Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubvuma Zvaunokumbirwa naJehovha Kunounza Mibayiro

Kubvuma Zvaunokumbirwa naJehovha Kunounza Mibayiro

Nyaya Youpenyu

Kubvuma Zvaunokumbirwa naJehovha Kunounza Mibayiro

YAKATAURWA NAMARIA DO CÉU ZANARDI

“Jehovha anoziva zvaari kuita. Kana akukumbira, unofanira kubvuma nokuzvininipisa.” Mashoko aya akataurwa nababa vangu, makore 45 apfuura, akandibatsira kubvuma zvandakatanga kukumbirwa kuita nesangano raJehovha, kuva mushumiri wenguva yakazara. Nhasi, ndichiri kuonga zano rababa vangu nokuti kubvuma zvikumbiro zvakadaro kwandiunzira mibayiro yakakura.

MUNA 1928, Baba vakazvinyoresa kuti vatumirwe Nharireyomurindi ndokutanga kufarira Bhaibheri. Sezvo vaigara nechepakati pePortugal, mukana chete wokuti vakurukure neungano yaMwari waiva kuburikidza nemabhuku avaigamuchira neposvo uye Bhaibheri raimbova rasekuru vangu. Muna 1949, ndiine makore 13, mhuri yedu yakatamira kuBrazil, kumusha kwaAmai, ndokusvikogara nechokunze kweRio de Janeiro.

Vavakidzani vedu vatsva vakatikoka kuti tishanyire chechi yavo, uye takaenda kanoverengeka. Baba vaida kuvabvunzisisa nezvemoto wehero, mweya, remangwana repasi rino—asi vaive vasina mhinduro. “Totongomirira vadzidzi veBhaibheri vechokwadi,” Baba vaiwanzodaro.

Rimwe zuva, mumwe murume bofu akashanya pamba pedu achigovera Nharireyomurindi neMukai! Baba vakamubvunza nezvezvinhu zvimwe chetezvo, akavapa mhinduro dzine musoro dzaibva muBhaibheri. Vhiki yakatevera, mumwezve weZvapupu zvaJehovha akatishanyira. Pashure pokupindura mimwe mibvunzo, akakumbira kuti aifanira kuenda “kumunda.” Pakaratidza Baba kushamisika kuti Zvapupu zvinoita zvemitambo (shoko ranzi munda muchiRungu nemimwe mitauro rinogona kureva nhandare yemitambo yakadai sebhora), akavaverengera Mateu 13:38 inoti: “Munda inyika.” Baba vakabvunza kuti: “Ndingaendawo here?” “Ehe,” akapindura kudaro. Takazofara kuti takanga tawana chokwadi cheBhaibheri zvekare! Baba vakabhabhatidzwa pakokorodzano yakatevera, ini ndakazobhabhatidzwa gare gare, muna November 1955.

Kubvuma Zvandakatanga Kukumbirwa Kuita

Mushure megore nehafu, ndakagamuchira zihamvuropu rekaki raibva kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muRio de Janeiro ndichikumbirwa kupinda mubasa rokuparidza nguva yakazara. Utano hwaAmai hwakanga hwakaipa zvikuru panguva iyoyo, saka ndakakumbira baba kuti vandipe zano. “Jehovha anoziva zvaari kuita,” ndiyo yaiva mhinduro yavo yakasimba. “Kana akukumbira kuita chinhu, unofanira kubvuma nokuzvininipisa.” Ndakurudzirwa nemashoko aya, ndakazadzisa fomu racho ndokupinda mubasa renguva yakazara musi waJuly 1, 1957. Kwandakatanga kunoshandira kwaiva kuTrês Rios, guta riri muRio de Janeiro State.

Pakutanga vagari vomuTrês Rios vaiva vasingadi kuteerera shoko redu nokuti taisashandisa shanduro yeBhaibheri yechiKaturike. Takazobatsirika patakatanga kudzidza Bhaibheri naGeraldo Ramalho, mumwe muKaturike aishingaira. Akandibatsira kuwana Bhaibheri raive nesiginicha yomupristi wemo. Kubvira ipapo, pose paingoramba mumwe munhu, ndaimuratidza siginicha yomupristi, uye hapana mimwe mibvunzo yaizobvunzwa. Pave paya Geraldo akabhabhatidzwa.

Ndakazofara pakaitirwa rimwe gungano redunhu pakati chaipo peTrês Rios muna 1959. Mukuru wemapurisa, uyo aidzidza Bhaibheri panguva iyoyo, akatoronga kuisa zvikwangwani zvokushambadzira purogiramu yacho muguta rose. Ndashanda kwemakore matatu muTrês Rios, ndakakumbirwa kunoshandira kuItu, anenge makiromita 110 nechokumadokero kweSão Paulo.

Mabhuku Matsvuku, Ebhuruu, uye Eyero

Mushure mokutsvaka-tsvaka, ini nomumwe wangu wandaipayona naye takawana pokuroja pakanaka mukati-kati meguta pamusha paMaria, imwe chirikadzi yaiva nomwoyochena. Maria aitibata sevanasikana vake chaivo. Zvisinei, pasati pambopera nguva, bhishopu weRoma Katurike womuItu akamushanyira akamuudza kuti atidzinge, asi akaramba achiti: “Murume wangu paakafa hapana chamakaita kundinyaradza. Ava veZvapupu zvaJehovha vandibatsira kunyange zvazvo ndisiri wechitendero chavo.”

Panenge panguva iyoyo, mumwe mukadzi akatiudza kuti vapristi veKaturike vaive varambidza vanhu vomuchechi mavo kugamuchira mabhuku “matsvuku anotaura nezvaDhiyabhorosi.” Vaitaura nezvebhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi,” bhuku rinotsanangura Bhaibheri rataive tichigovera vhiki iyoyo. Sezvo bhuku dzvuku raiva “rarambidzwa” nevapristi, takaronga mharidzo dzerimwe bhuku rebhuruu (“New Heavens and a New Earth”). Pava paya, vafundisi pavakanzwa nezvokuchinja uku, takachinjira kune rimwe bhuku reyero (What Has Religion Done for Mankind?), tichingodaro. Zvaiva zvakatinakira kuti taiva nemabhuku akasiyana-siyana ane mabutiro oruvara rwakasiyana!

Mushure merinenge gore tiri muItu, ndakagamuchira teregiramu yaindikumbira kuzoshanda mukugadzirira gungano kwenguva duku paBheteri, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muRio de Janeiro. Ndakabvuma nomufaro.

Dzimwe Ropafadzo uye Zvinonetsa

PaBheteri basa rakanga risingashayiki, uye ndaifara kubatsira chero munzira ipi inobvira. Zvaibatsira zvikuru kuvapo paikurukurwa rugwaro rwezuva mangwanani oga oga uye kuva pachidzidzo chemhuri cheNharireyomurindi manheru oMuvhuro! Minyengetero yomwoyo wose yaOtto Estelmann nedzimwe nhengo dzaive dzagara nebasa dzemhuri yeBheteri yaindibaya mwoyo.

Pashure pegungano redu, ndakarongedza mabhegi angu kuti ndidzokere kuItu, asi zvakandishamisa kuti mutariri webazi, Grant Miller, akandipa tsamba yaindikumbira kuti ndive nhengo yemhuri yeBheteri zvachose. Wandaigara naye mumba imwe chete ainzi Hanzvadzi Hosa Yazedjian, uyo achiri kushanda paBheteri yokuBrazil. Mazuva iwayo mhuri yeBheteri yaiva duku—taingova 28—uye tose taiva shamwari dzepedyo.

Muna 1964, João Zanardi, mumwe mushumiri wechiduku, akauya kuBheteri kuti azodzidziswa. Akazoendeswa kunoita mutariri wedunhu, kana kuti mutariri anofambira, nechepedyo. Taimbosangana paaiuya kuBheteri nemishumo yake. Mutariri webazi akapa João mvumo yokupinda chidzidzo chemhuri chemanheru oMuvhuro, saka taikwanisa kupedza nguva yakawanda tose. João neni takaroorana muna August 1965. Ndakabvuma nomufaro kubatana nomurume wangu mubasa romudunhu.

Mumazuva iwayo basa rokufambira rakanga risiri nyore muBrazil. Handifi ndakakanganwa kushanyira kwedu boka revaparidzi raiva muAranha, Minas Gerais State. Taifanira kukwira chitima tozofamba panenge pasara—takatakura masutukesi, tapureta, purojekita yemasiraidhi, mabhegi okushandisa mubasa romumunda, nemabhuku. Zvaizofadza kuwana nguva dzose Lourival Chantal, imwe hama yechikuru, aigara akatimirira pachiteshi nguva dzose kuti atibatsire kutakura mabhegi edu.

Misangano muAranha yaiitirwa mune imwe imba yairendwa. Tairara mune rimwe kamuri duku kuseri. Kune rimwe divi, kwaiva nomoto wehuni wataishandisa kubika nokudziyisa mvura yataiunzirwa nehama mumigomo. Rimwe gomba raive pakati pechisango chemishenjere ndiro rataishandisa sechimbuzi. Usiku taisiya rambi regasi richibvira—kuti tidzinge rumwe rudzi rwezvipembenene runokonzera chirwere chinonzi Chagas. Taifuma mhino dzakazara noutsi hutema. Chiitiko chinozonakidza!

Pataishandira mune rimwe dunhu muParaná State, takagamuchirazve rimwe remazihamvuropu aya ekaki richibva kuhofisi yebazi. Kukumbirwazve nesangano raJehovha kuita chimwe chinhu—panguva ino kuti tinoshandira kuPortugal! Tsamba yacho yakatipa zano rokuti tifunge nezvenheyo iri pana Ruka 14:28 toongorora zvinodiwa tisati tabvuma basa iri nokuti basa rechiKristu rairambidzwa ikoko, uye hurumende yePortugal yakanga yatosunga hama dzakawanda.

Taizoenda kunyika kwataizonotarisana nokutambudzwa kwakadaro here? “Kana hama dzedu dzokuPortugal dzichigona kurarama ikoko nokushumira Jehovha nokutendeka, tingatadza nei?” João akadaro. Ndichiyeuka mashoko ababa vangu ekurudziro, ndakabvumirana naye ndikati: “Kana Jehovha atumira shoko achitikumbira, tinofanira kubvuma tovimba naye.” Munguva pfupi zvadaro, takanga tava paBheteri muSão Paulo, tichipiwa mimwe mirayiridzo nokugadzirira magwaro edu okufambisa rwendo rwacho.

João Maria naMaria João

Chikepe chedu, chainzi Eugênio C, chakasimuka pamahombekombe eSantos, São Paulo State, musi waSeptember 6, 1969. Pashure pemazuva mapfumbamwe tichifamba mugungwa, takasvika muPortugal. Pakutanga, takapedza mwedzi yakati kuti tichishanda nehama dzaiva nounyanzvi tiri mumigwagwa mitete yeAlfama neMouraria, muruwa rwekare rweLisbon. Vakatidzidzisa kungwarira kuti tisabatwa nyore nemapurisa.

Misangano yeungano yaiitirwa mumisha yeZvapupu. Pataicherechedza kuti vavakidzani vainge vava kufungira, taikurumidza kutamisira misangano kune imwe nzvimbo kuti imba yacho isakombwa kana kuti hama dzisasungwa. Mapikiniki, sezvataidana magungano edu, aiitirwa muMonsanto Park, nechokumucheto kweLisbon, uye paCosta da Caparica, imwe nzvimbo yaive nemiti nechomumahombekombe. Taipfeka zvachero patainge tava kuendako, uye boka revarindiri vakangwarira raimira munzvimbo dzaraiona zvose. Paingosvika mumwe munhu wataifungira, taiwana nguva yokunyepedzera kunge tiri pamutambo, toronga pikiniki, kana kuimba rwiyo rusiri rwokunamata.

Kuti zviomere mapurisa kutiziva, taisashandisa mazita edu chaiwo. Hama dzaitiziva saJoão Maria naMaria João. Mazita edu aisashandiswa mukunyorerana kupi nokupi kana muzvinyorwa. Asi taipiwa nhamba. Ndakasarudza kusaziva kero dzehama. Nenzira iyoyo, dai ndaizobatwa, zvaisazobvira kuti ndivatengese.

Pasinei nokuomeserwa, João neni taiva takatsunga kushandisa mukana wose wokupupura, sezvo taiziva kuti taigona kurasikirwa norusununguko rwedu chero nguva. Takadzidza kuvimba naBaba vedu vokudenga Jehovha. Sezvo aiva Mudziviriri wedu, achishandisa ngirozi dzake zvokuti tainzwa ‘setaiona Uyo asingaoneki.’—VaHebheru 11:27.

Pane chimwe chiitiko, tichiparidza paimba neimba muPorto, takasangana nomumwe murume akaramba ongoti tipinde mumba. Hanzvadzi yandaishanda nayo yakabvuma kupinda pasina kumbozeza, uye hapana zvandaigona kuita kunze kwokungopinda nayo. Chakazondityisa ndechokuti ndakaona mufananidzo womumwe munhu aive akapfeka yunifomu yechiuto pamadziro. Toita sei zvino? Nyakutikoka mumba akatigarisa pasi ndokuzobvunza kuti: “Mungabvumidza mwanakomana wenyu kushanda somuuto here dai aizodaidzwa?” Zvinhu zvakanga zvaoma apa. Pashure pokunyengetera chinyararire, ndakapindura zvinyoro-nyoro ndichiti: “Handina kana vana, uye ndine chokwadi kuti dai ndaizokubvunzai mubvunzo wokufungidzira wakadaro, maingopindura sezvandaita.” Akabva anyarara. Ndokubva ndapfuurira kuti: “Asi dai maizondibvunza kuti unonzwa sei ukarasikirwa nehanzvadzikomana kana kuti nababa, izvozvo ndaipindura nokuti vose hanzvadzikomana yangu nababa vangu vakafa.” Maziso angu akazara misodzi pandaitaura, uye ndakaona kuti iyewo aive oda kuchema. Akarondedzera kuti mudzimai wake akanga afa nguva pfupi yakanga yapfuura. Akanyatsoteerera pandaitsanangura tariro yorumuko. Ndokubva tazoti zvine tsika chisarai ndokuenda pasina chaitika, tichisiyira nhau yacho mumaoko aJehovha.

Pasinei nokurambidzwa, vanhu vaida zvavo vakabatsirwa kuwana zivo yechokwadi. MuPorto, ndimo makatanga kudzidziswa Bhaibheri mumwe muzvinabhizimisi ainzi Horácio, nomurume wangu, akafambira mberi nokukurumidza zvikuru. Pava paya mwanakomana wake Emílio, chiremba wemandiriri, akatsigirawo Jehovha ndokubhabhatidzwa. Zvechokwadi, hapana chinogona kumisa mudzimu mutsvene waJehovha.

“Hauzivi Zvichabvumirwa naJehovha”

Muna 1973, João neni takakokwa kuGungano Remarudzi Akawanda rainzi “Kukunda kwaMwari” muBrussels, kuBelgium. Zviuru zvehama dzokuSpain nokuBelgium zvaivepo, pamwe nenhume dzakabva kuMozambique, Angola, Cape Verde, Madeira, uye kuAzores. Mumashoko avo okupedzisa, Hama Knorr, vaibva kudzimbahwe romuNew York, vakakurudzira kuti: “Rambai muchishumira Jehovha nokutendeka. Hamuzivi kuti Jehovha achabvumira chii. Ndiani anoziva, zvichida kokorodzano inotevera muchaipindira kuPortugal!”

Gore rakatevera basa rokuparidzira rakabvumirwa nomutemo muPortugal. Uye zvechokwadi sokutaura kwakanga kwaita Hama Knorr, muna 1978, takava nekokorodzano yedu yokutanga yemarudzi akawanda muLisbon. Yaiva ropafadzo chaiyo kufora nomumigwagwa yeLisbon, tichipupurira nezvikwangwani, magazini, uye tichikokera vanhu kuhurukuro yavose! Zvakanga zvazoitika.

Takazenge tava kuda hama dzedu dzomuPortugal, vazhinji vacho vakanga vatambudzwa nokuiswa mujeri uye kurohwa nokuda kwokusava nekwavakarerekera kwechiKristu. Chido chedu chaiva chokuramba tichishumira tiri muPortugal. Zvisinei, zvaisazova zvakadaro. Muna 1982, João akava nechirwere chomwoyo chakakomba, uye hofisi yebazi yakati zvaive nani kuti tidzokere kuBrazil.

Nguva Ine Miedzo

Hama dzokuhofisi yebazi yokuBrazil dzaitsigira zvikuru uye dzakatigovera kunoshumira kuUngano yeQuiririm muTaubaté, kuSão Paulo State. Utano hwaJoão hwakawedzera kuipa zvokuti panguva duku-duku akanga asisakwanisi kubuda mumba. Vanhu vaifarira vaiuya kumba kwedu kuzodzidza Bhaibheri, uye paiitirwa misangano yebasa romumunda mazuva ose, pamwe chete nechidzidzo chebhuku chevhiki nevhiki. Izvi zvakaita kuti tirambe takasimba pakunamata.

João akaramba achiita zvaaikwanisa mubasa raJehovha kusvikira afa musi waOctober 1, 1985. Ndakasuwa uye ndakaita sendaora mwoyo, asi ndaive ndakatsunga kuramba ndiri mubasa rangu. Chimwe chipingamupinyi chakauya muna April 1986, pakapazwa pamba pangu nembavha, dzikaba chinenge chinhu chose zvacho. Kokutanga muupenyu hwangu ndakasurukirwa, ndakanzwa ndichitya. Mumwe murume nomudzimai wake vakandikoka kuti ndizogara navo kwekanguva, ndikabvuma nokuonga.

Rufu rwaJoão nokupazirwa pamba zvakakanganisawo basa rangu kuna Jehovha. Ndaive ndisisina chivimbo muushumiri. Pashure pokunyorera hofisi yebazi nezvedambudziko racho, ndakakokwa kuti ndombogara paBheteri ndibatsirwe kudzikamisa pfungwa. Iyoyo yaiva nguva inosimbisa zvikuru!

Pandakangonzwa ndava nani, ndakagoverwa kunoshanda kuIpuã, guta riri mudunhu reSão Paulo. Basa rokuparidza rakandiita kuti ndirambe ndakabatikana, asi pane dzimwe nguva dzandainzwa ndaora mwoyo. Panguva dzakadaro, ndaifonera hama dzokuQuiririm, uye imwe mhuri yaindishanyira kwemazuva mashomanana. Kushanyirwa ikoko kwaindikurudzira zvechokwadi! Mugore rangu rokutanga muIpuã, hama nehanzvadzi 38 dzakaita rwendo rurefu rwokuzondiona.

Muna 1992, makore matanhatu João afa, ndakabvumazve kutumwa nesangano raJehovha, panguva ino kutamira kuFranca, kuSão Paulo State, uko kwandichiri kushanda somushumiri wenguva yakazara. Ndima iri kuno inozova nezvibereko. Muna 1994, ndakatanga kudzidza Bhaibheri nameya. Panguva iyoyo, aitsvaka vanhu vangamuvhotera kuti awane chigaro mudare reBrazil, asi pasinei nokuti akanga akabatikana, taidzidza masikati oMuvhuro woga woga. Kuti asakanganiswa aidzima runhare rwake. Hakuzi kufara kwandakaita pandakaona achizvibvisa mune zvematongerwe enyika zvishoma nezvishoma uye, achibatsirwa nechokwadi, ndokuvakazve mhuri yake! Iye nomudzimai wake vakabhabhatidzwa muna 1998.

Ndichitarisa kumashure, ndinogona kuti upenyu hwangu somushumiri wenguva yakazara hwave huri huya hwakazara nezvikomborero neropafadzo. Kubvuma zvandaikumbirwa naJehovha kuti ndiite achishandisa sangano rake kwakandiunzira mibayiro mikuru. Uye chipi zvacho chandichakumbirwa kuita munguva inotevera, kuda kwangu kuita izvozvo kuchakasimba sezvakwaiva.

[Mifananidzo iri papeji 25]

Muna 1957, pandakapinda mubasa renguva yakazara, uye nhasi

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiine mhuri yeBheteri yokuBrazil muna 1963

[Mufananidzo uri papeji 27]

Muchato wedu muna 1965

[Mufananidzo uri papeji 27]

Gungano muPortugal apo basa rakanga richiri kurambidzwa

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kupupurira mumugwagwa muLisbon nguva yeKokorodzano Yemarudzi Akawanda yainzi “Kutenda Kunokunda” muna 1978