Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Wachaya Nhamba Dzisiri Idzo”

“Wachaya Nhamba Dzisiri Idzo”

Mushumo Wevazivisi voUmambo

“Wachaya Nhamba Dzisiri Idzo”

MUJOHANNESBURG, kuSouth Africa, Leslie naCaroline vaiita majana okupupura norunhare kuvanhu vaigara mumusha wevakura waisabvumirwa kuti vanhu vose vose vapinde. Vaiwana vanhu vashoma pamba uye kufarirwa kwemashoko avo echiKristu kwaiva kushoma, saka Caroline akakurudzirwa apo mumwe mukadzi akadavira.

“NdiMai B— here?” akabvunza kudaro Caroline.

“Aiwa, havasi,” rakadaro inzwi roushamwari, “Ndini Mai G—. Wachaya nhamba dzisiri idzo.”

Achinzwa ushamwari hwaive mumatauriro enzwi ravo, Caroline akati: “Zvakanaka, regai ndikutsanangurirei zvandanga ndichida kuudza Mai B—.” Akabva apfuurira kutaura nezvezvikomborero zvoUmambo hwaMwari huri kuuya. Urongwa hwokuti vapiwe bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? hwaitwa, Mai G— vakabvunza kuti: “Saka imi muri vechitendero chipi?”

“Tiri Zvapupu zvaJehovha,” Caroline akapindura kudaro.

“Aiwa, kwete chitendero ichocho! Handifungi kuti ndingada kukuonai.”

“Asika Mai G—,” akatsvetera achidaro Caroline, “kwemaminitsi 20 adarika, ndataura nemi tariro yakaisvonaka zvikuru, ndichitaura zvichibva muBhaibheri zvichaitwa noUmambo hwaMwari kune vanhu. Manga muchifara zvikuru kunzwa mashoko aya—kunyange kutonakidzwa—uye mada kuziva zvakawanda. Munomboziva chii nezveZvapupu zvaJehovha? Mukarwara munoenda kuna makanika here? Madii mandibvumira kukutaurirai zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha?”

Vambonyarara kwekanguva vakazopindura kuti: “Ndinofunga kuti makarurama. Mungaita zvakanaka mukauya. Asi zivai henyu kuti hamufi makanditendeutsa!”

“Mai. G—, handingambokutendeutsai kunyange kana ndaida,” akapindura kudaro Caroline. “Jehovha chete ndiye anogona kuita izvozvo.”

Kushanya kwokunosiya bhurocha racho kwakafamba zvakanaka, uye Mai G—(Betty) vakabvuma kuti vashanyirwe zvekare. Caroline paakadzoka, Betty akataura kuti akanga audza vamwe vakadzi vepatafura yaaidyira kuti akanga achiita kurukurirano neZvapupu zvaJehovha. “Kuita sei?” vakanga vabvunza vachisimudza maoko okuratidza kusazvifarira. “Vanhu ivavo havatombodaviri Jesu!”

Caroline akabva akurumidza kuyeuchidza Betty nezveimwe pfungwa huru yavakanga vapedzisira kukurukura pavaitaura nezvoUmambo hwaMwari.

“Ndiani achava Mambo?” Caroline akabvunza kudaro.

“Aa-a, handiti ndiJesu,” akapindura kudaro Betty.

“Ehe, ndizvozvo,” akadaro Caroline. Akabva aenderera mberi achitsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Jesu Mwanakomana waMwari, asi kuti haana kuenzana naMwari somumwe weVanamwari Vatatu.—Mako 13:32; Ruka 22:42; Johani 14:28.

Amushanyira kwenguva shoma, zvakava pachena kuti kunyange zvazvo aifarira, Betty akanga achitambura noutano husina kutsarukana. Kutaura zvazviri, akanga ane kenza uye aitya kufa. “Ndiri kukungura kuti dai ndakanzwa zvinhu izvi makore akadarika uye ndakava nokutenda kwenyu,” akataura kudaro. Caroline akamunyaradza nokumuratidza magwaro anotsanangura rufu sehope huru idzo munhu anogona kupepuka parumuko. (Johani 11:11, 25) Izvi zvaikurudzira kwazvo kuna Betty, uyo iye zvino anoitiswa chidzidzo cheBhaibheri chenguva dzose. Utano hwake husina kutsarukana ndihwo huri kumutadzisa bedzi kupinda misangano paImba yoUmambo.

Caroline anoti: “Zviri pachena kwandiri kuti ngirozi dziri kutungamirira basa iri. Betty akanga ari ‘nhamba isiri iyo,’ uye chimbofunga zvako, ane makore 89!—Zvakazarurwa 14:6.