Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi

Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi

Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi

CHIKORO cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chiripo kudzidzisa varume nevakadzi vakazvitsaurira basa roumishinari kune dzimwe nyika. Ndivanaani vanouya kuGiriyedhi? Vaya vane mwoyo unoda. (Pisarema 110:3) Izvi zvakanyatsooneka musi waSeptember 8, 2001, apo kirasi yechi111 yakapedza kudzidza.

Vamwe vadzidzi vekirasi iyoyo vakanga vatosiya mhuri, shamwari, uye nyika dzavo nokuzvidira kuti vanoshandira kunenge kuchidiwa vaparidzi zvikuru. Mukuita kudaro, vakazviongorora kuti vaone kana vachikwanisa kuchinja kuti vararame munharaunda yakati siyanei neyavajaira. Somuenzaniso, Richer naNathalie vakaronga zvinhu zvavo kuti vatamire kuBolivia, Todd naMichelle vakatamira kuDominican Republic, uye David naMonique vakatamira kune imwe nyika iri kuAsia kunoparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vamwe vadzidzi vakanga vatoshanda kuNicaragua, Ecuador, neAlbania.

Christy akakurudzirwa kudzidza chiSpanish ari kusekondari, zvikamubatsira kuti akwanise kupedza makore maviri muEcuador asati aroorwa. Vamwe vakapinda neungano dziri munyika mavo dzinotaura mitauro yokune dzimwe nyika. Vatarisana nechimwe chinetso Saul naPriscilla vakaratidza chido chavo kuburikidza nokushanda zvakaoma kuti vavandudze chiRungu chavo vasati vauya kuchikoro chacho.

Mavhiki 20 okudzidziswa umishinari akapfuura nokukurumidza. Zuva rokupedza zvidzidzo rakasvika, uye vadzidzi vaiva neshamwari nemhuri dzavo, vachiteerera zano rouchenjeri uye mashoko omuonekedzo anokurudzira.

Sachigaro wepurogiramu aiva Theodore Jaracz, akadzidza mukirasi yechinomwe yeChikoro cheGiriyedhi, uye zvino ava kushanda senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Mashoko ake okuzarura akasimbisa pfungwa yokuti sesangano, takanga tisina kukanganwa chinangwa chatinodzidzisira vadzidzi paGiriyedhi, chokuparidza mashoko akanaka oUmambo pasi pose panogarwa. (Mako 13:10) Giriyedhi inoshongedza vadzidzi vanokwanisa kuti vaite basa rokuparidza pamwero mukuru kupfuura zvavaiita kare uye munzvimbo dzenyika dzinonyanya kudiwa mamishinari akarovedzwa. Hama Jaracz vakakurudzira vadzidzi kunyatsoshandisa zvavakadzidziswa paGiriyedhi sezvavakanga vobatana nemamishinari ari kushanda iye zvino munyika 19 kwakagoverwa vakanga vapedza zvidzidzo.

Zano Rakakodzerana Nenguva Kune Vari Kupedza Zvidzidzo

Kwakazouya hurukuro dzakatevedzana. William Van De Wall, nhengo yeDare reBazi reUnited States, akakurukura musoro unoti “Kushingaira Kwemamishinari—Chiratidzo chevaKristu Vechokwadi.” Akanyanyosimbisa basa ‘rokuita vadzidzi,’ rakanyorwa pana Mateu 28:19, 20, uye akakurudzira vadzidzi kuti: “Tevedzerai Jesu, uyo akaita basa rake roumishinari nokushingaira uye achirifarira.” Achibatsira mamishinari acho amangwana kuramba achishingaira mubasa, akavakurudzira kuti: “Omererai pakuronga zvinhu zvenyu nenzira inoshanda; rambai muine tsika dzokudzidza moga dzakanaka, muchifambirana nenguva muzvinhu zvesangano raMwari; uye garai muchiziva chamakavinga kwamunenge muchishandira.”

Aitevera papurogiramu aiva Guy Pierce, nhengo yeDare Rinodzora. Akakurukura musoro unoti “Rambai Muchikudziridza ‘Simba Renyu Rokufunga.’” (VaRoma 12:1) Akapa kirasi yacho yaipedza zvidzidzo mazano anoshanda, achivakurudzira kushandisa mano avo okufunga avakapiwa naMwari. “Rambai muchifunga zvakadzama nezvezvamuri kutaurirwa naJehovha kuburikidza neShoko rake. Izvi zvichakuchengetedzai,” akadaro. (Zvirevo 2:11) Hama Pierce vakakurudzirawo vomukirasi yacho kuti vasaomerere pane zvavanoziva pamaonero avo kuitira kuti vasadzikatidza ‘simba ravo rokufunga.’ Zvechokwadi izvi zviyeuchidzo zvinokodzerana nenguva zvichabatsira sezvo vakapedza zvidzidzo vachashanda semamishinari.

Sachigaro akazosuma mumwe wevarayiridzi veGiriyedhi, Lawrence Bowen, akataura nezvomusoro unoti “Sarudza Kusaziva Chinhu.” Akati nezvebasa rake roumishinari kuKorinde, muapostora Pauro akanga “akasarudza kusaziva chinhu . . . kunze kwaJesu Kristu, akaroverwa.” (1 VaKorinde 2:2) Pauro aiziva kuti simba guru kupfuura mamwe ose akasikwa, mudzimu mutsvene, rinotsigira shoko rinoratidzwa muBhaibheri rose zvaro: Kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kuburikidza neMbeu yakapikirwa. (Genesi 3:15) Vadzidzi 48 vakapedza zvidzidzo vakakurudzirwa kuita saPauro naTimoti uye kubudirira semamishinari, vachiomerera ku“muenzaniso wemashoko anopa utano.”—2 Timoti 1:13.

“Koshesai Ropafadzo Yenyu, Chipo Chinobva Kuna Mwari” ndiwo waiva musoro weyokupedzisira yehurukuro dzokuzarura. Wallace Liverance, mabharani weChikoro cheGiriyedhi, akabatsira vadzidzi kunzwisisa kuti ropafadzo dzebasa mutsa usina kufanirwa unobva kuna Mwari, hadzisi kodzero kana kuti chimwe chinhu chavakashandira. Vachitora muenzaniso waPauro, Hama Liverance vakati: “Kusarudza kwaJehovha Pauro kuti ave muapostora wake kumarudzi kwakanga kusina kubva pamabasa, kuti zvigoita sokunge Pauro akanga ashandira kodzero yokuva nebasa iroro kana kuti sokunge aifanira kuripiwa. Kwakanga kusina chokuita nokuti agara nebasa zvakadini. Mukuona kwevanhu, zvingadai zvakaita sokuti Bhanabhasi ndiye angadai akasarudzwa. Kwakanga kusingabvi pamano ake; zvinoita sokuti Aporosi aigona kukurukura kupfuura Pauro. Kusarudzwa kwake kwairatidza mutsa usina kufanirwa waMwari.” (VaEfeso 3:7, 8) Hama Liverance vakakurudzira vadzidzi vacho kushandisa chipo chavo, kana kuti ropafadzo yebasa, kubatsira vamwe kuva shamwari dzaMwari uye kugamuchira “chipo chinopiwa naMwari [choupenyu] husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 6:23.

Pashure pacho, Mark Noumair, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akakurukura zvine upenyu nevamwe vadzidzi vakati kuti pamusoro unoti “Kugadzirira Kunotungamirira Kumigumisiro Yakanaka.” (Zvirevo 21:5) Zvakaitika zvakaratidza kuti kana mushumiri akagadzirira zvakanaka ushumiri, zvikurukuru kugadzirira mwoyo wake, achafarira vanhu zvechokwadi. Haambofa akashaya chokutaura. Pane kudaro, achataura uye achaita zvinhu kuti avabatsire mumudzimu. “Uyu ndiwo musimboti wokubudirira somumishinari,” Hama Noumair vakadaro, vachitaura nezvezvavakazvionera vari mumishinari muAfrica.

Umishinari—Basa Rinogutsa

Ralph Walls naCharles Woody vakabvunzurudza mamwe mamishinari agara nebasa, aivawo paPatterson Educational Center achirovedzwa mabasa awo. Bvunzurudzo dzacho dzakasimbisa kuti kuda vanhu ndiko kunoita kuti basa roumishinari rifadze. Zvaipa chivimbo kuvadzidzi vacho uye vaya vaiva nemhuri neshamwari dzaiva muvateereri kunzwa mamishinari agara nebasa achitsanangura pachawo kuti nei basa roumishinari richigutsa.

John E. Barr, uyo anoshanda muDare Rinodzora, akapa hurukuro inokosha yezuva racho, ine musoro unoti “Imbirai Jehovha Rwiyo Rutsva.” (Isaya 42:10) Hama Barr vakati mashoko okuti “rwiyo rutsva” anowanikwa muBhaibheri kapfumbamwe. Akabvunza kuti, “Rwiyo rutsva urwu runomboreveiko?” Ndokuzopindura kuti: “Mashoko akapoteredza anoratidza kuti rwiyo rutsva runoimbwa nokuda kwezvinhu zvitsva zvinenge zvaitika mukuratidza kwaJehovha uchangamire hwake.” Akakurudzira vadzidzi kuramba vachiimba nevamwe rumbidzo yoUmambo hwaMwari hunokunda huri mumaoko aMambo Mesiya, Jesu Kristu. Hama Barr vakataura kuti kudzidziswa kwavaiva vaitwa paGiriyedhi kwakanga kwavabatsira kunzwisisa zvakadzama zvinhu zvakasiyana-siyana nezve“rwiyo rutsva” urwu kupfuura kare. “Chikoro ichi chasimbisa kuti munofanira ‘kuimba’ rumbidzo yaJehovha pamwe nehama dzenyu nehanzvadzi kwose kwamunoenda; rambai makabatana nevamwe mumabasa enyu.”

Pashure pokunge vadzidzi vapiwa zvitupa zvavo, mutauriri wekirasi yacho akaverenga tsamba yokuonga nomwoyo wose kudzidziswa kwavaiva vaitwa paGiriyedhi.

Ungagona kuwedzera basa rako kuna Mwari wowedzera kuva nezvibereko here? Kana zvakadaro, shanda nesimba sezvakaita vadzidzi vapedza zvidzidzo ava. Izvi ndizvo zvakaita kuti vakwanise kubvumirwa mubasa roumishinari. Mufaro wakakura unowanikwa kana munhu akazvipa nomufaro mubasa raMwari.—Isaya 6:8.

[Bhokisi riri papeji 25]

MAMIRIRO AKAITA KIRASI YACHO

Nhamba yenyika dzaimirirwa: 10

Nhamba yenyika dzakagoverwa: 19

Nhamba yevadzidzi: 48

Avareji yezera: 33,2

Avareji yemakore muchokwadi: 16,8

Avareji yemakore muushumiri hwenguva yakazara: 12,6

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kirasi yechi111 Yevakapedza Zvidzidzo paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pazasi apa, mitsara yakarongwa kubva kumberi kuenda kumashure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsara woga woga.

(1) Yeomans, C.; Toukkari, A.; Nuñez, S.; Phillips, J.; Dawkin, M.; Silvestri, P. (2) Morin, N.; Biney, J.; López, M.; Van Hout, M.; Cantú, A.; Szilvassy, F. (3) Williams, M.; Itoh, M.; Van Coillie, S.; Levering, D.; Fuzel, F.; Geissler, S. (4) Yeomans, J.; Moss, M.; Hodgins, M.; Dudding, S.; Briseño, J.; Phillips, M. (5)López, J.; Itoh, T.; Sommerud, S.; Kozza, C.; Fuzel, G.; Moss, D. (6) Williams, D.; Dudding, R.; Geissler, M.; Morin, R.; Biney, S.; Cantú, L. (7) Dawkin, M.; Hodgins, T; Levering, M.; Silvestri, S.; Van Hout, D.; Briseño, A. (8) Van Coillie, M.; Nuñez, A.; Kozza, B.; Sommerud, J.; Toukkari, S.; Szilvassy, P.