Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga magazini achangobva kubuda eNharireyomurindi here? Kana zvakadaro, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

Kukunda kupi kwepamutemo kwakaitwa kuti kuvepo neDare Rinoongorora Kutevedzerwa Kwebumbiro Romutemo rokuGermany kune chokuita nechitendero?

Dare iroro rakashandura mutongo wakanga wapiwa nerimwe dare pamusoro peZvapupu zvaJehovha nezvokuzivikanwa kwazvo maererano nomutemo. Mutongo wacho wokukunda waiti zvinorehwa norusununguko rwechitendero ndezvokuti mumwe munhu ‘angatevera zvaanodavira’ kupfuura zvinodiwa neHurumende.—8/15, peji 8.

Jobho akatambura kwenguva yakareba sei?

Bhuku raJobho hariratidzi kuti akatambura kwemakore akawanda. Kutambura kwaJobho nokugadziriswa kwako kungava kwakaitika mumwedzi mishomanana, zvichida isingasviki gore.—8/15, peji 31.

Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Dhiyabhorosi haasi chifungidzirowo zvacho?

Jesu Kristu aiziva kuti Dhiyabhorosi munhu chaiye. Jesu akaedzwa nomunhu chaiye, kwete nouipi hwaiva maari. (Mateu 4:1-11; Johani 8:44; 14:30)—9/1, mapeji 5-6.

Zvirevo 10:15 inoti: “Pfuma yomupfumi ndiro guta rake rakasimba; zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.” Izvozvo ndezvechokwadi sei?

Pfuma inogona kudzivirira pazvinoitika muupenyu zvisingafungirwi, sezvinongoita guta rakasimba rinogona kudzivirira zvakati kuti vaya vanogara mariri. Ukuwo, urombo hunogona kuparadza pakaitika zvisingatarisirwi.—9/15, peji 24.

“Vanhu vakatanga kudana zita raJehovha” mupfungwa ipi mumazuva aEnoshi? (Genesi 4:26)

Zita raMwari rakanga ragara richishandiswa kubvira apo vanhu vakatanga kuvapo; saka kudana zita raJehovha kwakatanga munguva yaEnoshi kwaisava kudana mukutenda. Vanhu vangave vakashatisa zita raJehovha vachirishandisa kwavari ivo kana kuti kune vamwe vavaiita sevanoenda nokwavari kuti vanamate Mwari.—9/15, peji 29.

Semashandisirwo arakaitwa muBhaibheri, shoko rokuti “chirango” rinorevei?

Shoko racho harirevi rudzi rupi zvarwo rwokushungurudza kana kuti utsinye. (Zvirevo 4:13; 22:15) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “chirango” rinonyanyoreva mirayiridzo, dzidzo, kugadzirisa, uye dzimwe nguva kurova kwokusayemedza kworudo. Nzira inokosha yokuti vabereki vatevedzere nayo Jehovha ndeyokuita kuti vana vagare vakasununguka kukurukura navo. (VaHebheru 12:7-10)—10/1, mapeji 8, 10.

VaKristu vechokwadi nhasi vanoratidza sei kuti vanotsigira utongi hwaMwari?

Pakutsigira Umambo hwaMwari, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwe enyika kana kuronga kupandukira, kunyange munyika munorambidzwa Zvapupu. (Tito 3:1) Zvinoedza kutsigira nenzira inobatsira uye yokumudzimu isiri yezvamatongerwe enyika yakashandiswa naJesu nevadzidzi vake vepakuvamba zvoedza kubatsira vanhu kuti varovedzane nenheyo dzeBhaibheri dzakanaka, dzakadai sokuvimbika, tsika dzakachena, netsika dzokushanda dzakanaka.—10/15, peji 6.

Mvura inopa upenyu iri kuerera sei muAndes?

Zvapupu zvaJehovha zveko zviri kuedza kuunza chokwadi cheBhaibheri kuvanhu, kunyange mumitauro yeko miviri Quechua neAymara. Zvapupu zvinoshanyira vanhu vanogara pazvitsuwa zviri muLake Titicaca, kusanganisira zvitsuwa “zvinoyangarara” zvakagadzirwa netsanga dzinomera mumvura yedhamu racho.—10/15, mapeji 8-10.

Mwari akatipa chii kuti chititungamirire chingafananidzwa nekombiyuta dzinotungamirira ndege dzokutakura vanhu dzemazuva ano?

Mwari akashongedza vanhu nenhungamiro yechakanaka nechakaipa, iri mukati mavo. Iyi ndiyo hana yedu yatinoberekwa tinayo. (VaRoma 2:14, 15)—11/1, mapeji 3-4.

Nei rufu rwaJesu ruchikosha kwazvo?

Murume akakwana Adhamu paakaita chivi, akarasikirwa noupenyu hwake pachake uye hwevana vake. (VaRoma 5:12) Somunhu akakwana, Jesu akapira upenyu hwake, nokudaro akapa chibayiro chinoita kuti vanhu vakatendeka vawane upenyu husingaperi.—11/15, mapeji 5-6.

VaSitiya vakataurwa pana VaKorose 3:11 ndivanaani?

VaSitiya rudzi rwaigara ruchifamba mumarenje eEurasia, vachitonga kubva munenge muna 700 kusvika muna 300 B.C.E. Vaive vatasvi vemabhiza vane unyanzvi. VaKorose 3:11 ingava yaireva kwete rudzi chairwo, asi vanhu vakaipisisa vakasarira shure.—11/15, mapeji 24-5.

Nei tingati mutemo wokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire unoda kuti tigare tichiucherechedza?

Uyu mutemo wetsika unowanikwa muchiJudha, chiBuddha, uzivi hwechiGiriki, nechiConfucian. Zvisinei, zvakarayirwa naJesu paMharidzo yepaGomo zvinoda kuita zvakanaka, uye zvine chokuita noupenyu hwevanhu kwose kwose uye mazera ose. (Mateu 7:12)—12/1, peji 3.