Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Muchiedza Chenyu Ndimo Matinoona Chiedza”

“Muchiedza Chenyu Ndimo Matinoona Chiedza”

“Muchiedza Chenyu Ndimo Matinoona Chiedza”

CHIEDZA chinhu chatisingawanzofunga nezvacho kunze kwokunge magetsi aenda makatipoteredza mose mozara rima. Zvinofadza kuti “gwenya redu” rinopenya—zuva—rakavimbika zvakakwana. Uye tichibatsirwa nechiedza chinobva kuzuva tinogona kuona, kudya, kufema, uye kurarama.

Sezvo chiedza chichikosha muupenyu, hazvifaniri kutishamisa patinoverenga muna Genesi kuti chiedza chakatanga kuoneka pazuva rokutanga rokusika. “Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo.” (Genesi 1:3) Varume vanotya Mwari saMambo Dhavhidhi vakanguri vaziva kuti Jehovha ndiye mupi wechiedza. “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu,” akanyora kudaro Dhavhidhi. “Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.”—Pisarema 36:9.

Mashoko aDhavhidhi anoshanda zvose chaizvoizvo uye zvokufananidzira. Encyclopædia Britannica inoti: “Zvechokwadi chiedza ndicho chinoita kuti tione.” Inozowedzera kuti: “Mashoko akawanda anosvika kuuropi hwomunhu kuburikidza nomumaziso kupfuura zvaangaita nedzimwe nhengo dzipi zvadzo.” Sezvo zvakawanda zvatinodzidza zvichitsamira pachipo chokuona—uko kunoda chiedza kuti kuitike—chiedza chinoshandiswawo muMagwaro nenzira yokufananidzira.

Saka Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndini chiedza chenyika. Anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” (Johani 8:12) Chiedza chokufananidzira chaitaurwa naJesu ishoko rechokwadi raaiparidza, iro raigona kuvhenekera pfungwa nemwoyo zvevateereri vake. Pashure pemakore akawanda erima mune zvokunamata, vadzidzi vaJesu pakupedzisira vaigona kunzwisisa chinangwa chaMwari pamusoro pevanhu uye tariro yoUmambo. Ichi zvechokwadi chaive “chiedza choupenyu,” sezvo zivo iyoyo yaigona kutungamirira kuupenyu husingaperi. “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi,” akadaro Jesu achinyengetera kuna Baba vake vokudenga, “kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Ngatisamboita zvokutamba nechiedza chomudzimu ichi!