Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mudzidze Kwandiri”

“Mudzidze Kwandiri”

“Mudzidze Kwandiri”

“Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu.”—MATEU 11:29.

1. Nei kudzidza kubva kuna Jesu kuchigona kuva kunofadza uye kunopa mubayiro?

JESU KRISTU aifunga, aidzidzisa, uye aiita zvakakodzera nguva dzose. Nguva yake pasi pano yakanga iri pfupi, asi akaita basa raipa mubayiro uye raifadza, uye akaramba achifara. Akaunganidza vadzidzi uye akavadzidzisa nzira yokunamata nayo Mwari, kuda vanhu, uye kukunda nyika. (Johani 16:33) Akazadza mwoyo yavo netariro uye “akavheneka paupenyu nokusaora nemashoko akanaka.” (2 Timoti 1:10) Kana uri mumwe wevadzidzi vake, unofunga kuti kuva mudzidzi zvinoreva chii? Tichifunga zvakataurwa naJesu nezvevadzidzi, tinogona kudzidza kuva nezvakawanda muupenyu hwedu. Izvi zvinosanganisira kuva nepfungwa dzakaita sedzake uye kushandisa mashoko anokosha chaizvo.—Mateu 10:24, 25; Ruka 14:26, 27; Johani 8:31, 32; 13:35; 15:8.

2, 3. (a) Mudzidzi waJesu chii? (b) Nei zvichikosha kuzvibvunza pachedu kuti, ‘Ndiri mudzidzi waani?’

2 MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rinoshandurwa kuti “mudzidzi” chaizvoizvo rinoreva munhu anoisa pfungwa dzake pane chimwe chinhu, kana kuti munhu anodzidza. Shoko rakada kufanana naro rinowanika murugwaro rwedu ruri kutungamirira, Mateu 11:29, runoti: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu.” Hungu, mudzidzi munhu anodzidza. Kakawanda Evhangeri dzinoshandisa shoko rokuti “mudzidzi” richireva vateveri vaJesu vapedyo, vakafamba naye paaiparidza uye vakarayiridzwa naye. Vamwe vanhu vangave vakangogamuchira zvaidzidziswa naJesu, vachizviita kunyange muchivande. (Ruka 6:17; Johani 19:38) Vanyori veEvhangeri vakataurawo nezve“vadzidzi vaJohani [Mubhabhatidzi] uye vadzidzi vevaFarisi.” (Mako 2:18) Sezvo Jesu akanyevera vateveri vake ‘kungwarira dzidziso yevaFarisi,’ tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri mudzidzi waani?’—Mateu 16:12.

3 Kana tiri vadzidzi vaJesu, kana takadzidziswa naye, saka vamwe vanofanira kunzwa vazorodzwa mumudzimu kana tiripo. Vanofanira kuona kuti tava vanhu vanyoro uye vanozvininipisa mumwoyo. Kana tiri vakuru kubasa kwedu, kana tiri vabereki, kana kuti tiine mabasa okufudza muungano yechiKristu, vaya vatinotarisira vanonzwa here kuti tinovabata sezvaiita Jesu vaya vaaitarisira?

Kubata Kwaiita Jesu Nevanhu

4, 5. (a) Nei zvisina kuoma kuona nzira iyo Jesu akanga achibata nayo nevanhu vakanga vane zvinovanetsa? (b) Chii chakaitika kuna Jesu paakanga ari mumusha womuFarisi?

4 Tinofanira kuziva kuti Jesu aibata sei nevanhu, kunyanya vaya vakanga vane zvinetso zvakakomba. Izvozvo hazvifaniri kuva zvakaoma kudzidza; Bhaibheri rine mishumo yakawanda yokubata kwaiita Jesu nevamwe, vamwe vacho vakanga vane zvaivanetsa. Ngationeiwo kuti vatungamiriri vechitendero, kunyanya vaFarisi, vaibata sei vanhu vakanga vane zvinetso zvakaita saizvozvo. Musiyano wacho uchatipa ruzivo.

5 Mugore ra31 C.E., apo Jesu akanga ari parwendo rwokuparidza muGarireya, “mumwe wevaFarisi akaramba achimukumbira kuti azodya naye.” Jesu aisaramba kukokwa. “Naizvozvo akapinda mumba momuFarisi wacho akatsenhama patafura. Uye, tarira! mumwe mukadzi aizivikanwa muguta kuva munhu anoita zvivi akaziva kuti akanga akatsenhama achidya mumba momuFarisi wacho, akaunza chinu chemafuta anonhuhwirira, zvino, achienda pedyo netsoka dzake, akachema akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake achizodzipukuta nebvudzi romusoro wake. Uyewo, akatsvoda zvinyoronyoro tsoka dzake akadzizora mafuta anonhuhwirira.”—Ruka 7:36-38.

6. Nei mukadzi aiva “munhu anoita zvivi” akanga ari pamusha womuFarisi?

6 Ungafungidzira izvozvo here? Rimwe bhuku rinoti: “Mukadzi wacho (v.37) akatoti dzawira mutswanda sezvo zvaitenderwa netsika kuti varombo vaende panzvimbo dzakadaro kuti vawane zvimwe zvinenge zvasara.” Izvi zvingabva zvajekesa kuti nei munhu aikwanisa kupinda asina kukokwa. Panogona kunge paine vamwe vaitarisira kukokota zvinenge zvasara vanhu vapedza kudya. Zvisinei, zvakaitwa nomukadzi uyu zvakanga zvisingawanzoitiki. Haana kungotarisa ari kure, achimirira kuti vanhu vapedze kudya. Akanga ane mukurumbira wakashata chaizvo, ari “munhu anoita zvivi” anozivikanwa, zvokuti Jesu akati aiziva “zvivi zvake, kunyange [zvakanga] zvakawanda.”—Ruka 7:47.

7, 8. (a) Tingadai takaita sei mumamiriro ezvinhu akadai seanoshumwa pana Ruka 7:36-38? (b) Simoni akaita sei?

7 Zvifungidzire uchirarama panguva iyoyo uriwe Jesu. Ungadai wakaita sei? Ungadai wakanzwa wanyadziswa here apo mukadzi uyu aisvika kwauri? Izvi zvaizoita kuti unzwe sei? (Ruka 7:45) Ungadai wakasemeswa here?

8 Dai wakanga uri mumwe wevaenzi, ungadai wakavawo nekapfungwa sekaiva naSimoni muFarisi here? “MuFarisi akakoka Jesu paakazviona akati mumwoyo make: ‘Kudai munhu uyu aiva muprofita, aizoziva kuti mukadzi uyu ari kumubata ndiani uye kuti akadini, kuti munhu anoita zvivi.’” (Ruka 7:39) Kusiyana neizvi, Jesu akanga ari munhu ane tsitsi zvikuru. Akanzwisisa nhamo yomukadzi wacho uye akaziva kunetseka kwaakanga achiita. Hatiudzwi kuti chii chakaita kuti aite upenyu hwezvivi. Kana chiri chokwadi kuti akanga ari pfambi, zviri pachena kuti varume veguta, vaJudha vakazvipira, vakanga vasina kumubatsira.

9. Jesu akapindura sei, uye izvi zvingadaro zvakaguma nei?

9 Asi Jesu aida kumubatsira. Akati kwaari: “Zvivi zvako zvakanganwirwa.” Uye akabva awedzera kuti: “Kutenda kwako kwakuponesa, enda hako norugare.” (Ruka 7:48-50) Apa ndipo panoperera nhoroondo yacho. Mumwe munhu angati Jesu haana zvaakaita kubatsira mukadzi wacho. Chaizvoizvo, akamuendesa amupa chikomborero. Unofunga kuti akadzokera kumararamiro ake ekare anosiririsa here? Nepo tisingakwanisi kutaura zvazviri, tarisa zvinotevera kutaurwa naRuka. Anoti Jesu akafamba “muguta neguta uye musha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo.” Ruka anotaurawo kuti “vamwe vakadzi” vakanga vana Jesu nevadzidzi, “vachivashumira nezvinhu [zvevakadzi vacho].” Hatigoni kuramba mukana uripo wokuti zvichida mukadzi uyu akapfidza uye achifara ari pakati pavo, achiita basa rinokudza Mwari nehana yakachena, ava nechinangwa muupenyu, kuda kwake Mwari kwawedzera.—Ruka 8:1-3.

Kusiyana kwaJesu nevaFarisi

10. Nei zvichibatsira kufunga nezvenhoroondo yaJesu nomukadzi pamba paSimoni?

10 Tingadzidza chii kubva munhoroondo iyi yakajeka zvikuru? Inozunungutsa mwoyo yedu, handizvo here? Zvifungidzire uri mumba maSimoni. Waizonzwa sei? Ungaita sezvakaitwa naJesu here, kana kuti ungati inzwei sezvakaitwa nomuFarisi akamukoka? Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, saka hatigoni kunzwa uye kuita chaizvo sezvaakaita. Kune rimwe divi, tingasada kufunga kuti takafanana naSimoni, muFarisi. Vashoma vangada kunzi vaFarisi.

11. Nei tingasada kuiswa muchikwata chimwe chete nevaFarisi?

11 Kubva mukudzidza Bhaibheri uye mabhuku okunyika, tinogona kuguma tati vaFarisi vainyanya kuzvifunga pachavo vachifunga kuti ndivo vaitarisira vanhu vose zvavo. Vakanga vasingagutsikani kuti Mutemo waMwari wakanga wakajeka chaizvo uye kuti waiva nyore kunzwisisa. Pose paiita sokuti Mutemo wakanga usina kuvajekera, vakaedza kuvhara maburi aiita searipo nemitemo yaiita kuti munhu asashandise hana yake. Vatungamiriri vechitendero ava vakaedza kugadzira tumitemo twaidzora mararamiro ose, kunyange tunhu tusina nebasa. *

12. VaFarisi vaizviona sevanhu vorudzii?

12 Munyori wenhau womuzana remakore rokutanga Josephus anozivisa pachena kuti vaFarisi vakanga vachizviti vanhu vane mutsa, vakanaka, vane ruramisiro, uye ndivo vainyatsokodzera basa ravaiita. Pasina mubvunzo vamwe vavo vakaedza chaizvo kuti vadaro. Ungafunga nezvaNikodhimo. (Johani 3:1, 2; 7:50, 51) Mushure menguva, vamwe vavo vakagamuchira nzira yechokwadi. (Mabasa 15:5) Muapostora wechiKristu Pauro akanyora nezvevamwe vaJudha, vakadai sevaFarisi, achiti: “Vanoshingairira Mwari; asi kwete maererano nezivo yakarurama.” (VaRoma 10:2) Zvisinei, Evhangeri dzinotaura nezvavo sokuona kwazvakaitwa nevanhu vose—kudada, utsinye, kuzviruramisa, kutsoropodza, kutongesa uye kushora vamwe.

Maonero aJesu

13. Jesu akati chii nezvevaFarisi?

13 Jesu akashora vanyori nevaFarisi achiti vakanga vari vanyengeri. “Vanosunga mitoro inorema vachiisa pamapfudzi evanhu, asi ivo havadi kuitseketudza nomunwe wavo.” Hungu, mutoro wacho wakanga uchirema, uye joko rakanga richiiswa pavanhu rakanga richirema. Jesu akapfuurira kutaura kuti vanyori nevaFarisi vakanga vari “mapenzi.” Benzi rinonetsa munharaunda. Jesu akatiwo vanyori nevaFarisi vakanga vari “mapofu” uye akataura kuti vakanga ‘varega nhau dzakakomba zvikuru dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni nokutendeka.’ Ndiani angada kufungwa naJesu somuFarisi?—Mateu 23:1-4, 16, 17, 23.

14, 15. (a) Kubata kwakaita Jesu naMateu Revhi kunoratidza chii nezvenzira dzevaFarisi? (b) Chidzidzo chipi chinokosha chatinogona kudzidza kubva mune izvi?

14 Munhu upi zvake anoverenga nezveEvhangeri anogona kuona kuoma kwakanga kwakaita vazhinji vevaFarisi. Pashure pokunge Jesu akoka Mateu Revhi, muteresi, kuti ave mudzidzi, Revhi akamugadzirira mutambo mukuru wokumugamuchira. Nhoroondo yacho inoti: “Ipapo vaFarisi nevanyori vavo vakatanga kugunun’unira vadzidzi vake, vachiti: ‘Nei muchidya nokunwa nevateresi nevanhu vanoita zvivi?’ Jesu akavapindura akati: ‘. . . Ndakauya kuzodana, kwete vanhu vakarurama, asi vanoita zvivi kuti vatendeuke.’—Ruka 5:27-32.

15 Revhi pachake akakoshesa chimwe chinhu icho Jesu akataura pachiitiko ichi, chokuti: “Endai, ipapo, mudzidze kuti izvi zvinorevei, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’” (Mateu 9:13) Kunyange zvazvo vaFarisi vaizviti vanotenda zvakanyorwa nevaprofita vechiHebheru, havana kugamuchira mashoko aya ari muna Hosea 6:6. Ivo chavaiti kutadza kukundikana kuteerera mutemo netsika dzavo. Mumwe nomumwe wedu angazvibvunza kuti, ‘Ndine mukurumbira wokuva nemitemo yakaoma isingachinji here, yakadai seiya inenge ichibva mumusoro mangu kana kuti zvinotaurwa nevakawanda kuti ndizvo zvakanaka? Kana kuti vanhu vakawanda vanondiona somunhu ane tsitsi uye ane mutsa here?’

16. VaFarisi vaiita sei, uye tingarega sei kufanana navo?

16 VaFarisi vaingogara vachitsvakira vanhu mhosva chete. Vaitsvaka zvikanganiso zvose—chaizvo kana kuti zvokufungidzira. Vaiita kuti vanhu vagare vakagadzirira kuzvidzivirira pane zvavanenge vapomerwa uye kuvayeuchidza zvavanenge vakanganisa. VaFarisi vaidada nokuti vakanga vachikwanisa kubvisa chegumi chetumiti tuduku zvikuru, twakadai semindi, dhiri nekumini. Vairatidzira kururama kwavo nemapfekero avo uye vaiedza kutungamirira rudzi. Zvechokwadi, kana zvatinoita zvichizowirirana nomuenzaniso waJesu, tinofanira kurega kunyanya kutsvaka nguva dzose zvikanganiso zvevamwe.

Jesu Akapedza Sei Zvinetso?

17-19. (a) Tsanangura kuti Jesu akabata sei nemamiriro ezvinhu angadai akaipa chaizvo. (b) Chii chakaita kuti zvinhu zvinetse uye zvive zvisingafadzi? (c) Dai wakanga uripo apo mukadzi wacho akasvika pana Jesu, ungadai wakaita sei?

17 Nzira yaJesu yokupedza nayo zvinetso yakanga yakasiyana zvachose neyevaFarisi. Ona kuti Jesu akaita sei pamamiriro ezvinhu angadai akaipa chaizvo. Izvi zvakaitika paaiva nomukadzi akanga achibuda ropa kwemakore 12. Unogona kuverenga nhoroondo yacho pana Ruka 8:42-48.

18 Nhoroondo yaMako inoti mukadzi wacho akanga “achitya uye achidedera.” (Mako 5:33) Nemhaka yei? Pasina mubvunzo nokuti aiziva kuti akanga atyora Mutemo waMwari. Maererano naRevhitiko 15:25-28, mukadzi akanga achibuda ropa akanga asina kuchena kusvikira ropa racho ramira, kwava kuwedzera vhiki pamusoro. Chinhu chose chaaibata uye munhu wose waaibata aibva ava asina kuchena. Kuti asvike kuna Jesu, mukadzi uyu aitofanira kutukutira nomuboka revanhu. Kana tikafunga nezvenyaya yacho kunyange kwatopera makore 2 000, tinosiririswa nazvo.

19 Dai wakanga uripo zuva iroro, ungadai wakaona zvinhu sei? Ungadai wakati kudii? Cherechedza kuti Jesu akabata mukadzi uyu nomutsa, norudo, uye nokunzwisisa, pasina kana kutaura nezvematambudziko aangadai akakonzera.—Mako 5:34.

20. Dai Revhitiko 15:25-28 waiva mutemo wechiKristu nhasi, idambudziko ripi rataizova naro?

20 Tingadzidza chimwe chinhu kubva mune zvakaitika izvi here? Ngatitii uri mukuru muungano yechiKristu nhasi. Kuwedzera kune izvozvo ngatitii Revhitiko 15:25-28 waiva mutemo wechiKristu nhasi uye kuti mukadzi wechiKristu otyora mutemo iwoyo, achishaya pokubata uye achinzwa asiyiwa. Waizoita sei? Waizomunyadzisa pakazara vanhu nezano rehasha here? “Aa, handimbofi ndakaita izvozvo!” ungadaro. “Ndichitevera muenzaniso waJesu, ndaizoita zvose zvandinokwanisa kuti ndive nomutsa, ndive norudo, ndive anofunga uye anonzwisisa.” Zvakazonaka! Asi chinonetsa kuzviita, kutevedzera muenzaniso waJesu.

21. Jesu akadzidzisa vanhu chii nezvomutemo?

21 Chaizvoizvo, vanhu vainzwa kufara uye kukurudzirwa kana vaina Jesu. Paya apo Mutemo waMwari wakanga wakananga, waireva zvacho zvawaitaura. Kana waisava mutemo wakananga, hana dzavo dzaizoshanda uye vaizoratidza kuda kwavanoita Mwari kuburikidza nezvisarudzo zvavaizoita. Mutemo waivapa mukana wokuzvifungirawo. (Mako 2:27, 28) Mwari aida vanhu vake, aishanda nguva dzose kuti zvinhu zvivanakire, uye aida kuva nomutsa pavainge vakanganisa. Ndizvo zvakanga zvakaita Jesu.—Johani 14:9.

Zvakaguma Zvavapo Nemhaka Yedzidziso dzaJesu

22. Kudzidza kubva kuna Jesu kwakasiya vadzidzi vaine pfungwa dzorudzii?

22 Vaya vakateerera Jesu vakava vadzidzi vake vainzwisisa chokwadi chemashoko ake paakati: “Joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:30) Havana kumbonzwa kuremerwa, kutukwa kana kutyisidzirwa naye. Vakanga vakasununguka, vachifara, uye vaine chivimbo chakawedzera nezvoukama hwavo naMwari uye nomumwe nomumwe. (Mateu 7:1-5; Ruka 9:49, 50) Vakadzidza kubva kwaari kuti kuva mutungamiriri mune zvokunamata zvaireva kuti unofanira kuzorodza vamwe, uchiratidza kuzvininipisa mupfungwa nomumwoyo.—1 VaKorinde 16:17, 18; VaFiripi 2:3.

23. Kuva naJesu kwakadzidzisa vadzidzi chidzidzo chipi chinokosha uye zvakavabatsira kuwana chii?

23 Uyezve, vakawanda vakashamiswa nokukosha kwokuramba vari pamwe chete naKristu uye kuva nemafungiro aaiva nawo. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Sezvo Baba vakandida neni ndakakudai, rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, sezvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.” (Johani 15:9, 10) Kana vaida kuva vashumiri vanobudirira uye vashumiri vaMwari, vaifanira kushandisa nemwoyo wose zvavakanga vadzidziswa naJesu, mukuparidza uye mukudzidzisa pachena nezvemashoko akaisvonaka uye mukubata nemhuri neshamwari. Hama padzaiwedzera ungano, nguva nenguva dzaizoda kuziva kuti nzira yake ndiyo yaive yakarurama. Chaakadzidzisa ndicho chokwadi, uye upenyu hwavakanga vaona achirarama zvechokwadi upenyu hwavaishuva kurarama ivo pachavo.—Johani 14:6; VaEfeso 4:20, 21.

24. Zvinhu zvipi zvatinofanira kunzwisisa kubva mumuenzaniso waJesu?

24 Iye zvino sezvaunofunga nezvezvimwe zvinhu zvakurukurwa, uri kuona paunokwanisa kuvandudza here? Unobvuma here kuti nguva dzose Jesu aifunga, aidzidzisa, uye aiita zvakakodzera? Saka shinga. Mashoko ake anokurudzira kwatiri ndeaya: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.”—Johani 13:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 “Kusiyana kwakanga kwakaita [Jesu nevaFarisi] kunoiswa pachena kana taona manzwisisiro akasiyana avaiita Mwari. Kana vari vaFarisi, vaiona Mwari somunhu anorayira; asi Jesu aiona Mwari somunhu ane nyasha uye ane tsitsi. Ichokwadi kuti vaFarisi havana kuramba kuti Mwari munhu ane rudo kana kuti akanaka, asi kwavari izvi zvairatidzwa muchipo cho[Mutemo] weTorah uye pamukana wokukwanisa kuita zvakanga zvarayirwa zvacho. . . . Kuomerera kutsika dzaiita zvokutaurwa, nemitemo yadzo yokutsanangura murayiro, zvaionekwa nevaFarisi senzira yokuzadzika Torah. . . . Kusimbisa kwaiita Jesu mitemo miviri yorudo (Mat. 22:34-40) kusvika pakuti munhu wose akwanise kuinzwisisa uye kuramba kwake tsika dzinosungirira . . . kwakatungamirira kuti agare achinetsana nevaFarisi.”—The New International Dictionary of New Testament Theology.

Unopindura Uchitii?

• Kwauri, kuva mudzidzi waJesu kunorevei?

• Jesu akabata sei nevanhu?

• Tingadzidza chii kubva munzira iyo Jesu akadzidzisa nayo?

• VaFarisi naJesu vakanga vakasiyana papi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Maonero aiita Jesu vanhu akanga akasiyana zvachose neayo evaFarisi!