
[Kwazvakatorwa]
Kubva mushanduro yeBhaibheri yeVulgata Latina, ya1795