Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mudzimai wechiKristu angaratidza sei kuvimbika kuna Mwari zvose nokuzviisa pasi pomurume wake kana murume wacho achichengeta mazororo echitendero?

Kuti adaro zvichada uchenjeri nounyanzvi. Asi ari kuita zvakarurama kana achiedza kuita zvose zviri zviviri zvakaenzana. Jesu akapa zano nezvemamiriro ezvinhu akangofanana neaya achiti: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateu 22:21) Ichokwadi kuti apa aitaura nezvemitoro kudzihurumende, kwakazoudzwa vaKristu pava paya kuti vazviise pasi. (VaRoma 13:1) Kunyange zvakadaro, zano rake rinogona kushanda pakuenzanisa kwomudzimai mitoro yake kuna Mwari uye kuzviisa pasi pomurume wake kunotaurwa neMagwaro, kunyange kana murume wacho asiri mutendi.

Hapana munhu anoziva Bhaibheri anoramba kusimbisa kwarinoita kuti mutoro wokutanga womuKristu uri kuna Mwari Wemasimba Ose, kuva akatendeka kwaari nguva dzose. (Mabasa 5:29) Kunyange zvakadaro, mumamiriro ezvinhu akawanda munamati wechokwadi anobvumawo zvinokumbirwa nomumwe munhu asingatendi kana aine simba pamusoro pake ukuwo asingaputsi mitemo yaMwari inokosha.

Tinowana muenzaniso unodzidzisa muvaHebheru vatatu, sokurondedzerwa kwakaitwa muna Dhanieri chitsauko 3. Mukuru wavo wehurumende, Nebhukadhinezari, akatema kuti ivo nevamwe vauye kubani reDhura. Vachiziva kuti kwakanga kwakarongwa kunamata kwenhema, vaHebheru ivavo vatatu vaizodai vakasarudza zvavo kusaendako. Zvichida Dhanieri akakwanisa kukumbira kuti asavako, asi ava vatatu havana kukwanisa. * Saka vakabvuma kusvikapo zvavo, asi vakanga vasingazobatanidzwi mukuita chinhu chipi zvacho chisina kururama—uye havana kudaro.—Dhanieri 3:1-18.

Saizvozvowo, munguva dzemazororo murume asingatendi angakumbira kana kurayira mudzimai wake wechiKristu kuita chimwe chinhu chaasingafaniri kuita. Funga nezvemimwe mienzaniso: Anomuudza kuti abike chimwe chokudya pazuva raachapemberera nevamwe rimwe zororo. Kana kuti anorayira kuti mhuri (kusanganisira mudzimai wake) ishanyire hama dzomurume pazuva iroro kunodya kana kuti kungonotandara. Kana kuti kunyange zororo racho risati rasvika, angati mudzimai wake paanenge aenda kunotenga, anofanira kumutengera zvimwe zvinhu—zvokudya zvinongodyiwa pazororo iroro chete, zvinhu zvokupa sezvipo, kana kuti mapepa okuputirisa zvipo uye makadhi okupa pamwe chete nezvipo zvake.

Uyezve, mudzimai wacho wechiKristu anofanira kutsunga kusabatanidzwa muzviito zvechitendero chenhema, asi zvakadini nokukumbirwa kwakadaro? Ndiye musoro wemhuri, uye Shoko raMwari rinoti: “Imi vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.” (VaKorose 3:18) Munyaya idzi, anogona here kuratidza kuzviisa pasi kwomudzimai akavimbika kuna Mwari? Anofanira kusarudza kudzikamisa kuteerera murume wake nokuteerera kwake Jehovha kupfuura zvimwe zvose.

Pane dzimwe nguva, murume wake angamukumbira kubika chimwe chokudya, chingava chaanodisisa kana kuti chaakajaira kudya pane imwe nguva yegore. Achada kumuratidza rudo uye kuti anoziva kuti ndiye musoro. Angadaro here kunyange kana murume wacho akamukumbira pachiitiko chezororo? Mamwe madzimai echiKristu angagona kudaro nehana yakanaka, achingoutora somutoro wenguva dzose wokubika zvokudya zvezuva nezuva. Zvechokwadi hapana muKristu akatendeka angada kuzviita kuti zvive nechokuita nezororo, kunyange kana murume wake achidaro. Saizvozvowo, murume wacho angada kuti vave vose paanoshanyira hama dzake panguva dzakasiyana-siyana mwedzi nomwedzi kana kuti gore negore. Angadaro here kunyange kana riri zuva rezororo? Kana kuti angada here kutenga zvinhu zvaanenge akumbira, asingaswerozvinetsa kuti murume wacho ari kuda kuitei nezvinhu zvaanenge anomutengera?

Zviri pachena kuti mudzimai wechiKristu anofanira kufunga nezvevamwe—kuti zvichaita kuti vanzwe sei. (VaFiripi 2:4) Achada kusapa pfungwa yokuti ane chokuita nezororo racho, sezvingava zvakasarudza kuitwa nevaHebheru vatatu kuti vasaonekwa vachienda kubani reDhura. Saka angakurukura nokuchenjera nomurume wake kuti aone kana angadawo kufunga nezvemanzwiro ake ozvitengera oga zvimwe zvinhu zvine chokuita nemazororo kuti afadzewo mudzimai anomuda uye anomuremekedza. Murume wacho angatoona kuri kuchenjera kuita kuti vasava mumamiriro ezvinhu anogona kunyadzisa okunge mudzimai aramba kuita zvinhu zvechitendero chenhema. Hungu, kufanotaura zvakadzikama nguva ichiripo kungapedza chinetso murunyararo.—Zvirevo 22:3.

Pakupedzisira tochiti, muKristu akatendeka anofanira kuongorora zviripo zvose osarudza zvokuita. Kuteerera Mwari kunofanira kuuya pakutanga, sezvakaitwa nevaHebheru vaya vatatu. (1 VaKorinde 10:31) Asi achiziva izvozvo, munhu wacho anofanira kusarudza asingangobvuma zvose zvose, kuti zvinhu zvipi zvaangaita kana akumbirwa nomunhu ane simba pamusoro pake kana kuti munzanga.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaAugust 1, 2001.