Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kudzivisa Kuerekana Warwara Nomwoyo Wokufananidzira

Unogona Kudzivisa Kuerekana Warwara Nomwoyo Wokufananidzira

Unogona Kudzivisa Kuerekana Warwara Nomwoyo Wokufananidzira

Nyanzvi yepamusoro-soro yemitambo munyika yose, ichinyatsozvinzwa uye nechokunze ichiratidzika seine utano hwakanaka, yakangoerekana yadonha panguva yokurovedza ichibva yafa. Nyanzvi yacho akanga ari Sergei Grinkov, akanga ahwina menduru yegoridhe yeOlympic yokumhanya uchitsvedzemuka muchando, basa rake rakanga ratanga rakabva rangoguma kubudirira—paaiva nemakore 28 chete. Iyi injodzi chokwadi! Yakakonzerwa nei? Akaerekana abatwa nechirwere chomwoyo. Zvakataurwa kuti rufu rwake rwakanga rusingatarisirwi zvachose nokuti pakanga pasina chero chiratidzo chokuona nacho kuti akanga achirwara nomwoyo. Asi, vaongorori vakaona kuti aiva nomwoyo wakakurisa uye tsinga dzakavharika zvikuru.

NEPO zvingaoneka sokuti kuerekana warwara nomwoyo kwakawanda kunoitika pasina nyevero, vezvokurapa vanoti hazviwanzodaro. Chokwadi ndechokuti zviratidzo zvokunyevera uye zvimwe zvinobatanidzwa zvakadai sokutadza kunyatsofema, kufutisa, uye kurwadziwa muchipfuva zvinowanzoregwa zvakadaro. Somugumisiro, kunyange kana vanhu vakadaro vakarega kufa panguva yavanoerekana varwara nomwoyo, vakawanda vanoremara zvikuru kwoupenyu hwavo hwose.

Parizvino, nyanzvi dzokurapa dzakawanda dzinobvumirana kuti kudzivisa kuerekana warwara nomwoyo kunoda kungwarira kwenguva dzose pazvinodyiwa nomunhu uye mararamiro uye kugara achionekwa navanachiremba. * Kuita kudaro, pamwe nokunyatsoda kuchinja pazvakakodzera, kuchaita kuti munhu adzivirirwe pamigumisiro yakaipa yokuerekana arwara nomwoyo.

Zvisinei, pane rimwe divi remwoyo wedu rinofanira kuongororwa zvikuru. “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Chokwadi, rugwaro urwu ruri kureva chaizvoizvo mwoyo wokufananidzira. Kungwarira kunodiwa kuti tichengetedze mwoyo wedu chaiwo, asi zvinotokosha zvikuru kuramba tichingwarira kana tichida kuchengetedza mwoyo wedu wokufananidzira pazvirwere zvinogona kuita kuti tirege kunamata.

Kuongorora Kuerekana Warwara Nomwoyo Wokufananidzira

Kungofanana nokurwara nechirwere chomwoyo chaiwo, imwe nzira yakavimbika yokudzivirira nayo kuerekana warwara nomwoyo kana toreva nezvokunamata kudzidza zvinokukonzera kwave kutora matanho okuita chimwe chinhu nazvo. Saka zvino ngationgororei zvimwe zvezvinhu zvinoita kuti pave nezvinetso zvomwoyo—chaiwo uye wokufananidzira.

Zvokudya. Zvinozivikanwa kwose kwose kuti zvokudya zvisingavaki muviri, kunyange zvichinaka mukanwa, zvinobatsira zvishoma kana kusatombobatsira utano. Kufanana naizvozvo, zvokudya zvepfungwa zvenhando zvinowanikwa nyore nyore uye zvinotokonya manzwiro, asi zvinokanganisa kunamata kwomunhu. Zvakawanda zviri kutengeswa nounyanzvi muzvinobudisa nhau zvinhu zvinoratidza kusangana pabonde kusiri pamutemo uye zvinodhaka, chisimba, uye zvemidzimu. Kupa pfungwa dzomunhu zvokudya zvakadaro kunokuvadza mwoyo wokufananidzira. Shoko raMwari rinonyevera kuti: “Nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:16, 17.

Zvokudya zvinopa utano, zvakadai semichero nemiriwo mitema, hazvirwerwesi rute kumunhu akajairira zvokudya zvenhando. Kufananawo naizvozvo, zvokudya zvomudzimu zvakanaka uye zvakatsarukana zvingasaratidzika sezvakanaka kumunhu akajaira kudyisa pfungwa dzake nomwoyo nezvinhu zvenyika. Kwenguva yakati, angararama no“mukaka” weShoko raMwari. (VaHebheru 5:13) Nokufamba kwenguva, haakuri muzivo yaMwari zvinodiwa kuti atakure mitoro yake yokunamata inokosha muungano yechiKristu uye muushumiri. (Mateu 24:14; 28:19; VaHebheru 10:24, 25) Vamwe vaiva mumamiriro ezvinhu akadaro vakarega simba ravo rokunamata richidzikira kusvika pamwero wokuti vakava Zvapupu zvisingaiti basa!

Imwe ngozi ndeyokuti chitarisiko chokunze chinogona kunyengera. Kuita mabasa echiKristu zvechipameso kungavhara kurwara kunowedzera kwomwoyo wokufananidzira uri kuneteswa nokunyanyisa noruzivo rwokutsvaka zvinhu kwepachivande kana kuti zvinovaraidza zvinoratidza unzenza, chisimba, kana zvemidzimu. Kuita zvinhu zvinopesana nokunamata kwakadaro kungaita sokusina zvakunokanganisa pakunamata kwomunhu, asi kunogona kumisa kushanda kwomwoyo wokufananidzira kungofanana nezvinoita zvokudya zvenhando zvinoomesa tsinga uye kukuvadza mwoyo chaiwo. Jesu akanyevera nezvokubvumira zvido zvisina kunaka kupinda mumwoyo womunhu. Akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Hungu, kuita mabasa okunamata zvechipameso kunogona kuita kuti munhu aerekane arwara nomwoyo wokufananidzira. Asi, pane zvimwewo zvinofanira kufungwa.

Kurovedza muviri. Zvinozivikanwa zvikuru kuti kuswera wakangogara kunogona kuita kuti munhu aerekane arwara nomwoyo chaiwo. Kungofanana naizvozvo, kungogara usina zvauri kuita pakunamata kunogona kuva nemigumisiro yakaipa. Somuenzaniso, munhu angaita ushumiri hwechiKristu asi angasada kuti humuvhiringire zvinhu zvinomufadza, kana kusamboedza kuti ave “mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Kana kuti mumwe angapinda mimwe misangano yechiKristu asi haatomboigadziriri kana kuwanawo zvaanoita mairi. Panogona kunge pasina zvaanovavarira kuti aitewo mukunamata kana kuti chido chokushingairira zvinhu zvokunamata. Kusazvirovedza mune zvokunamata kunopedzisira kwanetesa, kana kutouraya, kutenda kupi nokupi kungadai kwaiva nomunhu. (Jakobho 2:26) Muapostora Pauro akaona ngozi iyi paakanga achinyorera vaKristu vechiHebheru, vamwe vacho vakanga vapinda mumararamiro okunamata okungogara pasina zvavanoita. Ona kunyevera kwaakaita nezvokukanganisa kwazvaigona kuita kunamata kwavo. “Hama, chenjerai, nemhaka yokutyira kuti mune upi noupi wenyu mungamuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu; asi rambai muchirayirana zuva rimwe nerimwe, chero bedzi kunganzi ‘Nhasi,’ kutyira kuti mumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera rechivi.”—VaHebheru 3:12, 13.

Kuneta mupfungwa. Chimwe zvekare chinokonzera kuerekana warwara nomwoyo chaiwo kunyanya kuneta mupfungwa. Saizvozvowo, kuneta mupfungwa, kana kuti “kufunganya zvoupenyu,” kunogona kukanganisa zvikuru mwoyo wokufananidzira, kunyange kuita kuti munhu wacho arege kushumira Mwari zvachose. Saka zano raJesu munhau iyi rakakodzera nguva rokuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo seriva.” (Ruka 21:34, 35) Kuneta mupfungwa kunogonawo kukanganisa zvikuru mwoyo wedu wokufananidzira kana tichitambura nechivi chinoitwa pachivande kwenguva yakareba. Mambo Dhavhidhi akadzidza iye mbune marwadzo anobatanidzwa nokunetseka mupfungwa kwakadaro paakati: “Hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu. Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; zvinondiremera somutoro unorema.”—Pisarema 38:3, 4.

Kuzvivimba zvakanyanya. Vanhu vakawanda vakaerekana varwara nomwoyo vaivimba zvikuru noutano hwavo nguva shoma vasati varwara. Kakawanda, vaiona kuvhenekwa kana kuti kuongororwa navanachiremba sokusina basa kana kuti vaitoseka nezvakwo sokusina nebasa rose. Saizvozvowo, vamwe vangafunga kuti sezvo vave vari vaKristu kwenguva yakati kuti, hakuna chingaitika kwavari. Vangaona sezvisina basa kuti vaende kunovhenekwa kana kuti kuzviongorora pachavo utano hwavo hwokunamata kutozosvikira ngozi yaitika. Zvinokosha kuchengeta mundangariro zano rakanaka rokurega kuzvivimba zvakanyanya rakapiwa nomuapostora Pauro achiti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” Nzira youchenjeri ndeyokubvuma kusakwana kwedu uye kuzviongorora manamatire edu nguva nenguva.—1 VaKorinde 10:12; Zvirevo 28:14.

Usarega Zviratidzo Zvokunyevera Zvichipfuura

Magwaro ane chikonzero chakanaka chaanonyanya kukoshesera mamiriro akaita mwoyo wokufananidzira. Pana Jeremia 17:9, 10, tinoverenga kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva? Ini Jehovha ndinoziva mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.” Jehovha anoongorora mwoyo wedu uye anoitawo urongwa hworudo kuti atibatsire kuzviongorora sezvinodiwa.

Noku“muranda akatendeka, akangwara,” tinopiwa zviyeuchidzo panguva yakakodzera. (Mateu 24:45) Somuenzaniso, imwe nzira huru iyo mwoyo wedu wokufananidzira ungatinyengedza ndeyokutiita kuti tinyanyise kufunga zvinofadza pfungwa zvenyika. Izvozvi kufunga zvinhu zvisingafi zvakaitika, kurota masikati machena, nokungomberereka kwepfungwa. Izvi zvinogona kukuvadza zvikuru, kunyanya kana zvichiunza pfungwa dzisina kuchena. Nokudaro, tinofanira kusatombozviita zvachose. Kana tichivenga kusateerera mutemo sezvaiitwa naJesu, tichachengetedza mwoyo wedu kuti usabatikana mukufunga zvinhu zvenyika.—VaHebheru 1:8, 9.

Mukuwedzera, tine rubatsiro rwevakuru vane rudo muungano yechiKristu. Nepo zvichinzwisiswa kuti vamwe vane hanya nesu, mutoro wokutarisira mwoyo wedu wokufananidzira zvikurukuru uri patiri isu pachedu. Zviri kwatiri pachedu kuti tive “nechokwadi nezvinhu zvose” uye ‘kuramba tichiedza kana tiri mukutenda.’—1 VaTesaronika 5:21; 2 VaKorinde 13:5.

Chengetedza Mwoyo

Nheyo yeBhaibheri yokuti “zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa” inoshandawo pakuva noutano kwomwoyo wedu wokufananidzira. (VaGaratiya 6:7) Kakawanda kunoita sokuerekana munhu arega kunamata kunenge kwakonzerwa nokupindwa muropa nokuita zvimwe zvinhu zvinokanganisa kunamata muchivande kwenguva refu, zvakadai sokuona zvinonyadzisira, kunyanya kufunga nezvepfuma, kana kuti kuvavarira kuva nomukurumbira nesimba.

Saka kuti uchengete mwoyo, zvinokosha kuongorora zvaunodyisa pfungwa dzako. Dyisa pfungwa nomwoyo paShoko raMwari. Usadya kudya kwepfungwa kwenhando kunowanikwa pose pose uye kunofadza muviri asi kunongoguma nokuita kuti mwoyo wokufananidzira uve nhinhi. Munyori wepisarema anonyevera nomuenzaniso wakakodzera—wakarurama mune zvokurapa—unoti: ‘Mwoyo wavo hauchanzwi semafuta.’—Pisarema 119:70.

Kana pane zvitadzo zvaunoita pakavanda, edza nepaunogona kuzvirega zvisati zvavhara tsinga dzako dzokufananidzira. Kana nyika ikatanga kukwezva uye kuita seiri kupa zvakawanda mune zvemafaro nokunakidzwa, fungisisa zano rokuchenjera rakapiwa nomuapostora Pauro. Akanyora kuti: “Ndinotaura izvi, hama, kuti nguva yasara ipfupi. Kubvira zvino . . . vari kushandisa nyika [ngavaite] sevasiri kuishandisa zvizere; nokuti mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaKorinde 7:29-31) Uye, kana kuda kuwana pfuma kukatanga kukwezva, teerera mashoko aJobho anoti: “Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu, ndikati kundarama yakaisvonaka: ndinovimba newe. Nechinhu ichiwo chaiva chakaipa chinofanira kurohwa navatongi; nokuti ndinenge ndaramba Mwari uri kumusoro.”—Jobho 31:24, 28; Pisarema 62:10; 1 Timoti 6:9, 10.

Richienzanisira kuipa kwokuva nomuitiro wokusateerera zano reBhaibheri, iro rinonyevera kuti: “Munhu wakarayirwa kazhinji, achiwomesa mutsipa wake, uchaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.” (Zvirevo 29:1) Kusiyana neizvi, nokuchengetedza zvakanaka mwoyo wedu wokufananidzira, tinogona kuwana mufaro uye kugadzikana mupfungwa kunobva mukurarama upenyu huri nyore, hwakarongeka. Iyi ndiyo nzira yechiKristu yakagara ichikurudzirwa. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwe nokugutsikana, inzira inopfumisa zvikuru. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:6-8.

Hungu, kuzvidzidzisa uye kuzvirovedza munzira dzokuzvipira kuna Mwari kuchaita kuti tive nomwoyo wokufananidzira une utano uye wakasimba. Nokuramba tichingwaririra manamatire edu, tichashayisa mukana nzira dzenyika ino dzinokuvadza uye kufunga kunokonzera kukuvara kupi nokupi pakunamata kwedu. Kupfuura zvose, ngatigarei tichiongororwa mwoyo wedu wokufananidzira nguva nenguva kuburikidza nokubvuma zvatinopiwa naJehovha achishandisa sangano rake. Kuita kudaro nokushingaira kuchaita zvakawanda pakudzivisa migumisiro yakashata yokuerekana tarwara nomwoyo wokufananidzira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kuti uwane mamwe mashoko okuwedzera, tapota ona nyaya dzinotevedzana dzinoti “Hosha Yemwoyo—Chii Chingaitwa?” dziri mumagazini yeMukai! yaDecember 8, 1996, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

KUNAMATA KUSINA KUTSARUKANA KUNOGONA KUMISA KUROVA KWOMWOYO WOKUFANANIDZIRA KUNGOFANANA NEZVINOITA ZVOKUDYA CHAIZVO ZVINOOMESA TSINGA UYE KUKUVADZA MWOYO CHAIWO

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

KUNGOGARA USINA ZVAURI KUITA MUKUNAMATA KUNOGONA KUVA NEMIGUMISIRO YAKAIPA

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“KUFUNGANYA ZVOUPENYU” KUNOGONA KUKANGANISA ZVIKURU MWOYO WOKUFANANIDZIRA

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kuregeredza utano hwedu hwokunamata kunogona kutungamirira kumarwadzo makuru

[Mifananidzo iri papeji 13]

Kuita zvinhu zvokunamata zvakanaka kunochengetedza mwoyo wokufananidzira

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

AP Photo/David Longstreath