Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Chaiye

Jesu Chaiye

Jesu Chaiye

AUDZWA nevadzidzi vake kuti vanhu vaifungei nezvake, Jesu akavabvunza kuti: “Asi imi, munoti ndini ani?” Evhangeri yaMateu ine mhinduro yomuapostora Petro yokuti: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateu 16:15, 16) Vamwe vaifungawo izvozvo. Natanaeri, uyo akazova mumwe wevaapostora, akaudza Jesu kuti: “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Mambo waIsraeri.” (Johani 1:49) Jesu pachake akataura nezvokukosha kwebasa rake achiti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Panhambo dzakasiyana-siyana, akataura kuti akanga ari “Mwanakomana waMwari.” (Johani 5:24, 25; 11:4) Akatsigira izvi nokuita mabasa anoshamisa, kunyange kumutsa vakafa.

Pane Chikonzero Chakanaka Chokusava Nechokwadi Here?

Asi tinogona kuva nechivimbo here nezvinotaurwa neEvhangeri maererano naJesu? Dzinotaura nezvaJesu chaiye here? Mushakabvu Frederick F. Bruce, purofesa wokutsoropodza Bhaibheri paUniversity of Manchester, England, akati: “Kazhinji hazvisi nyore kuratidza kuburikidza nezvakaitika kare uchokwadi hwezvose zvakanyorwa kare, zvingava zvomuBhaibheri kana kuti kwete. Zvakakwana kuva nechivimbo chakati kuti mune chokwadi chakanyorwa nomunhu; kana chiripo, pane uchokwadi huripo pane zvaanenge akanyora. . . . Izvi zvakada kungofanana nezviri muTestamende Itsva nokuti vaKristu vanobvuma kuti mabhuku ‘anoyera.’”

Aongorora mibvunzo inobvunzwa pamusoro paJesu muEvhangeri, James R. Edwards, purofesa wezvechitendero paJamestown College, North Dakota, U.S.A., akanyora kuti: “Tinogona kutaura nechivimbo kuti Evhangeri dzine uchapupu hwakawanda uye hwakasiyana-siyana hwechokwadi pamusoro paJesu. . . . Mhinduro ine musoro chaizvo kumubvunzo wokuti nei Evhangeri dzichitaura nezvaJesu sezvadzinoita ndeyokuti ndizvo zvakanga zvakangoita Jesu. Evhangeri dzakachengeta nokutendeka zvakaramba zvichiyeukwa nevateveri vake, kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti akanga apiwa simba kuti ave Mwanakomana waMwari uye Mushumiri.” *

Kutsvaka Jesu

Zvakadini nemamwe mabhuku asiri Bhaibheri anotaura nezvaJesu Kristu? Anoongororwa sei? Mabhuku aTacitus, Suetonius, Josephus, Pliny Muduku uye edzimwe nyanzvi dzokunyora shomanana anotaura kanoverengeka nezvaJesu. Nezvawo, The New Encyclopædia Britannica (1995) inoti: “Mabhuku aya anoratidza kuti kare kunyange vavengi vechiKristu havana kumboramba kuti Jesu akanga ariko, izvo zvakatanga kurambwa pakunopera kwezana remakore rechi18, muzana remakore rechi19 uye mukuvamba kwezana remakore rechi20.”

Zvinosuruvarisa kuti vamwe vakadzidza vemazuva ano, vachiedza kuwana Jesu “chaiye” kana kuti Jesu anotaurwa “munhau,” vanenge vakatoita kuti asakwanisa kuzivikanwa nemhaka yokufungidzira kwavo kusina musoro uye kutaura kusina basa. Nemamwe mashoko, ivo ndivo vane mhaka yokutanga ngano dzisinganzwisisiki dzavanopomera zvenhema vanyori veEvhangeri. Vamwe vanoda chaizvo kukudziridza mukurumbira wavo pachavo uye kuita kuti mazita avo ave mberi apo vanotanga mashoko matsva zvokuti vanotadza kuongorora nomwoyo wose uchapupu pamusoro paJesu. Vachiita izvi, vanogadzira “Jesu” akangofanana nengano dzevazivi.

Kune vaya vanoda kumuwana, Jesu chaiye anogona kuwanwa muBhaibheri. Luke Johnson, purofesa weTestamende Itsva uye Mavambo echiKristu paCandler School of Theology paEmory University, anoti kutsvaka nezvaJesu kwakawanda kunosiya zvinotaurwa neBhaibheri. Anoti zvingava zvinofadza kuongorora kugarisana kwakanga kwakaita vanhu, zvematongerwe enyika uye tsika dzaiva panguva yakararama Jesu. Asi, anowedzera kuti kuwana chinonzi nevakadzidza Jesu wenhau “hakusiriko kunonyanya kudzidziswa neMagwaro,” ayo ane “basa nokutsanangura unhu hwaJesu,” mashoko ake, uye basa rake soMudzikinuri. Saka unhu hwaJesu hwakanga hwakadini chaizvo, uye aitaura nezvei?

Jesu Chaiye

Evhangeri—mabhuku mana eBhaibheri pamusoro poupenyu hwaJesu—anoratidza munhu akanga ane tsitsi zvikuru. Tsitsi uye tsiye nyoro zvakaita kuti Jesu ade kubatsira vanhu vakanga vachitambura nezvirwere, upofu, uye mamwe matenda. (Mateu 9:36; 14:14; 20:34) Rufu rweshamwari yake Razaro uye kurwadza kwarwakaita hanzvadzi dzaRazaro zvakaita kuti Jesu ‘agomere uye asvimhe misodzi.’ (Johani 11:32-36) Evhangeri dzinotoratidza kuti Jesu ainzwa sei—kunzwira urombo munhu akanga ane maperembudzi, kufarira kubudirira kwevadzidzi vake, kushatirwa apo vanhu vaida kuomerera pamutemo, uye kusuruvara nemhaka yokuti Jerusarema rakaramba Mesiya.

Apo Jesu aiita chishamiso, aiwanzotaura nezvezvaiitwawo nomunhu wacho kuti izvi zviitike achiti: “Kutenda kwako kwakuporesa.” (Mateu 9:22) Akarumbidza Natanaeri achiti akanga ari “muIsraeri zvechokwadi,” achiti: “Maari hamuna kunyengera.” (Johani 1:47) Apo vamwe vakafunga kuti chipo chakapiwa nomukadzi aida kutenda Jesu chakanga chiri chemaoresa, Jesu akamudzivirira uye akati nokuda kworupo rwake, aizoramba achiyeukwa. (Mateu 26:6-13) Akaratidza kuti akanga ari shamwari chaiyo uye akanzwira tsitsi vateveri vake, ‘achivada kusvika kumugumo.’—Johani 13:1; 15:11-15.

Evhangeri dzinoratidzawo kuti Jesu akanga asingatani kuwirirana nevanhu vaakanga achisangana navo. Angave aitaura nomukadzi patsime, mutungamiriri wechitendero mubindu, kana kuti mubati wehove pamhenderekedzo yegungwa, ainanga pamwoyo pavo chaipo. Pashure pemashoko okutanga aJesu, vazhinji vevanhu ava vaimuudza zvakanga zviri kutsi kwemwoyo yavo. Aiita kuti vanzwe vari pedyo naye. Kunyange zvazvo vanhu vepanguva yake vakanga vasingadyidzani nevakuru vakuru, vanhu vaitoita zvokumomotera Jesu. Vaida kuva naJesu; vainzwa kudekara kana vari pedyo naye. Vana vainzwa hana kugadzikana kana vainaye, uye paaishandisa mwana somuenzaniso, haana kungomisa mwana wacho mberi kwevadzidzi vake asi kuti “akamufungatira.” (Mako 9:36; 10:13-16) Chokwadi, Evhangeri dzinoratidza kuti Jesu akanga ari munhu aikwanisa kubata vanhu nemashoko ake zvokuti vanhu vakagara kwemazuva matatu kuti vangonzwa mashoko ake ainakidza.—Mateu 15:32.

Kukwana kwaJesu hakuna kumuita kuti anyanye kutsoropodza kana kuti kufunga kuti iye anokosha kupfuura vakanga vasina kukwana, vanhu vakanga vane zvivi vaairarama navo uye vaaiparidzira. (Mateu 9:10-13; 21:31, 32; Ruka 7:36-48; 15:1-32; 18:9-14) Jesu akanga asingarayiri vanhu kuita zvinhu. Haana kuwedzera mimwe mikwende pavanhu. Pane kudaro, akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma . . . Ndichakuzorodzai.” Vadzidzi vake vakaona kuti akanga ari “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo”; joko rake rakanga rine mutsa, uye mutoro wake waiva wakareruka.—Mateu 11:28-30.

Unhu hwaJesu hunoratidzwa munhoroondo dzeEvhangeri sezvahuri chaizvo. Zvaisazova nyore kuti vanhu vana varangane kunyora nezvomumwe munhu ane unhu husina vazhinji kwava kutaura nezvake zvakafanana munyaya ina dzakasiyana. Zvinenge zvisingabviri kuti vanyori vana vatsanangure munhu mumwe chete kwava kubudisa chinhu chimwe chete dai munhu iyeye asina kurarama zvechokwadi.

Munyori wenhau dzakaitika kare anonzi Michael Grant akabvunza mubvunzo unokurudzira kufunga wokuti: “Nei zvakadaro kuti munhoroondo dzose dziri ina dzeEvhangeri, panobuda mumwe mufananidzo wakaisvonaka womurume akanaka chaizvo achishamwaridzana zvakasununguka nevakadzi vemarudzi ose, kusanganisira vaya vaiva nomukurumbira wakanyatsoshata, pasingambooneka kapfungwa kokuda kuita zvakaipa navo, asi uku achikwanisa kuramba aine tsika dzakanaka? Mhinduro ine musoro ndeyokuti munhu iyeye akararama uye akaita sezvinotaurwa neBhaibheri.

Jesu Chaiye Neremangwana Rako

Kuwedzera pakurondedzera zvakanga zvakaita Jesu paakanga ari pasi pano, Bhaibheri rinoratidza kuti akamborarama asati ava munhu ari Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, “dangwe rezvisikwa zvose.” (VaKorose 1:15) Makore 2 000 apfuura, Mwari akatamisira upenyu hweMwanakomana wake wokudenga munhumbu yemhandara yechiJudha kuti aberekwe somunhu. (Mateu 1:18) Panguva youshumiri hwake pasi pano, Jesu akazivisa Umambo hwaMwari kuti ndiyo tariro chete yevanhu vari kutambudzika, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuti vapfuurire mberi nebasa iri rokuparidza.—Mateu 4:17; 10:5-7; 28:19, 20.

Musi waNisani 14 (pedyo nomusi waApril 1), 33 C.E., Jesu akasungwa, akatongwa, akapiwa mutongo wake, uye akaurayiwa nemhosva yokunyeperwa yokupandukira hurumende. (Mateu 26:18-20, Mt 26:48–27:50) Rufu rwaJesu runoshanda kudzikinura, kusunungura vanhu vanotenda kubva pakutadza kwavo uye ruchiita kuti vakwanise kuwana upenyu husingagumi kune vaya vanotenda maari. (VaRoma 3:23, 24; 1 Johani 2:2) Musi waNisani 16, Jesu akamutswa, uye pashure penguva pfupi akadzokera kudenga. (Mako 16:1-8; Ruka 24:50-53; Mabasa 1:6-9) Ari Mambo akagadzwa waMwari, Jesu akamutswa ane simba rakakwana rokuita zvaidiwa naMwari pakutanga nokuda kwomunhu. (Isaya 9:6, 7; Ruka 1:32, 33) Hungu, Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu ndiye anoita basa guru pazvinangwa zvaMwari.

Muzana remakore rokutanga, mapoka evanhu akabvuma Jesu sezvaari—Mesiya akapikirwa, kana kuti Kristu, akatumwa kuzoreverera uchangamire hwaJehovha uye kufa kuti adzikinure vanhu. (Mateu 20:28; Ruka 2:25-32; Johani 17:25, 26; 18:37) Vachitambudzwa zvakaomarara, vanhu vaisazobvuma kuda kuva vadzidzi vaJesu dai vakanga vasina chokwadi chokuti iye ndiani. Noushingi uye nokushingaira, vakaita basa raakavapa, kuita “vanhu vamarudzi ose vadzidzi.”—Mateu 28:19.

Nhasi, mamiriyoni evaKristu vepachokwadi uye vakadzidziswa vanoziva kuti Jesu haasi munhu womungano. Vanobvuma kuti iye ndiye Mambo woUmambo hwaMwari hwakagadzwa kudenga, ava kuda kutonga zvinhu zvose zviri kuitika pasi pano. Iyi hurumende yaMwari mashoko akanaka nokuti inovimbisa rusununguko kubva kumatambudziko enyika. VaKristu vechokwadi vanoratidza kutsigira kwavo kwokuvimbika Mambo akasarudzwa naJehovha kuburikidza nokuzivisa “aya mashoko akanaka oumambo” kune vamwe.—Mateu 24:14.

Vaya vanotsigira urongwa hwoUmambo kuburikidza naKristu, Mwanakomana waMwari mupenyu, vachararama kuti vave nezvikomborero zvisingagumi. Iwewo unogona kuwana zvikomborero izvi! Vabudisi vemagazini ino vachafara kukubatsira kuziva Jesu chaiye.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kuti uwane mashoko ane udzame pamusoro penhoroondo dzeEvhangeri, ona zvitsauko 5 kusvika ku7 zvebhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Zvakataurwa Nevamwe

“Ndinofunga kuti Jesu wokuNazareta ndiye mumwe wevadzidzisi vane simba zvikuru vati vamborarama panyika. . . . KuvaHindu ndinoti upenyu hwenyu hunenge husina kukwana kunze kwokunge madzidza nomwoyo wose zvakadzidziswa naJesu.”—Mohandas K. Gandhi, The Message of Jesus Christ.

“Munhu ane unhu hwake oga, hwakakwana, husingachinji, hune tsiye nyoro uye hwakanaka kukunda hwevamwe vanhu vose, asina unyengeri kana kuti kunyepedzera. . . . Hazvigoni kuti Jesu uyu ave munhu wengano.”—Philip Schaff, History of the Christian Church.

“Kuti varume vashomanana vakakwanisa muchizvarwa chimwe chete kuumba munhu ane unhu hwakaisvonaka zvikuru zvakadaro, hwakakwirira uye hunoratidza ukama hwevanhu, chingava chishamiso chakakura kudarika chishamiso chipi nechipi chakanyorwa muEvhangeri.”—Will Durant, Caesar and Christ.

“Zvinoita sezvisingabviri kuti sangano rechitendero riri pasi pose ringava rakatangwa nomunhu asina kurarama akaita zvokufungidzirwa, kungava kwakafanana nokutaura kuti kare kwakanga kune nzira dzokushambadzira zvinhu dzinobudirira, kana tichitarisa kuti vanhu vakawanda sei vakaedza kutanga zvitendero zvavo pasina kwazvakasvika.”—Gregg Easterbrook, Beside Still Waters.

‘Ini ndiri munhu anodzidza zvakaitika kare uye ndine chokwadi chokuti zvose zvakanyorwa muEvhangeri hadzisi ngano. Hazvisizvo zvakaita ngano. Hatizivi zvakawanda nezvoupenyu hwaJesu, uye hapana vanhu vanenge vachitanga ngano vangaita izvozvo.’—C. S. Lewis, God in the Dock.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Evhangeri dzinoratidza manzwire akasiyana-siyana aiita Jesu