Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Dzidziso Inoshanda Kuvanhu Vose

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Dzidziso Inoshanda Kuvanhu Vose

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Dzidziso Inoshanda Kuvanhu Vose

“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.”—Mateu 7:12.

MASHOKO iwayo akataurwa anoda kusvika makore zviuru zviviri apfuura naJesu Kristu muMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira. Mumazana emakore kubvira ipapo, zvakawanda zvakataurwa uye zvakanyorwa nezvemashoko mashomanana iwayo. Somuenzaniso, akarumbidzwa se“zvinonyatsoreva Rugwaro,” “pfupiso yezvinofanira kuitwa nomuKristu kumuvakidzani wake,” uye “nheyo inokosha yetsika.” Kuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo kwasvika pakuzivikanwa zvikuru.

Zvisinei, pfungwa yokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo haisi kune vanowanzonzi vaKristu chete. ChiJudha, chiBuddha, uye uzivi hwechiGiriki zvose zvakataura nezvouyu muitiro wetsika wakanaka munzira dzakawanda. Anonyanyozivikanwa, zvikurukuru kuvanhu vokuFar East, mashoko akataurwa naConfucius, anoremekedzwa kuMabvazuva somuzivi nomudzidzisi mukuru. MuThe Analects, rechitatu pamabhuku mana anonzi Four Books aConfucius, tinowana pfungwa yacho ichitaurwa katatu. Kaviri mukupindura mibvunzo yevadzidzi, Confucius akati: “Zvausingadi kuti zviitwe kwauri, usazviitira vamwe.” Pane imwe nguva, apo mudzidzi wake Zigong akazvikudza achiti “Zvandisingadi kuti vamwe vaite kwandiri, handidiwo kuzviita kwavari,” mudzidzisi wacho akapindura zvinoda kunyatsofungisisa achiti, “Ndizvozvo, asi hausati wava kuzvigona.”

Kana munhu akaverenga mashoko aya, anogona kuona kuti zvakataurwa naConfucius zvakati siyanei zvishoma nezvakazotaurwa naJesu. Musiyano uri pachena ndewokuti kuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire kwakataurwa naJesu kunoreva kuitira vamwe zvinhu zvinobatsira zvakanaka. Tomboti vanhu vaizoita maererano nezvakataurwa naJesu zvakanaka, kuva nehanya nokutora matanho okubatsira vamwe, kuita izvi zuva nezuva. Unofunga kuti izvozvo zvaizoita nyika yanhasi nzvimbo yakanaka here? Zvechokwadi.

Pfungwa yokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo ingataurwa zvakananga, zvisina kunanga, kana nomumwe mutoo, asi zviri pachena kuti vanhu munguva dzakasiyana-siyana nenzvimbo uye vanobva kwakasiyana-siyana vakaisa chivimbo chakakura mairi. Izvi zvinongoratidza kuti zvakataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo idzidziso inoshanda kuvanhu vose muupenyu hwavo kwose kwose munguva yose yavanenge vachirarama.

Zvibvunze kuti: ‘Ndinoda kuremekedzwa, kubatwa zvakanaka, uye nokuvimbika here? Ndingada kurarama munyika isina rusarura ganda, kuparwa kwemhosva, uye hondo here? Ndingada kuva mumhuri mune munhu wose ane hanya nemanzwiro evamwe uye zvakanakira vamwe here?’ Chokwadi, ndiani angaramba zvinhu zvakadaro? Chokwadi chinosuruvarisa ndechokuti vanhu vashoma zvikuru ndivo vanowana zvinhu zvakadai. Kune vanhu vakawanda, zvinhu zvisingatombofungidziriki.

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitire Kwakakanganiswa

Munhau yose, pave pane kuparwa kwemhosva, kodzero dzevanhu dzisingambofungwi nezvadzo. Izvi zvinosanganisira kutengeswa kwenhapwa muAfrica, misasa yorufu yeNazi, vana vanomanikidzirwa kushanda, uye kuurayana kwoutsinye kwemadzinza munzvimbo dzakawanda. Zvinotyisa zvacho zvakatowandisa kuzvidudza.

Nhasi, nyika yedu younyanzvi hwemberi mukugadzira zvinhu ine udyire. Vanhu vakawanda havambofungi nezvevamwe kana vave kusafambirwa nezvinhu zvakanaka kana kuti kana kodzero dzavo dzave kutyorwa. (2 Timoti 3:1-5) Nei vanhu vakawanda kudaro vava noudyire, utsinye, vasinganzwiri tsitsi, uye vachingozvifunga voga? Handizvo here kuti kuitira vamwe zvaunoda kuitirwa, kunyange kuchiri kuzivikanwa zvikuru, kuri kurambwa sokusingaitiki, sekatsika kakasaririra? Zvinosuruvarisa kuti, izvi ndozvazvakaita kunyange pane vakawanda vanoti vanonamata Mwari. Uye tichiona nemafambiro ari kuita zvinhu, vanhu vachangoramba vachingozvifunga voga.

Naizvozvo, mibvunzo inokosha inofanira kufungwa nezvayo ndeiyi: Kurarama uchiitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire kunobatanidzei? Pane achiri kuita kudaro here? Uye pachazombosvika imwe nguva apo vanhu vachararama vachiitira vamwe zvavanoda kuti ivo vaitirwe here? Kuti uwane mhinduro dzechokwadi kumibvunzo iyi, tapota verenga nyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Confucius nevamwe vakadzidzisa dzimwe nzira dzoKuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo