Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mashoko akarayirwa naMwari akanyorwa pana Jeremia 7:16 anoreva here kuti hazviiti kuti vaKristu vanyengeterere munhu akadzingwa muungano yechiKristu nokuti mutadzi asingapfidzi?

Pashure pokutaura mutongo wake pavaJudha vasina kutendeka, Jehovha akaudza Jeremia kuti: “Naizvozvo iwe chirega kuvanyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbirira kwandiri; nokuti handingakunzwi.”—Jeremia 7:16.

Nei Jehovha akarambidza Jeremia kunyengeterera vaIsraeri? Zviri pachena kuti paiva pamusana pokutyora kwavo Mutemo wake vachiziva. Vaive vasingatombonyari ‘kuba, nokuuraya, nokuita upombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vavakanga vasingazivi.’ Mugumisiro wacho ndewokuti Jehovha akazoudza vaJudha vacho vasina kutendeka kuti: “Ndichakurasirai kure neni, sezvandakarasa hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfraimi.” Zvechokwadi zvakanga zvisingaiti kuti Jeremia, kana mumwe munhu upi zvake, anyengeterere kuti Jehovha achinje zvaakanga Atonga.—Jeremia 7:9, 15.

Maererano neizvi, muapostora Johani akanyora nezvomunyengetero wakakodzera kuna Mwari. Chokutanga, akavimbisa vaKristu achiti: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nokuda kwake, anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Nezvokunyengeterera vamwe akazopfuurira kuti: “Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingapariri rufu, achakumbira, uye achamupa upenyu, hungu, kune vasingaiti chivi zvokuti vanozviparira rufu. Kune chivi chinoparira rufu. Handimuudzi kuti akumbire pamusoro pechivi ichocho.” (1 Johani 5:16) Jesu akataurawo nezvechivi ‘chisingazokanganwirwi,’ kureva kuti, kutadzira mudzimu mutsvene.—Mateu 12:31, 32.

Zvinoreva here kuti vose vakadzingwa muungano yechiKristu nokuda kwokutadza vasingapfidzi vakatoita chivi “chinoparira rufu” uye nokudaro havafaniri kunyengetererwa? Zvingasava zvakadaro hazvo nokuti kumwe kutadza kwakadaro hakusi zvivi zvinoparira rufu. Chaizvoizvo zvakatooma kuziva zvivi zvacho zvinoparira rufu. Muenzaniso wakadaro ndewaMambo Manase weJudha. Akamisa atari dzavamwari venhema, akapisira vanakomana vake sezvibayiro, akaita zvemidzimu, uye akaunza chifananidzo chakavezwa mutemberi yaJehovha. Bhaibheri rinototaura kuti Manase nevanhu vakaita “zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri.” Nokuda kweizvi zvose, Jehovha akaranga Manase nokumuendesa muusungwa kuBhabhironi akasungwa nengetani.—2 Madzimambo 21:1-9; 2 Makoronike 33:1-11.

Zvivi zvaManase, kunyange zvazvo zvakanga zvakakomba, ndizvo zvorudzi runoparira rufu here? Hazviratidziki sezvakadaro, nokuti nhoroondo yacho inopfuurira ichiti nezvake: “Wakati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake; akanyengetera kwaari, akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusarema paushe hwake. Ipapo Manase wakaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.”—2 Makoronike 33:12, 13.

Saka, hatifaniri kubva tangoti munhu ane mhaka yechivi chinoparira rufu nokuti bedzi adzingwa muungano. Zvingatora nguva kuti zvakanyatsoita mwoyo womunhu wacho zvibude pachena. Chaizvoizvo, zvinotaurwa kakawanda kuti chinangwa chokudzinga ndechokuti apepuke nechivimbo chokuti apfidze atendeuke.

Sezvo munhu wacho asisiri muungano, kuchinja kupi nokupi kwomwoyo kungatanga kucherechedzwa nevari pedyo naye, vakadai sewaakaroorana naye kana kuti vamwe vomumhuri. Vaya vanenge vachicherechedza vangasvika pakuti mutadzi haana kuita chivi chinoparira rufu. Zvingavaita kuti vanyengetere kuti awane simba kubva muShoko raMwari rakafuridzirwa uye kuti Jehovha abate nomutadzi wacho maererano nokuda Kwake.—Pisarema 44:21; Muparidzi 12:14.

Nepo vamwe vangava vachikwanisa kucherechedza zvakakwana uchapupu hwokuti vadavire kuti mutadzi apfidza, izvozvo zvingasava zvakadaro neungano yose. Vaizonetseka, kutambudzika kana kutogumburwa dai vaizonzwa mumwe munhu achinyengeterera paruzhinji munhu akatadza. Nechikonzero ichi, vaya vanofunga nezvokunyengeterera mutadzi wacho vanofanira kuzviitira pachivande chete, vosiyira zvakawanda kuvakuru vane mutoro wacho muungano.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Manase akaregererwa zvivi zvake zvakakomba paakazvininipisa pamberi paJehovha

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Reproduced from Illustrirte Pracht - Bibel/Heilige Schrift des Alten und Neuen Testaments, nach der deutschen Uebersetzung D. Martin Luther’s